RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 April p. 15
  • Mashandiro Anoita Ziso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashandiro Anoita Ziso
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokutarisana Navo Zvine Ushamwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Ziso Rako Rakanaka Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 April p. 15

Mashandiro Anoita Ziso

● Ziso remunhu rakagadzirwa neunyanzvi. Asi hazvigumiri ipapo. Rinewo simba. Bhuku rinonzi Visual Impact, Visual Teaching rinoti ‘Patsinga 100 dzoga dzoga dzemuuropi, 40 dzacho dzinobva kuuropi dzichienda kukanyama katetetete kari muziso kanonzi retina.’

Ndokusaka Jesu Kristu akati ziso ‘irambi romuviri.’ Achitsanangura zvaaireva, akati: “Kana ziso rako rakanaka [richitarira zvinhu zvakanaka], muviri wako wose uchava wakajeka; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.” (Mateu 6:22, 23) Nemashoko aya, Jesu akanga achitiratidza kuti ziso rine simba rokuita kuti tifunge kana kuita zvimwe zvinhu. Pfungwa dzakanaka dzinoita kuti upenyu hwemunhu hujeke; asi dzakaipa dzinoita kuti huve rima.

Somuenzaniso, funga nezvemashoko aJesu ari pana Mateu 5:28, 29 anoti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe [nenzira yekufananidzira].” Airevei? Meso meso anogona kuita kuti uve nepfungwa dzisina kuchena zvekuti ukawana mukana ungatoita unzenza wogumisira usisafarirwi naMwari.—Jakobho 1:14, 15.

Zvinobatsira chaizvo kuzvidzora, kunyange kuzviita kusiri nyore sekunge uri kutobvisa ziso chairo. Ungasva here warasikirwa neupenyu husingaperi nokungoda kufadza nyama kwenguva duku?

Zvatinoona nemaziso edu zvinogonawo kutiita kuti tive nemakaro. Ndosaka Bhaibheri richitinyevera kuti ‘kuchiva kwemaziso hakubvi kuna Baba, asi kunobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.’—1 Johani 2:16, 17.

Tingati Bhaibheri rinodzvinyirira here? Kwete! Kuita zvinopesana nezvarinotaura panyaya iyi kuzvigokera moto muziso. (VaGaratiya 6:7, 8) Kuita zvinotaura Shoko raMwari, uko kunosanganisira kushandisa zvakanaka maziso edu, kunoita kuti tifare. Jesu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.” (Ruka 11:28) Chimwe chinotokosha ndechokuti vane tarisiro yokuzorarama nokusingaperi pasi pano, asi vaya vanoramba vaine meso meso kana makaro havasi kuzowana mufaro uye upenyu husingaperi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe