RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 6
  • Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 6

Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo

Ziso chinhu chakagadzirwa zvinoshamisa kwazvo. (Pis. 139:14) Asi rinongogona kunyatsotarira pane chinhu chimwe chete panguva. Izvozvo ndezvechokwadi kutaura zvazviri chaizvo kana kuti mupfungwa yokufananidzira. Kuti kuona kwedu mune zvokunamata kurambe kwakajeka, tichinyatsoona zvakanaka, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pakuita zvinodiwa naMwari. Tichifunga nezvokutsausa kunoramba kuchiwedzera kwenyika yaSatani, zvakakodzera chaizvo kuti purogiramu yezuva regungano chairo yegore rebasa ra2006 ive nomusoro unoti “Ramba Uine Ziso Rakanaka”!—Mat. 6:22.

Tingaita sei kuti tive pakati pevachakomborerwa naJehovha? (Zvir. 10:22) Mubvunzo uyu uchapindurwa muhurukuro inoti “Kohwa Zvikomborero Zvinobva Pakuramba Uine Ziso Rakanaka.” Kubvunzurudza kucharatidza kubatsirwa kwatingaitwa nokushandisa zviri muMagwaro. Hurukuro yokutanga ichapiwa nomukurukuri anoshanya inoti, “Kuramba Uine Ziso Rakanaka Munyika Yakaipa,” ichatinyevera nezvezvinhu zvingaomesa upenyu hwedu uye zvopedzisira zvavhunga kunamata kwedu. Tichadzidzawo zvinobatanidzwa pakusarudza “mugove wakanaka.”—Ruka 10:42.

Vabereki nevamwe vangakurudzira sei pwere kuti dzitsvake zvinangwa zvine chokuita nokunamata? Muhurukuro inoti “Vabereki Vanonangidzira Miseve Yavo Zvakarurama” uye inoti “Pwere Dzinotsvaka Zvinangwa Zvine Chokuita Nokunamata,” vabereki nevana vachavawo nezvavanotaura pamubvunzo uyu unokosha. (Pis. 127:4) Hurukuro yokupedzisira ichapiwa nomukurukuri anoshanya ichataura kuti tingafambirana sei nesangano raJehovha somunhu mumwe nomumwe, semhuri, uye seungano.

Tingava tiri vatsva muchokwadi kana kuti tave tichishumira Jehovha kwemakumi emakore, zvinokosha kuti ‘tirambe tiine ziso rakanaka.’ Purogiramu yezuva regungano chairo ichatibatsira kuti tiite izvozvo chaizvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe