RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/04 p. 1
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Ziso Rako Rakanaka Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mashandiro Anoita Ziso
    Mukai!—2012
  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 9/04 p. 1

Chengeta Ziso Rako Rakanaka

1. Zvinorevei kuva neziso rakanaka, uye nei izvi zvichikosha?

1 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura nezvesimba guru iro ziso rokufananidzira kana kuti romudzimu ringava naro muupenyu hwedu hwose. Akati: “Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.” (Mat. 6:22, 23) Ziso rakanaka nderiya rine chinangwa chimwe—kuita kuda kwaMwari—kwete kutsauswa nokunyanya kuzvidya mwoyo nezvinhu zvokunyama. (Mat. 6:19-21, 24-33) Chii chingatibatsira kuti tirambe tiine ziso rakanaka?

2. Shoko raMwari rinokurudzira maonero api ezvinhu zvokunyama?

2 Kukudziridza Kugutsikana: Kugovera zvakakwana zvinodiwa nemhuri yako mutoro wepaMagwaro. (1 Tim. 5:8) Asi izvi hazvirevi kuti tinoramba tichitsvaka zvinhu zvakanakisisa uye zvichangoburwa. (Zvir. 27:20; 30:8, 9) Asi, Magwaro anokurudzira kuti tigutsikane ne“zvokudya nezvokupfeka,” zvinhu zvinodiwa muupenyu. (1 Tim. 6:8; VaH. 13:5, 6) Kuteerera zano iri kungatibatsira kuchengeta ziso redu richiona zvakanaka.

3. Chii chingatibatsira kuti tidzivise mitoro yokuzvitsvakira?

3 Kuchenjera kusazviremedza nezvikwereti zvisingadiwi uye zvimwewo zvinhu kana kuti nokutsvaka zvinhu zvinoda nguva uye zvinoda kutarisirwa. (1 Tim. 6:9, 10) Tingaita sei izvi? Paunenge uchifunga zvokuita, fungisisa nhau yacho uchinyengetera uye ongorora nokutendeseka kana ichizokanganisa zvinangwa zvokunamata. Iva akatsunga kuita kuti zvinhu zvokunamata zvirambe zviri pokutanga muupenyu hwako.—VaF. 1:10; 4:6, 7.

4. Nei tichifanira kutsvaka nzira dzokuita kuti mararamiro edu ave nyore?

4 Ita Kuti Mararamiro Ako Ave Nyore: Chimwe chinhu chinobatsira kuti usakwezvwa nokunyanya kuda zvinhu zvokunyama, kuita kuti mararamiro ako ave nyore. Imwe hama yakaona kuti mhuri yayo yaigona kurarama zvakanaka isina zvinhu zvokunyama zvakawandisa yakati: “Zvino ndinogona kuita zvakawanda kwazvo muungano kuti ndishumire hama dzangu. Ndine chokwadi chokuti Jehovha anokomborera vashumiri vake vose pavanoisa kunamata kwechokwadi pamberi pezvinhu zvavo zvavanoda.” Ungava nezvikomborero zvikuru here nokuita kuti mararamiro ako ave nyore?

5. Nei zvichidiwa kuti tirambe tichiedza kuchengeta ziso redu rakanaka?

5 Zvinoda kuti tirambe tichiedza kuti tisafurirwa naSatani, nenyika yake inonyanya kuda zvokunyama, uye nokusakwana kwedu. Pane kubvumira maziso edu kuti adzungaire, ngatiachengetei akatarira pakuita kuda kwaMwari uye patariro yedu inokosha youpenyu husingaperi.—Zvir. 4:25; 2 VaK. 4:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe