RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/15 pp. 2-4
  • Rutyo Runobata Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutyo Runobata Nyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutyo Rwenyukireya Runopfuurira
  • Masimba Masimba Anosimudzira Rutyo
  • Kutya Aids
  • Hondo Yenyukireya—Ndivanaani Vangangoimutsa?
    Mukai!—2004
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Hakusati Kwambopera
    Mukai!—1999
  • Tyisidziro Yenyukireya—Yapera Pakupedzisira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/15 pp. 2-4

Rutyo Runobata Nyika

KUPUTIKA kukuru kwebhomba rakavanzwa mumotokari kwakazunungusa World Trade Center ine nhurikidzwa 110 muNew York City pana February 26, 1993. Zviuru zvavashandi zvakavharirwa muzvikwidzo zvakafa kana kuti zvaifanira kutiza zvichiburuka mumatanho akazadzwa noutsi. Zvakanzwa rutyo rwakapararira zvino munyika ino ine masimba masimba.

Vanhu vari munyika dzakawanda vakatyisidzirwa namabhomba, ayo azova anozivikanwa navose munyika dzakadai seIreland neLebanon. Chokwadi, 13 akaputika muzuva rimwe chete—March 12, 1993—muBombay, India, achiuraya vanhu 200! Mumwe mucherechedzi akati: “MuBombay mose mune rutyo.” Mukuwirirana nemagazini yeNewsweek, “kugaroitika [kwebhomba rakavanzwa mumotokari] kunongoita bedzi kuti kuve kunotyisa zvikuru.”

Rutyo Rwenyukireya Runopfuurira

Kune rutyo rwokuti magwenya enyukireya anogona kukuvadzwa namabhomba. Denho inobudirira panzvimbo yesimba renyukireya ingagona kuparira kuvadziko huru nokutambura. Kunoita kuti urwu rutyo rudavirike kwakanga kuri kuedza kwomunhu mumwe kupaza gedhi nemotokari yake achipinda panzvimbo yesimba renyukireya yeThree Mile Island muUnited States.

Vakawanda vanotya kuti magandanga navatongi vanoda simba vachawana zvombo zvenyukireya. Vamwe vanotya kuti zviuru zvavasayendisiti venyukireya zveSoviet zvisiri kushanda zvichaedza kutengesa unyanzvi hwazvo. Uyezve, kunyange zvazvo chibvumirano cheSTART nezvimwe zvibvumirano zvicharaira kuderedzwa kukuru kwezvombo zvinokandwa kunyika yomuvengi zvenyukireya, kuitwa kwezvibvumirano zvakadaro hakusati kuchizopedzwa kwamakore akawanda. Munguva ino, kushandiswa kunobvira kweichi chombo kunoitwa naachangobva kuwana simba anonyanyisa kunofanira kurembera segore redutu rinotyisidzira parudzi rwomunhu.

Masimba Masimba Anosimudzira Rutyo

Wedzero yakapararira muutsotsi hwamasimba masimba inoita kuti vanhu vatye vari mumisha yavo uye vari mumigwagwa. VaAmerica vanofungidzirwa kuva 23 200 vakapondwa muna 1990. Muguta reChicago, somuenzaniso, wedzero mukushandiswa kwecocaine inosvutwa kwakaparira kuponda kunenge 700 mugore rimwe. Nharaunda dzakati dzamamwe maguta dzazova nhandare dzehondo umo vapfuuri, kubatanidza vana, vakaurawa mukupfurana. Imwe magazini inoti: “Masimba masimba ari kuwedzera nokukurumidza mumaguta apakati napakati. . . . Hakuna munhu asingatapurwi sezvo nzanga mu[United States] dzakazadzwa nemirimo namatsotsi maduku. Gore rimwe nerimwe imwe yemhuri ina dziri dzose dzeAmerica inotambura utsotsi hwamasimba masimba kana kuti kuba.”—U.S. News & World Report, October 7, 1991.

Kutya kubatwa chibharo kunoita kuti vakadzi vafunganye. MuFrance kubatwa zvibharo kwakashumwa kwakakwira ne 62 muzana kubva muna 1985 kusvikira kuna 1990. Mukati mamakore matanhatu kudenha muvatano kwakapetwa ruviri kusvikira ku 27 000 muCanada. Germany yakashuma kudenha kumwe muvatano pamukadzi maminiti manomwe ari ose.

Vana vanotyirawo chengeteko yavo. Newsweek inoshuma kuti muUnited States, “vana, kunyange vamagiredhi rechina nerechishanu vava kuzvishongedzera vamene nezvombo, uye vadzidzisi navakuru vakuru vezvikoro vava kutyiswa.” Mugariro wacho wakakomba kwazvo zvokuti chikamu chimwe chezvina chamaruwa makuru ezvikoro zvomumaguta chinoshandisa zvinopa nyevero apo zvinenge zvabatana nesimbi, asi vaduku vakatsunga vanowana nzira yokunzvenga nayo izvozvi kupfurikidza nokupfuudza pfuti kuvamwe napamawindo.

Kutya Aids

Vanhu vakawanda zvikuru vava kutya kubata AIDS. Kwave kune zvinoitika zvinopfuura 230 000 muUnited States moga. AIDS yazova chisakiso chikuru chechitanhatu chorufu pakati pavane makore 15 kusvikira ku 24 okukura. “Nguva yemberi ine kariro inotyisa yechirwere chakapararira zvikuru kwazvo,” inodaro Newsweek.

Rufu runoparirwa neAIDS rwakawanda nenzira inowedzera pakati pavanhu vari mumabasa okutamba, horo yemitambo, mabhaisikopo, nziyo, fashoni, terevhizheni, unyanzvi, uye akafanana. Mushumo mumwe wakataura kuti 60 muzana yenzufu dzavanhu veParis vari mubasa rokunyora nhau, unyanzvi, uye varaidzo vane makore 29 kusvikira ku 44 dzaiva nemhaka yeAIDS. WHO (World Health Organization) inoshuma kuti vanhu vanovambira pamamiriyoni 8 kusvikira kumamiriyoni 15 munyika yose vanotapurwa neHIV. Dr Michael Merson, mutungamiriri weWHO, anoti: “Zvino kwajeka kuti kutapurwa neHIV kupota nyika kuri kuipa zvikuru nokukurumidza, zvikurukuru munyika dziri kubudirira.”

Chokwadika, kunewo kutya mhoteredzo nokumwe. Bva, mishumo ichangobva kududzwa yoga inoita kuti kuve pachena kuti rutyo runobata nyika. Pane chimwe chinhu chine revo zvikuru pamusoro paikoku here? Tinogona kumbokarira kufarikanya rusununguko parutyo here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Cover photos: Left: Tom Haley/Sipa Press; Bottom: Malanca/Sipa Press

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Bob Strong/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe