RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/01 p. 6
  • Itai Zvakanaka Murumbidzwe!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Itai Zvakanaka Murumbidzwe!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • “Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Pakati Pemamwe Marudzi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” ya 1995
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mufambiro Unoita Kuti Mwari Arumbidzwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 7/01 p. 6

Itai Zvakanaka Murumbidzwe!

1 “Vane runyararo rwandisati ndamboona kune vamwe vanhu vapi nevapi.” “Mufaro kuva neboka iri.” Iyi mienzaniso yemashoko akanaka akawanda akabva kuvacherechedzi pashure pekokorodzano dzoruwa dzegore rapera, aisimbisa mukurumbira wakaisvonaka watinawo sesangano. (Zvir. 27:2; 1 VaK. 4:9) Pakupedzisira, kurumbidza kwakadaro kunoenda kuna Jehovha. (Mat. 5:16) Mumwe mukana wakaisvonaka wokurumbidza Mwari zvino uri pamberi pedu paKokorodzano Yoruwa yegore rino ye“Vadzidzisi veShoko raMwari.”

2 Gore negore tinopiwa zviyeuchidzo zvomutsa zvine chokuita nomufambiro wakakodzera pakokorodzano. Nei? Nemhaka yokuti mafungiro, mapfekero, uye mufambiro zvenyika zvazvinoramba zvichiora, tinoramba kutsauswa. Hatidi kuti mukurumbira wedu wakaisvonaka ushatiswe. (VaEf. 2:2; 4:17) Ngatirambei tichifunga nyevero dzinotevera.

3 Kuita Zvakanaka—Patinogara: Tinofara nguva dzose patinosangana, uye kazhinji izvi zvinoguma nokukurukurirana tichifara mumusha watinogara. (Mika 2:12) Tsika dzakanaka uye kufunga vamwe zvingarayira kuti titaurire pasi. (Mat. 7:12; VaG. 6:10) Rudo rwechiKristu rungatiitawo kuti tidzivise vana vedu kumhanya panze uye kuti vasakuvadza zvinhu zvevamwe vanhu. (Zvir. 29:15; 1 VaK. 13:4, 5) Izvi zvingasanganisira kuzvibata noruremekedzo mumusha watiri kugara panguva yekokorodzano. Kana mufambiro usina kururama upi noupi ukacherechedzwa, vabereki havafaniri kunonoka kupa zano rorudo uye rakasimba kuti zvinetso zvisamuka zvingaguma nokunyunyuta kwomuridzi womusha, uyo nomutsa akazarurira musha wake vapindi vekokorodzano.

4 Varidzi vedzimba vanofara pavanoona vechiduku vedu vachiita tsika dzakanaka uye vachiteerera. (VaEf. 6:1, 2) Vabereki, tapota tarisirai vana venyu kuti vasadzongonyedza vamwe. Tose tinofanira kudzivisa kurovera misuo kana kuita ruzha rwakanyanya, zvikurukuru pakati pousiku.

5 Tinowana vasonganiri vakanaka, vanoda Mwari patinozarurira misha yedu kuhama dzinenge dzauya kukokorodzano uye izvi zvinoita kuti tiwane shamwari itsva. (Mako 10:29, 30) Ushamwaridzani hwechiKristu hwakadaro hungaita kuti ukure muzivo yechiKristu ndokubatsira vose kukudziridza miitiro yakanaka. (Zvir. 13:20; enzanisa na1 VaKorinde 15:33) Vachapinda kokorodzano pavanosonganirana nesu ndokuona mufambiro wedu wechiKristu wakanaka kwazvo, pasina mubvunzo vachakurudzirwa kuona kuti hatisi kungoparidza Shoko raMwari asi kurarama maererano naro, tichiriita nzira youpenyu.—Jak. 1:22.

6 Itai Zvakanaka—Panzvimbo yeKokorodzano: Zvakacherechedzwa kuti vamwe vakaramba kushandira pamwe nevarindiri, kunyange kutaura navo nenzira isiri yechiKristu. Nemhaka yokukundikana kutevera mirayiridzo yehama dzacho uye kupaka motokari pasingabvumirwi nomutemo, vamwe vakamutsira vamwe zvinetso. Zvechokwadi, pfungwa yokuti ini pakutanga haizivisi munhu somuiti wezvakanaka, uye haiiti kuti Jehovha Mwari arumbidzwe. Saka ngative norudo, tishivirire, uye tive vanoda kushandira pamwe chete.—VaG. 5:22, 23, 25.

7 Hama padzinosvika mangwanani, dzimwe dzingaonekwa dzichimhanya, dzichisundidzirana, uye dzichimanikidzana kuti dziwane pokugara “pakanakisisa.” Dzimwe dzakakuvara nemhaka yomuitiro wakadai. Nepo zvakanzi tingauya nezvokudya zvemasikati zvakareruka, hazvina kunaka kubva tatoti zvokudya hobho mbwee munzvimbo dzokupaka motokari. Izvi zvingazoita sokuti pane mapati ane ruzha anowanzoitwa pamitambo yemakwikwi.

8 Itai Zvakanaka—Nokupfeka uye Kutsvinda Kwedu: Zvichitevera imwe kokorodzano yoruwa yegore rapera, mupepeti wepepanhau romune rimwe guta guru renyika akanyora kuti: “Kupfuura chinhu chipi nechipi, kuzvibata kweZvapupu ndiko kwaiorora zvikuru. Zvaifadza zvikuru kuona vanhu vakawanda kudaro vachizvibata zvine rukudzo noruremekedzo. Mazana emhuri dzemarudzi nemadzinza akasiyana-siyana akapinda munhandare yacho asingaiti ruzha, akapfeka zvipfeko zvakaisvonaka zvinowanzopfekwa neSvondo. Kuzvibata kwavo kwakanga kwakasiyana zvachose nekwemapoka akawanda anopinda munhandare yacho. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvakasiyana zvikuru nemapoka anenge ose zvawo. Zvakajairika kuona vanhu vasina tsika. . . . Chokwadi, boka reZvapupu rinofadza.” Ngatisamborega kupfeka uye kutsvinda kwedu kana kuti mufambiro wedu zvichideredza munzira ipi neipi mamiriro ezvinhu omudzimu ekokorodzano anofadza.—VaF. 1:10; 1 Tim. 2:9, 10.

9 Itai Zvakanaka—Pakubhabhatidzwa: Vanoda kubhabhatidzwa vachada kuremekedza zvikuru nguva iyi. Kupfeka zvipfeko zvine mwero zvokubhabhatidzwa nazvo kucharatidza kuonga utsvene hwenguva yacho. Zvaizobatsira zvikuru kuti vaitisi vechidzidzo cheBhaibheri vakurukure nevadzidzi vavo nyaya inoti “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 1995 vasati vapinda kokorodzano.

10 Kuzvibata kwedu uye mufambiro unodiwa naMwari zvinopupurira zvatinotenda sevaKristu uye zvinoita kuti zvive nyore kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka kuziva chokwadi. Naizvozvo, ngati‘rambe tichiita zvakanaka’ uye tirumbidzwe patinopinda Kokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari.”—VaR. 13:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe