Ivai Vatsvene Pamufambiro Wenyu Wose
1. Nei zvichikosha kuti tive vatsvene pamufambiro wedu wose?
1 Sevashumiri vaMwari mutsvene, Jehovha, tinoedza kuva vatsvene pamufambiro wedu wose. (1 Pet. 1:15, 16) Izvi zvinoreva kuti tinoedza kutsigira zvinodiwa naJehovha muupenyu hwedu hwose. Kokorodzano yoruwa gore rino ichatipa mukana chaiwo wokuratidza mufambiro mutsvene.
2. Tingaratidza sei mufambiro wakanaka padzimba dzevamwe?
2 Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kuzogara nomumwe munhu here? Kuteerera zviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuchengetedza mukurumbira wedu wakanaka, zvinoti: (1) Sezvo hama dzedu dzichida kushandisa dzimba dzose dziripo, usakumbire makamuri akawanda kudarika aunoda kushandisa. (2) Usatarisira kuti akugamuchira, kunyange ingava hama yatinonamata nayo, akupe zvokudya mahara. (3) Iva anoshivirira uye anoremekedza vakugamuchira sezvavanoedza kugara newe. (4) Remekedza zvinhu zveakugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa, vangamhanya-mhanya nomubindu, vachityora maruva, uye vangapinda mumakamuri nedzimwe nzvimbo mavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, zvobva zvadzongonyedza mhuri yacho nevavakidzani. Vabereki havafaniri kutendera vana vavo kungo“regwa” havo asi vanofanira kuvatarisira kuti vave nechokwadi chokuti mufambiro wavo unorumbidza Jehovha.—Zvir. 29:15.
3. Tinofanira kuona sei ropafadzo yokugamuchira nhume?
3 Zvinganaka kana vaya vari mumaguta anoitirwa kokorodzano vakafunga nezvokupa pokugara nhume dziri kushanya dzichibva munharaunda dzakapoteredza. Gore rapera, nhamba huru yematare ekokorodzano yakashuma kuti vaiva nepokugara pakawanda painge pakachengeterwa nhume kupfuura paidiwa. Zvakanaka chaizvo patino“gamuchirana” nenzira iyi! (VaR. 15:7) Mukana mutsva wokuita izvi uchava paKokorodzano Yoruwa iri kuuya inoti, “Famba naMwari.” Kugara nehama dzedu kungaita kuti tikurudzirane zvoita kuti tiumbe ushamwari hutsva hunogara kwemakore akawanda. (VaR. 1:12) Chokwadi, kugamuchira vaeni kwave kuri chiratidzo chevashumiri vaMwari vechokwadi.—VaH. 13:2.
4. Mufambiro wakanaka unosanganisirei panzvimbo yekokorodzano?
4 Pakokorodzano: Mufambiro wedu wakanaka unofanira kunyanyooneka panzvimbo yekokorodzano. Tapota teererai zvamunorayirwa nevarindiri, mokupaka motokari uye pokugara. (VaH. 13:17) Mhuri dzinofanira kugara pamwe chete, kusanganisira vana vachiri kuyaruka, pane kuvabvumira kuti vagare nemapoka evamwe vechiduku. Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa kokorodzano kana kuti negudzanzwi asi zvingangoshandiswa bedzi nenzira isingavhiringidzi vamwe. Kana uchida kutora mifananidzo, hapana furashi inofanira kushandiswa nguva yepurogiramu. Mapeja nenhare dzeserura zvinofanira kuitwa kuti zvisavhiringidza vamwe. Kana ukaona tsaona panzvimbo yekokorodzano, pane kudana mapurisa kana kuti amburenzi, tapota zivisa murindiri kana kuti Dhipatimendi reFirst Aid. Rubatsiro rwakakodzera mune zvokurapa ruchawanikwa.
5. Mufambiro wedu unokudza sei Mwari pakokorodzano?
5 Mufambiro wedu unotisiyanisa nevamwe uye unokudza Mwari wedu. (1 Pet. 2:12) Pakokorodzano, zviito zveZvapupu zvaJehovha zvinenge zvichionekwa navose. Saka, tsunga kuva mutsvene pamufambiro wako wose.
[Bhokisi riri papeji 5]
Iva Nomufambiro Mutsvene
◼ Iva anongwaririra pamisha yevamwe
◼ Nyatsotarisira vana
◼ Iva nehanya nevamwe