Simba raMwari Rinoonekwa Munyeredzi
“Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.”—ISAYA 40:26.
ZUVA redu inyeredzi yakangokura zviri pakati nepakati. Kunyange zvakadaro rakakura kupfuura pasi redu zvinopetwa ka330 000. Nyeredzi dzakawanda dziri pedyo nepasi redu iduku pane zuva. Kunyange zvakadaro dzimwe nyeredzi dzakadai seinonzi V382 Cygni, dzakakura zvinopetwa ka27 kupfuura zuva.
Zuva rinopisa zvakadini? Fungidzira kuti moto ungave uchipisa zvakadini kana uchinzwa kupisa kwawo iwe uri kure nawo nemakiromita 15. Zuva riri kure nepasi redu nemakiromita anenge mamiriyoni 150. Asi musi warinenge richibanda, ganda redu rinogona kutsva zvokutoita matuzu! Zvinoshamisa ndezvokuti chikamu chiduku-duku chokupisa kwezuva ndicho chinosvika panyika. Kunyange zvakadaro, chinokwana kuita kuti zvinhu zvipenyu zviri panyika zvirambe zvichirarama.
Kutaura chokwadi, vasayendisiti vakatsvaka kuti zuva rinobudisa simba rakawanda zvakadini, ndokuwana kuti simba racho rinogona kuraramisa mapuraneti akaita seyedu anenge zviuru 31 zvemabhiriyoni. Rimwe sangano rinoona nezvezvinoitika mudenga rinonzi Weather Prediction Center (SWPC) riri paindaneti rinoti, kuti tione kuti simba iri rakawanda sei: Ngatitii simba rose rezuva raizoshandiswa pasekondi imwe chete, nyika yeUnited States yaizowana “magetsi akaenzana neairi kushandisa iko zvino kwemakore 9 000 000 anotevera.”
Simba rezuva rinobva pamwoyo paro, pane simba renyukireya rinorovanisa maatomu zvobva zvabudisa moto muzhinji. Zuva rakakura zvikuru uye pamwoyo paro pane maatomu akawandisa zvokuti simba rinenge ragadzirwa ipapo rinotora mamiriyoni emakore kuti rizobuda kunze. Sangano riya rinonzi SWPC rinoti: “Kudai Zuva raizorega kupisa nhasi, zvaizotora makore 50 000 000 kuti zvizooneka pasi pano!”
Chimbofunga nezveizvi: Paunotarisa mudenga usiku kusina makore, unenge uchiona zviuru zvenyeredzi, imwe neimwe ichibudisa simba rakawanda zvikuru sezvinongoitwa nezuva. Vasayendisiti vanoti denga rine mabhiriyoni nemabhiriyoni enyeredzi!
Nyeredzi dzose idzi dzakabva kupi? Iye zvino vanotsvakurudza vakawanda vanodavira kuti zvinhu zvose zvakangoerekana zvavapo anenge mamiriyoni 14 emakore akapfuura, asi havasati vava kunzwisisa kuti nei zvakadaro. Bhaibheri rinongoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Hapana mubvunzo kuti munhu akasika michina mikuru iyi ine simba yatinoti nyeredzi anogona kunzi ‘ane simba guru.’—Isaya 40:26.
Mashandisiro Anoita Mwari Simba Rake
Jehovha Mwari anoshandisa simba rake kutsigira vaya vanoita zvaanoda. Somuenzaniso, muapostora Pauro akashandisa simba rake kudzidzisa vamwe nezvaMwari. Pauro aingovawo munhu wenyama, asi akakwanisa kuita zvakawanda zvakanaka pasinei nokupikiswa zvikuru. Sei? Akabvuma kuti aipiwa naMwari “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinde 4:7-9.
Jehovha Mwari akashandisawo simba rake kuparadza vaya vanorega nemaune kutevedzera tsika dzaanoda. Jesu Kristu akataura nezvokuparadzwa kweSodhoma neGomora uye nezveMafashamo omuzuva raNoa semienzaniso inoratidza mashandisiro anoita Jehovha simba rake kuparadza vakaipa chete. Jesu akaprofita kuti pasina nguva Jehovha achashandisazve simba rake kuparadza vaya vanopira makotsi kumitemo yake.—Mateu 24:3, 37-39; Ruka 17:26-30.
Unonzwa Sei?
Wafungisisa nezvesimba raMwari rinoonekwa munyeredzi, unogona kunzwa sezvakaita Mambo Dhavhidhi, uyo akati: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga, nomwanakomana womunhu wepanyika zvamunomutarisira?”—Pisarema 8:3, 4.
Chokwadi kana tikazvienzanisa nemakuriro akaita zvinhu zvakasikwa, tinonzwa kuti tiri zvisikwa zviduku chaizvo. Asi hatifaniri kuita kuti simba raMwari riite kuti tinzwe tisingakoshi. Jehovha akafuridzira muprofita Isaya kunyora mashoko aya anonyaradza okuti: “[Mwari] anopa munhu akaneta simba; uye anowedzera simba kune uya asina simba guru. Vakomana vachaneta uye vachapera simba, chokwadi majaya achagumburwa, asi vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba. Vachabhururukira kumusoro nemapapiro sezvinoita makondo. Vachamhanya vasingaperi simba; vachafamba vasinganeti.”—Isaya 40:29-31.
Kana uchida kuita zvinoda Mwari, unogona kuva nechokwadi chokuti achakupa mudzimu wake mutsvene kuti ukubatsire kuramba uchizviita. Asi unofanira kuukumbira. (Ruka 11:13) Kana Mwari achikutsigira, unogona kutsungirira miedzo wowana simba rokuita zvakanaka.—VaFiripi 4:13.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Kana Mwari achikutsigira, unogona kuwana simba rokuita zvakanaka
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kutenderera kubva kuruboshwe pamusoro: gwara rinonzi Whirlpool, boka renyeredzi rinonzi Pleiades, Orion Nebula, gwara rinonzi Andromeda
[Mifananidzo iri papeji 7]
Zuva rakakura kupfuura pasi redu zvinopetwa ka330 000
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]
Pleiades: NASA, ESA uye AURA/Caltech; zvimwe zvose zviri pamusoro: National Optical Astronomy Observatories