Uchenjeri hwaMwari Hunoonekwa Mune Zvaakasika
“Ndiye anotidzidzisa kupfuura mhuka dzepanyika, iye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga.”—JOBHO 35:11.
SHIRI dzine zvinhu zvadzinoita zvinoshamisa. Mabhururukiro adzinoita dzisingambonetseki anoyemurwa chaizvo nevanogadzira ndege. Dzimwe shiri dzinopfuura nomugungwa, dzichingoona mvura chete kwezviuru zvemakiromita asi hadzimborasiki kwadzinenge dzichienda.
Chimwe chinoshamisa chinoitwa neshiri chinoratidzawo uchenjeri hwoMusiki, ndechokuti dzinotaurirana padzinorira uye padzinoimba. Ngatimbotaura nezvemimwe mienzaniso.
Kutaurirana Kweshiri
Dzimwe shiri dzinotanga kutaurirana dzisati dzatombochochonya. Somuenzaniso chihuta chinokandira mazai masere kana kupfuura, rimwe chete pazuva. Kudai manyana aya aizokura pamwe chete, aizochochonya mumazuva masere. Mhambo yacho yaizoita basa rokutarisira tumanyana tune vhiki uku ichifanira kurarira rimwe zai risati rachochonya. Asi mazai aya ose ari masere anochochonya mumaawa matanhatu. Izvozvo zvinoitika sei? Vanotsvakurudza vanotaura kuti zvinoitika ndezvokuti tumanyana twechihuta ichi tunoudzana tusati twachochonya, tworonga kuchochonya panenge panguva imwe chete.
Shiri padzinokura, kazhinji jongwe racho ndiro rinoimba. Rinodaro kunyanya parinoisa miganhu yenzvimbo yaro kana kuti parinotsvaga sheche. Shiri imwe neimwe ine muririro wayo unobatsira sheche kuti dzizive machongwe emhando dzadzo.
Kazhinji shiri dzinoimba mangwanani uye madekwana, uye izvi zvine zvazvakanakira. Panguva iyoyo mhepo inenge isingachanyanyi kuvhuvhuta uye kunenge kusisina ruzha. Vanotsvakurudza vakaona kuti kurira kweshiri kunonzwika zviri nani chaizvo mangwanani uye manheru kupfuura masikati machena.
Kunyange zvazvo machongwe ariwo anonyanya kuimba, sheche dzinoimbawo nokurira uye zvinenge zviine zvazvinoreva zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso dzimwe shiri dzinonzi Chaffinches dzine maririro mapfumbamwe. Padzinonyevera nezvengozi iri kubva mudenga yakadai segondo riri kuyengerera, dzinorira zvakasiyana nepadzinonyevera nezvengozi iri pasi.
Chipo Chikuru
Chokwadi shiri dzakasikwa dziine uchenjeri hunoshamisa. Asi kana totaura nezvounyanzvi hwokukurukura, vanhu vari pamberi. Pana Jobho 35:11 panoti Mwari akasika vanhu “vakachenjera kupfuura zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga.” Vanhu ndivo chete vanokwanisa kutaura neinzwi ravo kana kuti nemasaini pfungwa dzakadzama, dzisinganzwisiswi nemhuka.
Kusiyana nezvimwe zvisikwa, vana vevanhu vanosikwa vaine mano okudzidza mitauro yakaoma kunzwisisa. Imwe magazini yepaindaneti inonzi American Scientist yakati: “Vana vaduku vanogona kudzidza mutauro kunyange kana vabereki vavo vasingatauri navo, vana vanenge vari matsi vanotokwanisa kuita masaini avo kunyange vakurira mumhuri ine vasiri ma- tsi.”
Kukwanisa kutaura zvatinofunga uye zvatinonzwa kana kuti kutaura nemasaini chipo chinoshamisa chinobva kuna Mwari. Asi chipo chakatokura chakapiwa vanhu ndechokukwanisa kutaura naMwari mumunyengetero. Kutaura zvazviri Jehovha Mwari anotikumbira kuti titaure naye. Shoko rake Bhaibheri rinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.”—VaFiripi 4:6.
Patinoshayiwa kuti tosarudza zvipi, Jehovha anoda kuti tishandise dura rouchenjeri hwaakaita kuti hunyorwe muBhaibheri. Achatibatsirawo kuziva mashandisiro atingaita mazano atinenge tawana imomo. Munyori weBhaibheri Jakobho anoti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.”—Jakobho 1:5.
Unonzwa Sei?
Unonzwa sei kana ukanzwa shiri ichiimba zvinonakidza kana kuti ukanzwa mwana achidzidzira kutaura mashoko ake okutanga? Unoona here uchenjeri hwaMwari muzvinhu zvaakasika?
Afungisisa nezvemasikirwo aakaitwa, munyori wepisarema Dhavhidhi akataura kuna Mwari achiti: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.” (Pisarema 139:14) Paunoongorora uchionga umboo hunoratidza uchenjeri hwaMwari mune zvaakasika, uchawedzera kutenda kuti anokwanisa kukutungamirira zvakanaka.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kugona kukurukura chipo chinobva kuna Mwari
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
© Dayton Wild/Visuals Unlimited