“Ndiani Ungatiendira?”
Apo uyu mubvunzo wakabvunzwa naJehovha, Isaya nokukurumidza akapindura kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isa. 6:8) Nemhaka yokuti kukohwa kukuru nhasi, kokero imwe chete iri kuitwa zvino. Vashandi venguva yakazara vakawanda—mapiyona enguva dzose—vari kudikanwa nokukurumidza! (Mat. 9:37) Unodisa kuzvipira here? Kana zvakadaro, September 1, panovamba gore rebasa ra1998, ingava nguva yakanakisisa yekunyoresa sapiyona. Kuregererei kukumbira fomu kuvakuru?