RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 3
  • Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Unogona Here Kupinda Mu“suo Guru Rebasa”?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 3

Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!

1. Nei iye zvino iri nguva yokuparidza?

1 “Ityai Mwari mumupe mbiri.” Ngirozi dzichitungamirira, mashoko aya ari kuziviswa “kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” Nei? “Nokuti awa yokutonga [kwaMwari] yasvika.” Nhasi tiri kurarama ‘muawa iyoyo yokutonga,’ iyo ichaguma nokuparadzwa kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. Zvakakosha kuti vanhu ‘vanamate Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.’ Hapana rimwe basa ringave riri kuitwa nhasi ringaenzaniswa pakukosha kana ringada kukurumidzirwa sokuzivisa “mashoko akanaka asingaperi.” Chokwadi, iye zvino ndiyo nguva yokuparidza!—Zvak. 14:6, 7.

2. Vashumiri vaJehovha vari kuratidza sei kuti vanoziva kuti inguva yokukurumidzira?

2 Mumakore gumi apfuura, vashumiri vaJehovha vakapedza maawa anoda kusvika mabhiriyoni 12 vachiita basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi. Vakawanda vakagadzirisa mararamiro avo kuti vagoita zvizere basa rokukohwa mune zvokunamata. (Mat. 9:37, 38) Somuenzaniso, gore rapera avhareji yevaparidzi vanopfuura 850 000 vakava mapiyona mwedzi woga woga. Kune mapiyona enguva dzose, izvi zvinoda kushanda avhareji yemaawa 70 mwedzi woga woga mubasa rokuparidza. Kune mapiyona ebetsero, panodiwa maawa 50.

3. Vaparidzi vanowanzoda kugadzirisa chii kuti vave mapiyona?

3 Zvinodiwa Pakuva Piyona: Achiziva kuti “nguva yasara ipfupi,” mapiyona anoedza kurarama upenyu huri nyore. (1 VaK. 7:29, 31) Vanotsvaka nzira dzokuderedza mashandisiro avanoita mari kuitira kuti vasapedza nguva yakawanda vari kubasa rokunyika. Somuenzaniso, vamwe vakatamira mudzimba duku. Vamwe vakaderedza zvinhu zvenyama zvisinganyanyi kudiwa. (Mat. 6:19-21) Kazhinji, havafaniri kunyanyotsvaka zvavanoda ivo pachavo. Zvose izvi zvinoitwa nechinangwa chokupedzera nguva yakawanda muushumiri. (VaEf. 5:15, 16) Nokushingirira, kuzvipira, uye kuvimba naJehovha nokunyengetera, vaparidzi vakawanda vave vachikwanisa kuronga purogiramu inobatsira inoita kuti vagone kuva mapiyona.

4. Ndezvipi zvaungaita zvinogona kukubatsira pachinangwa chokuva piyona?

4 Unogona kuva piyona here? Wadii kubvunza mapiyona anobudirira kuti anozviita sei? Shanda navo muushumiri hwomumunda, uone kufara kwavanoita. Verenga nyaya dzemapiyona dzakabuda mumabhuku edu. Zviitire zvinangwa zvaunogona kuita zvinozokubatsira kutanga kuva piyona. Kana paine zvipingamupinyi zviri kukutadzisa kuva piyona iye zvino, zviudze Jehovha mumunyengetero, womukumbira kuti akubatsire kuzvipedza.—Zvir. 16:3.

5. Kuva piyona kunotibatsira sei kuvandudza unyanzvi hwedu muushumiri?

5 Zvikomborero uye Mufaro: Kuva piyona kunovandudza unyanzvi hwedu hwokushandisa Shoko raMwari, iro rinounza mufaro wakakura. “Kukwanisa kubata Shoko raMwari zvakarurama chikomborero chaicho,” yakataura kudaro imwe hanzvadzi yechiduku iri piyona. Paunova piyona, unoshandisa Bhaibheri kakawanda. Iye zvino pandinoenda paimba neimba, ndinogona kufunga magwaro akakodzera saimba mumwe nomumwe.”—2 Tim. 2:15.

6. Kuva piyona kunodzidzisei?

6 Kuva piyona kunotidzidzisawo unyanzvi hwakawanda hunobatsira muupenyu. Kungabatsira vaduku kuti vadzidze kushandisa nguva nokuchenjera, kuchengetedza mari, uye kugarisana zvakanaka nevanhu. Vakawanda vanova vakasimba mune zvokunamata pamusana pokuti mapiyona. (VaEf. 4:13) Uyezve, mapiyona anowanzova neropafadzo yokuona ruoko rwaJehovha ruchivabatsira.—Mab. 11:21; VaF. 4:11-13.

7. Kuva piyona kunotibatsira sei kuswedera pedyo naJehovha?

7 Zvichida chimwe chezvikomborero zvikuru zvokuva piyona ndechokuti kunotibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Izvi zvinogona kutibatsira kuti titsungirire miedzo. Imwe hanzvadzi yakatsungirira nguva yayaiva nedambudziko rakaoma yakati: “Ukama hwapedyo hwandakava nahwo naJehovha nokuva piyona hwakandibatsira kutsungirira matambudziko angu ose.” Inotizve: “Ndinofara chaizvo kuti upenyu hwangu hwose ndava munhu mukuru ndaishumira Jehovha nguva yakazara. Zvaita kuti ndizvipire munzira dzandaisambofunga kuti ndaizogona kuita kudaro.” (Mab. 20:35) Nesuwo ngativei nezvikomborero zvikuru sezvatinoita zvose zvatinogona mubasa rinokosha kwazvo rokuparidza.—Zvir. 10:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe