RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/15 pp. 28-30
  • Ticharamba Tichida Mauto Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ticharamba Tichida Mauto Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chishuvo che“Mupurisa” Wenyika Yose
  • “Jehovha Wehondo”
  • Mauto aMwari Anotanga Kurwa
  • Fungidzira Nyika Isina Hondo
  • “Hondo Yezuva Guru RaMwari Wamasimba Ose” Yava Pedyo
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Kupedza Nhau Yechisiko Chapose Pose Nokusingagumi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Idai Zvokwadi Norugare”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/15 pp. 28-30

Ticharamba Tichida Mauto Here?

MAUTO akapedza rutivi rukuru rwepfuma yevanhu uye akaparadza mufaro mukuru wavanhu. Nokudaro vamwe vanhu vakashamisika kuti, ‘Rudzi rwomunhu rwunombogona kuwana rudzi rwechengeteko yenyika inobvumira kubviswa kwemauto here?’ Zvino sezvo zvombo zvinoparadza zvikuru zvakaita kuti kuparadzwa kwoupenyu hwose kubvire, mubvunzo wacho unova wekurumidziro. Ndezvechokwadi sei kukarira nyika isina mauto?

Zvakaitika zvinoverengeka zvemunguva yakapfuura zvinoratidza kuti apo ukama hwemarudzi akawanda hunopa chivimbo, hungatungamirira kukuparadzwa kwezvimwe zvombo. Ushamwari hukuru pakati peCanada neUnited States, somuenzaniso, hwakareva kuti muganhu wadzo wemakiromita 5 000 wave usina kudzivirirwa nemauto kwemakore anopfuura zana rimwe nehafu. Norway neSweden zvakaita chibvumirano chakafanana, sezvakaita mamwe marudzi akawanda. Kubvumirana pakati pemarudzi ose kungagona kuita kuti pave nenyika isina mauto here? Nezvinotyisa zveHondo Yenyika I, pfungwa yacho yakakurumbira zvayakanga isina kumboita.

Pakaitwa rugare muna 1918, chimwe chezvinangwa zvechibvumirano cherugare cheVersailles chakanga chiri choku“ita kuti zvibvire kutanga kudzorwa kwezvombo zvemarudzi ose.” Mumakore akatevera, kuramba kushandisa hondo kwakakurumbira. Vamwe vevairamba kushandisa zvombo vakataura kuti hondo ndicho chinhu chakaipisisa zvikuru chinogona kuwira rudzi uye naizvozvo chakaipa kupfuura kukundwa. Vaishora kuramba kushandisa zvombo havana kubvumirana nazvo, vachitaura kuti mumazana emakore apfuura, vaJudha vaiva munzvimbo huru vaisadzivisa zvikuru vaivarwisa, asi kuedza kwoutsinye kwokuvaparadza kwakapfuurira. Vagari veAfrica vakanga vane mukana muduku wokudzivisa avo vakavaendesa sevaranda kuNyika dzeAmerica, asi vakabatwa noutsinye kwemazana emakore.

Zvisinei, nokutanga kweHondo Yenyika II, vakawanda vairamba kushandisa hondo vakagumisa kuti nyika dzinoda kudzivirirwa. Naizvozvo apo Mubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose wakatangwa pashure peHondo Yenyika II, chainyanyosimbiswa chakanga chisiri kuderedza zvombo asi kubatira pamwe kwemarudzi akawanda mukudzivisa kumukira. Mitezo yaikarira kuti chengeteko yaizogoverwa saizvozvo yaizopa marudzi chivimbo chokuderedza zvombo.

Chimwe chinetso chakajeka zvakawedzera zvikuru. Kakawanda nhamburiko dzenyika dzokuzviita yakachengeteka dzaiita kuti vavakidzani vayo vanzwe vasina kuchengeteka. Uku kudzokororwa kwezviitiko zvakaipa kwakatungamirira kumakwikwi okuunganidza zvombo. Asi nguva pfupi yapfuura zvikuru, ukama hwakavandudzika pakati pemarudzi makuru hwakasimbisa tariro yokuderedza zvombo. Zvisinei, kubva ipapo, Hondo yeGulf uye zvinetso muyaichimbova Yugoslavia zvakaputsa tariro dzevakawanda dzokuderedza zvombo. Anenge makore mashanu apfuura, magazini inonzi Time yakatsinhira kuti: “Kunyange hondo yamashoko yakapera, nyika yava nzvimbo ine ngozi zvikuru, panzvimbo pokuva iri nani.”

Chishuvo che“Mupurisa” Wenyika Yose

Vacherekedzi vakawanda vanogumisa kuti rudzi rwomunhu runoda chiremera chimwe chenyika chine uto rakasimba zvakakwana kudzivirira munhu wose. Sezvo sangano reMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose kana kuti nyika dzine simba guru mune zvemauto dzisingakwanisi kuita izvi, vamwe vanofunga kuti pane tariro duku nokuda kwenguva yemberi. Asi kana uchigamuchira Bhaibheri seShoko raMwari, ungave wakashamisika kana Mwari Wamasimba Ose achagutsa chinodikanwa ichi chokukurumidzira.

Uyo anodanwa neBhaibheri kuti “Mwari worudo norugare” angashandisa simba remauto kuti asimbise ruramisiro iitwe kuti here? Kana zvakadaro, iuto ripi? Akawanda emauto anhasi anotaura kuti anotsigirwa naMwari, asi chaizvoizvo ari kuita kuda kwaMwari here? Kana kuti Mwari ane imwe nzira here yokupindira ndokugovera rugare nechengeteko?—2 VaKorinte 13:11.

Mwari Wamasimba Ose akabata nekupandukira kwokutanga kupfurikidza nokudzinga Adhama naEvha muEdheni ndokuisa makerubhi kuvadzivisa kuti vasadzoka. Akazivisawo chinangwa chake chokuparadza kupandukira kwose kunorwisana nouchangamire hwake. (Genesi 3:15) Izvozvo zvingabatanidza kushandisa mauto kwaMwari here?

Bhaibheri rinotaura nezvenhambo apo Mwari akashandisa mauto kuti aite marutongeso ake. Somuenzaniso, umambo hwomuKanani dzaiita zvokuvatana nemhuka, kubayira vana, uye hondo dzoutsinye. Mwari akarayira kuparadzwa kwavo kwakakwana uye akarayira uto raJoshua kuita rutongeso rwacho. (Dheuteronomio 7:1, 2) Nenzira yakafanana, uto raMambo Dhavhidhi rakaita rutongeso rwaMwari mukurwisana nevaFiristia somuenzaniso wokuti Mwari achaparadza sei uipi hwose mukutonga kwake kwezuva rokupedzisira.

Zviitiko izvozvo zvaidzidzisa. Jehovha akaratidzira kuti anogona kushandisa uto kuti achengetedze vanhu. Zvirokwazvo, Jehovha ane uto rechienzi richabata nekupandukira kwemunyika yose kunorwisana nokutonga kwake.

“Jehovha Wehondo”

Bhaibheri rinoshandisa kutaura kwokuti “Jehovha wehondo” kanopfuura 250. Kutaura kwacho zvikurukuru kunoreva nezvenzvimbo yaMwari semutungamiriri wemauto makuru engirozi. Pane imwe nhambo muporofita Mikaya akaudza Madzimambo Jehoshafati naAhabhi kuti: “Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.” (1 Madzimambo 22:19) Pano pari kutaura nezvemauto engirozi. Jehovha akashandisa mauto aya kuti adzivirire vanhu vake. Pakakombwa guta reDhotani, mubatiri waErisha akashaya tariro. Zvisinei, kuti amukurudzire, Mwari akamuratidza chiono chinoshamisa cheuto rake rezvisikwa zvomudzimu. “Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.”—2 Madzimambo 6:15-17.

Zviitiko zvakadaro zvinoreva here kuti Mwari anotsigira mauto nhasi? Mamwe mauto echiKristudhomu angataura kuva mauto aMwari. Akawanda akakumbira kuti vafundisi vaakomborere. Asi mauto echiKristudhomu anowanzorwisana, nevatendi biyavo. Hondo mbiri dzenyika dzezana rino remakore dzakatanga pakati pemauto aitaura kuva echiKristu. Iri harigoni kuva basa raMwari. (1 Johane 4:20) Nepo mauto akadaro angataura kuti anorwira rugare, Jesu akarayira vateveri vake kuronga mauto akadaro okuedza kudzivisa kukanganiswa kwerugare munyika here?

Kukanganiswa kwakakomba kwerugare kwakaitika apo mhomho ine zvombo yakabata Jesu mubindu maakanga ave achinyengetera nevadzidzi vake. Mumwe wevadzidzi akacheka mumwe murume aiva mumhomho yacho nemunondo. Jesu akashandisa nhambo yacho kuti atsanangure nheyo inokosha. Akati: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri?” Jesu akanga ane uto guru raanorayira, asi Petro akanga asina kunyorwa semurwi mariri, kana kuti zvimwe mumwe munhu upi noupi. Panzvimbo pezvo, Petro nevamwe vateveri vose vaJesu vakanga vadanwa kuti vave “vabati vavanhu.” (Mateo 4:19; 26:47-53) Maawa mashomanene gare gare, Jesu akajekesa mamiriro ezvinhu kuna Pirato. Akati: “Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahuzi hwapano.” (Johane 18:36) Kusafanana noumambo hwaDhavhidhi hwakatangwa pasi pano, Umambo uhwo Mwari akapa kuna Jesu huri mudenga uye huchaunza rugare pasi pano.

Mauto aMwari Anotanga Kurwa

Mauto aMwari achaita chiito nokukurumidza. Mukurondedzera kurwa kukuru kuri mberi, bhuku raZvakazarurwa rinodana Jesu kuti “Shoko raMwari.” Tinorava kuti: “Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhiza machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usine tsvina. Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo.” Bhaibheri rinotaura kuti kurwa uku kuchaguma nokuguma kwe“madzimambo enyika nehondo dzavo.” Nezvavamwe vanokundikana kuratidzira ruvimbiko rwavo kuna Mwari, uporofita hwacho hunowedzera kuti: “Vakasara vakaurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhiza.” Kunyange Satani Dhiyabhorosi achabviswa. Zvirokwazvo izvi zvichabvumira rugare rwenyika pasina mauto.—Zvakazarurwa 19:11-21; 20:1-3.

Fungidzira Nyika Isina Hondo

Unogona kufungidzira nyika yakachengeteka kwazvo zvokuti mauto haadikanwi here? Pisarema reBhaibheri rinoti: “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.”—Pisarema 46:8, 9.

Iyi ichava zorodzo yakadini! Fungidzira kubvira kwenzanga yevanhu yasunungurwa pakupedzisira pakubhadhara kunokuvadza nokuda kwemauto nezvombo zvawo! Vanhu vachakwanisa kushandisira masimba avo pakuvandudza magariro emunhu wose, pakuchenesa pasi nokurisimazve. Pachava nemikana mitsva yokutanga zvinhu zvichabetsera rudzi rwomunhu rwechokwadi.

Chipikirwa ichi chichazadzikwa munyika yose: “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganhu yako.” (Isaya 60:18) Mamiriyoni evapoteri vasina tariro haasati achizombotiza kubva munzvimbo dzine hondo, amanikidzwa kusiya misha yawo nezvinhu kuti agare mumisasa ine urombo. Vanhu havasati vachizombochema vadiwa vavo vanourawa kana kuti vanoremadzwa mukurwisana pakati pamarudzi. Mambo waJehovha wokudenga achavamba rugare rwechigarire rwenyika. “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:7, 14.

Huchatofadza zvikuru huchava upenyu pakati pevanhu vakadzidza kwete kuvenga asi kutevedzera nzira dzaMwari dzorudo. Shoko raMwari rinofanotaura kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Zvichava zvakaita sei kugara pakati pevanhu vanoziva uye vanoda Jehovha? Bhuku rimwe chetero rinoporofita kuti: “Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara pahugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.”—Isaya 11:9; 32:17, 18.

Vanhu vane kutenda kwakavakirwa pazivo yeBhaibheri vanonzwisisa kuti mauto aMwari akagadzirira kubvisa papasi vose vanovenga rugare. Zivo iyi inovapa chivimbo chokuita izvo Bhaibheri rinoti zvinofanira kuitika “pamazuva okupedzisira.” Ndiko kuti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:2-4.

Vanhu vanobva mumarudzi akawanda vakava Zvapupu zvaJehovha vanorega ‘kudzidza hondo.’ Vakaisa chivimbo chavo mudziviriro yemauto aMwari okudenga. Kupfurikidza nokudzidza Bhaibheri nazvo, iwewo unogona kuva nechivimbo chakafanana.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

U.S. National Archives photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe