RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/04 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 13
  • Vhiki Inotanga naSeptember 20
  • Vhiki Inotanga naSeptember 27
  • Vhiki Inotanga naOctober 4
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 9/04 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naSeptember 13

Rwiyo 43

12 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kana mazano ari papeji 4 achishanda mundima yeungano yenyu, ashandisei kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 1 uye Mukai! yaSeptember 8. Dzimwe mharidzo dzingashandiswa. Pashure pomuenzaniso mumwe nomumwe, taura kwenguva pfupi chinhu chinobatsira chemharidzo yacho.

15 min: “Chengeta Ziso Rako Rakanaka.”a Shandisa mibvunzo iripo. Kana nguva iripo, kurukura magwaro arimo.

18 min: Zvapupu Zvemabasa Edu Akanaka Kwazvo. (1 Pet. 2:12) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2002, mapeji 12-14, ndima 14-20. Kumbira vateereri kuti vataure kuti vanhu vomunharaunda vave vachinzwa sei nokuona mabasa edu akanaka kwazvo.

Rwiyo 162 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 20

Rwiyo 88

10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura pfungwa huru dzetsamba yebazi, iri papeji yokutanga yoUshumiri Hwedu hwoUmambo huno. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaverenge Numeri 16:1-35 vobva vaona vhidhiyo inonzi Respect Jehovah’s Authority pakugadzirira Musangano Webasa wevhiki inotanga naOctober 4.

15 min: Takaita Sei Gore Rapera? Hurukuro inopiwa nomukuru achitaura nezvomushumo webasa weungano wegore rebasa ra2004. Taura zvinhu zvakanaka zviri mumushumo wacho, uye rumbidza ungano nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakaitwa. Taura basa rokushingaira remapiyona. Taura chinhu chimwe kana kuti zviviri izvo ungano ingada kufungisisa nezvazvo mugore rinotevera.

20 min: Kutsungirira Mumabasa Akanaka. (VaG. 6:10) Bvunzurudza vaviri kana kuti vatatu vari mapiyona enguva dzose kana kuti vanotora upiyona hwebetsero nguva nenguva. Vakasangana nezvipingamupinyi zvipi mubasa ravo kuna Jehovha, uye vakazvikurira sei? Chii chakavabatsira kutsungirira mukuitira vamwe zvakanaka? Kuedza kwavo muushumiri hwechiKristu kwakavabatsira sei ivo nevamwe? Kana zvichishanda, taurawo mashoko ezvave zvichiitwa muungano kuti mashoko akanaka asvike kune vaya vanotaura mimwe mitauro. Rumbidza vose pamusana ‘pebasa ravo rorudo nokutsungirira kwavo.’—1 VaT. 1:2, 3.

Rwiyo 103 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 27

Rwiyo 221

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaSeptember. Enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 15 uye Mukai! yaOctober 8.

10 min: Shoko raJehovha Ibenyu. Hurukuro. Kutiyamura kuti tinyatsobatsirwa zvizere nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri vhiki nevhiki yakarongerwa Chikoro chaMwari Choushumiri, nyaya dzinotevedzana dzine musoro unoti “Shoko raJehovha Ibenyu” dzatanga kubuda mumagazini akasarudzwa eNharireyomurindi. Uchishandisa Nharireyomurindi yaSeptember 15, 2004, pamapeji 24-7, taura zvikamu zvenyaya idzi. Pashure pokuratidza zvakaita bhuku racho, chikamu chinoti “Mibvunzo yeMagwaro Yapindurwa” chinopa tsanangudzo yedzimwe ndima dzeMagwaro dzakaoma. Mashoko ari pasi pepakanzi “Zvatinodzidza” anotiratidza kushanda kwemashoko echikamu chacho. Kurukura mienzaniso mishomanana yakananga inoratidza kuti nyaya idzi dzinotevedzana dzichatibatsira sei kunzwisisa zvikuru Shoko raMwari. Kurudzira vose kushandisa zvizere urongwa uhwu sezvatinotanga kuverenga bhuku raDheuteronomio vhiki inouya.

20 min: “Shandisa Bhaibheri Zvakanaka.”b Shandisa mibvunzo iripo. Tora mashoko okusuma mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 145, ndima 2-3. Ivawo nemienzaniso miviri mipfupi, mumwe wokushanya kokutanga uye mumwe wacho wokudzokerazve, uchiratidza kushandiswa kungaitwa mazano akapiwa.

Rwiyo 38 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 4

Rwiyo 5

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Zvinodiwa muungano.

25 min: “Tinofanira Kuremekedza Chiremera chaJehovha.” Verenga Judha 11, uchiita kuti mashoko okusuma asapfuura maminitsi maviri. Zvadaro ibva watanga kukurukurirana nevateereri uchishandisa mibvunzo yose iri munyaya yacho. Simbisa pfungwa yokuti, kuti Jehovha atifarire, hatifaniri kuva nemafungiro aKora okupandukira uye tinofanira kutevedzera muenzaniso wevanakomana vake, avo vasina kumboita kuti pave nechinhu chinotora nzvimbo yokutanga pakuvimbika kwavo kuna Jehovha. Kana kuti, mukuru anopa hurukuro ine musoro unoti “Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika,” inobva muNharireyomurindi yaAugust 1, 2002.

Rwiyo 99 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe