Ganhuro 19
“Hondo Yezuva Guru RaMwari Wamasimba Ose” Yava Pedyo
PAKUPEDZISIRA marudzi azosvika panguva apo iwo anogombedzera Mwari Wamasimba ose kunyora mugumo une mbiri ku“bhuku reHondo dzaJehovha.” (Numeri 21:14) Bhuku irero chairoiro rakanga riri chinyorwa chehondo idzo Jehovha akarwa nokuda kwavanhu vake. Sezvinooneka Mosesi akarirava. Bhukuro ringava rakava namavambo aro kuhondo yakabudirira yaAbrahama mukurwisana namadzimambo akanga atapa Roti, naJehovha achirwira Abrahama. (Genesi 14:1-16, 20) Nokukurumidza zvino, “bhuku reHondo dzaJehovha” richasvitswa kumugumisidzo waro une mbiri rine ganhuro itsva yakawedzerwa—nhau yokurukundo rwake rwune mbiri zvikurusa. Iyeyo ichava “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paArmagedhoni, mugumo mukuwirirana netsika ino yezvinhu. (Zvakazarurwa 16:14, 16) “Bhuku” rose richaratidzira kuti Mwari Wamasimba ose haana kutongorashikirwa nokurwa, kana kuti hondo.
2 Chokwadi, kubvira pamavambo echiKristu kusvikira zvino, Jehovha akataviridzira vanhu vake kupfurikidza nemimwe mitoo isati iri hondo dzamauto. Jehovha haana kutongorwira Zvapupu zvake zvechiKristu sezvaakaita nokuda kwaIsraeri pasi poMutemo waMosesi. Asika nguva ichasvika munguva yemberi iri pedyo apo iye acharwa namauto nokuda kwavabatiri vake vakazvipira vomunguva dzazvino uno. Chii chichamutsa hondo iyeyo paArmagedhoni?
3 Pamberi pokugundika kwehondo yaMwari, Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, richave raparadzwa. Satani Dhiabhorosi navaparadzi veBhabhironi Guru vasingadi rudzidziso vezvamatongerwe enyika vachashatirirwa idi rokuti Zvapupu zvaJehovha zvichava bedzi boka rorudzidziso riripo. Vabati ushe venyika vachave vasati vasvika nharidzano yavo yenyika isino umwari. Naizvozvo, zvino, pamberi nokudenha chose chose vanamati vaJehovha, uyo ane uchangamire hwechisiko chapose pose hwavanoramba uye hwavanozvidza! Nenzira iyeyo ivo vachave vachirwisana chaizvoizvo naMwari.—Zvakazarurwa 17:14, 16; enzanisa naMabasa 5:39.
“Jehovha Wamauto” Anovambazve Mibato Yehondo
4 Satani Dhiabhorosi, Gogi waMagogi wokufananidzira, acharuka mazano ouku kudenha pavanhu vaJehovha. Apo Gogi anoshandisa mauto ake asingadaviri kuvapo kwaMwari kudenha vanhu vaJehovha, kupamba nokuvaparadza, Jehovha achapindira ndokurwira vanhu vake, sezvakadeya kutaurwa pana Ezekieri 38:2, 12, 18-20. Kudavidza kwaJehovha kunodeyawo kuziviswa pana Zekaria 14:3, kuti: “Jehovha achabuda zvamazvirokwazvo ndokurwisana namarudzi iwawo somuzuva rokurwa kwake hondo, muzuva rehondo.” Nenzira iyoyi Mwari weBhaibheri achapupurira kumarudzi ose omuzuva razvino uno kuti iye achiri Mwari weHondo, kungofanana nezvaakanga ari mumazuva aIsraeri wekare, apo, sezvakanyorwa muMagwaro echiHebheru, iye akarondedzerwa sa“Jehovha wamauto” kane 260.—Pisarema 24:10; 84:12.
5 Apo “zuva guru raMwari Wamasimba ose” rinosvika, ichava nguva ye“hondo” icharatidzira zuva irero. Jehovha anopa chiratidzo Mutungamiriri Mukuru wake Wehondo, Jesu Kristu. Muzita raJehovha, iye namauto okudenga ezviuru zvengirozi vanopinda muhondo, sokunge kuti vakatasva mabhiza ehondo. (Judhasi 14, 15) Mukufanana nomunyori wenhau dzehondo, muapostora Johane anotipa nhauro yapachine nguva mberi yorukundo runoputsanya urwo Mutungamiriri Mukuru Wehondo waJehovha achawana mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose”:
6 “Ini ndakaona denga richizaruka, uye, tarirai! bhiza jena. Uye uyo akanga agere pariri anonzi Akatendeka noWachokwadi, uye iye anotonga nokurwa hondo mukururama. Meso ake murazvo womwoto, uye pamsoro pake pane korona zhinji . . . Uyewo, mauto akanga ari mudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, uye akanga akapfeka mucheka muchena, usine tsvina, wakaisvonaka. Uye mumuromo make munobuda munondo murefu unopinza, kuti iye agorovanya nawo marudzi, uye iye achaafudza netsvimbo yedare. Iye anotsikawo chisviniro chewaini chehasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose. Uye pamsoro penguvo yake yokunze, kunyange pamsoro pechidya chake, iye ane zita rakanyorwa rinonzi, “Mambo wamadzimambo naShe wamadzimashe.”—Zvakazarurwa 19:11-16.
7 Mutungamiriri Mukuru Wehondo, Jesu Kristu, anotungamirira mauto mukudenha kunokurira mukurwisana namarudzi ose akabatana paArmagedhoni. Iye anoshandura nhandare iyeyo yeuto kuva chisviniro chikurusa chewaini! Mambo wamadzimambo zvaano“tsikawo chisviniro chewaini chehasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose,” ikoku kunoratidzira kuti marudzi achapwanyiwa chaizvoizvo. Achakuturwa samazambiringa aibva mu“chisviniro chewaini” chihombe, umo “hasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose” dzichava dzinoratidzirwa maari nomuuyo unoputsanya. Mauto okudenga achakumbanira mukutsikwa kwe“chisviniro chikuru chehasha dzaMwari.”—Zvakazarurwa 14:18-20.
8 Zvapupu zvaJehovha pasi pano hazvisati zvichishandisa “munondo” mukurwisana namauto aGogi, bva Jehovha anodaro. Iyi ihondo yake! Uye zvino pakupedzisira marudzi enyika ino akafambira mberi mune zvesayenzi achamuona achirwa! Teerera sezvaanotsanangura matandi ake ehondo: “‘Ndichadana munondo kuzorwisana naye [Gogi] munzvimbo yangu yose yamakomo,’ ndozvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Munondo womunhu mumwe nomumwe uchava unorwisana nehama yake. Uye ndicharwisana naye ndimene murutongeso, nenhenda uye neropa; uye ndichanisira pamusoro pake napamusoro pamapoka ake uye pamusoro pamarudzi mazhinji achava naye mvura inoturuka yamafashamo nezvimvuramabwe, mwoto nesurferi. Uye ndichazvikudziridza ndimene zvamazvirokwazvo nokuzvitsvenesa ndimene ndokuzvizivisa ndimene pamberi pameso amarudzi mazhinji; uye iwo achaziva kuti ini ndini Jehovha.’”—Ezekieri 38:21-23.
Zvombo Zvoumwari Zvinoshandiswa Mukurwisana Nomuvengi
9 Sezvombo zvehondo, Jehovha achashandisa masimba echisiko: boporodzi rinofashamira remvura, zvimvuramabwe zvoukuru hunouraya, kutsvotsvoma kwomwoto nesurferi, mvura dzinodzutuka dzichibva pakadzika papasi, nemheni dzinorova mupande. Pakupenya kwemitoo inouraya yaMwari pavavengi vake, chiedza chichava chikuru kwazvo pamasikati napausiku zvokuti zuva romusikirwo nomwedzi zvicharatidzika kuva zvisingachadikanizve nokuda kwechivheneko. Kuchaita sokunge kuti zvakamira, zvisati zvichishanda sezvine chiedza asi zvichibvumidza zvombo zvinokandwa zvinopenya zvaJehovha zvichibudisa simba rinovhenekera. (Habhakuki 3:10, 11) Jehovha une zvinhu zvizhinji zvechienzi zvomusikirwo zvokushandisa pakurwa.—Joshua 10:11; Jobho 38:22, 23, 29.
10 Mu“zuva rokurwa” rinouya, Jehovha uchashandisawo nhenda ne“denda.” Muporofita Zekaria akanyora pamsoro pairori, achiti: “Irori richabvumikisa kuva denda iro Jehovha acharovanya naro marudzi ose achaita zvomenemene basa rehondo mukurwisana neJerusarema: Kuchava nokuora kwenyama yomunhu, apo mumwe anenge akamira netsoka dzake; uye meso amene omunhu achaorera mumakomba awo, uye rurimi rumene rwomunhu rwuchaorera mukanwa make.”—Zekaria 14:12.
11 Kunyange “denda” richizova chairoiro kana kuti risati, iro richanyaradza miromo inovhurirwa kubudisa tyisidziro dzinovhundutsa! Ndimi dzinoora! Masimba okuona achapera, kuti vadenhi vane meso anotyisa vagorovanya bedzi muupofu. Meso akaora! Tsandanyama dzavarwi vane simba dzichapera simba vachingunoveri vamire netsoka dzavo—kwete vachingunoveri vavete pasi sezvitunha. Nyama inofukidza zvimiro zvavo zvamarangwanda inoora!—Enzanisa naHabhakuki 3:5.
12 “Denda” rinorovanya kamwe kamwe pamisasa yavo yamauto. Shongedzero yezvokufambisa zvokudenha inonyura nomutoo usina tariro! (Zekaria 14:15; enzanisa naEksodho 14:24, 25.) Anoratidzira kuti shongedzero yao yehondo ichava isina maturo sei ndiwo mashoko aZekaria 14:6: “Kunofanira kuitika muzuva irero kuti kuchabvumikisa kuva kusina chiedza chinokosha—zvinhu zvichava zvinogwamba.” Hakuna chiedza chokudenga chenyasha dzoumwari chichavhenekera pavari. Chiedza chokuzvigadzirira chesayenzi yazvino uno hachisati chichizobvisa rima rokutsamwa kwoumwari. Zvinhu zvinoshanda zvichabatwa, sokunge kuti zvaomeswa nechando—zvagwamba.
13 Kose ikoku kunovhundutsa zvamazvirokwazvo! Asi inowedzera kukuvhundutsa inyongano iyo Mwari achamutsa pakati pavadenhi. Kubatana kwavo kwechiito mukurwisana neZvapupu zvaJehovha kuchaputsanywa. Savarwi vemitambo vanopfeka ngowani dzinopofumadza pamisoro yavo munhandare yeRoma, ivo vacharovana vasingaonani. Nyongano inouraya ichava inopararira sezvavanopinda mukuurayana.—Zekaria 14:13.
14 Kuuraya kukuru pazuva rinopfuura mazuva ose kuchava kukuru, nokuti mauto ari kurutivi rwaGogi muhondo iyeyo achava mazhinjisa. (Zvakazarurwa 19:19-21) Zvamazvirokwazvo ikoko kuchava kurwa kwemburumbwa yose, nokuti hapana chikamu chapasi chichanzvenga kuparadzwa. Zvakare, avo vanourawa paArmagedhoni havasati vachizovanzarikwa mumakuva ane zviratidzo zvokuvayeuka. Shiri dzorudzi rwuri rwose nezvikara zvesango zvichagoverana mubetsero dzorukundo rwaMwari uye, panguva imwe cheteyo, zvichabetsera kuchenura pasi zvitunha zvizhinji zvichave zvakapararira papasi somupfudze, zvisingachemwi, zvisingavigwi, zvichisemwa navapukunyuki. (Ezekieri 39:1-5, 17-20; Zvakazarurwa 19:17, 18) “Avo vakaurawa naJehovha” vachave vazviwanira ivo vamene ruzvidzo rusingagumi.—Jeremia 25:32, 33; Isaya 66:23, 24.
Zita raJehovha Rinonatswa
15 Nenzira iyeyo, “Jehovha wamauto” kupfurikidza noMutungamiriri Mukuru Wehondo wake, Jesu Kristu, achazviwanira iye amene mbiri isingagumi. Chinoitika chikurusa chenhau yechisiko chapose pose ipapo chichave chaitika—kurevererwa kwouchangamire hwechisiko chapose pose hwaJehovha nokutsveneswa kwezita rake dzvene. (Ezekieri 38:23; 39:6, 7) Jehovha achazviitira iye amene zita rinopfuura chinhu chipi nechipi chakarondedzerwa mu“bhuku reHondo raJehovha” nomuMagwaro echiHebheru eBhaibheri Dzvene. (Enzanisa naIsaya 63:12-14.) Haiwa Jehovha achazviitira amene sei zita rakanaka kupfurikidza norukundo runotyisa mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose”! Panguva iyeyo vadi vose vezita irero vacharirumbidza nomufaro nokusingaperi, vachiimba rumbidzo dzaro!
16 Ipapoka, pamberi nokupinda muchiito chehondo, haiwa Jehovha wamauto, noMwanakomana wenyu woUmambo Jesu Kristu kurutivi rwenyu! (Pisarema 110:5, 6) Zvapupu zvenyu zvakatendeka pasi pano ngazvive zvapupu zvinofara zvorukundo rwenyu rwusingaenzanisirwi kupfurikidza naMambo wenyu Jesu Kristu pa“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” “Boka guru” nomufaro ngari“bude mudambudziko guru” kuti rigova zvapupu zvenyu zvapasi nokusingaperi. (Zvakazarurwa 7:14) Mukutarisira kwenyu kworudo, ngavapukunyuke ndokupinda Mukutonga kweMireniyumu kusina hondo kwo“Muchinda woRugare” wenyu anokurira. Ngavave chipupuriro chinooneka kuvakafa vanomutswa mukurevererwa kwouchangamire huri hwenyu nomutoo wamaruramiro pachisiko chose chapose pose. Tinokuongai nokuda kwokunyora mugumo mukurusa mu“bhuku reHondo raJehovha.” Kusvikira kunguva isingagumi, iyi nhau yorukundo rwenyu rwusingaenzanisirwi ngairambe iri muchinyorwa chezvinoitika zvegore negore zvenhau yechisiko chapose pose!
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Ko marudzi nokukurumidza achagombedzera Mwari Wamasimba ose kunyorei mu“bhuku reHondo raJehovha,” uye chii chakanga chiri bhuku irero? (b) Ko bhuku irero richasvika mugumisidzwo waro mukurusa nehondoi?
2, 3. (a) Chifo chamavambo echiKristu, chii chave chiri chechokwadi pamsoro pokurwa “hondo” dzamauto dzaJehovha? (b) Chii chichamutsira Jehovha mukupinda mukurwira vabatiri vake munguva yedu?
4. (a) Ko Jehovha anoita sei kukudenha kwaGogi? (b) Ko kuita ikoko kuchabvumikisei, mukutsinhirana nezita rokuti “Jehovha wamauto”?
5, 6. (a) Zvino ihondoi inogundika, uye ndiani anotungamirira mauto okudenga muhondo? (b) Ko muapostora Johane anopa nhauroi nezvamauto okudenga anopinda muhondo?
7. Ko kutsikwa kwechisviniro chewaini chokufananidzira chehasha dzaMwari kunoratidzirei nokuda kwamarudzi?
8. Ko Jehovha anorondedzera sei matandi ake ehondo?
9. Ndezvipi zvimwe zvezvombo zvehondo izvo Jehovha achashandisa mukurwisana navavengi vake?
10. Mukuwirirana naZekaria 14:12, chiizve chimwe chichashandiswa naJehovha mu“zuva rokurwa” rinouya?
11. Chii chichaitika apo “denda” rinorovanya varwi vari kudenha vanhu vaJehovha?
12. Ko “denda” richatapura sei misasa yamauto omuvengi neshongedzero?
13. Chii chichawedzera kutyisidziro iyo Jehovha anonyandura pakati pavadenhi?
14. (a) Ko kuuraya kuchava kwakakura zvakadini panguva iyeyo, uye shiri nezvikara zvichagoverana sei mubetsero dzorukundo rwaJehovha? (b) Ko vapukunyuki vachava nechimiroi chendangariro kuna “avo vakaurawa naJehovha”?
15. Ndichinoitikai chakatanhamara chichave chapedzwa panguva iyeyo, uye nomuuyoi pazita raJehovha?
16. Nokuda kwe“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” yoswedera, munyengeteroi unopiwa nokuda kwe“boka guru”?
[Mufananidzo uri papeji 156, 157]
“Jehovha wamauto” acharwisana namarudzi