Misangano Yebasa yaApril
Vhiki Inotanga naApril 7
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Dudzai mapfundo ekutaura ari mumagazini azvino uno.
15 min: “Vakawanda Vari Kuwedzerwa.” Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai zvikarakadzo zvinofukidzwa muNharireyomurindi, yaAugust 15, 1993, mapeji 12-17.
18 min: “Betsera Vasina Zivo Kunzwisisa.” Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai mativi ebhurocha raAnodei: mutoo wefundo wakapfaviswa, mibvunzo yakakodzera nguva, mifananidzo inofadza, nongedzero dzakawanda dzeMagwaro. Simbisai vavariro yekutanga fundo idzo pakupedzisira dzinotungamirira mubhuku raZivo. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire matangirwe efundo achishandisa kusvika kunorondedzerwa mundima 4. Kurudzirai vabereki vose vari muungano kufunda bhurocha racho nevana vavo vaduku.
Rwiyo 130 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 14
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Kana nguva ichibvumidza, rondedzerai nokupfupikisa zvakaitika zvomumunda zvomunzvimbomo pamusoro pekugovera bhurocha raAnodei kana kuti kutanga fundo dzeBhaibheri muchirishandisa.
15 min: “Mushumo Wefambiro Mberi Pamusoro Pekuvakwa kweBazu reZimbabwe.” Kurukurai wedzero. Kurudzirai kutsigira basa, nemari uye mudzimwe nzira.
20 min: “Kubetsera Pwere Kudzivisa Ngwavaira.” Kurukurirano nevateereri yendima 1-4. Itai kuti mharidzo dziri mundima 5 dzienzanisirwe, muchishandisa marongero akasiyana-siyana—mumugwagwa, paimba, uye munzvimbo yemabhizimisi. Yeuchidzai vose kutora bhuku raVechiduku Vanobvunza nokuda kwebasa remumunda vasati vabva paHoro yeUmambo.
Rwiyo 126 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 21
15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Tsanangurai kuti hakusati kwava kunyanyononoka kupinza kumbiriso yekuita upiyona hwebetsero muna May. Hwirudzurai Bhokisi Remibvunzo, uye itai kuti ungano izive kana mabhuku akati achidikanwa kuzadza raibhurari muHoro yeUmambo.
15 min: “Unofanira Kukumbira Ruregerero Chaizvoizvo Here?” Hurukuro inopiwa nemukuru yakavakirwa paNharireyomurindi yaSeptember 15, 1996, mapeji 22-4.
15 min: Kushandisa Zvakazara Mabhuku Edu. Hurukuro inopiwa nemukuru. (Onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995, mapeji 3-5.) Mishumo inoratidza kuti ungano kazhinji kazhinji dzinoodha magazini akawanda zvikuru kupfuura adzinogovera chaizvoizvo mwedzi mumwe nomumwe. Anosvika 50 muzana haatongoshumwi seakagoverwa. (Ratidzai zvinoratidzira nhamba munzvimbomo.) Chii chinoitika kuaya magazini? Akawanda anoguma aiswa pasherufu kana kuti anoraswa. Izvi zvinogona sei kudziviswa? Muparidzi mumwe nomumwe anofanira kurangarira nokungwarira zvinodikanwa zvake uye kuodha ayo bedzi aanogona kugovera. Uitei muitiro kugovera magazini kuvose vatinosangana navo. Musarasa magazini ekare. Mungaagovera pasina mupiro kuavo vanofarira zvepachokwadi asi vasingakwanisi kuaripira. Goveranai mubasa remagazini nguva dzose.
Rwiyo 128 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 28
15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yavo yebasa remumunda yaApril. Zivisai mazita eavo vachaita upiyona hwebetsero muna May. Ratidzai gadziriro dzokuwedzera dziri kuitwa munzvimbomo nokuda kwemisangano yebasa. Mukati maMay nhamburiko chaiyo inofanira kuitwa kutevera kwakagoverwa mabhuku nevavariro yekutanga fundo. Nokupfupikisa karakadzai nzira dzatinogona kukumbira nadzo nokungwarira zita nekero zvevanhu vatinopupurira nenzira isina kurongwa. Ungagona kupa zita rako nekero pakutanga ndokubvunza kana pane nhamba dzerunhare dzavanogona kusvikwa padziri. Kumbirai vateereri kugovera zvimwe zvikarakadzo zvakashanda kwavari.
15 min: “Nei Vachikuita?” Mukuru anokurukura nyaya yacho nemapiyona enguva dzose maviri kana kuti matatu. (Kana asingawaniki, shandisai avo vanowanzonyoresa semapiyona ebetsero.) Batanidzai mapfundo makuru anobva munyaya inoti “Mapiyona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero,” iri muNharireyomurindi yaJanuary 15, 1994 mapeji 21-3. Itai kuti mumwe nomumwe atsanangure chikonzero nei akatora basa reupiyona. Vakumbirei kurondedzera zvakaitika zvinoratidza kukomborerwa kwavakaitwa nokuda kwekuita saizvozvo.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Vakuru vangashandisa iyi nguva kupa mashoko pazvinodikanwa chaizvo zvomunzvimbomo.
Rwiyo 129 nemunyengetero wokugumisa.