RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/1 pp. 5-6
  • Chivande Chinoitwa Muzita raShe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chivande Chinoitwa Muzita raShe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngozi Dzechivande Chorudzidziso
  • Nei Kune Chivande?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2018
  • Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chakavanzika Chaunogona Kuudzawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/1 pp. 5-6

Chivande Chinoitwa Muzita raShe

DENHO yegasi rine chepfu muchitima chinofamba nepasi pevhu cheTokyo, Japan, muna March 1995 yakauraya vanhu 12, yakarwarisa zviuru zvakawanda, uye yakabetsera kuzivisa chakavanzika. Rimwe sekete rorudzidziso rinozivikanwa seAum Shinrikyo (Chokwadi Chikurusa) rakanga raunganidza pachivande murwi wegasi rine simba rokushandisa mukuronda nharidzano dzapachivande.

Mwedzi mumwe gare gare bhomba rakaputika rakaparadza chivako chemubatanidzwa muOklahoma City, U.S.A., uye rakauraya 167. Ufakazi hwairatidzika kuva hunoratidzira kuti denho yacho munzira yakati yakanga yakabatanidzwa nokusaitira hanya kwehurumende sekete rorudzidziso reBranch Davidian muWaco, Texas, makore maviri chaiwoiwo kusati kwaitika. Panguva iyoyo mitezo 80 yesekete racho yakafa. Kuputika kwebhomba kwakazivisawo chakanga chiri chapachivande kuvanhu vazhinjisa: Akawanda amapoka amauto zvino anoshanda muUnited States, anenge mamwe awo anofungidzirwa kuronga pachivande chiito chokurwisana nehurumende.

Gare gare, sezvo 1995 akaswedera kumugumo, mitumbi yakatsva yavanhu 16 yakawanwa munharaunda ine masango pedyo neGrenoble, France. Vakanga vave vari mitezo yeOrder of the Solar Temple, sekete duku rorudzidziso iro muna October 1994 rakanga rave richitaurwa nezvaro munhau muSwitzerland neCanada apo 53 vemitezo yaro vakazviuraya kana kuti vakapondwa. Asi kunyange pashure peiyi ngwavaira, sekete racho rakanga rapfuurira kushanda. Kusvikira kuzuva rino sundo dzaro nevavariro zvinoramba zvakavanzika.

Ngozi Dzechivande Chorudzidziso

Nemhaka yezviitiko zvakadaro, kunomboshamisa here kuti vanhu vakawanda vanonyumwira mapoka orudzidziso? Zvirokwazvo hapana munhu aizoda kutsigira sangano rakavanzika—rorudzidziso kana kuti risiri rorudzidziso—rinoshandisa zvisina kufanira chivimbo chake ndokumuparira kuti aronde nharidzano dzaasingabvumirani nadzo. Vanhu vanogona kuitei, kunyange zvakadaro, kuti vadzivise kuwira mumusungo wokubatanidzwa namapoka akavanzika anopanikirika?

Sezviri pachena, munhu upi noupi ari kurangarira kuva mutezo muboka rakavanzika angava akachenjera kuwana vavariro dzaro chaidzoidzo. Dzvinyiriro inobva kushamwari kana kuti vazivikanwi inofanira kudziviswa, uye zvisarudzo zvinofanira kuvakirwa kwete pamirangariro asi pamaidi. Yeuka, sezvingabvira angava munhu wacho pachake—kwete vamwe—achafanira kutambura migumisiro ipi neipi inobvira.

Kutevera nheyo dzeBhaibheri ndiyo nzira ine chokwadi zvikurusa yokudzivisa nayo mapoka ane ngozi ane vavariro dzisina kunaka. (Isaya 30:21) Ikoku kunobatanidza kuchengeta kusatora rutivi mune zvematongerwe enyika, kuratidza rudo kuvamwe, kunyange kuvavengi, kudzivisa “mabasa enyama,” uye kusakurira chibereko chomudzimu waMwari. Kupfuura zvose, Vakristu vechokwadi havafaniri kuva rutivi rwenyika, sezvo Jesu akanga asiri rutivi, uye nzira iyi inobvisa kutora rutivi mumapoka akavanzika enyika.—VaGaratia 5:19-23; Johane 17:14, 16; 18:36; VaRoma 12:17-21; Jakobho 4:4.

Zvapupu zvaJehovha vadzidzi vanoshingaira veBhaibheri vanorangarira kutenda kwavo zvakakomba ndokuedza pachena kurarama nenzira inowirirana. Munyika mose, vanosanozivikanwa seboka rorudzidziso rino‘tsvaka rugare ndokururonda.’ (1 Petro 3:11) Bhuku ravo rinonzi Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom rinoti nenzira yakarurama: “Zvapupu zvaJehovha hazvisi sangano rapachivande mupfungwa ipi neipi. Zvitendero zvazvo zvakavakirwa paBhaibheri zvinotsanangurwa zvizere muzvinyorwa zvinowanika kumunhu upi noupi. Mukuwedzera, vanoita nhamburiko chaiyo yokukoka vanhu kuti vapinde misangano kuti vazvionere nokuzvinzwira zvinoitika.”

Rudzidziso rwechokwadi harwutongoiti zvokuvanza. Vanamati vaMwari wechokwadi vakarayiridzwa kusavanza kuzivikanwa kwavo kana kuti kudzikatidza donzo ravo seZvapupu zvaJehovha. Vadzidzi vapakuvamba vaJesu vakazadza Jerusarema nokudzidzisa kwavo. Vakanga vari pachena kana toreva nezvezvitendero zvavo nomubato. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezveZvapupu zvaJehovha nhasi. Nenzira inonzwisisika, apo hurumende dzinodzvinyirira dzinoganhurira nenzira isina kururama rusununguko rwokunamata, Vakristu vanofanira kupfuudzira mubato wavo nokungwarira uye noushingi, vachiteerera “Mwari kupfuura vanhu,” mamiriro ezvinhu anomanikidzirwa pavari nemhaka youchapupu hwavo hwapachena hwoushingi.—Mabasa 5:27-29; 8:1; 12:1-14; Mateo 10:16, 26, 27.

Kana wakambofunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvingava sangano kana kuti sekete rapachivande, ikoko sezvingabvira kwakanga kuri nemhaka yokuti iwe waiziva zvishoma zvikuru pamusoro pazvo. Iwayo anofanira kuva akanga ari mamiriro ezvinhu avakawanda muzana rokutanga ramakore.

Mabasa ganhuro 28 inotiudza nezvomusangano uyo muapostora Pauro akaita muRoma na“vakuru vavaJudha.” Vakati kwaari: “Tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.” (Mabasa 28:16-22) Mumhinduro, Pauro “akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari,” uye “vamwe vakatenda.” (Mabasa 28:23, 24) Zvirokwazvo vakabetserwa zvikuru nokuwana maidi chaiwo pamusoro peChikristu chechokwadi.

Sezvazvakazvipira kubasa rapachena raMwari, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kuzivisa maidi akajeka omubato wazvo uye zvitendero kumunhu upi noupi anoda kuziva maidi. Kuregererei kuzvinzverera woga, nokudaro uchiva munzvimbo yokuziva zvakafanira pamusoro pokutenda kwazvo?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuzvizivisa kuti ndivanaani uye zvazviri kuita

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe