Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna July naAugust: Ripi neripi remabhurocha anotevera emapeji 32 nokuda kwe$2,00: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00. October: Kuzvinyoresa kweMukai! neNharireyomurindi nokuda kwe$40,00 kwegore kana kuti $20,00 kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$20,00 pagore.) Kutanga murutivi rwepashure rwemwedzi wacho, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 richaparadzirwa.
◼ Nokupera kwemavhiki kushanu kwakazara, mwedzi waAugust ungava nguva yakakodzera kuti vakawanda vaite upiyona hwebetsero.
◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Vimba Nesimba raJehovha Rinoponesa.”