Ramba Uine Mufambiro Wakanaka Kwazvo Unopa Mbiri Kuna Mwari
1 Kupi nokupi kwatiri, mufambiro wedu, mupfekero, uye kushambidzika zvinopupurira isu uye Mwari watinonamata. Izvi zvinonyanya kuonekwa pamagungano makuru avanhu vaMwari, uko vanhu vakawanda vanoticherechedza. Patinenge tiri vomuenzaniso wakanaka, zita raJehovha rinopiwa mbiri. (1 Pet. 2:12) Zvisinei, kuzvibata kwakaipa kana kuti zviito zvokusafunga zvavamwe vashoma zvingazvidzisa zita raMwari navanhu vake. (Mup. 9:18b) Kuyeuka kuti vari kunze vanoona zvakaita sangano redu uye Mwari watinonamata nemhaka yomufambiro wedu zvinofanira kuita kuti tingwarire ‘kuita zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.’—1 VaK. 10:31.
2 Mufambiro Wako Uchaunza Kurumbidza Here? Imwe kokorodzano yoruwa yapera, gadhi wepane imwe hotera akataura kuti: “Iri ndiro boka ravana randati ndambotarisira munguva refu.” Ipapo, pashure pokutaura nezvetsika dzakaipa nedzinoparadza dzamamwe mapoka evechiduku, akatizve nezvavana veZvapupu: “Vanonyatsozvibata uye kuvapo kwavo mufaro. Ndinoshuva kuti kudai dzimwe kokorodzano dzinoitirwa pano dzaiva dzakaita seiyi.”
3 Mumwe munyori wechikamu chomupepanhau achinyora mupepa rake akatsinhira pamusoro pekokorodzano yacho achiti: “Vakadzi navasikana vakanga vakapfeka marokwe akanaka kwazvo, uye varume navakomana vakanga vakapfeka mabhachi nematayi. Vainyora zvinonyorwa vachida kwazvo sezvo vaiteerera kumazuva mana avakurukuri. Uye kana rucheno rwuri pedyo naMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinosvitsa pfungwa iyoyo kumwero mutsva.” Kunyange zvakadaro, haisi mishumo yose yave yakanaka kudaro.
4 Vabereki vakawanda vakasimba chaizvo pakuti vana vavo vapinde misangano yeungano vhiki yoga yoga. Havafaniri kusimba zvakaenzana here pakuva nechokwadi chokuti vana vavo vanogara pedyo navo uye kuti havafambi-fambi munofambwa namo nguva yepurogiramu here? Nzvimbo yekokorodzano inoitwa kuti ive Horo yoUmambo huru asi ino igadziriro yaSatani uye zvingava nyore kuti vanhu vakaipa vapinde muchivako kana kuti nzvimbo yacho vane vavariro dzisina kururama. MUNOFANIRA KUZIVA KUNE VANA VENYU NEZVAVARI KUITA PANGUVA DZOSE.
5 Kuzvibata Zvakafanira paKokorodzano: Pasinei norudzi rwenzvimbo inoshandiswa, inofanira kuonekwa seHoro yoUmambo huru nguva yekokorodzano. Kupfeka nokutsvinda zvakakodzera zvinofanira kungova pachena sezvazvinova patinopinda misangano yomuungano medu. Panguva yepurogiramu yekokorodzano uye pashure pacho, hama nehanzvadzi dzinofanira kudzivisa kupfeka zvipfeko zvisina mwero kana kuti zviri mufashoni, zvinoratidza mudzimu wenyika ndokuita kuti zvisava nyore kuzivikanwa kuti takasiyana navamwe. Hanzvadzi dzinofanira kungwarira kuti chitayera nokureba kwesiketi dzadzo namarokwe zvine mwero wakakodzera. (1 Tim. 2:9, 10) Kunyange tichipinda kokorodzano, tichigara somuenzi pamba pomumwe munhu, tichidya muresitorendi, kana kuti tichitenga muchitoro, nguva dzose tinofanira kuratidza kuti tiri vashumiri vaMwari, tichidzivisa chisakiso chiri chose chokugumbura.—2 VaK. 6:3.
6 Rubhabhatidzo rwuchaitwa musi woMugovera mangwanani pakokorodzano. Nharireyomurindi yaApril 1, 1995, peji 30, inorondedzera mafungiro atinofanira kuratidza panguva iyoyo. Inoti ti“nofanira kubata rubha[bha]tidzo noukombi hwakakodzera. Haisati iri nguva yokunyanduka kwemirangariro, yokuita pati, kana kuti yomufaro mukuru. Asi haisati iri nguva yokusuruvara kana kuti yokurundumwara.” Zvingava zvisina kukodzera zvikuru kune vaya vanobhabhatidzwa kuti vapfeke zvipfeko zvokubhabhatidzwa nazvo zvisinganyatsofukidzi muviri kana kuti zvinoratidzira, vangava varume kana kuti vakadzi. Nokudaro, vose vanofanira kuratidzira kukosha uye mufaro worubhabhatidzo rwechiKristu.
7 Petro anotiyeuchidza nezvokuti ‘tinofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.’ (2 Pet. 3:11) Mashoko edu nezviito paKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari” ngaabatsire vacherechedzi vane mwoyo yakatendeseka kuziva ndokunamata Mwari wedu mukuru, uyo akafanirwa nokukudzwa kwose nembiri.—1 VaK. 14:24, 25.