RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 1/1 pp. 17-22
  • “Idai Zvokwadi Norugare”!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Idai Zvokwadi Norugare”!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Maoko Enyu Ngaasimbe’
  • “Regai Kutya”
  • “Mumwe Nomumwe Ngaareve Zvokwadi Kune Wokwake”
  • “Mufaro Nokufarisisa”
  • ‘Ngatikumbirei Nyasha dzaJehovha’
  • “Varume Vane Gumi Pandimi Dzose Dzendudzi”
  • Jehovha Anopa Rugare Rwakawanda Nezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 38—Zekaria
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aHagai naZekariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 1/1 pp. 17-22

“Idai Zvokwadi Norugare”!

Shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti: . . . idai zvokwadi norugare.”—ZEKARIA 8:18, 19, NW.

1, 2. (a) Ndechipi chiri chinyorwa chorudzi rwomunhu kana toreva nezvorugare? (b) Neiko nyika iripo zvino isati ichizotongoona rugare chairwo?

“NYIKA haina kutongobvira yava norugare. Kune imwe nzvimbo—uye kazhinji kazhinji munzvimbo dzakawanda panguva imwe chete—kwangogara kuine hondo.” Akadaro Purofesa Milton Mayer weUniversity of Massachusetts, U.S.A. Itsinhiro inosuruvarisa zvakadini pamusoro porudzi rwomunhu! Chokwadi, vanhu vanoda rugare. Vezvematongerwe enyika vakaedza nzira dzose dzokuruchengeta, kubvira kuPax Romana yenguva dzeRoma kusvikira kumuitiro we“Mutually Assured Destruction” mukati meRwisano Yepfungwa Dzakasiyana. Pakupedzisira, zvisinei, nhamburiko dzavo dzose dzakakundikana. Sokududza uko Isaya akakuita mazana amakore akawanda apfuura, ‘nhume dzorugare dzimene dzakachema zvikuru.’ (Isaya 33:7) Neiko zvakadaro?

2 Imhaka yokuti rugare runogarisa runofanira kubva mukusavapo kworuvengo noudyire; runofanira kuva rwakavakirwa pazvokwadi. Rugare harugoni kuvakirwa panhema. Ndokusaka Jehovha pakuvimbisa dzorerwo norugare nokuda kwaIsraeri wekare akati: “Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze.” (Isaya 66:12) Mwari wetsika ino yezvinhu, Satani Dhiyabhorosi, “muurayi,” mhondi, uye “ndiye wenhema, uye baba vadzo.” (Johane 8:44; 2 VaKorinte 4:4) Nyika ina mwari akadaro inogona sei kutongova norugare?

3. Chipoi chinoshamisa icho Jehovha akapa vanhu vake, pasinei zvapo nokurarama kwavo munyika yatambudzika?

3 Nenzira inoshamisa, zvisinei, Jehovha anopa rugare kuvanhu vake kunyange vachirarama munyika yaSatani yasakadzwa nehondo. (Johane 17:16) Muzana ramakore rechitanhatu B.C.E., akazadzika chipikirwa chake kupfurikidza naJeremia ndokupa “rugare nezvokwadi” kurudzi rwake chairwo apo akavadzorera kunyika yokumusha kwavo. (Jeremia 33:6) Uye muaya mazuva okupedzisira, akapa “rugare nezvokwadi” kuvanhu vake mu“nyika” yavo, kana kuti nzvimbo yomudzimu yapasi, kunyange zvazvo vakararama nomunguva yakaipa zvikurusa yokutambura iyo nyika ino yakaona kusvikira zvino. (Isaya 66:8; Mateo 24:7-13; Zvakazarurwa 6:1-8) Sezvatinopfuuridzira kurukurirano yedu yaZekaria ganhuro 8, tichawana nzwisiso huru zvikuru yeurwu rugare nezvokwadi zvinopiwa naMwari ndokuona zvatinofanira kuita kuti tichengetedze kugoverana kwedu mazviri.

‘Maoko Enyu Ngaasimbe’

4. Zekaria akakurudzira sei Israeri kuita chiito kana aizowana rugare?

4 Kechitanhatu muna Zekaria ganhuro 8, tinonzwa chirevo chinofadza chinobva kuna Jehovha: “Zvanzi naJehovha wehondo: Maoko enyu ngaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuva ano pamiromo yavaporofita, vaivapo nezuva rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehovha wehondo, iyo tembere, kuti ivakwe. Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusina mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusina rugare kune waibuda kana kune waipinda, nemhaka yomudzivisi; nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.”—Zekaria 8:9, 10.

5, 6. (a) Nemhaka yokuodzwa mwoyo kwavaIsraeri, ndaapi akanga ari mamiriro ezvinhu muna Israeri? (b) Ichinjoi iyo Jehovha akapikira Israeri kudai aiisa kunamatwa kwake pakutanga?

5 Zekaria akataura mashoko aya apo tembere yakanga ichivakwazve muJerusarema. Munguva yakapfuura, vaIsraeri avo vakanga vadzokera kubva kuBhabhironi vakava vakaodzwa mwoyo ndokurega basa rokuvakwa kwetembere. Nemhaka yokuti vakatendeudzira ngwariro yavo kunyaradzo yavo vamene, vakanga vasina chikomborero uye vasina rugare zvaibva kuna Jehovha. Kunyange zvazvo vairima minda yavo uye vaitarisira mizambiringa yavo, havana kubudirira. (Hagai 1:3-6) Kwakanga kwakaita sokunge kuti vakanga vachishanda pa“sina mubayiro.”

6 Zvino nemhaka yokuti tembere yakanga ichivakwa, Zekaria akakurudzira vaJudha kuti va“simbe,” noushingi kuisa kunamatwa kwaJehovha pakutanga. Chii chaizoitika kudai vaiita kudaro? “Zvino handichazovi kuna vanhu ava vakasara sapamazuva akare—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose. Zvino sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi dzavanhu, imi imba yaJudha nemi imba yaIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, muve chinhu chinoropafadza. Regai kutya, asi maoko enyu asimbe.” (Zekaria 8:11-13) Kudai Israeri aizoita nokutsunga, aizobudirira. Pakuvamba zvikuru, apo marudzi aishuva kududza muenzaniso wokutuka, aigona kunongedzera kuna Israeri. Zvino Israeri aizova muenzaniso wechikomborero. Chikonzero chakaisvonaka chakadini chokuita kuti ‘maoko avo asimbe’!

7. (a) Ichinjoi dzinofadza idzo vanhu vaJehovha vakawana, dzichisvika pamwero mukuru mugore rebasa ra1995? (b) Uchitarira pamushumo wegore, inyika dzipi dzaunoona idzo dzine chinyorwa chinoorora chavaparidzi, mapiyona, paavhareji yamaawa?

7 Zvakadiniko nhasi? Eya, mumakore akatangira 1919, vanhu vaJehovha vakanga vachiti perevedzei mushingairo. Havana kutora chimiro chizere chokusatora rutivi muhondo yenyika yokutanga, uye vaiva nechimiro chendangariro chokutevera munhu panzvimbo paMambo wavo, Jesu Kristu. Somugumisiro, vamwe vakaodzwa mwoyo nokushora kwaibva mukati nekunze kwesangano. Ipapo, muna 1919, nebetsero yaJehovha vakaita kuti maoko avo asimbe. (Zekaria 4:6) Jehovha akavapa rugare, uye vakabudirira zvikuru. Ikoku kunoonekwa muchinyorwa chavo chemakore 75 apfuura, chichisvika pamwero mukuru mugore rebasa ra1995. Savanhu, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba urudzi, udzinza, fungira mano yakaipa, uye mamwe manyuko ose oruvengo. (1 Johane 3:14-18) Zvinobatira Jehovha neshingairo chaiyo mutembere yake yomudzimu. (VaHebheru 13:15; Zvakazarurwa 7:15) Gore rapera roga, zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni zvichitaura kuvamwe pamusoro paBaba wazvo vokudenga! Mwedzi mumwe nomumwe, zvakaitisa fundo dzeBhaibheri 4 865 060. Vanenge 663 521 paavhareji vakagoverana mubasa roupiyona. Apo vashumiri vemuchiKristudhomu vanoda kupa muenzaniso wevanhu vane mbavarira zvirokwazvo mukunamata kwavo, padzimwe nguva vanonongedzera kuZvapupu zvaJehovha.

8. MuKristu mumwe nomumwe anogona sei kubetserwa ne“mbeu yorugare”?

8 Nemhaka yeshingairo yavo, Jehovha anopa vanhu vake “mbeu yorugare.” Munhu mumwe nomumwe anosakurira mbeu iyoyo achaona rugare ruchikura mumwoyo make nomuupenyu hwake. MuKristu ari wose anodavira uyo anoronda rugare naJehovha uye navaKristu biyake anogoverana muzvokwadi uye rugare rwavanhu vezita raJehovha. (1 Petro 3:11; enzanisa naJakobho 3:18.) Ikoku hakushamisi here?

“Regai Kutya”

9. Ichinjoi mukubata kwake navanhu vake iyo Jehovha akapikira?

9 Zvino tinorava chirevo chechinomwe chinobva kuna Jehovha. Icho chii? “Zvanzi naJehovha wehondo: Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saizvozvowo ndakafunga mazuva ano kuitira Jerusarema zvakanaka uye neimba yaJudhawo; regai kutya.”—Zekaria 8:14, 15.

10. Chinyorwai cheZvapupu zvaJehovha chinoratidza kuti zvave zvisingatyi?

10 Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vakanga vakapararira mupfungwa yomudzimu mukati mehondo yenyika yokutanga, mumwoyo yavo vaida kuita chakanga chiri chakarurama. Nokudaro, Jehovha, mushure mokupa chirango, akachinja nzira yake yokubata navo. (Maraki 3:2-4) Nhasi, tinotarira shure ndokumuonga nenzira yapachokwadi nokuda kwezvaakaita. Chokwadi, tave tichi“vengwa namarudzi ose.” (Mateo 24:9) Vakawanda vakaiswa mutorongo, uye vamwe vakatofa nokuda kwokutenda kwavo. Tinowanzosangana nokusakendenga kana kuti utsinye. Asi hatityi. Tinoziva kuti Jehovha akasimba zvikuru kupfuura chishoro chipi nechipi, chinoonekwa kana kuti chisingaonekwi. (Isaya 40:15; VaEfeso 6:10-13) Hatisati tichizorega kuteerera mashoko, okuti: “Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge.”—Mapisarema 27:14.

“Mumwe Nomumwe Ngaareve Zvokwadi Kune Wokwake”

11, 12. Chii chatinofanira kurangarira somunhu mumwe nomumwe kana tichida kugoverana zvizere muzvikomborero izvo Jehovha anopa kuvanhu vake?

11 Kuti tigoverane zvizere muzvikomborero zvinobva kuna Jehovha, kune zvinhu zvatinofanira kuyeuka. Zekaria anoti: “Hezvi zvinhu zvamunofanira kuita: Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kune wokwake; tongai nezvokwadi norugare mumasuo enyu; kurege kuva nomumwe wenyu unofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Zekaria 8:16, 17.

12 Jehovha anotikurudzira kutaura zvokwadi. (VaEfeso 4:15, 25) Haasati achinzwa minyengetero yaavo vanoronga zvinhu zvinokuvadza, vanovanza chokwadi nokuda kwemhindu yomunhu oga, kana kuti vanotaura mhiko dzenhema. (Zvirevo 28:9) Sezvo anovenga kuramba kutenda, anoda kuti tiomerere kuzvokwadi yeBhaibheri. (Pisarema 25:5; 2 Johane 9-11) Uyezve, kufanana navarume vakuru vaiva pamasuo eguta muna Israeri, vakuru vanobata nhau dzokutonga vanofanira kuvakira zano ravo nezvisarudzo pazvokwadi yeBhaibheri, kwete pamufungo womunhu oga. (Johane 17:17) Jehovha anoda kuti vatsvake ku“tonga . . . norugare,” vachiedza, savafudzi vechiKristu, kudzorera rugare pakati pamativi anokakavadzana uye vachibetsera vatadzi vanopfidza kuwanazve rugare naMwari. (Jakobho 5:14, 15; Judhasi 23) Panguva imwe cheteyo, vanochengetedza rugare rweungano, vachidzinga nenzira youshingi avo vanodzongonyedza rugare irworwo kupfurikidza nokupfuurira namaune mune chakaipa.—1 VaKorinte 6:9, 10.

“Mufaro Nokufarisisa”

13. (a) Ichinjoi pamusoro pakuzvinyima zvokudya iyo Zekaria akaporofita? (b) Kuzvinyima zvokudya kupi kwaichengetwa muna Israeri?

13 Zvino, tinonzwa chirevo chakakomba chechisere: “Zvanzi naJehovha wehondo: Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo ine mufaro; saka idai zvokwadi norugare.” (Zekaria 8:19) MuMutemo waMosesi, vaIsraeri vaizvinyima zvokudya paZuva Reyananiso kuti varatidze kusuruvara nokuda kwezvivi zvavo. (Revhitiko 16:29-31) Kuzvinyima zvokudya kuna kwakadudzwa naZekaria kwaichengetwa sezviri pachena kuchema zviitiko zvine chokuita norukundo noruparadziko rweJerusarema. (2 Madzimambo 25:1-4, 8, 9, 22-26) Zvino, zvisinei, tembere yakanga ichivakwazve uye Jerusarema richivazve navanhu. Kuchema kwakanga kuchichinjwa kuva kufara, uye kuzvinyima zvokudya kwaigona kuva mwaka yemitambo.

14, 15. (a) Kuchengetwa kweChirangaridzo kwakanga kuri sei chisakiso chikuru chokufara, uye ikoku kunofanira kutiyeuchidza nezvechii? (b) Sezvinoonekwa mumushumo wegore, inyika dzipi dzaiva navapindi vakatanhamara paChirangaridzo?

14 Nhasi, hatisati tichichengeta kuzvinyima zvokudya kwakadudzwa naZekaria kana kuti kuzvinyima zvokudya kwairayirwa muMutemo. Sezvo Jesu akapa upenyu hwake nokuda kwezvivi zvedu, tiri kufarikanya zvikomborero zveZuva guru zvikuru Reyananisiro. Zvivi zvedu zvinokanganwirwa, kwete bedzi nenzira yemusengwa, asi zvakakwana. (VaHebheru 9:6-14) Tichitevera murayiro woMuprista Mukuru wokudenga, Jesu Kristu, tinochengeta Chirangaridzo chorufu rwake sokuchengeta bedzi kwakakomba pakarenda yechiKristu. (Ruka 22:19, 20) Hativi no“mufaro nokufarisisa” here sezvatinoungana pamwe chete gore rimwe nerimwe nokuda kwokuchengeta ikoko?

15 Gore rapera, 13 147 201 vakaungana pamwe chete kuti vachengete Chirangaridzo, vakawanda ne858 284 kupfuura muna 1994. Vazhinji zhinji vakadini! Isa muchiono kufara muungano 78 620 dzeZvapupu zvaJehovha sezvo nhamba huru dzechienzi dzakapinda muHoro dzazvo dzoUmambo nokuda kwokuchengeta kwacho. Zvirokwazvo, vose vaivapo vakasundwa ku“da zvokwadi norugare” sezvo vakayeuka rufu rwoUyo ari “nzira, nezvokwadi, noupenyu” uye uyo zvino anotonga so“Muchinda Worugare” mukuru waJehovha! (Johane 14:6; Isaya 9:6) Kuchengeta ikoko kwaiva nerevo chaiyo nokuda kwaavo vakakuchengeta munyika dzasakadzwa nenhamo nehondo. Dzimwe dzehama dzedu dzakapupurira nhamo dzisingarondedzereki mukati ma1995. Zvisinei, ‘rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rwakarinda mwoyo yavo nemasimba avo endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.’—VaFiripi 4:7.

‘Ngatikumbirei Nyasha dzaJehovha’

16, 17. Vanhu vamarudzi vanogona sei ku“kumbira nyasha kuna Jehovha”?

16 Zvisinei, mamiriyoni ose iwayo akapinda Chirangaridzo akabva kupi? Kutaura kwaJehovha kwechipfumbamwe kunotsanangura, kuti: “Zvanzi naJehovha wehondo: Ndudzi dzavanhu dzichauyazve, navagere mumaguta mazhinji; vagere muguta rimwe vachaenda kune rimwe, vachiti: Hendei, tichimbidzike kundokumbira nyasha kuna Jehovha, tindotsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaendawo. Zvirokwazvo, ndudzi zhinji dzavanhu namarudzi ane simba achauya kuzotsvaka Jehovha wehondo paJerusarema, nokukumbira nyasha kuna Jehovha.”—Zekaria 8:20-22.

17 Vanhu vakapinda Chirangaridzo vaida “kutsvaka Jehovha wehondo.” Vakawanda vaivava vakanga vari vabatiri vake vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa. Mamiriyoni avamwe vaiva muvapindi vakanga vachigere kusvika danho iroro. Mune dzimwe nyika vakapinda Chirangaridzo vakanga vakawanda nekana kana kuti kashanu kupfuura nhamba yavaparidzi voUmambo. Ava vanofarira vakawanda vanoda betsero kuti vapfuurire kuita fambiro mberi. Ngativadzidzisei kufara mukuziva kuti Jesu akafira zvivi zvedu uye kuti zvino ari kutonga muUmambo hwaMwari. (1 VaKorinte 5:7, 8; Zvakazarurwa 11:15) Uye ngativakurudzirei kuzvitsaurira vamene kuna Jehovha Mwari ndokuzviisa pasi paMambo wake akagadzwa. Nenzira iyoyi vacha“kumbira nyasha kuna Jehovha.”—Pisarema 116:18, 19; VaFiripi 2:12, 13.

“Varume Vane Gumi Pandimi Dzose Dzendudzi”

18, 19. (a) Mukuzadzika kwaZekaria 8:23, ndiani nhasi ari “muJudha”? (b) Ndivanaani nhasi vari “varume vane gumi” vano“bata nguo yomunhu uri muJudha”?

18 Kekupedzisira muganhuro rechisere raZekaria, tinorava, kuti: “Zvanzi naJehovha wehondo.” Ndechipi chiri chirevo chokupedzisira chaJehovha? “Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Muzuva raZekaria, Israeri wokunyama akanga ari rudzi rwakasarudzwa rwaMwari. Muzana ramakore rokutanga, zvisinei, vaIsraeri vakaramba Mesiya waJehovha. Nokudaro, Mwari wedu akasarudza “muJudha”—vaIsraeri vatsva—savanhu vake chaivo, “vaIsraeri vaMwari” vanoumbwa navaJudha vomudzimu. (VaGaratia 6:16; Johane 1:11; VaRoma 2:28, 29) Nhamba yokupedzisira yaivava yaizofanira kuva 144 000, vakasarudzwa kubva pakati porudzi rwomunhu kuti vatonge naJesu muUmambo hwake hwokudenga.—Zvakazarurwa 14:1, 4.

19 Vakawanda zvikurusa veava vane 144 000 vakatofa vakatendeka uye vakaenda kutuso yavo yokudenga. (1 VaKorinte 15:51, 52; Zvakazarurwa 6:9-11) Vashomanene vachiri pasi pano uye ivava vanofara kuona kuti “varume vane gumi” avo vanosarudza kuenda no“muJudha” zvirokwazvo “vazhinji zhinji . .  vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.”—Zvakazarurwa 7:9; Isaya 2:2, 3; 60:4-10, 22.

20, 21. Sezvo mugumo wenyika ino unoswedera pedyo zvikuru, tinogona sei kuramba tine rugare naJehovha?

20 Sezvo mugumo wenyika ino unoswedera pedyo zvikuru nenzira isingadzivisiki, chiKristudhomu chakafanana neJerusarema muzuva raJeremia: “Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!” (Jeremia 14:19) Kutya ikoko kuchasvika pamwero mukuru apo marudzi achatendeukira kurudzidziso rwenhema ndokuruparadza namasimba masimba. Nokukurumidza mushure maikoko, marudzi amene achaparadzwa muhondo yaMwari yokupedzisira, Armagedhoni. (Mateo 24:29, 30; Zvakazarurwa 16:14, 16; 17:16-18; 19:11-21) Iyoyo ichava nguva yokutambudzika yakadini!

21 Mukati mayo yose, Jehovha achadzivirira avo vanoda zvokwadi uye vanosakurira “mbeu yorugare.” (Zekaria 8:12; Zefania 2:3) Ipapoka, ngatirambei takakotsekana tiri mukati menyika yavanhu vake, tichimurumbidza neshingairo pachena uye tichibetsera vakawanda sezvinobvira ku“kumbira nyasha kuna Jehovha.” Kana tikaita kudaro, tichafarikanya rugare rwaJehovha nguva dzose. Hungu, “Jehovha uchapa vanhu vake simba; Jehovha ucharopafadza vanhu vake norugare.”—Pisarema 29:11.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Vanhu vaMwari ‘vakaita kuti maoko avo asimbe’ sei muzuva raZekaria? Nhasi?

◻ Tinodavidza sei kuchitambudzo, ruvengo, uye kusakendenga?

◻ Chii chinobatanidzwa mu‘kutaura [kwedu] zvokwadi nemumwe nemumwe’?

◻ Munhu anogona sei ku“kumbira nyasha kuna Jehovha”?

◻ Chikonzero chipi chokufara chinoonekwa mukuzadzikwa kwaZekaria 8:23?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Gore rapera, Zvapupu zvaJehovha zvakapedza maawa 1 150 353 444 zvichitaura kuvanhu pamusoro poUmambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe