RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 5
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uchipfeka “Unhu Hutsva” Paunenge Wabhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kudzokorora Gungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 5

Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

Mumazuva okupedzisira enyika ino yekare ine uori, zvinokosha kuti tirambe tiine nguo dzedu dzokuzivikanwa sevaKristu uye toramba takadaro. (Zvak. 16:15) Naizvozvo, zvakakodzera kuti musoro wepurogiramu yegungano redunhu regore rebasa ra2006 uti “Mupfeke Unhu Hutsva.”—VaK. 3:10.

Zuva Rokutanga: Hurukuro yokusiyirana yokutanga inoti, “Kuratidza Zvinhu Zvakasiyana-siyana Zvounhu Hutsva,” ichataura kuti kukudziridza unhu hutsva kunotibatsira sei mumararamiro edu ose. Tinokudziridza sei unhu hutsva? Izvozvo zvichakurukurwa muhurukuro mbiri dzokupedzisira dzezuva rokutanga dzinoti, “Zvidzore Kuti Ufungisise Zvakanaka” uye “Dzidzo Inoumba Unhu Hutsva.”

Zuva Rechipiri: Hurukuro yokusiyirana yechipiri inoti, “Kukudziridza Rurimi Rwevakachenjera,” ichataura kuti unhu hutsva hunochinja sei mashandisiro atinoita rurimi. Musoro wehurukuro yavose unoti, “Uri Kukunda Wakaipa Here?” ucharatidza kudiwa kwokuti tirambe tichingwarira mazano aSatani. Hurukuro mbiri dzokupedzisira dzegungano racho dzinoti, “Zvichengete Usina Ruvara Rwenyika” uye “Kuita Kuti Munhu Watiri Nechomukati Ave Mutsva Zuva Nezuva,” dzichatibatsira kuti tirambe mafungiro nomufambiro zvinopesana nenzira dzakarurama dzaMwari toramba takatsiga mukunamata kwedu Jehovha.

Tinotarisira zvikuru kukurudzirwa kuti tipfeke uye kuti tirambe tiine unhu hutsva!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe