RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/00 p. 5
  • Teerera Mashoko Matsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teerera Mashoko Matsvene
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Teerera uye Wedzera Kudzidza’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Teerera Udzidze
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • 1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 7/00 p. 5

Teerera Mashoko Matsvene

1 Hazvisi zvinhu zvose zvinotaurwa nomunhu zvinofanira kunyatsoteererwa. Asi Mwari paanotaura, pane chikonzero chinokosha chokuteerera. (Dheut. 28:1, 2) Tinoonga kuti vanyori vakafuridzirwa vakanyora “mashoko matsvene aMwari” kuti tibatsirwe. (VaR. 3:2) Kokorodzano yoruwa iri kuuya ichagovera mikana inokosha yokunzwa mashoko aya sezvaanoverengwa nokukurukurwa. Ungava sei anoteerera zvikuru?

2 Kurumidza Kusvika Mangwanani Ose: Fungidzira kufara kwakaita vaIsraeri pavakaudzwa kuti vasangane naJehovha paGomo reSinai kuzonzwa Mutemo wake! (Eks. 19:10, 11, 16-19) Kana uchinzwa saizvozvo pamusoro pokugamuchira murayiridzo waJehovha pakokorodzano yoruwa, uchagadzirira kukurumidza kusvika mazuva ose. Hatingateereri purogiramu yose kana tichinonoka kusvika ndokuvhiringidza vamwe nokuedza kwatinoita kuwana pokugara. Purogiramu inotanga na9:30 mangwanani neChishanu noMugovera uye na8:30 mangwanani musi weSvondo.

3 Kunyange vamwe vanokurumidza kusvika vanenge vasati vagara pazvigaro zvavo panotanga purogiramu. Nei vachidaro? Vanoda kuzorega kukurukurirana neshamwari dzavo ndokutanga kuenda kuzvigaro zvavo kana sachigaro asuma rwiyo rwokutanga. Tinofanira kucherechedza kuti maminiti anoverengeka rwiyo rwokutanga rwechikamu chimwe nechimwe rwusati rwatanga, sachigaro anenge akagara pachikuva apo nziyo dzoUmambo dzokusuma dzinenge dzichiridzwa. Ichi ndicho chiratidzo chedu chokuti yava nguva yokugara pasi! Ipapo, kana rwiyo rwokutanga rwasumwa, tichange tagadzirira kubatana mukuimbira Jehovha rumbidzo.

4 Teererai Semhuri Yakabatana: Mashoko matsvene paairavirwa vaIsraeri vakanga vakaungana, mhuri, kusanganisira “pwere,” dzaifanira kuteerera nokudzidza. (Dheut. 31:12) Pakokorodzano dzedu, vana havafaniri ku“ngoregwa.” (Zvir. 29:15) Vabereki, rongai kugara pamwe nemhuri yenyu yose—kusanganisira vari kuyaruka. Vamwe vabereki vanomirira kusvikira rwiyo rwokutanga rwava kuimbwa kuti vaende nevana vavo kuchimbudzi. Zvisinei, izvi hazvingadzidzisi vana kukosha kukuru kwenziyo neminyengetero mukunamata kwedu. Zviri nani zvikuru sei kuenda kuchimbudzi purogiramu imwe neimwe isati yatanga kana zvichibvira!

5 Zvichatibatsira kuti titeerere kana tikanyatsozorora usiku hwoga hwoga torega kunyanyodyisa masikati. Fungisisa zviri kutaurwa nomukurukuri. Usabvumira pfungwa dzako kudzungaira. Vhura Bhaibheri panenge pachiverengwa magwaro. Nyora mashoko mashoma. Sezvo hurukuro imwe neimwe inenge ichipiwa, dzokorora mupfungwa dzako zvataurwa nomukurukuri, uye funga kuti uchashandisa mashoko acho sei. Panopera zuva, kurukurai purogiramu yacho semhuri. Zvii zvanakidza mumwe nomumwe? Mhuri yenyu ingashandisa sei mashoko aya zvakanaka?

6 Remekedza Shoko raMwari: Kokorodzano dzinotipa mukana wakanaka kwazvo wokutaura neshamwari ndokuva noushamwaridzani hunovaka. Nokukurumidza kusvika, tichava nenguva yokukurukura purogiramu isati yatanga. Zvisinei, vamwe vanokurukura panguva yepurogiramu, vachifunga kuti izvi hazvinyanyi kuvhiringidza munhandare yakakura. Kunyange apo misangano inoitwa nevanhu vakawanda, inguva yokuteerera, sezvinongoitwa pakupinda musangano muHoro yoUmambo. Kushandiswa kwenhare dzeserura, mapager, zvokurekodhesa zviduku zvevhidhiyo, uye makamera hazvifaniri kubvumirwa kuti zvivhiringidze panguva yepurogiramu.

7 Mosesi paaipiwa Mutemo naJehovha, “akanga asingadyi zvokudya, kana kunwa mvura.” (Eks. 34:28) Saizvozvowo, zvaizova zvisina kukodzera kudya kana kunwa purogiramu dzekokorodzano padzinenge dzichifambira mberi. Mirira kusvikira “nguva yakatarwa” yeizvi yakwana, kunze kwokuti pane zvinetso zvakakomba zvoutano.—Mup. 3:1, NW.

8 Pane dzimwe kokorodzano, pachiri nechinetso chehama nehanzvadzi uye kunyange vana vaduku vanofamba-famba munofambwa namo nguva yepurogiramu. Varindiri vacharayiridzwa kuti vakumbire vakadaro kudzokera kunhandare. Vazvipiri vari kushanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana vanofanira kugara muvateereri nokukurumidza pavanongopedza basa ravo. Kunze kwokuti vazvipiri vachinge vagoverwa kuita basa rinokosha nguva yepurogiramu, vanofanira kunge vakagara, vachiteerera purogiramu. Havafaniri kunonoka vari mumadhipatimendi, vachikurukurirana uku purogiramu ichiitwa.

9 Hatingambodi kuva ‘vakagomara pakunzwa kwedu’ patinoteerera Shoko raMwari. (VaH. 5:11) Naizvozvo, ngatitsungei kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokunyatsoteerera sezvo mashoko matsvene anobva kuna Jehovha anokurukurwa pakokorodzano yedu yoruwa iri kuuya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe