RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/98 pp. 1-4
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 8/98 pp. 1-4

Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?

1 “Handigoni kufungidzira ndichiita chimwe chinhu. Zvechokwadi handigoni kufungidzira chimwe chinhu chingandiunzira mufaro wakafanana.” Ndiani akataura izvi? Mamwe mazana ezviuru zveZvapupu zvaJehovha akaita ushumiri hwenguva yakazara basa rawo rinofadza muupenyu. Wakarangarira nokunyengetera kana uchigona kuita basa rokupayona here? Tazvitsaurira kuna Jehovha, zvechokwadi tinofanira kurangarira kana tingagoverana zvakazara mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Une chinangwa ichocho, tapota rangarira mimwe mibvunzo inobvunzwa navakawanda pamusoro pebasa rokupayona.

MUBVUNZO 1: “Vamwe vanotaura kuti kupayona hakuitwi navanhu vose. Ndinoziva sei kuti ndinogona kukuita?”

2 Mhinduro yacho inotsamira pamamiriro ako ezvinhu nemitoro yomuMagwaro. Kune vakawanda vane utano kana kuti mamiriro ezvinhu azvino muupenyu asingavabvumiri kupa maawa 90 pamwedzi kuushumiri. Rangarira somumwe muenzaniso hanzvadzi dzakawanda dzakatendeka dziri vadzimai vechiKristu navanamai. Vanogoverana muushumiri kakawanda sezvavanobvumirwa namamiriro avo ezvinhu. Kana mukana ukamuka, vanoita upiyona hwebetsero mwedzi mumwe kana kuti yakawanda gore rimwe nerimwe, vachiwana mufaro unobva mukukudza kugoverana kwavo mubasa. (VaG. 6:9) Kunyange zvazvo mamiriro avo ezvinhu angasavabvumira kushanda samapiyona enguva yakazara pari zvino, vanotsigira mudzimu wokupayona uye chikomborero kuungano savaparidzi vanoshingaira vamashoko akanaka.

3 Pane rumwe rutivi, hama nehanzvadzi dzakawanda dzisina mitoro dzakaita basa rokupayona kupfurikidza nokugadziridza zvinhu zvadzinokoshesa. Zvakadini newe? Uri pwere yakapedza chikoro chako chokunyika here? Uri mudzimai ane murume anokwanisa kugovera mhuri zvakakwana here? Wakaroora kana kuti kuroorwa asi usina vana vanoda kutarisirwa here? Wakarega basa rako rokunyika here? Kupayona kana kuti kusapayona chisarudzo chinofanira kuitwa nomunhu mumwe nomumwe. Mubvunzo ndewokuti, Unogona kupayona muupenyu hwako here?

4 Satani anoshandisa gadziriro yake yezvinhu yenyika kuti azadze upenyu hwedu nezvinotsausa kuti atikurire nemararamiro oudyire. Kana tikasarudza kuramba tisiri rutivi rwenyika, Jehovha achatibetsera kuchengeta fariro dzoUmambo pakutanga uye kusvasvavirira ndokugamuchira maropafadzo ose ebasa roubati ushe hwaMwari anowanika kwatiri. Kana uchikwanisa kugadziridza mamiriro ezvinhu zvako kuti ushande sapiyona, unoregerei kudaro?

MUBVUNZO 2: “Ndinogona sei kuva nechokwadi chokuti ndichakwanisa kubudirira mune zvemari ndiri mubasa renguva yakazara?”

5 Ichokwadi kuti munyika dzakawanda maawa ebasa rokunyika anodikanwa vhiki imwe neimwe kuti uwane zvinorangarirwa sezvinodikanwa muupenyu akawedzera mumakore apfuura. Kunyange zvakadaro, vakawanda vakapayona kwamakumi amakore, uye Jehovha anoramba achivachengeta. Kuti ubudirire sapiyona, kutenda nomudzimu wokuzvipa zvinodikanwa. (Mat. 17:20) Tine vimbiso iri paPisarema 34:10 yokuti ‘vanotsvaka Jehovha havazoshayiwi chinhu chipi nechipi chakanaka.’ Munhu upi noupi anopinda mubasa rokupayona anofanira kuita kudaro nechivimbo chakazara chokuti Jehovha achamugovera. Ari kuita izvozvo chaizvo nokuda kwamapiyona kwose kwose! (Pis. 37:25) Chokwadika, mutsinhirano nenheyo dziri muna 2 VaTesaronika 3:8, 10, na1 Timotio 5:8, mapiyona haakariri kuti vamwe vavatsigire nemari.

6 Munhu upi noupi ari kufunga basa rokupayona anofanira kuita sezvakataura Jesu: “Kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo.” (Ruka 14:28) Kuita izvi kunoratidza kuchenjera kunoshanda. Taura naavo vakabudirira kupayona kwamakore akawanda. Bvunza kuti Jehovha akavatsigira sei. Mutariri wenyu wedunhu ndipiyona ane ruzivo rwokuzviwanira uyo achafara kupa zvikarakadzo pamusoro penzira yokubudirira nayo muushumiri hwenguva yakazara.

7 Munhu haangambozivi zvakazara uchokwadi hwevimbiso yaJesu iri pana Mateo 6:33 kusvikira azviisa mumaoko aJehovha. Mumwe piyona akatendeka akarondedzera kuti: “Shamwari yangu neni patakasvika mumugove mutsva samapiyona, takanga tichingova nemirivo mishomanene bedzi, pakiti ramajarini, uye tisina mari. Takapedza zvokudya zvacho nguva yechirariro ndokuti, ‘Zvino hatisisina chokudya mangwana.’ Takazvinyengeterera, ndokurara. Nokukurumidza mangwanani akatevera chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakashanya ndokuzvisuma chichiti, ‘Ndakanyengetera kuti Jehovha atumire mapiyona. Zvino ndinogona kukukumbanirai zuva rose, asi sezvandinogara kumaruwa, ndichafanira kudya zvokudya zvamasikati nemi, naizvozvo ndauya nezvokudya izvi nokuda kwedu tose.’ Yakanga iri nyama nomuriwo zvakawanda.” Hazvishamisi kuti Jesu akativimbisa kuti taigona ku‘rega kufunganya pamusoro pemweya yedu’! Ipapo akawedzera kuti: “Ndiani kwamuri ungawedzera kubiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?”—Mat. 6:25, 27.

8 Nyika yakatipoteredza iri kuramba ichidisa zvenyika. Dzvinyiriro inowedzera iri kuiswa patiri kuti tiwirirane nayo. Zvisinei, kuonga ushumiri hwenguva yakazara nokuzvininipisa kunotiita kuti tigutsikane nezvishoma zvokunyama. (1 Tim. 6:8) Mapiyona anoita kuti upenyu hwawo hupfave uye hurongeke ane nguva yakawanda yebasa uye anowana mufaro mukuru nesimba romudzimu mukudzidzisa vamwe chokwadi. Kunyange zvazvo vasingaedzi kurarama upenyu hwokuzvinyima, murangariro wavo wakadzikama kumamiriro avo ezvemari wakavagonesa kufarikanya zvikomborero zvokupayona.

9 Kana uchiziva zvechokwadi kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira uye kuti nguva iri kuperera nyika ino yakaipa, uchasundwa nenzira yomudzimu kurega zvimwe zvinhu zvinodikanwa kuti uparidze mashoko akanaka pamukana wose. Kupfurikidza nokurangarirazve mamiriro ako ezvemari uye kupfurikidza nokuisa nhau yacho mumaoko aJehovha, ungaziva kuti unogona kumubatira nguva yakazara. Kunyange kana uchifanira kurega zvimwe zvinodikanwa zvokunyama kuitira kuti upayone, uchafarikanya zvikomborero zvikuru zvaJehovha.—Pis. 145:16.

MUBVUNZO 3: “Somuduku nei ndichifanira kurangarira basa rokupayona sebasa randingasarudza?”

10 Paunenge wava kupedza makore ako mashomanene okupedzisira echikoro, nenzira yomuzvarirwo unofunga nezveramangwana. Unoda kuti rive rakachengeteka, rinofadza, uye rinogutsa. Vanopa zano vechikoro vangaedza kukupinza mubasa rakanaka rinoda makore edzidzo yekoreji. Hana yako yechiKristu yakarovedzwa zvakanaka inokuudza kuti unofanira kugadzirira kubatira Jehovha zvizere sezvinobvira. (Mup. 12:1) Ungafungawo nezvokuzoroora nokuva nemhuri. Uchaitei?

11 Zvisarudzo zvaunoita panguva ino muupenyu hwako zvingaronga nguva yako yemberi yose. Kana uchitova Chapupu chakazvitsaurira, chakabhabhatidzwa chaJehovha, wakazvipa nomwoyo wose kuna Jehovha. (VaH. 10:7) Pamukana wokutanga waunawo, edza kuita upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe kana kuti yakawanda. Izvi zvichakuravidza mufaro nemitoro zvinoparirwa noupiyona hwenguva dzose, uye murangariro wako wezvaunofanira kuita noupenyu hwako pasina mubvunzo uchava wakajeka. Ipapo, panzvimbo pokutsvaga basa rokunyika renguva dzose pashure pokunge wapedza chikoro, unoregerei kutanga kuita upiyona hwenguva dzose? Vamwe vakamira kufarikanya basa rokupayona kusvikira gare gare muupenyu vanodemba kuti havana kukurumidza kutanga.

12 Somunhu muduku, shandisa mikana yako kuti urambe usina kuroora kana kuti kuroorwa, uye farikanya betsero yazvinounza mumubato wokuparidza nguva yakazara. Kana uchishuva kuzoroora kana kuti kuzoroorwa rimwe zuva, haugoni kugadzirira roorano zviri nani kupfuura kutanga kushanda mubasa roupiyona hwenguva dzose. Sezvaunokura mumudzimu, ungasarudza kuita kuti kupayona kuve basa rako nomunhu waucharoorana naye ane mufungo wakafanana. Vamwe varoorani vakapayona pamwe chete vakapinda mubasa redunhu kana kuti munda woufundisi. Hapana upenyu hunogutsa kupfuura uhu!

13 Pasinei zvapo nokuti unoramba uchipayona kwenguva yakareba sei, uchava waita kuti dzidzo yako ikwane uye wagamuchira rovedzo inokosha iyo isingagoni kugoverwa nerimwe basa ripi neripi pasi pano. Kupayona kunodzidzisa chirango, kurongeka somunhu oga, nzira yokubata nayo navanhu, kutsamira pana Jehovha, uye nzira yokuva nayo nokushivirira nomutsa—mavara achakushongedzera kuti ugamuchire mitoro mikuru.

14 Upenyu hausati hwambova husina kujeka sezvahwakaita nokuda kworudzi rwomunhu. Zvinhu zvishomanene zviri zvechigarire, kunze kwezvakapikirwa naJehovha. Sezvo ramangwana rako rakakujekera zvikuru, inguva ipi iri nani zvino ingavapo yokufungisisa zvakakomba zvauchaita noupenyu hwako mumakore ari kuuya? Yera nokuchenjera ropafadzo yokupayona. Hauzombofi wakazvidemba kuti wakasarudza basa roupiyona sebasa rako.

MUBVUNZO 4: “Hazvisi zvinhu zvinodzvinyirira nguva dzose here kusvitsa maawa anodikanwa? Zvakadini kana ndikasarira shure kwenguva yangu?”

15 Paunonyora fomu roupiyona hwenguva dzose, unofanira kupindura mubvunzo wokuti: “Wakaronga zvinhu zvako zvomunhu oga kuti ugogona kukarira nenzira ine mufungo kusvitsa chinodikanwa chegore negore chamaawa 1 000 here?” Kuti uasvitse, unofanira kuita avhareji yaamawa anenge matatu pazuva mubasa. Sezviri pachena, izvi zvinoda kuronga kwakanaka uye kuzviranga. Mapiyona akawanda anoronga muitiro unoshanda, unoshandisika mumwedzi mishomanene.

16 Zvisinei, Muparidzi 9:11 inotaura zvechokwadi kuti, ‘Nguva nezvinoitika zvisingafani kuonwa zvinotiwira tose.’ Kurwara kwakakomba kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu asingafanoonwi anogona kuparira piyona kuti aderere mumaawa. Kana chinetso chacho chisingatori nguva yakareba uye chichiitika bedzi mukutanga kwegore rebasa, ungada rudungwe rwakawedzerwa kuti ubate nguva yausina kusvitsa. Asi zvakadini kana chinetso chakakomba chikamuka mumwedzi mishomanene bedzi yasara mugore rebasa uye piyona asingakwanisi kusvitsa?

17 Kana uchirwara kwechinguvana kwemwedzi mishomanene kana kuti kana usingakwanisi kusvitsa maawa anodikanwa nokuda kwechimwe chikonzero chokukurumidzira chausingakwanisi kudzora, unogona kusvika mutezo weDare Rebasa Reungano ndokutsanangura chinetso chacho. Kana vakuru ava vachifunga kuti zvingava zvine mufungo kuti vakurege uchipfuurira mubasa roupiyona usinganetseki nokushandira nguva yacho, vanogona kuita chisarudzo ichocho. Munyori achanyora paChinyorwa Chomuparidzi Cheungano kuratidza kuti haufaniri kushandira nguva yausina kusvitsa. Iri harisi zororo, asi panzvimbo pezvo, kurangarira chaiko mamiriro ako ezvinhu.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo yaNovember 1986, ndima 18.

18 Mapiyona ane ruzivo rwokuzviwanira anoita maawa akawanda pakuvamba kwegore rebasa. Basa ravo roupiyona rinova rokutanga, naizvozvo pane dzimwe nguva vanozviwana zvichidikanwa kudzivisa mabasa asina kukosha. Kana piyona akasarira shure nemhaka yorudungwe rusina kunaka kana kuti kusazviranga mukurutevedzera, anofanira kunzwa kuti mutoro wake kuti ashandire nguva yaasina kusvitsa uye asakarira kurangarirwa chaiko.

19 Pane nguva apo piyona asingakwanisi kurega kuchinja mamiriro ake ezvinhu. Angawana kuti haagoni kusvitsa maawa anodikanwa munhambo refu nemhaka yechinetso choutano chinopfuurira kana kuti mutoro wakawedzerwa wemhuri, zvichingodaro. Muchiitiko ichi, nzira yokuchenjera ingava yokudzokera pakuva muparidzi ndokugoverana pose pazvinobvira mubasa roupiyona hwebetsero. Hapana gadziriro yenguva dzose yokubvumira munhu kuti arambe ari parudungwe rwamapiyona kana mamiriro ezvinhu asingachamubvumiri kusvitsa maawa anodikanwa.

20 Tinovimba kuti gadziriro yokurangarira chaizvo vanokwanirisa ichakurudzira vakawanda kunyoresa mubasa roupiyona pasina kunetseka kusiri madikanwa. Inofanirawo kukurudzira vanotova mubasa renguva yakazara kuti varambe vachipayona. Tinoda kuti mapiyona abudirire mubasa rawo renguva yakazara.

MUBVUNZO 5: “Ndinoda kuita chimwe chinhu ndokufara ndichichiita. Basa roupiyona richandigutsa here?”

21 Mufaro wechokwadi unobvira zvikuru kana tine ukama hwapedyo, hwomunhu oga naJehovha uye tichipwiswa kuti tiri kumubatira nokutendeka. Jesu akatsungirira danda rokutambudzikira “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaH. 12:2) Mufaro wake wakabva mukuita kuda kwaMwari. (Pis. 40:8) Mugadziriro yezvinhu iripo zvino, tinogona kufarikanya mufaro wechokwadi kana mibato youpenyu hwedu yakawandisa ine chokuita nokunamata kwedu Jehovha. Zvinorondwa zvomudzimu zvinotipa pfungwa yechinangwa nemhaka yokuti mumwoyo wedu tinoziva kuti tiri kuita zvakanaka. Mufaro unobva mukupa, uye hapana nzira iri nani yatinoziva yokuzvipa nayo inopfuura kudzidzisa vamwe nzira yokuwana nayo upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.—Mabasa 20:35.

