RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 10/8 pp. 20-25
  • Kukurukurirana—Munyika Yakatipota

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukurirana—Munyika Yakatipota
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurukura Nehwema
  • Miti “Inotaura”
  • ‘Tambo yaMorse’ Ine Magetsi
  • Nyanzvi Dzokuimba Dzine Minhenga
  • Kukurukura Pasi Pemvura
  • Vakurukuri Vapasi Vakasiyana Nezvimwe Zvose
  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Uchenjeri hwaMwari Hunoonekwa Mune Zvaakasika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Kukurukurirana—Kunokosha Kuzvinhu Zvipenyu Zvepasi
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 10/8 pp. 20-25

Kukurukurirana—Munyika Yakatipota

“Pasina kukurukurirana, munhu mumwe nomumwe anenge akangoita sechitsuwa chiri kure nezvimwe zvitsuwa.”—The Language of Animals.

MUSANGO rine miti, mubani, kana mubindu rako chaimo, mhuka dzakawanda dzinogona kudaro dziri mushishi kukurukurirana. Bhuku rinonzi The Language of Animals rinoti: “Mhuka dzinoshandisa pfungwa dzose, kufambisa nhengo dzomuviri uye mamiriro; kutumira nokugamuchira zviratidzo zveminhuwi yakaoma kunzwisisa—kana kuti isina kunyanya sezvidembo zvatyisidzirwa;—kuzhwinya, kudzvova, kuimba nokurira; kutumira nokutambira zviratidzo zvemagetsi; kuvheneka nechiedza; kuchinja ruvara rweganda; ‘kutamba;’ uye kunyange kugogodza nokuzunguza padzinofambira.” Asi zviratidzo zvose izvi zvinorevei?

Masayendisiti anowana zvinorehwa nezviratidzo zvemhuka nokunyatsocherechedza. Somuenzaniso, vakacherechedza kuti huku painoona chipuka chepasi chinoidya chakadai sechikovo, huku inochema kwazvo ichiti, kwe-e, kwe-e, kwe-e kunyevera dzimwe huku. Asi ikaona gondo, huku inongorira kamwe kwekanguva. Maririro mamwe nemamwe anoita kuti paitwe chiito zvichienderana nengozi yacho, kuratidza kuti shiri dzinokurukurirana mashoko ane zvaanoreva. Dzimwe shiri dzakacherechedzwawo dzichirira maererano nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

“Imwe nzira huru yokudzidza nayo kukurukurirana kwemhuka,” rinodaro bhuku rinonzi Songs, Roars, and Rituals, “ndeyokutepa maririro anenge akufadza wobva waaridzira mhuka dzacho woona kana dzichiita nenzira yawanga uchitarisira.” Kuedzwa kwakaitwa huku kwakava nemigumisiro yakafanana neyakacherechedzwa pane dzomusango. Nzira yacho inoshanda kunyange kumadandemutande. Kuti vawane chinoita kuti dandemutande gadzi rikwezvwe negono rinorida—iro rinoedza kukwezva gadzi nokutambisa makumbo emberi ane mvere—vatsvakurudzi vakaongorora nokutora vhidhiyo dandemutande gono ndokubvisa mvere dzemakumbo aro nekombiyuta. Pavakaratidza vhidhiyo yachozve kugadzi racho, shungu dzegadzi dzakabva dzangopera pakarepo. Vakadzidzei? Zviri pachena kuti madandemutande echikadzi anokwezvwa neechirume anongotambisa makumbo awo ane mvere!

Kukurukura Nehwema

Mhuka dzakawanda dzinokurukurirana nokubudisa makemikari ane simba anonzi mapheromone, anowanzobva mumasero anokosha, kana muweti kana mutsvina yadzo. Sokuratidza kunoita fenzi nechikwangwani chine zita kana nhamba kuti pamba pomunhu, makemikari epheromones anoratidza nzvimbo dzedzimwe mhuka, kusanganisira imbwa nekatsi. Kunyange zvazvo isingaoneki, nzira iyi inonyatsoshanda yokuisa nayo chiratidzo inogonesa mhuka dzorudzi rumwe kugara dzakataramukana sezvinobvira.

