Kubva Mudzimba Refu Dzomumaguta Kusvika Kumapani Emurenje—Endai Kuvanhu
HAKUNA mvura kana sinou kana chimvuramabwe kana mapere kana shumba kana vanhu vakakasharara vakagona kuderedza kutsunga kwavo. Nokukurumidza kunoshamisa, vakamhanya makiromita 3 000 emapani makuru, vachiyambuka nzizi dzine mafungu, mipata yakadzika kuti vaendese matsamba okukurumidzira kuWest Coast. Vaiva vanaani ivavo?
Vakanga vari vatasvi vaduku vakashinga vepony express.a Chii chakanyandura kutsunga kwakadaro muvarume vaduku ava? Zvimwe yaiva denho yacho, kuita zvinhu zvitsva, uye kugutsikana nokusvitsa matsamba. Nenzira inofadza, mutasvi mumwe nomumwe aitakura Bhaibheri muchisharo chake pamwe nematsamba aida kukurumidzira.
Rinopfuura zana remakore gare gare, kutsunga kukuru zvikuru, mbavarira, uye kuzvipira zvinoratidzwa nevazivisi voUmambo vakazvipira vanopfuura 113 000 muCanada yose. Chii chinovasunda? Kuda Jehovha uye muvakidzani kunovasunda kupa chokwadi choUmambo kupfurikidza nemabhuku akadhindwa uye neshoko romuromo. Ichi chokwadi chinopa upenyu ndechekukurumidzira zvikuru kupfuura tsamba dzipi nedzipi dzakaendeswa nepony express. Hungu, ishoko roUmambo rinokosha reBhaibheri Dzvene, bhuku chairo raiwanwa muzvisharo zvevatasvi vepony express.—Zvirevo 2:21, 22; Isaya 2:2-4; 61:2; Mateo 22:37-39; 24:14.
Zvinosundwa Nokuda Jehovha Nevanhu
Zvapupu zvaJehovha zvinoda kutaura nevanhu pamusoro poUmambo. Uchazviwana zvichiita saizvozvo mumafurati marefu, munzanga dzemapani dziri dzoga, munomira vanhu panhandare dzendege, mumigwagwa uye dzimwe nzvimbo dzavose, uye parunhare. Nei munzvimbo dzakasiyana-siyana dzakadaro?
Mararamiro anochinja anoparirwa nemamiriro ezvinhu ezvemari uye okugara anopa denho huru yokuwana vanhu vari pamusha. Muzviitiko zvakawanda, vose vari vaviri murume nomukadzi vanoshanda kuti vatarisire zvinodikanwa zvokunyama zvinokosha zvemhuri, kakawanda vachiregeredza zvinodikanwa zvemudzimu. Pakati pedzvinyiriro nefunganyo dzakadaro, vanoda zvikuru shoko rinofadza retariro. Zvapupu zvaJehovha zvinodavidza nomufaro. Zvichishandisa kungwarira nomutsa, zvinomutsa mikana yokuendesa mashoko akanaka kuvanhu vamarudzi ose nomutoo unofadza, unonyandura kufunga.—1 Timotio 2:3, 4.
Mumimwe Mitauro: Jesu paakarayira vateveri vake ku‘enda uye kunoita vadzidzi,’ akabvumira mukana wokutanga uye kutsunga mukuendesa shoko retariro kuvanhu vemitauro yose. (Mateo 28:19) Semunyika dzakawanda, Canada yazova nzanga yakaumbwa netsika dzakawanda uye mitauro, uye vazivisi voUmambo vakawanda vakachinja kupfurikidza nokudzidza mitauro mitsva.
Somuenzaniso, vamwe varoorani vaviri, vari vashumiri venguva yakazara muEdmonton, Alberta, vakaona kudikanwa muguta ravo kwekusvika vanhu vaitaura chiMandarin Chinese. Kutanga, zvisinei, varoorani vacho vaifanira kudzidza mutauro wacho, naizvozvo vakakurukura nemudzidzi wepayunivhesiti aitaura chiMandarin. Akabvuma kuvadzidzisa mutauro wacho uye panguva imwe cheteyo achidzidza zvokwadi dzeBhaibheri kwavari. Chiitiko chinofadza sei! Mumwedzi 24 ava vazivisi voUmambo vaviri vakazvipira vakanga vakwaniriswa kudzidzisa muchiMandarin. Panguva imwe cheteyo, mudzidzisi wavo aivadzidzisa akakwanirisa nokuda kworubhabhatidzo rwechiKristu.
Zviitiko zvakafanana zviri kufarikanywa mumamwe maguta sezvo vazivisi voUmambo, vachisundwa norudo, vanodzidza mitauro yakadai sechiPolish, chiRussia, uye chiVietnamese.
Mumigwagwa: Kufanana nevatasvi vepony express vezana remakore rapfuura, vaitasva vari voga, vamwe vazivisi voUmambo vari muBritish Columbia vanotasva vari voga. Nguva yavo yakawanda inopedzerwa mubasa ravo rokunyika rokutyaira marori ane simba anotakura matanda mumasango achienda kunotemwa miti. Izvi zvinoda kuonana nguva dzose nevamwe vatyairi vemarori neredhiyo yeCB (citizen band), kukurukura pamusoro pekufamba kwemotokari uye ngozi dzemumigwagwa.
Nokungwarira, ava vazivisi voUmambo vanoshandisa redhiyo dzavo dzeCB nenzira yechienzi. Vanotanga kurukurirano muCB kupfurikidza nokurondedzera zviitiko zvazvino uno. Ipapo nounyanzvi vanonongedzera kuBhaibheri. Muchimwe chiitiko mumwe mutyairi akadavidza kuzvinotaura Bhaibheri pamusoro petariro yavakafa. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Rufu rwomumwe wake mutyairi mutsaona yemumugwagwa rwakamuvhiringidza zvikuru. Nokuonga akabvuma fundo yeBhaibheri uye zvino anogona kunzwiwa achizivisa mashoko akanaka kuvaanoshanda navo neshamwari. Uyezve, zvinomufadza, fundo yeBhaibheri yakatangwa nechirikadzi yeshamwari yake yakafa. Mubayiro wakadini wokutanga kupa shoko rinopa upenyu rechokwadi nenzira iyi isiri yenguva dzose!
Nendege: Pakupa shoko rinokosha rechokwadi, vazivisi voUmambo vanoshingaira vanoenda kune vanhu, ‘vachipinda mumisha’ kupfurikidza nendege duku. (Mateo 10:11, 12) Nguva pfupi yapfuura, mapoka maviri anoshandisa ndege, achisundwa nokushingaira kwekuzivisa mashoko akanaka uye pandyiko yavo pachavo, akabhururuka vachienda kuvanhu vakapararira mubani guru rerenje. Boka rimwe nerimwe rakafamba nendege kwemakiromita 3 000 uye vakamhara munzanga 14 dzakasiyana-siyana, vachisvika pedyo neArctic Circle nemakiromita 250. Ava vazivisi voUmambo vasinganeti vakapfuurira kwemazuva manomwe akazara vachisvika vanhu vakaparadzaniswa nemadaro makuru.
Uye zvakanga zvakafanira here? Ingofunga nezvezvinhu zvakanaka zvakaitwa neshoko reBhaibheri munzanga idzi. Vashumiri vaishanyira vakabetsera kupedza chinodikanwa chomudzimu chinokosha pavakatsanangura chinangwa chaMwari cheparadhiso yapasi munguva yemberi iri pedyo. (Mateo 5:3) Nguva refu pashure pokunge vakauya neshoko vaenda, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari munzanga dzacho vaizokwanisa kurava maBhaibheri 542 uye yamuro dzefundo dzeBhaibheri uye magazini 3 000 zvakasiyiwa mumaoko avo.—Enzanisa naMabasa 12:24.
Norunhare: Zviuru zvevanogara mumaguta zvinogara mumafurati marefu ane gadziriro dzokuchengetedza dzazvino uno. Kunyange zvakadaro, vazivisi voUmambo vakazvipira vanopfuurira nokushingaira uye nokungwarira. Vanokwanisa sei kuenda kune vanhu ava? Nepo kukurukura chiso nechiso kuchidikanwa, kakawanda runhare rwepamusuo pefurati runoshandiswa nokubudirira. Izvi pazvinenge zvisingabviri, vanoshandisa bhuku rine nhamba dzenhare, vachirova runhare.
Mamwe mangwanani mumwe mukadzi akura akadavira runhare rwake. Pashure pokukwazisa kupfupi, kwoushamwari, akabvunzwa kana achifunga kuti kwaizova nenguva apo vanhu vaizokwanisa kufamba vakakotsekana mumigwagwa usiku. Magwaro akaraviwa kuti amuvimbise kuti rugare ruchava rwakawanda munguva yemberi. (Pisarema 37:10, 11; Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10) Akabvuma kurukurirano yeparunhare vhiki yaitevera panguva imwe cheteyo kuti vakurukure kuti nei tichigona kudavira zvipikirwa zvaMwari. Pashure pemwedzi wekufunda Bhaibheri kupfurikidza nerunhare, kurava ndima yefundo muyamuro yeBhaibheri uye achibvunza mibvunzo yakafanira, muzivisi woUmambo wacho akaongwa nomukadzi wacho nokuda kwekuuya nemharidzo dzakawanda kwazvo vhiki rimwe nerimwe. Yakanga yava nguva yokutsanangura bhuku rokufunda uye kumugovera kopi yemunhu oga. Ipapo gadziriro dzakaitwa dzokuti vaviri vacho vaonane. Zvirokwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza kuda kwazvo vanhu, uye vanhu vari kuteerera, vachibvuma kuti Jehovha ari kutsigira ava vaparidzi vechiKristu.—Enzanisa na1 VaKorinte 14:25.
Nemapeji Akadhindwa: Vazivisi voUmambo muruwa rune vanhu vanotaura chiFrench vakawanda rweQuebec vari kuendawo kune vanhu. Mumwe mushumiri anofambira akatsinhira kuti: “Kwemakore hama dzaifunga kuti dzakanga dzisiri kufambira mberi nemhaka yekushorwa kwakakomba nechechi. Asi kupfurikidza nebasa rokusaneta rehama uye kushanya kwadzo kwakawanda, Bhaibheri, rakanga riri bhuku risingazivikanwi uye rairaviwa bedzi nevashoma, zvino rinowanwa mumisha mizhinjisa.”
Migumisiro inofadza inofarikanywa sezvo vaevhangeri vatsva vanobva mumativi ose enzanga yeQuebec, kubatanidza varapi. Zvakadaro zvakaitika kumumwe chiremba. Mudzimai wake, pachake muzivisi woUmambo, kakawanda aikurukura tariro yeBhaibheri naye. Mumwe mukuru weungano aingwarira akatanga kukoka chiremba wacho kumusangano weungano munguva yaifundwa bhurocha raRopa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? Akauya uye akatotora rutivi. Afadzwa norunako uye ukuru hwomudzimu hwekurukurirano dzacho, akabvuma fundo yake pachake yeBhaibheri. Zvino iyewo muzivisi woUmambo.
Kushandisa magazini kunobudirira kwakaita basa rinokosha mukukwezvera vanhu kuBhaibheri. Munhu haambozivi kuti inyaya ipi ichakwevera munhu nokukurumidza kuchokwadi. Mumwe muzivisi woUmambo akagovera chinyorwa cheMukai! kumuvakidzani akanga asingadi kuteerera shoko asi aifarira nhau dzezvipembenene. Pikicha iri munyaya ine musoro unoti “Chagas’ Disease—A Kiss of Death” yaNovember 22, 1992, yeMukai! yakamufadza. Aororwa nezvaakarava, akakumbira mamwe magazini. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye mumwedzi mitanhatu akanga ava kupupurira kuvamwe.
Munzvimbo Dzavose: Mutemo weCanada unobvumira rusununguko rwokutaura munzvimbo dzavose, dzakadai sepanhandare dzendege. PaHalifax International Airport, vazivisi voUmambo nokungwarira vakataura nevafambi pakati pokuuya nokuenda kwendege, vachivabatanidza mukurukurirano. Mibvunzo inotungamirira yakakodzera nguva inoshandiswa mukutungamirira kurukurirano kuBhaibheri. Sezvo vachitakura Bhaibheri duku nemabhuku, vanogona kugovera zvinodikanwa zvomudzimu. Vavhiyi, vasayendisiti, magweta, vatyairi vendege, vafundisi, mapurisa, vatyairi vematekisi, mainjiniya, varayiridzi, vashandi vemuchiuto, uye vezvematongerwe enyika vanobva kudzimwe nyika vari pakati paavo vakanzwa shoko roUmambo nenzira iyi uye vakatakura mbeu yechokwadi kuti inomera munzvimbo dziri kure.—VaKorose 1:6.
Nokukurumidza mamwe mangwanani panhandare yendege, mumwe murume akagamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! Ipapo akataura nenzwi rakadzikama, achinonoka: “Haa, aiwa, kwete Zvapupu zvaJehovha!” Nei kupindura kwakadaro? Murume wacho akanga ari muMuslim anoshingaira akanga achangobva kunyengetera mukamuri rokunamatira panhandare yacho yendege. Akanga ave achikumbira Mwari kuti amuratidze uchenjeri, nzwisiso, uye chokwadi. Mufungo wokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri mhinduro yokukurumidza yemunyengetero wake wakangomushamisa.
Zvirokwazvo, vazivisi voUmambo vane ushingi muCanada havabvumiri chinhu chipi nechipi kuvadzivisa kupa kwavo shoko rinokosha roUmambo. Havabvumiri kunyange mitauro yokumwe, migwagwa yakaipa isina tara, nzanga dziri dzoga, kana kuti mafurati anodzivirirwa zvikuru kuvadzivisa. Vakatsunga kuendesa shoko raMwari roupenyu kuvanotsvaka chokwadi vakatendeseka. Pamwe chete noukama hwavo hwevashandi pamwe, vasina udyire vanoteerera murayiro waJesu woku‘enda ndokunoita vadzidzi.’—Mateo 28:19.
[Mashoko Omuzasi]
a Pony express rakanga riri basa rokufambisa matsamba muUnited States rakaitwa kwenguva pfupi yemwedzi 18 kubva muna 1860 kusvika kuna 1861.
[Bhokisi riri papeji 27]
Vazivisi voUmambo Vanobudirira Vanoshandisa Runhare
Vamwe vakati: “Haro-o. Ndini [taura zita]. Ndave ndichitaura kwenguva pfupi nevanhu muchivako chenyu pamusoro pokuti rugare rungawanwa sei. Munofunga kuti kuchazombova norugare munyika yose here? [Bvumira mhinduro.] Kudzikamisa ndangariro yenyu, handisi kuita nzvero kana kuti kutengesa chinhu chipi nechipi. Panzvimbo pezvo, ndave ndichigoverana mufungo unobva muMagwaro Matsvene wokuti chaizvoizvo Mwari achaunza rugare.” Ipapo kurukurirano yacho ingapfuurira nekukurukurwa kupfupi kweMagwaro.
Vamwe vakati: “Manheru akanaka. Ndini [taura zita]. Ndiri mushandi anozvipira munharaunda yenyu. Ndave ndichiwana mirangariro yevanhu vanogara muchivako chenyu. Vakawanda vanoitira hanya chengeteko yemunhu oga nemhaka yemasimba masimba noutsotsi zviri kuwedzera munharaunda yedu. Ichi chimwe chinhu chinokunetsai here? [Bvumira mhinduro.] Munofunga kuti kuchazombova nenguva apo nyika yose ichava yakachengeteka here?” Bvumira mhinduro, uye pfuurira neshoko raMagwaro.