Nei Kune Chivande?
“HAPANA chinhu chinorema kwazvo sechakavanzika.” Kana kuti muchiitiko chipi nechipi chinodaro chirevo chechiFrench. Ikoku kungagona kutsanangura here nei tichifara apo tinoziva chakavanzika asi pane dzimwe nguva tichikangaidzika apo tinenge tisingagoni kutaura pamusoro pacho? Bva, mumazana amakore apfuura vanhu vakawanda vakafarira chakavanzika, vachizvibatanidza pamwe chete kuva mapoka epachivande mukuronda nharidzano yakafanana.
Aiva pakati peapakuvamba zvikurusa eaya masangano epachivande akanga ari masekete akavanzika aiwanwa muEgypt, Greece, uye Rome. Gare gare mamwe aaya mapoka akabuda mupesvedzero yamarudzidziso awo ndokuva nemirangariro yezvematongerwe enyika, yezvemari, kana kuti yenzanga. Somuenzaniso, apo mapoka aifarira zvakafanana akaumbwa muEurope yeMiddle Ages, mitezo yawo yakatendeukira kuchivande zvikurukuru nokuda kwokuzvidzivirira mune zvemari.
Mapoka epachivande munguva dzazvino uno kazhinji kazhinji akaumbwa nokuda kwezvikonzero zvakarurama zvikuru, sezvinobvira nokuda kwe“madonzo enzanga neomutsa,” maererano neEncyclopædia Britannica, uye “kuita zvirongwa zvokubetsera varombo nezvedzidzo.” Mamwe masangano oushamwari, makirabhu epwere, makirabhu enzanga, uye mamwe mapoka ndeepachivandewo, kana kuti toti ndeepachivande zvishoma. Kazhinji kazhinji, aya mapoka anowanzova asina mhaka, mitezo yawo ichingowana kuva muchivande kuchifadza. Miitiro yepachivande yokutanga inofadza mirangariro zvakasimba uye inosimbisa zvisungo zvoushamwari nechinzwano. Mitezo inowana kunzwa kwokuva weboka uye pfungwa yedonzo. Masangano epachivande orudzi urwu kazhinji kazhinji haatyisidziri vasiri mitezo. Vokunze havana chavanoshayiwa nokusaziva zvakavanzika.
Apo Chivande Chinoratidzira Ngozi
Haasi mapoka ose epachivande akavanzika kusvika kumwero mumwe chetewo. Asi ayo ane “zvakavanzika muzvakavanzika,” seizvo Encyclopædia Britannica inotaura, ane ngozi yakati. Inotsanangura kuti “kupfurikidza nokushandiswa kwamazita chaiwo, mhiko kana kuti kuziva,” mitezo ine nzvimbo dzapamusoro inokwanisa ku“zvisiyanisa,” nenzira iyoyo ichinyandura “vane nzvimbo dzakaderera kushandisa nhamburiko iri madikanwa kusvika nzvimbo huru.” Ngozi iri mumapoka akadaro iri pachena. Avo vari mumapoka akaderera vangava vasingazivi chose chose zvinangwa chaizvoizvo zvesangano racho, vasati vafambira mberi kusvika kumwero iwoyo wokuziva. Kuri nyore kubatanidzwa muboka rine vavariro nemitoo yokudzisvika nayo zvinongozivikanwa zvishoma chete uye, zvirokwazvo, zvichida zvisina kumbogoveranwa zvizere. Asi munhu akapinzwa muboka rakadaro gare gare angakuwana kwakaoma kuzvisunungura; akasungwa, sokunge zvakadaro, nengetani dzechivande.
Chivande chinoratidzira ngozi inotova huru zvikuru, zvisinei, apo boka rinoronda vavariro dzisiri dzapamutemo kana kuti dzoutsotsi uye naizvozvo rinoedza kuvanza kuvapo kwaro chaiko. Kana kuti kana kuvapo kwaro uye zvinangwa zvaro zvose zvichizivikanwa, ringaedza kuchengeta kuva mitezo yaro uye zvirongwa zvaro zvenguva pfupi zvakavanzika. Ikoku ndokwechokwadi nezvemapoka emagandanga anoshingaira zvikuru ayo panhambo nenhambo anokatyamadza nyika nedenho dzawo dzougandanga.
Hungu, chivande chinogona kuva chine ngozi, nokuda kwezvose zviri zviviri vanhu nesangano rose zvaro. Funga nezvemagen’a akavanzika avechiduku ayo anodenha nemasimba masimba vananyajambwa vasina mhaka, masangano ematsotsi akafanana neMafia yepachivande, mapoka anokoshesa kuva muchena akadai seKu Klux Klan,a tisingadudzi mapoka amagandanga akawanda kupota nyika ayo anopfuurira kudzivisa nhamburiko dzokuwana nadzo rugare rwenyika nechengeteko.
Akabatikana Muchii Zvino?
Mukati mema1950, somugumisiro weRwisano Yepfungwa Dzakasiyana, mapoka epachivande akarongwa munyika dzinoverengeka dzeWestern Europe kuti abatire senzvimbo dzemasangano okurwisa kwemibato yokudzivisa kana vaSoviet vakamboedza kukurira Western Europe. Maererano nemagazini yenhau yokuGermany inonzi Focus, somuenzaniso, “nzvimbo 79 dzezvombo zvepachivande” dzakatangwa muAustria mukati menhambo iyi. Hadzisi nyika dzose dzeEurope dzakanga dzichimboziva nezveaya mapoka. Imwe magazini yenhau yakashuma chaizvoizvo mukuvamba kwama1990 kuti: “Zvichiri zvisingazivikanwi ndezvokuti mangani emasangano aya anoshanda nhasi uye zvaangava akabatikana mazviri nguva pfupi yapfuura.”
Hungu, zvirokwazvo. Ndiani anogona kuziva chaizvoizvo kuti mapoka mangani epachivande panguva ino chaipo angava achityisidzira zvikuru kupfuura izvo mumwe nomumwe wedu angafungidzira?
[Mashoko Omuzasi]
a Iri boka reU.S. rakachengeta mamwe amativi orudzidziso emasangano apakuvamba apachivande kupfurikidza nokushandisa muchinjikwa waibvira sechiratidzo chawo. Munguva yakapfuura, raidenha usiku, mitezo yaro yakapfeka nguo uye machira machena uye vachiitira hasha dzavo vatema, vaKaturike, vaJudha, vokumwe, uye masangano akarongwa avashandi.