22 Piyona anokorwa mashoko mundima yokutanga akazvitsanangura nenzira iyi: “Pangava nomufaro uri nani kupfuura wokuona mumwe munhu waunofunda naye achiva murumbidzi waJehovha anoshingaira here? Zvinofadza nokusimbisa kutenda kuona kuti Shoko raMwari rine simba rakadini mukusunda vanhu kuti vachinje muupenyu hwavo kuitira kuti vafadze Jehovha.” (Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1997, mapeji 18-23.) Naizvozvo, chii chinokuunzira mufaro? Kana uchikoshesa vavariro dzechigarire, dzakakodzera, panzvimbo pokufarikanya kwechinguvana zvinogoverwa nenyika, kupayona kuchakupa pfungwa yakaisvonaka yokubudirira ichakuita kuti ufare zvechokwadi.

MUBVUNZO 6: “Kana zvisingawanisi upenyu husingaperi, hachisi chisarudzo changu here kuti ndipayone kana kuti kwete?”

23 Chokwadi, chisarudzo chokupayona chinofanira kuva chako. Jehovha ndiye bedzi anogona kuziva mamiriro ako pachako ezvinhu muupenyu. (VaR. 14:4) Anokukarira zvakarurama kuti umubatire nomwoyo wako wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:30; VaG. 6:4, 5) Anoda munhu anopa achifara, anomubatira achifara, kwete achigunun’una kana kuti kumanikidzwa. (2 VaK. 9:7; VaK. 3:23) Naizvozvo vavariro yako yokupayona inofanira kuva yomudzimu. Zvimwe, kwauri, basa rokupayona richakurumidza kusava rakanaka. Chikonzero chako chokushanda nguva yakazara chinofanira kuva chokuti unoda Jehovha navanhu vari mundima. (Mat. 9:36-38; Marko 12:30, 31) Kana uchinzwa nenzira iyi, ipapo unofanira kurangarira zvakakomba basa rokupayona.

24 Tinovimba kuti zvataurwa pano zvichakubetsera kuyera kariro dzako dzokupayona. Unogona kugadziridza mamiriro ako ezvinhu kuti uite upiyona hwenguva dzose here? Pasi apa pakanyorwa karenda rine musoro unoti “Rudungwe Rwangu Rwevhiki Nevhiki Rwebasa Roupiyona.” Ona kana uchigona kunyora rudungwe rwunokushandira rwuchakubvumira kuita avhareji yamaawa anenge 23 vhiki imwe neimwe muushumiri. Ipapo, isa kutenda kwako kwakazara nechivimbo muna Jehovha. Unogona kubudirira nebetsero yake! Akavimbisa kuti: “Ndi[cha]kudururirayi mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.”—Mar. 3:10.

25 Naizvozvo tinobvunza kuti, “Basa roupiyona—unogona kuriita here?” Kana uchigona kuti “Hungu,” ronga musi wokutanga kuita upiyona hwenguva dzose nokukurumidza uye iva nechokwadi chokuti Jehovha achakukomborera noupenyu hunofadza!

[Chati iri papeji 4]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Rudungwe Rwangu Rwevhiki Nevhiki Rwebasa Roupiyona

MUVHURO: Mangwanani basa romumunda

CHIPIRI: Mangwanani basa romumunda

CHITATU: Mangwanani basa romumunda

CHINA: Mangwanani basa romumunda

CHISHANU: Mangwanani basa romumunda

MUGOVERA: Mangwanani basa romumunda

SVONDO: Mangwanani basa romumunda

MUVHURO: Masikati basa romumunda

CHIPIRI: Masikati basa romumunda

CHITATU: Masikati basa romumunda

CHINA: Masikati basa romumunda

CHISHANU: Masikati basa romumunda

MUGOVERA: Masikati basa romumunda

SVONDO: Masikati basa romumunda

MUVHURO: Manheru basa romumunda

CHIPIRI: Manheru basa romumunda

CHITATU: Manheru basa romumunda

CHINA: Manheru basa romumunda

CHISHANU: Manheru basa romumunda

MUGOVERA: Manheru basa romumunda

SVONDO: Manheru basa romumunda

Shandisa penzura kuti unyore rudungwe rwako rwezuva rimwe nerimwe revhiki.

Ronga hwerengedzo yamaawa anenge 23 vhiki imwe neimwe mubasa romumunda.

Hwerengedzo yamaawa evhiki nevhiki akarongwa ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe