RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/15 pp. 4-7
  • Nei Rutyo Ruchibata Nyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Rutyo Ruchibata Nyika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutyo Rwomunyika Yose Rune Revo
  • Icho Nyika InoInogona Kukarira
  • Nguva Yomufaro, Kwete Rutyo
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/15 pp. 4-7

Nei Rutyo Ruchibata Nyika?

NDIANI anoda kugara achitya? Munhuwo zvake anoshuva chengeteko, pasina tyisidziro kuupenyu hwake kana kuti zvinhu. Nokudaro, vakawanda vanobuda munharaunda dzakazadzwa noutsotsi. Bva, zvisakiso zvorutyo zviri munzvimbo iri yose.

Ngozi dzinobva muzvombo zvenyukireya netsaona dzamagwenya zvinonyandura kutya kuparadzanywa kworudzi rwomunhu. Masimba masimba anowedzera zvikuru anosimudzira rutyo. Vakawanda vanotya kuti AIDS ichava murakatira unouraya zvikurusa wezana rino ramakore. Kuparadzwa kwemhoteredzo yedu kuri pakati pezvimwe zvisakiso zvorutyo. Rutyo irworwu rune revo zvikuru here? Uye tinogona kumbokarira kurarama munyika isina rutyo rwakadaro here?

Rutyo Rwomunyika Yose Rune Revo

Rutyo rwakapararira rwanhasi rune revo nemhaka yechakadeya kutaurwa muBhaibheri. Muuporofita hwake pamusoro pamazuva okupedzisira, Jesu Kristu akadudza migariro yaizosakisa rutyo. Iye akati: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.” Jesu akataurawo nezvokuti “kusarurama kuchawanda.” Chifo cha 1914, hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, uye kusateerera mutemo zvisina muenzaniso zvakaguma norutyo rukuru nokurasikirwa noupenyu.—Mateo 24:7-14.

Kunyange zvimiro zvendangariro zvavanhu zvinoparira rutyo nhasi. Pana 2 Timotio 3:1-4, tinorava mashoko ouporofita omuapostora Pauro, anoti: “Namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” Sezvo takapoteredzwa navanhu vakadaro muano mazuva okupedzisira, hakushamisi kuti kune rutyo rwakawanda kwazvo!

Icho Nyika InoInogona Kukarira

Jesu akaenzanisa nhambo ino namazuva okupedzisira enyika yenguva yaNoa. Pasina panikiro, rutyo panguva iyeyo rwakanga rwuri rukuru, nokuti chinyorwa chenhau cheBhaibheri chinoti: “Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” Nokudaro, “Mwari wakati kuna Noa: Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana.” (Genesi 6:11, 13) Nyika iyoyo yakaipa yakanga ine masimba masimba kwazvo zvokuti Mwari akaigumisa kupfurikidza naMafashamo enyika yose. Nemhaka yorudo, zvisinei, Jehovha Mwari akaponesa Noa akarurama nemhuri yake.—2 Petro 2:5.

Chii icho nyika yamasimba masimba yazvino naizvozvo inogona kukarira? Eya, Mwari anosema kufuratirwa kwamasimba masimba kwegarikano yavamwe. Ikoku kuri pachena kubva mumashoko owezvamapisarema, anoti: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomakidza.” (Pisarema 11:5) Jehovha akagumisa nyika yaiva namasimba masimba yezuva raNoa. Naizvozvo, ipapoka, hatifaniri here kukarira Mwari kugumisa nyika ino yatambudzwa namasimba masimba anoparira rutyo?

Muapostora Petro akafuridzirwa nenzira youmwari kutaura nezvokuvapo kwaKristu nokuporofita ngwavaira nokuda kwenyika yazvino yakaipa. Iye akanyora, kuti: “Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” Petro ipapo akashandisa shoko rokuti “denga” kumirira tsika yokutonga kusina kukwana parudzi rwomunhu neshoko rokuti “nyika” nokuda kwechaunga chavanhu chisina kururama. “Nokuti,” iye akadaro, “vanokanganwa nobwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, [zuva raNoa] yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:3-7.

Nomutoo wakafanana, Pauro akaonesa kuti Kristu nengirozi dzake dzine simba vaizounza “matsive paavo vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu. Ivava vamene vachatambura chirango chokutonga choruparadziko rusingaperi.” (2 VaTesaronika 1:6-9, NW) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinotaura nezvokuunganidzwa kwamarudzi nokuda kwe“hondo yezuva guru raMwari wamasimba ose,” uye rinotipikira kuti Jehovha acha“paradza avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:18; 16:14-16, NW.

Nguva Yomufaro, Kwete Rutyo

Panzvimbo pokutyiswa neizvo Bhaibheri rinodeya kutaura nokuda kwenyika ino, vanhu vakarurama vane chikonzero chomufaro. Jehovha achakurumidza kugumisa nyika ino yakaipa, asi ikoku kuchaitwa nokuda kwenakirwo yaavo vanoda kururama. Chii chichatevera kugumiswa kwoumwari kwetsika yazvino yezvinhu? Chokwadi, tsika itsva muUmambo hwokudenga hwaMwari, uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera! Iye akati: “Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Ichinjoi dzinogona kukarirwa apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano?

Hondo nokutyisa kwayo zvichave zvaguma. Pisarema 46:9 rinoti: “Unogumisa [Jehovha Mwari] kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa [dzehondo] nomwoto.” Ipapo vanhu va“chagara pasi pomuzambiringa wa[vo] napasi pomuonde wa[vo], hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.

Hosha dzinouraya hadzisati dzichizoparirazve rutyo nokuparadza upenyu. Chipikirwa choumwari ndeichi: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Chisakiso chakadini chomufaro!

Rutyo rwakabatanidzwa noutsotsi namasimba masimba zvichavawo zvinhu zvomunguva yakapfuura. Pisarema 37:10, 11 rinopikira, kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”

Rutyo rwomuzuva razvino ruchatsiviwa sei norugare rwechokwadi nechengeteko? Kupfurikidza nehurumende imwe yakarurama—Umambo hwaMwari. Pamusoro penguva yedu, Dhanieri 2:44 inoti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” Mambo akagadzwa waJehovha, Jesu Kristu, ‘anofanira kutonga kutozosvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.’ (1 VaKorinte 15:25) Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu kuchazadzika donzo rapakuvamba raMwari rokuita kuti paradhiso yapasi igarwe nokusingagumi navanhu vanofara.—Ruka 23:43; Zvakazarurwa 20:6; 21:1-5.

MuParadhiso iyoyo yapasi, kuchava nokutya kumwe kwakanaka. Kuchava “kutya Jehovha.” (Zvirevo 1:7) Kutaura idi, tinofanira kuva nouku kutya kunyange zvino, nokuti ruremekedzo rukuru norutyo zvakabatanidzwa norutyo rwokutsamwisa Mwari nemhaka yokuti tinoonga mutsa wake worudo norunako. Uku kutya kunoda chivimbo chakazara muna Jehovha neteerero yokutendeka kwaari.—Pisarema 2:11; 115:11.

Zvinoitika zvinotyisa zvinoratidzira iwaya samazuva okupedzisira. Kana tikabvumikisa kuda kwedu Mwari, zvisinei, tinogona kufara panzvimbo pokuva vanotya. Uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti mugumo woumwari wenyika ino wava pedyo. Ichatsiviwa nenyika itsva yakapikirwa yaJehovha Mwari yokururama. (2 Petro 3:13) Zvamazvirokwazvo, mukutonga kwoUmambo muchakurumidza kuva nenyika isina kutya kusina kunaka.

[Bhokisi riri papeji 6]

SIMBA REKOPI IMWE

TOMASZ, jaya rekuPoland, akapinda muchinetso chinorwisana nomutemo icho chakamuparira kutiza nyika yacho. Kwemwedzi mitanhatu akakumbira kutakurwa nezvinofamba mumugwagwa zvaipfuura achigura Europe, achirara mutende uye kushanda pamabasa akasiyana-siyana. Munguvayo, mubvunzo mumwe wakanga uri mundangariro make nguva dzose: Chii chiri donzo roupenyu?

Mubvunzo waTomasz wakapindurwa apo akapiwa kopi yeNharireyomurindi muchiPolish. Akairava kanoverengeka uye akaziva kuti iyi magazini yaiva nezvokwadi yaakanga ave achitsvaka. Tomasz akakumbira kutakurwa nezvinofamba mumugwagwa zvaipfuura kwamakiromita 200 kuenda kuhofisi yebazu muSelters/Taunus, Germany. Achisvika paMuvhuro madekwana, akabudisa magazini yake yeNharireyomurindi ndokuti: “Ndingada kuti mumwe munhu atsanangure zvakawanda pamusoro pezviri mumagazini ino. Chii chandinofanira kuita?”

Madekwana iwayo, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakataura kuna Tomasz pamusoro pedonzo roupenyu, vachishandisa Bhaibheri sehwaro hwekurukurirano yavo. Achida kudzidza zvakawanda, Tomasz akadzokera kuhofisi yebazu zuva riri rose vhiki iyoyo, achifunda Bhaibheri uye bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.

Tomasz akasarudza kudzoka kuPoland, kunyange zvazvo aigona kutarisana nezvinetso ikoko. Nokudaro, paChishanu, mazuva mana chete pashure pokusvika pahofisi yebazu reSelters, Tomasz akatanga kufamba kuenda kunyika yekwake. Akakurumidza kuvamba kufunda neZvapupu zvaJehovha muPoland. Tomasz akaita fambiro mberi yokukurumidza uye akavamba kutaura nokushingaira kuna vamwe pamusoro pezvaakanga achidzidza. Muna October 1993, mwedzi mina bedzi pashure peshanyo yake yokutanga kuSelters, akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.

Kopi imwe bedzi yeNharireyomurindi yakabetsera iri jaya kunzvera donzo roupenyu!

[Mufananidzo uri papeji 7

Mukutonga kwoUmambo kunoitwa naJesu Kristu, rutyo harusati ruchizotongobatazve nyika

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe