RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 5/1 p. 3
  • Kutenda Waona saTomasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Waona saTomasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidzwa Kwounhu hwaMwari
  • Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • ‘Anonyatsooneka Zvaari Pazvinhu Zvakasikwa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kutenda
    Mukai!—2016
  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 5/1 p. 3

Kutenda Waona saTomasi

“Munhu anodavira kuti Mwari haagoni kuzivikanwa anofunga kuti hazviiti kuziva chokwadi panyaya dzakadai saMwari uye upenyu hwamangwana, sezvinodavirwa nechitendero chechiKristu nezvimwe zvitendero. Kana kuti kana achizozivikanwa, iye zvino haasati ava kuzivikanwa.”—MUZIVI BERTRAND RUSSELL, 1953.

MUNHU ainzi Thomas Huxley, aiva musayendisiti wemhuka, ndiye akatanga nedzidziso yokuti “Mwari haagoni kuzivikanwa.” Huxley akaberekwa muna 1825, akararama panguva imwe chete naCharles Darwin uye aiva mutsigiri mukuru wedzidziso yokushanduka-shanduka. Muna 1863, Huxley akanyora kuti akanga asiri kuona umboo hwokuti kuna Mwari “anotida uye ane hanya nesu sezvinotaurwa nevaKristu.”

Vakawanda vari kubvumirana nepfungwa dzevarume ivavo vane mukurumbira, vachiti vanongotenda chete zvinhu zvavanenge vaona. Vanoti kutenda mune chimwe chinhu kana kuti mune mumwe munhu pasina umboo kupusa.

Bhaibheri rinoti tingotenda muna Mwari tisina umboo here? Kana. Rinoratidza kuti kutenda mune zvinotaurwa nevanhu zvisina umboo kugarira pfungwa kana kuti kupusa. Rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.

Saka zvakadini nokutenda muna Mwari? Pane umboo here hunoratidza kuti Mwari ariko, ndoda hunoratidza kuti anotida uye ane hanya nesu?

Kuratidzwa Kwounhu hwaMwari

Munyori weBhaibheri Pauro paaitaura navanamuzvinadzidzo vokuAtene, akati Mwari “akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi.” Pauro akaudza vateereri vaisava nechokwadi ava kuti Mwari anofarira vanhu uye akatoti ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’—Mabasa 17:24-27.

Nei Pauro aiva nechokwadi chokuti Mwari ariko uye anofarira vanhu vake vaakasika? Pauro akataura chimwe chikonzero chacho paainyorera vaKristu vaainamata navo vaiva muguta reRoma. Akati nezvaMwari: “Zvaari zvisingaoneki . . . zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”—VaRoma 1:20.

Nyaya dzinotevera dzinotaura nezvounhu hutatu hwaMwari hunonyatsoonekwa pane zvaakasika. Paunoongorora mienzaniso iyi, zvibvunze kuti, ‘Kudzidza nezvounhu hwaMwari uhwu kunondibatsira sei?’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Bhaibheri hariti tingotenda muna Mwari tisina umboo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe