RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/1 pp. 12-17
  • Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Chakavanzika [“Chinoyera,” NW]” Chinoziviswa
  • Chakavanzika Chakaziviswa Chinofanira Kutaurwa!
  • Kuisa Hocheko Mushaya dzaSatani
  • Zvino Kwapfuura Kare Kose!
  • Chakavanzika Chaunogona Kuudzawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2018
  • “Uchenjeri hwaMwari Muchakavanzika Chitsvene”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Chakavanzika Chinoyera Chinopetenuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/1 pp. 12-17

Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!

“Ndaitaura pachena kunyika; . . . handina kureva chinhu pakavanda.”—JOHANE 18:20.

1, 2. Shoko rechiGiriki rokuti my·steʹri·on rinoshandiswa muMagwaro rinorevei?

SHOKO rechiGiriki my·steʹri·on rinoshandurwa muNew World Translation of the Holy Scriptures ka25 se“chakavanzika chinoyera” uye ka3 se“chakavanzika.” Chakavanzika chinonzi chinoyera chinofanira kuva chinokosha zvirokwazvo! Munhu upi noupi akaropafadzwa kuwana zivo yechakavanzika chakadaro anofanira kunzwa akudzwa zvikuru, sezvo arangarirwa seakafanira kugoverana chakavanzika naMwari Mukurusa wechisiko chose.

2 Expository Dictionary of Old and New Testament Words yaVine inosimbisa kuti muzviitiko zvizhinjisa “chakavanzika chinoyera” kushandurwa kwakakodzera zvikuru kupfuura “chakavanzika.” Inoti nezvemy·steʹri·on: “Mu[Magwaro echiGiriki eChikristu] rinoratidzira, kwete chinhu chisinganzwisiswe (sezvakaita shoko rechiNgezi), asi chiya, chisingagoni kunzwisiswa nemano omunhu omuzvarirwo, chinogona kuziviswa bedzi nekuratidza kwaMwari, uye chinoziviswa nomutoo uye panguva zvakasarudzwa naMwari, uye kuavo bedzi vakavhenekerwa noMudzimu Wake. Mupfungwawo zvayo chakavanzika chinoreva zivo yakavanzwa; revo yaro yeMagwaro ichokwadi chakaziviswa. Nokudaro mashoko zvikurukuru ane chokuita nenhau yacho ndi‘ziviswa,’ ‘ratidzirwa,’ ‘oneswa,’ ‘paridzwa,’ ‘nzwisisa,’ ‘kuparadzirwa.’”

3. Ungano yeChikristu yemuzana rokutanga ramakore yaisiyana sei namamwe mapoka orudzidziso akavanzika?

3 Uku kutsanangura kunosimbisa musiyano mukuru pakati pemapoka akavanzika orudzidziso ayo akapararira muzana rokutanga ramakore uye ungano yeChikristu yakanga ichangobva kuvambwa. Nepo avo vaipinzwa mumasekete akavanzika vaiwanzosungwa nemhiko yokunyarara kuti vachengete dzidziso dzorudzidziso, Vakristu havana kumbobvira vaganhurirwa zvakadaro. Ndezvechokwadi kuti muapostora Pauro akataura nezve“uchenjeri hwaMwari hwakavanzika,” achihudana kuti “hwakafukidzwa,” ndiko kuti, kuvanzirwa “vabati venyika ino.” Hahuna kuvanzirwa Vakristu avo vakanga vahuziviswa kupfurikidza nomudzimu waMwari kuitira kuti vahuzivise vanhu vose.—1 VaKorinte 2:7-12; enzanisa naZvirevo 1:20.

“Chakavanzika [“Chinoyera,” NW]” Chinoziviswa

4. “Chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chinonangidzira panaani, uye sei?

4 “Chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chaJehovha chinonangidzirwa pana Jesu Kristu. Pauro akanyora kuti: “[Jehovha] akatizivisa zvakavanzika [zvinoyera, NW] zvokuda kwake, sezvakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidze muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.” (VaEfeso 1:9, 10) Pauro akanga akatonanga zvikuru pamusoro perudzi rwe“chakavanzika [“chinoyera,” NW]” apo akataura nezvekudikanwa kwe“kuti vazive kwazvo chakavanzika [“chinoyera,” NW] chaMwari, iye Kristu.”—VaKorose 2:2.

5. Chii chinobatanidzwa mu“chakavanzika [“chinoyera,” NW]”?

5 Zvizhinji, zvisinei, zvinobatanidzwa, nokuti “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” ndichakavanzika chine mativi mazhinji. Hakusi kungozivikanwawo zvako kwaJesu seMbeu yakapikirwa kana kuti Mesiya; chinobatanidza basa raakagoverwa kuita mudonzo raMwari. Chinobatanidza hurumende yekudenga, Umambo hwaMwari hwaMesiya, seizvo Jesu akatsanangura zvakajeka apo akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwokudenga, asi ava havana kupiwa.”—Mateo 13:11. (Kutsveyamiswa kwemashoko ndekwedu.)

6. (a) Nei zvakarurama kutaura kuti “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chaka“chengetwa chakavanzika kwenguva dzisingaperi”? (b) Chakaziviswa sei nenzira inofambira mberi?

6 Nhambo refu yenguva yakanga ichizopera pakati pekududzwa kwekutanga kwedonzo raMwari rokugovera hwaro hweUmambo hwaMesiya uye ku‘pedziswa kwezvakavanzika.’ (Zvakazarurwa 10:7; Genesi 3:15) Kupedzwa kwacho kwaizoitika nekugadzwa kweUmambo, sezvinobvumikisa kuenzaniswa kwaZvakazarurwa 10:7 ne11:15. Kutaura idi, makore 4 000 akapfuura kubvira pakupiwa kwechipikirwa chokutanga choUmambo muEdheni kusvikira pakuoneka kwaMambo Akasarudzwa muna 29 C.E. Mamwe makore 1 885 akapfuura Umambo husati hwagadzwa mudenga muna 1914. Nokudaro “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chakaziviswa nenzira inofambira mberi munhambo yemakore inoda kusvika 6 000. (Ona peji 16.) Pauro zvirokwazvo aive akarurama mukutaura nezve“kuzarurwa kwezvakavanzika [“zvinoyera,” NW], zvisina kurehwa nguva dzisingaperi, asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa.”—VaRoma 16:25-27; VaEfeso 3:4-11.

7. Nei tichigona kuva nekuvimba zvikuru boka remuranda akatendeka uye akachenjera?

7 Mukupesana nevanhu, avo vane nduramo yakaganhurirwa, Jehovha haambonzwi achimanikidzwa nenguva kuti azivise zvakavanzika zvake nguva isati yakwana. Idi irori rinofanira kutidzivisa kuva vasingashiviriri apo mibvunzo yakati yeBhaibheri isingagoni kutsanangurwa zvino zvinotigutsa. Kuva nemwero kweboka remuranda akatendeka uye akachenjera, rakapiwa basa rokugovera imba yeChikristu zvekudya panguva yakafanira, kunoridzivisa kuenda mberi nenzira yokuzvitutumadza uye kufungidzira nenzira isingadzorwi pamusoro pezvinhu zvisati zvajeka. Boka remuranda rinovavarira kudzivisa kuva rakaoma. Haridadi zvikuru zvokusagona kubvuma kuti parizvino harigoni kupindura mubvunzo uri wose, richirangarira zvakajeka Zvirevo 4:18. Asi zvinofadza sei kuziva kuti Jehovha, munguva yake yakafanira uye munzira yake amene, achapfuurira kuzivisa zvakavanzika zvake zvine chokuita nemadonzo ake! Hatimbofaniri kuva vasingashiviriri gadziriro yaJehovha, tichiedza nokusachenjera kuenda kumberi kweMuzivisi wezvakavanzika. Zvinokurudzira sei kuziva kuti mukoto uyo Jehovha ari kushandisa nhasi hauite kudaro! Uri zvose zviri zviviri wakatendeka uye wakachenjera.—Mateo 24:45; 1 VaKorinte 4:6.

Chakavanzika Chakaziviswa Chinofanira Kutaurwa!

8. Tinoziva sei kuti “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chinofanira kuziviswa?

8 Jehovha haana kuzivisa “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chake kuVakristu kuti vachichengete chakavanzwa. Chinofanira kuziviswa, mutsinhirano nenheyo iyo Jesu akagadzirira vateveri vake vose—kwete chete nokuda kwevafundisi vashomanene: “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 5:14-16; 28:19, 20.

9. Chii chinobvumikisa kuti Jesu akanga asiri mumukiri, seizvo vamwe vanotaura?

9 Jesu akanga asina vavariro yokumukira yokuvamba sangano rapachivande revateveri kuti varonde madonzo akavanzika. Mubhuku rinonzi Early Christianity and Society, Robert M. Grant akanyora pamusoro pemashoko okudzivirira akataurwa pamusoro peVakristu vapakuvamba nemudziviriri wekutenda wemuzana ramakore rechipiri Justin Martyr anoti: “Kudai Vakristu vaiva vanomukira vaizoramba vakahwanda kuitira kuti vasvike vavariro yavo.” Asi Vakristu vaigona sei ku“ramba vakahwanda” uye panguva imwe chete kuva se“guta rakavakwa . . . pagomo”? Havana kuedza kuvanza chiedza chavo pasi pedengu! Hurumende, naizvozvo, yaisafanira kutya mubato wavo. Munyori uyu akapfuurira kuvarondedzera se“vabetseri vakanakisisa vamambo nemhaka yerugare nerunyararo.”

10. Nei Vakristu vasingafaniri kuvanza kuzivikanwa kwavo?

10 Jesu aisada kuti vadzidzi vake vavanze kuzivikanwa kwavo semitezo yerinonzi sekete rorudzidziso. (Mabasa 24:14; 28:22) Kukundikana kuita kuti chiedza chedu chivheneke nhasi kungava kusingafadze kune vose vari vaviri Kristu naBaba vake, Muzivisi wezvakavanzika, uye hakungatisiyi tichifara.

11, 12. (a) Nei Jehovha achishuva kuti Chikristu chizivikanwe? (b) Jesu akagadza sei muenzaniso wakarurama?

11 Jehovha “haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9; Ezekieri 18:23; 33:11; Mabasa 17:30) Hwaro hwekukanganwirwa zvivi kwevanhu vanopfidza kutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, uyo akazvipa serudzikinuro rwavose—kwete nokuda kwevashomanene chete—kuitira kuti “ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Zvinokosha kuti vanhu vabetserwe kuita matanho anokosha ayo achavaita kuti vakwanirise kutongwa semakwai, kwete sembudzi, mukati merutongeso rwunouya.—Mateo 25:31-46.

12 Chikristu chechokwadi hachina kuvanzwa; chinofanira kuziviswa munzira yose yakakodzera inobvira. Jesu pachake akagadza muenzaniso wakarurama. Paakabvunzwa nemuprista mukuru pamusoro pevadzidzi vake nedzidziso yake, akati: “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutembere, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.” (Johane 18:19, 20) Nemhaka yemuenzaniso iwoyu, munhu upi anotya Mwari angatsunga kuvanza icho Mwari akazivisa kuti chinofanira kuziviswa vanhu vose here? Ndiani aizotsunga kuvanza “kiyi yokuziva” inotungamirira kuupenyu husingagumi? Kuita kudaro, kwaizomuita kuti ave akafanana nevanyengeri verudzidziso vezana ramakore rokutanga.—Ruka 11:52; Johane 17:3.

13. Nei tichifanira kuparidza pamukana uri wose?

13 Ngapasave nemunhu anozombotaura kuti isu seZvapupu zvaJehovha takavanza shoko reUmambo hwaMwari! Shoko racho ringagamuchirwa kana kuti kurambwa, vanhu vanofanira kuziva kuti raparidzwa. (Enzanisa naEzekieri 2:5; 33:33.) Naizvozvo ngatishandisei mukana uri wose kutaura shoko rechokwadi kuvose, kwose kwose kwatinosangana navo.

Kuisa Hocheko Mushaya dzaSatani

14. Nei tisingafaniri kuzengurira pamusoro pekusavanzika mukunamata kwedu?

14 Munzvimbo zhinji Zvapupu zvaJehovha zviri kuramba zvichingotaurwa munhau. Kufanana nezvakaitika kuVakristu vapakuvamba, zvinowanzokwenengerwa ndokuiswa munzvimbo imwe cheteyo nemasekete orudzidziso nemasangano apachivande anomutsa mibvunzo. (Mabasa 28:22) Kusavanzika kwedu mukuparidza kungatiite vanodenhwa here? Zvirokwazvo kungasava kuchenjera, uye kusawirirana nezano raJesu, kuzvipinza mukati megakava zvisiri madikanwa. (Zvirevo 26:17; Mateo 10:16) Zvisinei, basa rinobetsera rokuparidza Umambo nekubetsera vanhu kuvandudza upenyu hwavo harifaniri kuvanzwa. Rinorumbidza Jehovha, richimukwidziridza, richinangidzira ngwariro kwaari uye kuUmambo hwake hwakagadzwa. Kudavidza kunofadza kwenguva yapfuura kuchokwadi cheBhaibheri muEastern Europe nemativi eAfrica kwave kuri murutivi nemhaka yekusavanzika kwakawedzera uko chokwadi chinogona kuparidzwa nako ikoko zvino.

15, 16. (a) Madonzoi anoitwa nekusavanzika kwedu nekubudirira mumudzimu, asi izvozvi chikonzero chekunetseka here? (b) Nei Jehovha achipinza hocheko mushaya dzaSatani?

15 Ndezvechokwadi kuti kuparidza kunoita Zvapupu zvaJehovha zvisina kuvanzika, paradhiso yomudzimu yazvinofarikanya, uye kubudirira kwazvo—mune zvose zviri zviviri pfuma yevanhu nezvinhu zvokunyama—hazvifuratirwi. Nepo zvichikwezva vane mwoyo yakatendeseka, zvinhu izvozvi zvingagumbura vashori. (2 VaKorinte 2:14-17) Kutaura idi, izvozvi pakupedzisira zvingashande kukwezva mauto aSatani kudenha vanhu vaMwari.

16 Izvozvi zvinofanira kuva chisakiso chekunetseka here? Kwete maererano neuporofita hwaJehovha hunowanwa muna Ezekieri ganhuro 38. Hunofanotaura kuti Gogi weMagogi, kureva Satani Dhiyabhorosi kubvira pakuderedzwa kwake kunzvimbo yapasi pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914, achatungamirira kudenha vanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 12:7-9) Jehovha anoudza Gogi kuti: “Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuo; nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nepfuma, vagere pakati penyika.” (Ezekieri 38:11, 12) Zvisinei, ndima 4 inoratidza kuti vanhu vaMwari havafaniri kutya kurwisa ikoku, nemhaka yekuti kwakarongwa naJehovha. Asi nei Mwari aizobvumira—hungu, kunyange kunyandura—kudenhwa kwakakwana kwevanhu vake? Mundima 23 tinorava mhinduro yaJehovha: “Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”

17. Tinofanira kurangarira sei kudenha kwaGogi kwoswedera pedyo?

17 Nokudaro, panzvimbo pokurarama vachitya kurwiswa naGogi, vanhu vaJehovha vanokarira nekudisa kumwe kuzadzikwa kweuporofita hweBhaibheri. Zvinofadza sei kuziva kuti kupfurikidza nokuita kuti sangano rake ribudirire uye kukomborera sangano rake rinooneka, Jehovha anopinza hocheko mushaya dzaSatani ndokukunda iye neuto rake!—Ezekieri 38:4.

Zvino Kwapfuura Kare Kose!

18. (a) Vanhu vazhinji vari kusvika pakuzivei zvino, uye nei? (b) Kugamuchira kuparidzwa kwoUmambo kunobatira sei sesundo ine simba?

18 Munguva dzazvino uno Zvapupu zvaJehovha zvave zvakajeka zvikuru mukutaura mirangariro yazvo yakavakirwa muBhaibheri, kunyange zvazvo izvozvi zvave zvisingafarirwi. Kwamakumi amakore zvakanyevera nezvengozi dzokusvuta nokushandisa zvisina kufanira zvinhu zvinodhaka, kusachenjera kwokurovedza mwana kwekuregeredza, migumisiro yakashata yevaraidzo yakazadzwa nevatano isiri pamutemo nemasimba masimba, uye ngozi dzekuisirwa ropa. Zvakataurawo nezvekusawirirana kwerondedzero yemhindumupindu. Vanhu vazhinji zvikuru vava kuti, “Zvapupu zvaJehovha zvakarurama.” Kudai takanga tisina kujeka kwazvo mukuzivisa vanhu vose mirangariro yedu, vaisagona kuita nenzira iyoyi. Uye usafuratire idi rokuti kupfurikidza nekutaura zvakadaro, vari kuswedera pedyo nekuti, “Satani, unonyepa; Jehovha ndiye akarurama.” Isundo ine simba zvakadini nokuda kwedu kuti tipfuurire kutevera muenzaniso waJesu, tichitaura pachena shoko rechokwadi!—Zvirevo 27:11.

19, 20. (a) Vanhu vaJehovha vakaratidza kutsungai muna 1922, uye mashoko iwaya achiri kushanda here? (b) Tinofanira kurangarira sei “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chaJehovha?

19 Vanhu vaJehovha vanguve vachinzwisisa musengwa wavo munhau iyoyi. Pane imwe kokorodzano inokosha muna 1922, J. F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akafadza vateereri vake kupfurikidza nokuti: “Mukai, svinurai, shingairai, shingai. Ivai zvapupu zvaShe zvakatendeka uye zvechokwadi. Endererai mberi mukurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chaparara. Zivisai shoko kwakafara. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Rino izuva rinokosha. Tarirai, Mambo wotonga! Muri vazivisi vake. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.”

20 Sezvo mashoko iwayo aikosha muna 1922, ndoda makore 75 gare gare, apo kuziviswa kwaKristu soMutongi neMutsivi kwaswedera pedyo zvikuru! Shoko roUmambo hwaJehovha hwakagadzwa nereparadhiso yomudzimu inofarikanywa nevanhu vaMwari chinhu “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chakaisvonaka zvokusagona kuchichengeta. Seizvo Jesu amene akataura zvakajeka, vateveri vake, nebetsero yomudzimu mutsvene, vanofanira kuva zvapupu “kusvikira kumugumo wenyika” pamusoro penzvimbo yake inokosha mudonzo raJehovha risingagumi. (Mabasa 1:8; VaEfeso 3:8-12) Kutaura idi, savabatiri vaJehovha, Mwari anozivisa zvakavanzika, hatifaniri kuzvichengetera chakavanzika ichochi!

Ungapindura Sei?

◻ “Chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chii?

◻ Tinoziva sei kuti chinofanira kuziviswa?

◻ Chii chinosakisa kudenha kwaGogi vanhu vaJehovha, uye tinofanira kurangarira sei izvozvi?

◻ Mumwe nomumwe wedu anofanira kutsunga kuitei?

[Bhokisi riri papeji 16]

“Chakavanzika [“Chinoyera,” NW]” Chinoziviswa Nenzira Inofambira Mberi

◻ Pashure pa4026 B.C.E.: Mwari anopikira kumutsa Mbeu yokuparadza Satani.—Genesi 3:15

◻ 1943 B.C.E.: Sungano yaAbhrahama inovambwa, ichivimbisa kuti Mbeu ichauya kupfurikidza naAbhrahama.—Genesi 12:1-7

◻ 1918 B.C.E.: Kuberekwa kwaIsaka somudyi wenhaka yesungano.—Genesi 17:19; 21:1-5

◻ c. 1761 B.C.E.: Jehovha anosimbisa kuti Mbeu ichauya kupfurikidza nemwanakomana waIsaka Jakobho.—Genesi 28:10-15

◻ 1711 B.C.E.: Jakobho anoratidzira kuti Mbeu ichauya kupfurikidza nemwanakonana wake Judha.—Genesi 49:10

◻ 1070-1038 B.C.E.: Mambo Dhavhidhi anoziva kuti Mbeu ichava muzukuru wake uye ichatonga nokusingaperi saMambo.—2 Samueri 7:13-16; Pisarema 89:35, 36

◻ 29-33 C.E.: Jesu anoziviswa seMbeu, Mesiya, mutongi wemunguva yemberi, uye Mambo Akasarudzwa.—Johane 1:17; 4:25, 26; Mabasa 10:42, 43; 2 VaKorinte 1:20; 1 Timotio 3:16

◻ Jesu anozivisa kuti achava nevamwe vatongi, kuti Umambo hwokudenga huchava navadzorwi vapasi, uye kuti vateveri vake vose vachava vaparidzi voUmambo.—Mateo 5:3-5; 6:10; 28:19, 20; Ruka 10:1-9; 12:32; 22:29, 30; Johane 10:16; 14:2, 3

◻ Jesu anozivisa kuti Umambo huchagadzwa panguva chaiyo, sezvinotsigirwa nezviitiko zvenyika.—Mateo 24:3-22; Ruka 21:24

◻ 36 C.E.: Petro anoziva kuti vasiri vaJudha vachavawo vadyi nhaka veUmambo.—Mabasa 10:30-48

◻ 55 C.E.: Pauro anotsanangura kuti vadyi nhaka veUmambo vachamutswa vasingazofi uye vasingazoori mukati mekuvapo kwaKristu.—1 VaKorinte 15:51-54

◻ 96 C.E.: Jesu, ari kutotonga vateveri vake vakazodzwa, anozivisa kuti nhamba yavo yokupedzirisa ichava 144 000.—VaEfeso 5:32; VaKorose 1:13-20; Zvakazarurwa 1:1; 14:1-3

◻ 1879 C.E.: Zion’s Watch Tower inotaura nezva1914 segore rinokosha zvikuru mukushanda kwe“chakavanzika [“chinoyera,” NW]” chaMwari

◻ 1925 C.E.: Nharireyomurindi yechiNgezi inotsanangura kuti Umambo hwakaberekwa muna 1914; “chakavanzika [“chinoyera,” NW]” pamusoro peUmambo chinofanira kuziviswa.—Zvakazarurwa 12:1-5, 10, 17

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kufanana neMutungamiriri wazvo, Jesu, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa pachena Umambo hwaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe