RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 12/1 pp. 14-18
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushamiswa, Kuremekedza, uye Kutya
  • ‘Munofanira Kumunamatira’
  • Kuda Mwari Ndiko Kumutya
  • Kudzidza Kutya Jehovha
  • Anofara Munhu Wose Anotya Jehovha
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Itya Jehovha Uchengete Mirayiro Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kutyirei Mwari, Kwete Vanhu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 12/1 pp. 14-18

Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha

“Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirayiro yangu nguva dzose.”—DHEUTERONOMIO 5:29.

1. Tingava sei nechokwadi chokuti rimwe zuva vanhu vachange vasina chavanotya?

KUTYA kwatambudza vanhu kwemazana emakore. Kutya nzara, hosha, utsotsi, kana hondo zvinoita kuti mamiriyoni evanhu arambe achifunganya. Nokuda kwechikonzero ichi mashoko okutanga ebumbiro rekodzero dzevanhu rinonzi Universal Declaration of Human Rights, anoratidza chido chokuunza nyika iyo vanhu vose vachava norusununguko rwokusatya.a Zvinofadza kuti Mwari pachake anotivimbisa kuti nyika yakadaro ichauya—kunyange isingaunzwi nezvinoitwa nevanhu. Achishandisa muprofita wake Mika, Jehovha anotivimbisa kuti munyika yake itsva yokururama, ‘hakuna ungazotyisa vanhu vake.’—Mika 4:4.

2. (a) Magwaro anotikurudzira sei kutya Mwari? (b) Mibvunzo ipi ingamuka patinofunga kuti tinofanira kutya Mwari?

2 Kune rimwe divi, kutya kunogona kuvawo kwakanaka. MuMagwaro, vashumiri vaMwari vanoramba vachikurudzirwa kutya Jehovha. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira.” (Dheuteronomio 6:13) Mazana emakore gare gare Soromoni akanyora kuti: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 12:13) Nebasa redu rokupupura, rinoitwa richitungamirirwa nengirozi, tinokurudzirawo vanhu vose ‘kutya Mwari nokumupa mbiri.’ (Zvakazarurwa 14:6, 7) Mukuwedzera pakutya Jehovha, vaKristu vanofanira kumuda nomwoyo wavo wose. (Mateu 22:37, 38) Tingada sei Mwari asi tichimutya zvekare? Nei Mwari ane rudo achifanira kutyiwa? Zvinhu zvipi zvakanaka zvinobva pakukudziridza kutya Mwari? Kuti tipindure mibvunzo iyi, tinofanira kutanga kunzwisisa kuti kutya Mwari kunorevei uye kuti rudzi rwokutya urwu runova sei rutivi runokosha rwoukama hwedu naJehovha.

Kushamiswa, Kuremekedza, uye Kutya

3. Kutya Mwari kunorevei?

3 VaKristu vanofanira kunzwa vachitya Mwari, Muiti wavo. Imwe tsanangudzo yokutya uku “kushamiswa kukuru noMusiki uye kumuremekedza nokutya kuita zvisingamufadzi.” Saka, kutya Mwari kunodzora zvinhu zviviri zvinokosha muupenyu hwedu zvinoti: maonero atinoita Mwari uye maonero atinoita mufambiro waanovenga. Zviri pachena kuti zvinhu zvacho zvose zviri zviviri zvinokosha uye zvinofanira kunyatsofungisiswa. Sokuratidzwa kwazvinoitwa neExpository Dictionary of New Testament Words yaVine, kuvaKristu kutya kwokuremekedza uku ‘chinhu chinodzora muupenyu, muzvinhu zvokunamata nezvetsika.’

4. Tingakudziridza sei kushamiswa uye kuremekedza Musiki wedu?

4 Tingatanga sei kushamiswa noMusiki wedu uye kumuremekedza? Tinoshamiswa patinoona nzvimbo yakaisvonaka, mapopoma anoorora, kana kuti kunyura kwezuva kunofadza. Kunzwa uku kunowedzera patinoona nemeso edu okutenda kuti zvinhu izvozvo mabasa okusika aMwari. Uyezve, kufanana naMambo Dhavhidhi, tinoona kusava nematuro kwedu kana tichizvienzanisa nezvakasikwa naJehovha zvinoshamisa. “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko zvamunomufunga?” (Pisarema 8:3, 4) Uku kushamiswa kwakadzama kunotungamirira kukuremekedza, kunotiita kuti tionge nokurumbidza Jehovha nokuda kwezvose zvaanotiitira. Dhavhidhi akanyorawo kuti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.”—Pisarema 139:14.

5. Nei tichifanira kutya Jehovha, uye tine muenzaniso upi wakanaka panyaya iyoyi?

5 Kushamiswa uye kuremekedza kunounza kutya kwakanaka nekwokukudza simba raMwari soMusiki uye chiremera chake soMutongi akakodzera wezvakasikwa zvose. Muzvakaonekwa nomuapostora Johani, “vanokunda chikara nomufananidzo wacho”—vateveri vaKristu vakazodzwa vari munzvimbo yavo yomudenga—vanozivisa kuti: “Jehovha Mwari, Wemasimba Ose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, Mambo asingagumi. Chaizvoizvo ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokupa mbiri zita renyu?” (Zvakazarurwa 15:2-4) Kutya Mwari, kunobva mukuremekedza kukuru uchangamire hwake, kunoita kuti ava vanotonga pamwe naKristu muUmambo hwokudenga varemekedze Mwari sachangamire mukuru. Kana tikafunga zvose zvakaitwa naJehovha uye nzira yakarurama yaanotonga nayo zvakasikwa zvose, hatina here chikonzero chakakwana chokumutya?—Pisarema 2:11; Jeremia 10:7.

6. Nei tichifanira kuzeza kuita zvinhu zvisingafadzi Jehovha?

6 Zvisinei, mukuwedzera pakushamiswa uye kuremekedza, kutya Mwari kunofanira kusanganisira kuzeza kuita zvisingamufadzi kana kuti kusamuteerera. Nei? Nokuti kunyange Jehovha “azere nyasha nengoni, a[chi]nononoka kutsamwa,” tinofanira kuyeuka kuti ha“apembedzi munhu ane mhosva.” (Eksodho 34:6, 7) Kunyange zvazvo ane rudo uye ane nyasha, Jehovha haashiviriri kusarurama uye kutadza noune. (Pisarema 5:4, 5; Habhakuki 1:13) Vaya vanoita zvakaipa noune uye vasingapfidzi mumeso aMwari uye vanoita zvinopesana naye havangaiti kudaro pasina kurangwa. Sokutaurwa kwazvakaitwa nomuapostora Pauro, “chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.” Kuzeza kupinda mumamiriro ezvinhu akadaro chinhu chinotichengetedza pakupedzisira.—VaHebheru 10:31.

‘Munofanira Kumunamatira’

7. Tine zvikonzero zvipi zvokuvimba nesimba raJehovha rokuponesa?

7 Kutya kwokuremekedza Mwari uye kunyatsoziva simba rake guru zvinhu zvinotangira kuvimba naJehovha. Kungofanana nezvinoita mwana anonzwa akachengeteka kana baba vake vari pedyo, isuwo tinonzwa takachengeteka uye tine chivimbo tiri pasi poruoko runotungamirira rwaJehovha. Ona kuti vaIsraeri vakaita sei pashure pokunge Jehovha avatungamirira kubva muIjipiti: “Ipapo vana vaIsraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa va[Ijipiti] naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha.” (Eksodho 14:31) Zvakaitika kuna Erisha zvinopupurirawo chokwadi chokuti “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.” (Pisarema 34:7; 2 Madzimambo 6:15-17) Nhoroondo yomuzuva ranhasi yevanhu vaJehovha uye zvichida zvakaitika kwatiri pachedu zvinosimbisa kuti Mwari anoshandisa simba rake pakubatsira vanhu vanomushumira. (2 Makoronike 16:9) Nokudaro tinosvika pakutanga kuona kuti “pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo.”—Zvirevo 14:26.

8. (a) Nei kutya Mwari kuchitiita kuti tifambe munzira dzake? (b) Tsanangura kuti tinofanira ku“namatira” sei kuna Jehovha.

8 Kutya Jehovha kwakanaka hakungosimbisi kuvimba uye kuva nechokwadi naye asiwo kunotikurudzira kufamba munzira dzake. Soromoni paakatsaurira temberi, akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Kuti [vaIsraeri] vakutyei, vafambe munzira dzenyu, nguva yose yavanogara panyika yamakapa madzibaba edu.” (2 Makoronike 6:31) Izvi zvisati zvaitika, Mosesi akakurudzira vaIsraeri kuti: “Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirayiro yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira nokumunamatira.” (Dheuteronomio 13:4) Sezvinoratidzwa zvakajeka nendima idzi, chido chokufamba munzira dzaMwari uye “kumunamatira” chinobva pakuvimba uye kuva nechokwadi naMwari. Hungu, kutya Mwari kunoita kuti titeerere Jehovha, kumushumira, sezvinongoita mwana muduku paanonamatira kuna baba vake vaanovimba zvakakwana.—Pisarema 63:8; Isaya 41:13.

Kuda Mwari Ndiko Kumutya

9. Kuda Mwari kwakabatana papi nokutya Mwari?

9 Maererano nezvinotaura Magwaro, kutya Mwari hakumbobvisi kumuda. Kusiyana naizvozvo, vaIsraeri vakarayirwa ‘kutya Jehovha . . . kuitira kufamba munzira dzake dzose, nokumuda.’ (Dheuteronomio 10:12) Saka, kutya Mwari nokuda Mwari zvakabatana. Kutya Mwari kunoita kuti tifambe munzira dzake, uye izvi zvinobva zvapa uchapupu hwokumuda kwedu. (1 Johani 5:3) Izvi zvine musoro nokuti kana tichida mumwe munhu, tinorega kumurwadzisa nechikonzero chakarurama. VaIsraeri vakarwadzisa Jehovha nenzira yavo yokupandukira murenje. Chokwadi hatingadi kuita chero chinhu chipi zvacho kuti tisuwise Baba vedu vokudenga zvakadaro. (Pisarema 78:40, 41) Kune rimwe divi, nokuti “Jehovha unofara navanomutya,” kuteerera kwedu uye kutendeka kunoita kuti mwoyo wake ufare. (Pisarema 147:11; Zvirevo 27:11) Kuda Mwari kunotiita kuti timufadze, uye kumutya kunotiita kuti tisamurwadzisa. Zvinhu zvinopindirana, kwete zvinopesana.

10. Jesu akaratidza sei kuti aifarira kutya Jehovha?

10 Upenyu hwaJesu hunoratidza zvakajeka kuda uye kutya kwatingaita Mwari panguva imwe chete. Muprofita Isaya akanyora nezvaJesu kuti: “Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha.” (Isaya 11:2, 3) Maererano nouprofita uhwu, mweya waMwari wakaita kuti Jesu atye baba vake vokudenga. Uyezve, tinoona kuti kutya uku, pane kuti kunzi kwainetsa, kwaitogutsa. Jesu akawana mufaro mukuita kuda kwaMwari uye mukuvafadza, kunyange mumamiriro ezvinhu akanga akaoma zvikuru. Paakanga anangana nokuurayiwa padanda rokutambudzikira, akaudza Jehovha kuti: “Kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” (Mateu 26:39) Nokuda kwokutya Mwari uku, Jehovha akateerera zvakanaka kukumbira kwoMwanakomana wake, akamusimbisa, uye akamuponesa parufu.—VaHebheru 5:7.

Kudzidza Kutya Jehovha

11, 12. (a) Nei tichifanira kudzidza kutya Mwari? (b) Jesu anotidzidzisa sei kutya Jehovha?

11 Kusiyana nokutya kwomuzvarirwo kwatinonzwa patinoona simba uye kukura kwezvakasikwa, kutya Mwari hakungoerekani kwauya. Ndicho chikonzero nei Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, akatikoka achiprofita kuti: “Uyai imi vana, munditeerere; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” (Pisarema 34:11) Tingadzidza sei kutya Jehovha kubva kuna Jesu?

12 Jesu anotidzidzisa kutya Jehovha nokutibatsira kunzwisisa unhu hwaBaba vedu vokudenga hwakanaka. (Johani 1:18) Muenzaniso waJesu pachake unoratidza mafungiro anoitwa naMwari uye kuti anobata sei nevamwe, nokuti Jesu anoratidza zvinoitwa nababa vake zvakakwana. (Johani 14:9, 10) Uyezve, nechibayiro chaJesu, tinosvika kuna Jehovha patinonyengetera kuti atikanganwire zvivi zvedu. Uku kuratidzwa kwakatanhamara kwenyasha dzaMwari pachakwo chikonzero chikuru chokuti timutye. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Kukanganwira kuriko kwamuri, kuti vanhu vakutyei.”—Pisarema 130:4.

13. Matanho api ari mubhuku raZvirevo anotibatsira kutya Jehovha?

13 Bhuku raZvirevo rinoratidza ndandanda yematanho anotigonesa kuti tive vanotya Mwari. “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; . . . ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:1-5) Naizvozvo, kuti titye Mwari, tinofanira kudzidza Shoko rake, toedza nomwoyo wose kunzwisisa mirayiridzo yaro, tobva tateerera zano raro.

14. Tingatevedzera sei zano raipiwa kumadzimambo evaIsraeri?

14 Mambo wose weIsraeri yekare airayirwa kuva nebhuku rake roMutemo uye ‘kuriverenga mumazuva ake ose oupenyu hwake, kuitira kuti iye adzidze kutya Jehovha Mwari wake kuitira kuchengeta mashoko ose omutemo.’ (Dheuteronomio 17:18, 19) Iwayo ndiwo makoshero anongoitawo kuverenga nokudzidza Bhaibheri kwatiri kana tichida kudzidza kutya Jehovha. Sezvatinoshandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwedu, tinowana uchenjeri hwaMwari nezivo. Tinosvika pa‘kunzwisisa kutya Jehovha’ nokuti tinoona migumisiro yakanaka yakunounza muupenyu hwedu, uye tinokoshesa ukama hwedu naMwari. Uyezve, nokuungana nguva dzose nevatinotenda navo, zvose vakuru nevaduku vanogona kuteerera kudzidziso dzaMwari, vodzidza kutya Mwari, vofamba munzira dzake.—Dheuteronomio 31:12.

Anofara Munhu Wose Anotya Jehovha

15. Kutya Mwari kwakabatana munzira dzipi nokumunamata?

15 Kubva pane zvataurwa, tinogona kuona kuti kutya Mwari chinhu chakanaka chatinofanira kukudziridza tose zvedu, nokuti rutivi runokosha rwokunamata kwedu Jehovha. Kunotitungamirira kuti timuvimbe zvachose, kufamba munzira dzake, uye kunamatira kwaari. Sezvazvakanga zvakaitawo kuna Jesu Kristu, kutya Mwari kunogonawo kutiita kuti tizadzise mhiko yedu yokuzvitsaurira zvino uye nokusingagumi kwose.

16. Nei Jehovha achitikurudzira kuti timutye?

16 Kutya Mwari hakutombovhundutsi kana kunyanyorambidza. “Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake,” Bhaibheri rinotivimbisa kudaro. (Pisarema 128:1) Jehovha anotikurudzira kuti timutye nokuti anoziva kuti kuita kudaro kunotichengetedza. Tinoona kuva nehanya kwake kworudo mumashoko ake kuna Mosesi anoti: “Dai [vaIsraeri] vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirayiro yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!”—Dheuteronomio 5:29.

17. (a) Zvinhu zvipi zvakanaka zvinobva mukutya Mwari? (b) Zvinhu zvipi zvinobatanidzwa pakutya Mwari zvichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Saizvozvowo, kana tikaita kuti mwoyo yedu itye Mwari, zvinotifambira zvakanaka. Munzira dzipi? Kutanga, kuita kwakadaro kuchafadza Mwari uye kuchatiswededza kwaari. Dhavhidhi aiziva kubva kune zvakaitika kwaari kuti “uchaitira vanomutya sezvavanoda, uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa.” (Pisarema 145:19) Chechipiri, kutya Mwari kuchatibatsira nokuti kuchaita kuti tirege kufarira zvakaipa. (Zvirevo 3:7) Nyaya inotevera ichaongorora kuti kutya uku kunotidzivirira sei kubva pangozi dzinovhiringidza kunamata uye ichaongorora mimwe mienzaniso yomuMagwaro yevarume vakatya Mwari vakasiya zvakaipa.

[Mashoko Omuzasi]

a General Assembly yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose yakatanga Universal Declaration of Human Rights musi waDecember 10, 1948.

Ungapindura Zvinotevera Here?

• Kutya Mwari kunorevei, uye kunoitei patiri?

• Kutya Mwari uye kufamba naMwari kwakabatana papi?

• Muenzaniso waJesu unoratidza sei kuti kutya Mwari kwakabatana nokuda Mwari?

• Tingaita kuti mwoyo yedu itye Jehovha munzira dzipi?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Madzimambo echiIsraeri airayirwa kuita bhuku reMirayiro uye kuriverenga zuva nezuva

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kutya Jehovha kunotiita kuti tivimbe naye sokuvimba kunoita mwanakomana nababa vake

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]

Nyeredzi: Mufananidzo naMalin, © IAC/RGO 1991

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe