RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Colombia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Colombia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakuru Vakuru Vebhizimisi Vanoororwa
  • Zvokwadi Inosvika Marudzi Ose
  • Rokutanga Makore Zana Apfuura
    Mukai!—2001
  • Dzimbahwe Renyika Uye Hofisi Huru Dzezvapupu zvaJehovha—Mumifananidzo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Munhu Wose Anokokwa Nechinangwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Colombia

COLOMBIA inyika yechienzi yeSouth America. Makungwa ose ari maviri reAtlantic nerePacific ari pedyo nemhenderekedzo yegungwa yeiyi nyika yakashongedzwa namakomo anoputika. Kupisa kwemhenderekedzo dzegungwa dzakaderera dzomunzvimbo dzapasi dzinopisa namapani kunochinjira kukutonhora kwourengarenga hwakakwirira, hwakafukidzwa nesinou hweAndes Mountains.a

Kunyange zvazvo Colombia yakakurumbira nokuda kwendarama namabwe anokosha, vanhu vacho ndivo zvinhu zvayo zvinokosha zvikurusa. Nhasi, Jehovha ari kuzadza imba yake yomudzimu nembiri. Vanamati vakaisvonaka, vanodiwa vari kudirana kwairi mumativi ose apasi, kubatanidza Colombia.—Hagai 2:7.

Vakuru Vakuru Vebhizimisi Vanoororwa

Svondo, November 1, 1992, rakaratidzira kutsaurirwa kwehofisi yebazu itsva yeWatch Tower Society nenzvimbo yokutsikirira paFacatativá, makiromita 42 kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweBogotá. Kushanyira bazu kwakava nokuorora kukuru pavashanyi. Pakudzokera kufekitari uko iye anoshanda, mumwe mushanyi akakurudzira namanyemwe vanamanija vake kuenda ndokucherechedza sangano iro riri ‘chishamiso chokushanda zvakanaka, nhevedzano, uye tsika dzavashandi.’ Mukati meshanyo yavo yakatevera, vakuru vakuru vakaratidza fariro huru ndokubvunza mibvunzo yakawanda.

Ava vakuru vakuru vakada kutumira vatarisiri vavo, vatariri, uye vanaforomani—kutaura idi, vashandi vavo vose—pashanyo. Vhiki imwe neimwe, ivo vaironga vashandi vanovambira pa 15 kusvikira ku 25 nokuda kweshanyo kutozosvikira vashandi vose vane 1 300 vagona kucherechedza kushanda zvakanaka kwakadaro kwesangano.

Mazana avashandi vavo akashanyira nzvimbo yebazu uye vakatarira vhidhiyo yeJehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Vaororwa noukuru hwesangano noukuru munyika yose hwebasa rokuparidzira Umambo, ivo vanoshamiswa nomwero wakakwirira woruzivo runoshandiswa mukushanda kweSosaiti. Pakuenda, vakawanda vanonzwiwa vachitaura kuti vanonzwa sokunge vari ku‘bva muParadhiso vachidzokera munyika isina kurongwa.’

Zvokwadi Inosvika Marudzi Ose

Vanhu vamarudzi ose vari kusvikwa namashoko akanaka. (1 Timotio 2:3, 4) Somuenzaniso, aichimbova murongi nomutungamiriri weboka reheavy-metal rock akagamuchira zvokwadi yeBhaibheri, akaita chinjo muupenyu hwake, uye nokukurumidza akava piyona wenguva dzose. Gare gare akagadzwa somubatiri anoshumira. Vanhu vanoverengeka vakanga vari mitezo yamapoka anopandukira vakadzidza kuisa chivimbo chavo netariro muUmambo hwaMwari. Ivo zvino vanobatanidzwa nokushingaira mukuparidzira shoko renyika itsva ine rugare.

Vakapindwa muropa nemirimo navatengesi vemirimo vakatendeukirawo kuzvokwadi. Rimwe jaya iro zvino riri Chapupu rakanga ratarisira munda wemirimo neimba yokugadzira mishonga yecocaine musango kwamakore mashanu risati rabva murudzi irworwo rwoupenyu. Iro rakawana mufarwa mukudzidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Mutorongo vaurayi vakawanwa vane mhaka vakasundwa nefundo yapachokwadi yeBhaibheri vari kunyengetera zvapachokwadi kuti Jehovha akanganwire zvivi zvavo ndokuvagamuchira savabatiri vake.

Naizvozvo kunodaro kuti vanhu vamarudzi ose vari kugamuchira shoko roUmambo. MuColombia, sokune dzimwe nzvimbo, Jehovha nokudaro ari kuzadza imba yake nembiri.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya1994.

[Bhokisi riri papeji 8]

KUKAMURANISWA KWENYIKA

Gore Rebasa ra 1993

CHIVERE. CHAPA. CHINOPUPURIRA: 60 854

RESHIYO: Chapupu 1 ku 558

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 249 271

AVHAREJI VAPARIDZI MAPIYONA: 8 487

AVHAREJI FUNDO DZEBHAIBHERI 100 927

CHIVERE. CHAKABHAPATIDZWA: 5 183

CHIVERENGERO CHEUNGANO: 751

HOFISI YEBAZU: FACATATIVÁ

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vashandi vapahofisi yebazunavafundisi muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 9]

Chiono chomudenga chehofisi yebazu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe