RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/97 p. 2
  • Nei Vachikuita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vachikuita?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 4/97 p. 2

Nei Vachikuita?

1 Kwakafanotaurwa pamusoro paKristu kuti ‘kushingairira imba yaMwari kwaizomupedza.’ (Pis. 69:9) Kushingairira kwaJesu kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kwakamusunda kuisa ushumiri pakutanga. (Ruka 4:43; Joh. 18:37) Kushingaira kumwe cheteko kwekupupura chokwadi kunoratidzirwa nhasi muushumiri hweZvapupu zvaJehovha. Gore rebasa rapfuura, avhareji ye645 509 munyika yose vakagoverana muchimiro chakati chebasa reupiyona mwedzi mumwe nomumwe. Mukurangarira tsauriro yedu kuna Mwari, mumwe nomumwe wedu anofanira kurangarira nenzira yokunyengetera kana tichigona kuronga mamiriro edu ezvinhu kuitira kuti tibatire sapiyona webetsero kana kuti wenguva dzose.—Pis. 110:3; Mup. 12:1; VaR. 12:1.

2 Vachirarama mutsika yezvinhu inodisa zvenyika nenzira youdyire, vakawanda vari munyika vanokuwana kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei munhu upi noupi angashanda zvakaoma kwazvo muushumiri nokuda kwechimwe chinhu chisingaunzi betsero dzemari uye pasina mbiri. Nei mapiyona achikuita? Anoziva kuti akabatikana mubasa rinoponesa upenyu. Achisundwa nokuda Jehovha zvikuru uye munhu biyawo, anonzwa musengwa wakasimba, wemunhu oga wekubetsera kuponesa upenyu. (VaR. 1:14-16; 1 Tim. 2:4; 4:16) Varoorani mapiyona vakakupfupikisa zvakaisvonaka kupfurikidza nokuti: “Nei tiri kupayona? Tingambogona kukupembedza pamberi paJehovha kudai tisingadaro here?”

3 Imwe hanzvadzi yakanyora izvi pamusoro pechisarudzo chayo chekutanga kupayona: “Murume wangu neni takaita gadziriro yekurarama nemari inotambirwa nemunhu mumwe, uko kwakareva kurega zvinhu zvose zvisingakoshi. Bva, Jehovha akatikomborera zvikuru, asingatongotisiyi muurombo kana mukushayiwa. . . . Ndakawana chikonzero chaichoicho chekurarama—icho chekubetsera vanoshayiwa kusvika pakuziva kuti Jehovha, Mwari wechokwadi, haasi kure neavo vose vanomutsvaka.” Achiona kurumidziro yenguva, mapiyona anogutsikana nezvinodikanwa zvoupenyu nepo achitsvaka zvepachokwadi kuwana pfuma yemudzimu iyo ichagara nokusingaperi.—1 Tim. 6:8, 18, 19.

4 Kana mamiriro ako ezvinhu emunhu oga achibvumidza, kuregererei kukumbanira mazana ezviuru ehama dzako nehanzvadzi munyika yose dziri kupayona? Nenzira iyoyo unogona kuwana mufaro wavo mumwe chetewo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe