RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/09 p. 1
  • Ungawedzera Basa Rako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungawedzera Basa Rako Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 7/09 p. 1

Ungawedzera Basa Rako Here?

1. Chii chiri kudiwa nokukurumidza muushumiri, uye nei?

1 Jesu paakaona kuti vanhu vakawanda chaizvo vaifarira mashoko akanaka eUmambo, akarayira vadzidzi vake kuti “kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Zvatiri munguva yokupedzisira yemwaka wokukohwa, basa redu rinotofanira kukurumidza kuitwa kupfuura kare. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kunyengetera tofunga kuti tingawedzera sei ushumiri hwedu.—Joh. 14:13, 14.

2. Vamwe vakaita sei panyaya yokudiwa kwevashandi vakawanda mubasa rokuparidza?

2 Kuwedzera Basa: Vachitungamirirwa uye vachibatsirwa naJehovha, vakawanda vakaona zvichiita kutanga kupayona. (Pis. 26:2, 3; VaF. 4:6) Vamwe vakashingirira kuti vave mapiyona ebetsero mumwedzi mumwe kana miviri pagore. Izvi zvakaita kuti vawedzere zvakanaka chaizvo ushumiri hwavo. Kufara kwavakaita mubasa iri kwakaita kuti vakawanda vavo vafunge nezvokuva mapiyona enguva dzose.—Mab. 20:35.

3. Kana wakambopayona, iye zvino ungada kufunga nezvei?

3 Ungatangazve Basa Roupiyona Here?: Kana wakambova piyona, hapana mubvunzo kuti unoyeuka zvinhu zvakanaka chaizvo zvepanguva iyoyo. Wakambonyengetera uchinyatsofunga nezvemukana wokupayonazve here? Zvakaita kuti urege kupayona zvingasavapo iye zvino. Nguva ingave yasvika yokuti upayonezve.—1 Joh. 5:14, 15.

4. Mukana upi unokosha watingava nawo tose?

4 Basa rokukohwa rafambira mberi chaizvo uye richakurumidza kupera. (Joh. 4:35, 36) Tose zvedu ngationgororei mamiriro edu ezvinhu azvino kuti tione kana tingagadzirisa zvinhu, kuti tiwedzere basa redu rokuparidza. Kana tikaona zvechokwadi kuti hatikwanisi kuwedzera basa redu, tingatsvaka here nzira dzokuti tinyanye kubudirira? (Mako 12:41-44) Vose vaya vane mamiriro ezvinhu azvino anovabvumira kushandiswa naJehovha mubasa iri rinokosha vane mukana wokuwana chikomborero chikuru!—Pis. 110:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe