Tsamba Yebazi
Vaparidzi voUmambo Vanodiwa:
Imwe nzvimbo huru yokudhindira yokuwedzera kuWallkill muNew York yakapera uye yava kushandiswa. Michina mitsva miviri yakaiswa, mumwe nomumwe unokwanisa kudhinda magazini anosvika 90 000 paawa, uyewo muchina mutsva wokudhinda mabhuku ane butiro rakaomarara anosvika 120 paminiti. Kuchinjirwa kwenzvimbo yokudhindira kuWallkill kwakaita kuti chivako chepa360 Furman Street kuBrooklyn chitengeswe. Iye zvino hama dzakabatikana zvikuru kugadziridza chivako chepa117 Adams Street kuitira kuti madhipatimendi ari kutama kubva ku360 Furman Street awane nzvimbo.
Kuchinjwa kwenzvimbo yokudhindira kwakaita kuti hama nehanzvadzi dzinenge 300 dzitame kubva kuBrooklyn dzichienda kuWallkill. Uyezve, vazvipiri vanenge 100 vanoita zvemakombiyuta ebazi vakatama kubva kuWallkill vachienda kuBrooklyn, zvino kwava kuitirwa mabasa mazhinji eInformation Systems Department.
Mwaka weChirangaridzo waiva nguva yebasa rokushingaira mundima yebazi redu. Mapiyona ebetsero aiva 5 134 muna April, uye nhamba itsva yepamusoro yevanhu 78 449 vakapinda Kudya kwaShe Kwemanheru.
Isu pamwe chete nemi, tinotarisira mberi kuti tive “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” sezvatinotanga gore rebasa ra2005.—1 VaK. 15:58.
Hama dzenyu
Hofisi yeBazi reZimbabwe