Asi mapheromone anoita zvakawanda kupfuura kungoratidza miganhu. Akangofanana nechikwangwani chemashoko chemakemikari “chinoverengwa” nedzimwe mhuka nechido chikuru. Zviratidzo zvehwema, bhuku rinonzi How Animals Communicate rinoti, “zvichida zvinosanganisira zvimwe zvinhu zvine chokuita nezvemhuka inogara munzvimbo yacho, zvakadai sezera, kuti ihadzi here kana kuti mukono, simba nemamwe mano, [uye] kuti mhuka yacho yagadzirira here kusangana nomukono panguva ino . . . Hwema hwemhuka yacho hunoshanda sepasipoti inoratidza kuzivikanwa kwayo.” Zvinonzwisisika kuti, dzimwe mhuka dzinokoshesa hwema hwadzo—chokwadi chinozivikanwa nevanochengeta mhuka. Vapedza kugeza makeji adzo kana kuti zvirugu, vachengeti vakacherechedza kuti nenguva isipi mhuka dzakawanda dzinoratidza nzvimbo yadzo zvakare. Zvechokwadi, “kusavapo kwehwema hwadzo kunodzishungurudza uye kungaita kuti dzive nounhu husiri hwokuzvarwa nahwo uye kunyange kusabereka,” rinodaro bhuku rataurwa pamusoro apa.

Makemikari epheromones anoitawo basa guru kuzvipembenene. Somuenzaniso, mapheromone okutya, anoita kuti zviungane kana kuti kurwisa. Mapheromone okukokorodza boka anokwezva zvimwe kuti zviuye kuzodya kana kusvika panzvimbo yakakodzera kuvaka musha. Anosanganisira mapheromone okubereka nawo, ayo zvimwe zvisikwa zvinonzwa zvikuru. Mashavishavi echirume ane tunyanga tuviri tunooneka tunoita kunge mashizha matete, ekamuti kanonzi mumvuri webwe. Tunyanga utwu tunonzwa chaizvo zvokuti tunogona kunzwa pheromone rechikadzi chero riri shoma sei! Mamorekuru anenge 200 anokonzera murume kutsvaka mukadzi. Kukurukurirana kwemakemikari, kunyange zvakadaro hakungoitiki kumhuka chete.

Miti “Inotaura”

Waizviziva here kuti miti inogona kukurukurirana uye kunyange nedzimwe mhuka? Magazini yeDiscover inotaura kuti vatsvakurudzi muNetherlands vakacherechedza kuti bhinzi dzinonzi lima, dzikarwiswa nedandemutande, dzinobudisa kemikari rinokwezva zvimwe zvipembenene zvinodya dandemutande racho. Saizvozvowo, chibage, fodya, nedonje, pazvinorwiswa nemakonye, zvinobudisa makemikari anofambiswa nemhepo anokwezva mago—muvengi anouraya makonye. Mumwe mutsvakurudzi akati: “Miti inenge isiri kungotaura kuti, ‘Chokwadi, ndakuvadzwa,’ asi inenge iri kutaurawo ari kuikuvadza wacho. Igadziriro isinganzwisisiki uye inoshamisa.”

Kukurukurirana kwemiti pachayo kunoshamisawo zvekare. Maererano neDiscover, vatsvakurudzi “vakacherechedza miti yemusambangwena, poplar, alder, nemutsatsati ichiteerera yemhando dzayo uye mbesa yegorosi ichiteerera imwe mbesa yegorosi. Muchiitiko chimwe nechimwe, zvirimwa zvinenge zvakuvadzwa, zvichida nokudyiwa nemakonye, kana kukanganiswa nefungus kana chirwere chepowdery mildew, [kana] nemadandemutande, . . . zvinotumira makemikari anoita kuti zvimwe zvirimwa zvepedyo zvisati zvakuvadzwa zvizvidzivirire.” Kunyange miti isina ukama inoshandisawo makemikari okuzvidzivirira.

Paunorwiswa kana kunyeverwa nezvenjodzi, muti unogadzirira kuzvidzivirira. Izvi zvinosanganisira kubudisa chepfu inouraya zvipembenene kana mamwe makemikari anovhiringidza kana kutomisa chinenge chichirwisa kugaya muti wacho mudumbu. Kutsvakurudza kuchaitwa zvinhu izvi zvinonakidza kungangoguma nokuwanikwa kwezvimwe zvinoshamisa kupfuura izvi, zvimwe zvacho zvingatobatsira mukurima.

‘Tambo yaMorse’ Ine Magetsi

“Mwenje yayo inofambiswa nemhepo isingavheneki zvakanyanya, inon’aima mudenga rine nyeredzi, yakavheneka norunako nharaunda yomusha wangu zvinoyevedza,” akanyora kudaro Susan Tweit nyanzvi yezvipenyu munyaya yake yaitaura nezvezvin’ain’ai. Zvipembenene izvi zvemhuri yezvin’ain’ai zvinoshandisa mutauro wezviedza kubvira “pamwenjewo zvawo wokunyevera kusvika pamwenje wakaoma kunzwisisa wokudana nokupindura kwezvinodanana,” anodaro Tweit. Ruvara rwemwenje yazvo yakasiyana-siyana kubva pagirini kusvika kuyero neorenji. Sezvo zvin’ain’ai zvikadzi zvisinganyanyi kubhururuka, kuvheneka kwatinowanzoona ndekwezvirume.—Ona bhokisi rinoti “Chiedza Chinotonhora Chechin’ain’ai.”

Mhando imwe neimwe yezvin’ain’ai 1 900, izvo zvinonziwo zvitaitai, zvine mavhenekero azvowo akasiyana nezvimwe. Zvingasanganisira kupenya katatu, pashure pesekondi imwe kana kudarika, kana kupenya kwakatevedzana kwourefu hwakasiyana-siyana. Pachinenge chichitsvaka mukadzi, chin’ain’ai chirume chinobhururuka chichin’aima zvinoratidza kuti chiri kutsvaka mukadzi. “Mukadzi anocherechedza man’aimiro acho,” inodaro magazini inonzi Audubon, uye “anon’aima nenzira yokuti ‘Ndiri pano’ pamwero unoenderana nemhando yake.” Murume anocherechedza kubvuma kwake kwechinyararire obhururukira kwaari.

Nyanzvi Dzokuimba Dzine Minhenga

“Pakureba, pakusiyana-siyana nokuoma kwacho, hakuna mamwe maririro anoitwa nemhuka chero ipi zvayo anogona kuenzaniswa nokuimba kweshiri,” anodaro David Attenborough mubhuku rake rinonzi The Life of Birds. Kuimba kweshiri hakubvi mugurokuro asi munhengo inonzi syrinx, iri mukatikati mechipfuva cheshiri pedyo neapo paipi yemweya inokamukana isati yapinda mumapapu.

Dzimwe nziyo shiri inongoberekwa ichidzigona uye dzimwe inodzidza kuvabereki. Saka, shiri dzinogona kutanga maimbiro eshiri dzomunharaunda yadzo. The Life of Birds rinoti: “Shiri nhema dziya dzakaendeswa kuAustralia muzana remakore rechi19 kuti dzifadze nzeve dzevagari vomuEurope nemitinhimira yokumusha, iye zvino dzava kurira nendimi chaidzo dzokuAustralia.” Kurira kweshiri hono inonzi lyrebird, uko kunonzi kwakaoma kwazvo uye kunonakidza pamaririro eshiri dzose, kwose kunodzidzwa kubva kune dzimwe shiri. Kutaura zvazviri, lyrebirds dzine chipo kwazvo chokutevedzera zvokuti dzinogona kukopa chero kurira kupi nokupi kwadzinonzwa—kusanganisira kwezviridzwa zvemimhanzi, kuhukura kwembwa, maaramu ematsotsi, mutinhimira unobudiswa nedemo rinenge richitemeswa muti, uye kunyange kurira kwekamera ichifambisa firimu! Chokwadi, kurira kwokutevedzera kwose uku, kunenge kuchiitirwa kuorora imwe shiri ingangodanana nayo.

Zvigogodza, izvo zvinowanzoshandisa miromo yazvo kutsvaka zvokudya, inyanzvi dzokuridza zviridzwa pashiri dziri munyika, zvichikurukura nedzimwe shiri nokugogodza miromo yadzo padanda rine buri kana pabazi romuti. Zvimwe zvingatoshandisa zviridzwa zvitsva zvinonakidza . . . , denga remarata kana paipi yechitofu yesimbi,” anodaro Attenborough. Shiri dzinokurukurawo nemaziso, zvichiteverwa nokurira kana kusarira. Somuenzaniso, dzingapanana zviratidzo nokubhedhenura minhenga yadzo ine mavara akaisvonaka.

Painenge ichiratidza nzvimbo yayo, shiri hono inonzi chihwenga yokuAustralia inoshandisa zvose—kugogodza, kuimba, kufamba zvinobudisa mutinhimira, uye kuratidza neminhenga. Inokwazura kabazi kakakodzera, yokabata nemakumbo ayo, yokaridzira padanda. Panguva iyoyowo, inovhura mapapiro ayo, yoabhedhenura, ichifambisa musoro wayo mberi neshure, uye ichiridza muridzo mutete—chokwadi maitiro anokanga mate mukanwa!

Maririro edzimwe shiri anozivikanwa nedzimwe mhuka. Chimbofunga nezvetsoro kana kuti shezhu, shiri duku, inonyanya kuwanika muAfrica. Tsoro, nemaririro ayo akasiyana nedzimwe, inogona kutungamirira chitsere, mhuka iri muboka rezvidembo, kumuti une mukoko wenyuchi. Shiri yacho painomhara pamuti kana kuti yava pedyo nomuti wacho, ine maririro ainoita akasiyana, chaizvoizvo ichiti, “Uchi hwava pedyo!” Chitsere chinoona muti wacho, chotsemura nenzara muti wacho, uye iyo yodyawo mutakunanzva wouchi.

Kukurukura Pasi Pemvura

Kubvira pakatanga mahydrophone, zvishandiso zvokuteereresa pasi pemvura, vatsvakurudzi vakashamiswa nemitinhimira yakawanda inonzwika munyanza. Ichibvira pane yokudhuruma zvakaderera kusvika kune yokun’eura kunyange kuridza muridzo, mitinhimira iyi yakawanda kwazvo zvokuti vanofamba nengarava dzepasi pemvura vakaishandisa kuvharidzira ruzha rwengarava dzavo. Asi mitinhimira yehove ine zvitaerawo. Mubhuku rake rinonzi Secret Languages of the Sea, nyanzvi yezvipenyu zvomumvura Robert Burgess anoti: “Nepo imwe hove inga‘omba, kubudisa mutinhimira norurimi, uye kuita seinohukura,’ yobva yadzokororazve izvi nomazvo, imwe inga‘shandisa rurimi uye kuvhura nokuvhara miromo,’ yobva yabudisa mutinhimira unobuda se‘pachinhu chiri kuparwa uye usinganakidzi’ kwenguva yakati.”

Zvadzisina nhengo dzinobudisa inzwi, hove dzinobudisa sei mitinhimira? Burgess anoti dzimwe dzinoshandisa tsandanyama dzadzo “dzakabatana nezvihomwe zvinoita kunge mabharumu zvinopinda mweya kuzunguza tsandanyama idzodzo” kusvika dzorira kunge madhiramu. Dzimwe hove dzinogedesagedesa meno adzo kana kuvhura nokuvhara madakashwa adzo pachibuda mutinhimira wakaderera kana unenge kuombera. Uku kungova “kuita ruzha” kusina zvakunoreva here? Zviri pachena kuti kwete. Kungofanana nemhuka dziri munyika, hove dzinoita mitinhimira kuti “dzikwezve dzenhengo dzakasiyana, kuti dzigone kuenda kwadzinenge dzichida, senzira yokuzvidzivirira pavavengi, uye kungokurukurirana uye kutyisidzira,” anodaro Burgess.

Hove dzinonzwawo zvakanaka. Kutaura zvazviri, mhando dzakawanda dzine nzeve dzomukati nendandanda yemasero anonzwa ayo anenge ari mumativi ayo. Masero aya mazhinji, anonzi lateral line, anogona kunzwa masaisai anokonzerwa nomutinhimira sezvainenge ichifamba nomumvura.

Vakurukuri Vapasi Vakasiyana Nezvimwe Zvose

“Patinodzidza mutauro wevanhu,” akanyora kudaro purofesa wemitauro Noam Chomsky, “tiri kusvika paizvo vamwe vangadana kuti ‘zvinoratidza kuti ava vanhu,’ zvinhu zviri mupfungwa zvinotisiyanisa nezvimwe, sokuziva kwatinoita kusvika pari zvino, zvinokosha kuvanhu.” Barbara Lust, purofesa wemitauro nezvevanhu, akati: “Vana vaduku zvikuru vemakore matatu vanenge vatova nezivo inoshamisa yemaumbirwo omutauro uye maumbirwe emitsetse yemashoko iyo yakaoma kwazvo uye zvokuti zvinofanira kunge zvakaomera chidzidzo chipi nechipi kutsanangura maitikiro azvo.”

Zvisinei, Bhaibheri, haripi tsananguro yakazara nezvechishamiso chokugona kutaura kwevanhu. Rinoti ichi chipo chakabva kuMusiki, Jehovha Mwari, uyo akaita munhu “nomufananidzo” wake. (Genesi 1:27) Asi unhu hwaMwari hunoratidzwa sei muunyanzvi hwedu hwokutaura?

Somuenzaniso, chimbofunga nezvokupa mazita. Purofesa wezvokukurukurirana Frank Dance akanyora kuti vanhu “ndivo chete zvisikwa zvinogona kupa mazita.” Kuti ichi chinhu chakabva kuna Mwari zvinoratidzwa muMagwaro. Pakutangatanga chaipo penhoroondo yokusika, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akatumidza “chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Usiku.” (Genesi 1:5) Maererano naIsaya 40:26, zviri pachena kuti Mwari akatumidza zita nyeredzi imwe neimwe—unyanzvi hunoshamisa!

Pashure pokunge Mwari asika Adhamu, basa rokutanga raakamupa raiva rokupa mhuka mazita. Basa iroro rinofanira kunge raiita kuti pfungwa dzaAdhamu dzokucherechedza nokufunga dzishande chaizvo! Gare gare, Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha. Iyewo akatumidza dangwe ravo zita rokuti Kaini. (Genesi 2:19, 20; 3:20; 4:1) Kubvira ipapo, vanhu havana kurega kupa mazita chinhu chose—zvose zvichiitirwa kukurukurirana. Chokwadi, funga kuti zvaizooma sei kuti pave nokukurukurirana kune uchenjeri dai pasina mazita.

Pane kungokwanisa uye kuva nechido chokupa mazita zvinhu, vanhu vane unyanzvi hwakawanda hwokukurukura, hahusi hwose hwemashoko. Zvechokwadi, hapana chatinotadza kutaurirana, kubvira pazvinhu zvakaoma kusvika kumanzwiro omukatikati. Asi, kune nzira imwe yokukurukura inodarika dzose pane idzi, sezvatichaona iye zvino.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

CHIEDZA CHINOTONHORA CHECHIN’AIN’AI

Simba regirobhu rakavheneka rinodarika 90 muzana rinoperera mukupisa. Chiedza chechin’ain’ai, icho chinokonzerwa nokusangana kwemakemikari kwakaoma kunzwisisa, chinoshanda zvakanaka 90 kusvika ku98 muzana, chisina simba rachinopedzera kukupisa. Saka, chakakodzera kunzi chiedza chinotonhora. Kusangana kwemakemikari anokonzera chiedza kunoitika mumasero anokosha anonzi maphotocytes. Tsinga dzinobatidza nokudzima maphotocytes.

[Kwazvakatorwa]

John M. Burnley/Bruce Coleman Inc.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Mazano Anobatsira Kuti Unatsiridze Unyanzvi Hwako Hwokukurukura

1. Teerera nechido vamwe pavanenge vachitaura, uye usava iwe chete unonyanya kutaura. Vanhu vangasaita basa nokukanganisa kududza izwi sezvazviri kana girama, asi havafariri munhu anoda kutaura asi asingateereri. ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura,’ rinodaro Bhaibheri.—Jakobho 1:19.

2. Farira upenyu nezvinhu zvakakupoteredza. Verenga zvakawanda asi nokungwarira. Paunenge uchikurukura zvaunenge wadzidza, dzikamisa kurukurirano yako nokuzvininipisa uye nokuva nomwero.—Pisarema 5:5; Zvirevo 11:2.

3. Wedzera dura rako remashoko—asi nemashoko anoshandisika, kwete nemashoko okuda kuorora anoita kuti vanhu vafunge nezvomutauri wacho. Vanhu vakati nezvaJesu: “Hapana mumwe munhu akambotaura zvakafanana neizvi.” (Johani 7:46) Asi, kunyange “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” havana kuomerwa nokunzwisisa mashoko aJesu.—Mabasa 4:13.

4. Taura zvakajeka, uye dudza mashoko zvakarurama. Asi usanzwika souri kutaura nenzira isiri yomuzvarirwo kana yokuorora vamwe. Patinotaura nokutsetsenura uye tisingashandisi mashoko asina kujeka kana kusapedzeredza mashoko, tinoita kuti kutaura kwedu kuremekedzwe uye kuratidza mutsa kuvateereri vedu.—1 VaKorinde 14:7-9.

5. Ziva kuti unyanzvi hwako hwokutaura chipo chinobva kuna Mwari. Izvi zvichakukurudzira kushandisa unyanzvi ihwohwu noruremekedzo rwakafanira.—Jakobho 1:17.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mashavishavi ane tunyanga tunonzwa chaizvo

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Phil Pellitteri

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Chigogodza

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kateredemu

[Kwazvakatorwa]

© Michael S. Yamashita/CORBIS

[Mufananidzo uri papeji 23]

Chihwenga

[Kwazvakatorwa]

Roland Seitre

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe