Mushumo Wefambiro Mberi Pamusoro Pekuvakwa Kwebazu reZimbabwe
1 Tinofara kushuma pamusoro pefambiro mberi yezvivako zvitsva zveBazu kunze zvishoma kweHarare. Pakasvika kupera kwaDecember gore rapfuura, takanga tava pahafu yebasa racho. Tinovimba kuti izvi zvivako zvichatarisira zvakakwana rutivi rwebasa rekuvaka kwemudzimu iro rakatanga anenge makore 1 960 akapfuura apo Jesu akatanga kuunganidza vadzidzi. (Mat. 4:17; 7:24, 25, 28; Joh. 7:46) Jehovha akakomborera iri basa zvikuru.—Zvir. 10:22.
2 Vakawanda vari munharaunda yeHarare vakakokwa kuzoshanda panzvimbo yacho mukupera kwemavhiki. Iyi ropafadzo yakatambanudzirwawo kuavo vari kure zvikuru. Ava vakakwanisa kugamuchira kokero yekuuya kuHarare mukupera kwevhiki uye vakafarikanya ropafadzo yekushanda nemhuri yevavaki vazvipiri vemarudzi akawanda nevemuno vanenge 100. Kwakaisvonaka kuona mhatsa iri pakati peiri boka revakasiyana-siyana rinoumbwa nevanhu vanobva munyika 22. Pano tinoona munzira duku ‘boka guru rinobva mumarudzi ose’ richishanda rakabatana pamwe chete nokuda kwekuitwa kwekuda kwaJehovha.—Zvak. 7:9.
3 Muchafara kuziva kuti mhuri yose yevavaki zvino iri kugara panzvimbo yacho muzvivako zvitatu zvekugara zvechigarire, nechivako chimwe nechimwe chichigarwa nevanhu 40. Boka revavaki riri kushandisa chivako chimwe nehafu cheizvi zvivako. Vamwe vashandi vekuvaka vari kugara muzvivako zvevashandi zvakavandudzwa uye mumamwe mativi eimba yekare yepapurazi.
4 Kune imwe nzvimbo panzvimbo yacho, Chivako Chemabasa chine nhurikidzwa mbiri icho chichava nekicheni, kamuri rokudyira, mekugezera mbatya uye Hofisi yeBheteri chiri kufambira mberi zvakanaka. Kuvaka kukuru kwakapedzwa, sezvo madziro ekunze nedenga zvakasimudzwa. Basa riri kupfuurira kuitira kuti chipedzwe nokukurumidza sezvinobvira kuitira kuti chigonewo kushandiswa nemhuri yevavaki. Fandesheni dzechivako chehofisi chine nhurikidzwa mbiri dzakavambwa pakati paDecember. Uriri hwepasi huchashandiswa nokuda kweBato Rebasa iro rinotarisira zvinodikanwa zvedu zveungano. Pamusoro pachatsaurwa nokuda kwebasa reshanduro rinoitwa paBazu. Basa riri kufambira mberi zvakanaka pagadziriro yezvinorasa tsvina.
5 Naizvozvo chii chiri mberi? Eya, kuchiri nebasa rakawanda zvikuru! Mukati mezvivako zvose munofanira kupedzwa. Kuiswa kwezvinoshandiswa zvepasi pevhu kuri kupfuurira. Basa richigere kutanga paimba yekuchengetera umo mabhuku nemagazini zvichagamuchirwa ndokuparadzirwa. Musuo mukuru nenzira zvichiri zvinofanira kugadzirwa, pamwe chete nekamuri richava negwenya rekushandisa panguva yekushayikwa kwemagetsi. Dzimba dzekushandira dziripo dzichada kuvandudzwa kwakati. Pakupedzisira, nzira, kugadzira nzvimbo kuti ive yakanaka uye kugadzira mapindu zvichaitwa.
6 Ndirini apo basa rekuvaka richapedzwa? Maererano netsigiro yatiri kuwana, chivako chacho chinofanira kupedzwa panenge pakati pa1998. Tinokarira kuti vakawanda venyu sevanobvira vachazviita vanowanika kuti vabetsere, kwete bedzi avo vanobva muungano dziri pedyo. Mukana ungauya kamwe bedzi. Usarasikirwa nawo! Sezvambodudzwa, kwemwedzi yakati zvino hama dzave dzichiuya dzichishanda mukupera kwevhiki kwakafanogoverwa, nokuda kwezvose zviri zviviri Mugovera neSvondo. Betsero yaavo vose vakakwanisa kuuya ndokushanda panzvimbo yekuvaka inoongwa zvikuru. Avo, nemhaka yemamiriro avo ezvinhu, vasingagoni kuuya chaizvoizvo kunzvimbo yekuvaka vanogona kupfuurira kuva negoverano inokosha kupfurikidza nokupa tsigiro muzvokunyama. Ikoku kunosimbisazve ushamwari hwavo naMwari wedu, Jehovha, uye Mwanakomana wake, Jesu Kristu.—Ruka 16:9.
7 Vashandi vakawanda Vekuvaka Vemarudzi Akawanda vakataura kuonga kwavo nokuda kwekukwanisa kushanda paichi chivako. Vanotaura kuti kwave kuchizorodza mumudzimu kushanda muno muZimbabwe. Zvirokwazvo, hama nehanzvadzi dzinobva kuBheteri neungano dzakapoteredza dzave dzichifara zvikuru kuva sevagamuchiri kwavari. Vaparidzi vakawanda vakafarikanya mufaro wekushanda pamwe chete neVazvipiri Vemarudzi Akawanda apo vanopinda muushumiri hwemumunda mukati menguva yavo yekusava pabasa paMivhuro uye Zvipiri zvakasiyana-siyana.
8 Kunofadza kuona wedzero yebasa muZimbabwe. Kuvakwa kwezvivako zvebazu idzva kwakagovera mukana wekupa uchapupu hwakaisvonaka. Rudo nechinzwano zvinooneka paichi chivako zvave zvichizorodza uye zvichisimbisa kutenda nokuda kwavose vanobatanidzwa. Tose ngatipfuurirei kutsigira iri basa kupfurikidza nokukumbira Jehovha chikomborero chake, uye kupfurikidza nokupfuurira kupa nguva yedu nepfuma nemwoyo wose.
[Mifananidzo iri papeji 4]
1. Zvivako zvekugara, zvose zvakaiswa matenga pakasvika kupera kwaDecember 1996
2. Kuisa mawindo ane mafuremu earuminiyamu anotserendeswa
3. Chivako chekugara ‘Chekutanga’ chiri kugarwa nevashandi vekuvaka
4. Kireni yeP&H yematani 70 ichishanda pakamuri rokudyira, imba yekubikira neyekugezera mbatya
5. Betsero inobva kuboka redu remarudzi akawanda mukamuri rekushandira
6. Mugadziri wepombi dzemvura achibatanidza nepombi dzepasi pevhu