RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/00 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 7/00 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Unofanira Kudavira Utatu Here? uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi kana kuti Mwari Anodei Kwatiri?

◼ Kutanga muna September, vatariri vamatunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Kutonga Kwomunhu—Kwakayerwa Pachiyero.”

◼ Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari noMusangano Webasa Vhiki Yekokorodzano Yoruwa: Misangano iyi ingaregwa kana ungano iri kupinda kokorodzano vhiki iyoyo. Zvisinei, zvinorumbidzwa kuti Chidzidzo Chebhuku Cheungano chiitwe, kunyange zvazvo kungava kumavambo kwevhiki kuitira kuti zvisazovhiringidza gadziriro dzokufamba kwehama dzinoenda kukokorodzano.

◼ Kokorodzano dzoruwa dzakawanda dzichaitwa muna August uye vamwe vaparidzi vangava kukokorodzano panopera mwedzi. Tapota iva nechokwadi chokuti waisa mushumo wako webasa romumunda nokukurumidza sezvinobvira kuitira kuti ugobatanidzwa nomushumo weungano uchatumirwa September 6 asati apfuura. Sezvo August uri mwedzi wokupedzisira wegore rebasa, tinokurudzira vose kushanda mubasa romumunda ndokuva nechokwadi chokushuma panguva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe