RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 111
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri rinotaura kuti kuchaitika hondo yenyukireya here?
  • Mwari achabvumira kuti pave nehondo yenyukireya here?
  • Pasi redu richaparara here?
  • Chii chingakubatsira kuti usararama uchitya hondo yenyukireya?
  • Bhaibheri rinoti kuchava neAmagedhoni yenyukireya here?
  • Bhaibheri rinoti hondo dzichapedzwa sei?
  • Hondo Yenyukireya—Ndivanaani Vangangoimutsa?
    Mukai!—2004
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Hakusati Kwambopera
    Mukai!—1999
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Kwava Kupera Here?
    Mukai!—1999
  • Hondo Yenyukireya—Ichiri Chinhu Chinotyisa Here?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 111
Utsi hwakaita semakore hwemabhomba enyukireya huri panyika.

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?

Vanhu pasi rese vari kutyira kuti panogona kuitika hondo yenyukireya nekuti nyika dzine simba kupfuura dzimwe hadzisi kuderedza uwandu hwezvombo zvadzo zvenyukireya asi dziri kutogadzira zvimwe zvakawanda. Vari kutyira kuti kuwedzera kweuwandu hwezvombo zvenyukireya kunogona kuita kuti hondo yacho itange chero nguva. Vamwewo vari kutyira kuti kana pakava nenyika inoshandisa chombo chimwe chete chidiki chenyukireya zvinogona kukonzera kuti pave nehondo huru yenyukireya inoparadza pasi rese. Maererano neBulletin of the Atomic Scientists, tiri kurarama, “panguva yekuti hondo yenyukireya inogona kungoerekana yatanga.”

Hondo yenyukireya ichaitika here? Kana ikaitika, pane chichasara chichirarama here pasi pano? Chii chingatibatsira kuti tisararama tichitya hondo yenyukireya? Bhaibheri rinoti kudii?

Zviri munyaya ino

  • Bhaibheri rinotaura kuti kuchaitika hondo yenyukireya here?

  • Mwari achabvumira kuti pave nehondo yenyukireya here?

  • Pasi redu richaparara here?

  • Chii chingakubatsira kuti usararama uchitya hondo yenyukireya?

  • Bhaibheri rinoti kuchava neAmagedhoni yenyukireya here?

  • Bhaibheri rinoti hondo dzichapedzwa sei?

  • Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura nezvehondo yenyukireya here?

Bhaibheri rinotaura kuti kuchaitika hondo yenyukireya here?

Bhaibheri harina parinonyatsotaura nezvehondo yenyukireya. Asi rakagara rataura zvinhu zviri kuitika uye maitiro evanhu atiri kuona pari zvino. Zvinhu izvozvo ndizvo zviri kuita kuti vanhu vagare vachityira kuti hondo yenyukireya inogona kuitika.

Ona kuti zviri mumavhesi emuBhaibheri anotevera zvinopindirana sei nezvinhu zviri kuitika panyika:

Mavhesi eBhaibheri: Vadzidzi vaJesu vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chekuti mavapo uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?” Jesu akapindura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.”—Mateu 24:3, 7.

Zviri kuitika munyika: Nyika dzakawanda, kusanganisira dziya dzine zvombo zvenyukireya, dziri kuwedzera kurwisana.

“Mumakore apfuura, munyika dzakawanda vanhu vakawedzera kurwisana.”—The Armed Conflict Location & Event Data Project.

Vhesi yeBhaibheri: “Munguva yekuguma mambo wekumaodzanyemba achasundidzirana [namambo wekuchamhembe].”—Dhanieri 11:40.

Zviri kuitika munyika: Nyika dzisingawirirane dziri kusundidzirana kana kuti kukwikwidzana dzichirwira ukuru nesimba, sezvakagara zvataurwa neBhaibheri. Nyika dzine zvombo zvakawanda zvenyukireya hadzisi hadzo kurwisana, asi dziri kuramba dzichiwedzera kuvandudza zvombo zvadzo zvenyukireya.

“Mumakore 10 apfuura, takaona kuti nyika dziri kuwedzera kurwisana, uye pamwe pacho nyika dzine simba ndidzo dzinenge dzichitsigira nyika diki dzinenge dzichirwisana.”—The Uppsala Conflict Data Program.

Mavhesi eBhaibheri: ‘Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachange . . . vasingatombodi kubvumirana, vachitaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vachityisa.’—2 Timoti 3:1-3.

Zviri kuitika munyika: Sezvinoita vanhu vakawanda mazuva ano, vatungamiriri venyika havasi kubvumirana pazvinhu zvakawanda. Asi panzvimbo pekuti vatsvage nzira dzekuti vawirirane, vanowanzoedza kugadzirisa zvinhu nekutyisidzirana kana kuti kurwisana. Maitiro akadai ndiwo anoita kuti zviite sekuti hondo yenyukireya ichatoitika.

“Kana pakasava nenzira yakanaka yekuti vanhu vataurirane zvakanaka kuti vasarwisane, hondo dzichauraya vanhu vakawanda.”—S. Saran and J. Harman, World Economic Forum.

Mwari achabvumira kuti pave nehondo yenyukireya here?

Bhaibheri harina zvarinotaura. Rinongotaura kuti “zvinhu zvinotyisa,” zvaizoitika panguva yatiri kurarama. (Ruka 21:11) Muenzaniso wezvinhu zvakadai ndewemabhomba eatomu akakandwa panguva yeHondo Yenyika Yechipiri. Bhaibheri rinotsanangura kuti nei Mwari achisiya hondo dzichiitika. Kuti udzidze zvimwe, ona vhidhiyo yakanzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Pasi redu richaparara here?

Kwete. Kunyange kudai vanhu vaizoshandisazve zvombo zvavo zvenyukireya, Mwari haazobvumire kuti vasvike pakuparadza zvinhu zvese panyika. Bhaibheri rinotaura kuti pasi redu richaramba riripo nekusingaperi uye kuti vanhu vachararama panyika nekusingaperi.

“Nyika inoramba iripo nekusingaperi.”—Muparidzi 1:4.

‘Mwari, Muumbi wenyika, . . . haana kungoisikira pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’—Isaya 45:18.

Vamwe vanofunga kuti mune remangwana, hondo yenyukireya ichaparadza nyika, yoisvibisa, uye pachangosara vanhu vashomanana vanenge vachiomerwa kurarama pairi. Asi Bhaibheri rinotaura kuti zvese zvingakonzerwa nehondo zvichagadziriswa.

“Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—Isaya 35:1.

Vanhu vari kushanda pamwe chete vachifara muparadhiso panyika.

Mwari anoda kuti tirarame tichifara panyika inenge yava paradhiso

Musiki wedu akagadzira nyika ichikwanisa kuzvigadziridza yega kana yakanganiswa. Asi Mwari achazoshandisa simba rake kuti pasi ridzokere pakunaka kwaro; richava musha wevanhu wakanaka samare.—Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:5.

Chii chingakubatsira kuti usararama uchitya hondo yenyukireya?

Vamwe vanogona kurarama vachitya hondo yenyukireya, izvo zvinosanganisira kutyira kuti hondo yakadaro ichaerekana yaitika uyewo kutya zvaichazokonzera. Vanhu vakadaro vanogona kubatsirwa nemazano ari muBhaibheri uye zvarinovimbisa. Rinovabatsira sei?

Bhaibheri rinotsanangura kuti nyika ichange yakanaka mune ramangwana, uye vanhu vachagara zvakanaka, vachifara. Kudzidza nezvetariro iyi kunogona kuita ‘sechinhu chinotitsigisa,’ zvoita kuti tisanyanye kunetseka. (VaHebheru 6:19) Tinogonawo kuderedza kunetseka kwatinoita kana tikararama tichifunga nezvezuva rimwe chete panguva, tisinganyanye kunetseka nezvekuti zvii zvichaitika mune remangwana. Sezvakataurwa naJesu, “zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.

Zvakanaka chaizvo kuti tese zvedu tisaremedza pfungwa dzedu, toramba takadzikama. Tinogona kuita izvi nekuderedza kuona kana kuteerera mashoko anoita kuti tizvidye mwoyo ane chekuita nenyaya dzenyukireya dziri kuitika munyika. Mashoko aya anosanganisira hurukuro dzinoitwa nevanhu, zvinhu zviri kufungidzirwa kuti zvingangoitika, uye maonero evamwe panyaya iyi. Izvi hazvirevi hazvo kuti hatina basa nezviri kuitika. Asi tinenge tichitora matanho ekusaremedza pfungwa dzedu nezviitiko zvatisingakwanisi kudzora uye zvinogona kusatomboitika.

“Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza, asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.”—Zvirevo 12:25.

Chimbosiyana nenhau dzinotaura nyaya dzakaipa wogara uchifunga zvinhu zvinokubatsira muupenyu hwako.

“Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye.”—VaRoma 15:13.

Mapikicha: Murume ane chiso chine tariro. 1. Kumashure kwake kuti kurwiwa hondo, uye kune ndege dzehondo, mabhomba enyukireya, uye utsi hwakaita semakore. 2. Kumberi kwake kune nyika yakanaka uye yakachena, ine mapani akasvibirira, rwizi ruri kuyerera, neshiri.

Bhaibheri rinotipa tariro yechokwadi yeramangwana

Kudzidza zvakawanda nezvevimbiso dzaMwari kunogona kuita kuti uve netariro, ufare, uye ugadzikane.

Bhaibheri rinoti kuchava neAmagedhoni yenyukireya here?

Vamwe vanhu vanofunga kuti Amagedhoni ihondo yepasi rese yenyukireya. Vanenge vachifungidzira zvinhu zvinorwadza zvichakonzerwa nehondo yakadaro.

Asi Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “Amagedhoni” richitaura nezvehondo ichaitika pakati ‘pemadzimambo enyika yese,’ kana kuti hurumende dzevanhu, naMwari.a (Zvakazarurwa 16:14, 16) Pahondo yeAmagedhoni Mwari haasi kuzoparadza nyika uye kuuraya vanhu vese sezvinoitwa nemabhomba enyukireya. Asi achaparadza vanhu vakaipa chete, uye izvi zvichaita kuti vanhu vagare zvakanaka, vasina chekutya.—Pisarema 37:9, 10; Isaya 32:17, 18; Mateu 6:10.

Bhaibheri rinoti hondo dzichapedzwa sei?

“Ari kugumisa hondo munyika yese. Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo; anopisa ngoro dzehondo nemoto.”—Pisarema 46:9.

Jehovhab Mwari acharatidza simba rake panyika dziri kurwisana kuburikidza nekugumisa kunetsana kwavo uye kuparadza zvombo zvavo zvehondo. Achaita izvi achishandisa Umambo hwake, hurumende yekudenga ichatonga pasi rese.—Dhanieri 2:44.

Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu kuti vagarisane zvakanaka, vachiwirirana. Sezvo pachange pangova nehurumende imwe chete inenge yava kutonga pasi rese, panenge pasisina kunetsana kwehurumende kwatiri kuona mazuva ano, uye vanhu havazodzidzi kurwa zvakare! (Mika 4:1-3) Panyika pachange paita sei? “Munhu wese achagara asina chekutya ari pakati pemizambiringa yake nemionde yake, uye hapana achaita kuti atye.”—Mika 4:4, Today’s English Version

a Ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?”

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura nezvehondo yenyukireya here?

Vamwe vanofunga kuti bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvekuparadzwa kuchakonzerwa nehondo yenyukireya. (Zvakazarurwa 6:14; 8:7-12; 16:1-21) Semuenzaniso, rinotsanangura ‘nezvemoto unodzika panyika uchibva kudenga.’ (Zvakazarurwa 13:11-13) Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti izvi hazvirevi hondo yepasi rese yenyukireya, asi zvinoreva kushandiswa kwakaitwa mabhomba eatomu paHondo Yenyika Yechipiri.

Kunyange zvazvo bhuku raZvakazarurwa richitaura nezvezviitiko izvozvo zvenyukireya, chinangwa charo hachisi chekutyisidzira vanhu nekutsanangura zvinhu izvozvo zvinotyisa. Paunenge uchiverenga bhuku raZvakazarurwa, yeuka kuti:

  • Bhuku racho rinoshandisa zviratidzo zvisingafaniri kutorwa sezvazviri.—Zvakazarurwa 1:1.

  • Bhuku racho harina kunyorerwa kuti rityisidzire vanoriverenga. Asi mashoko aro anoita kuti vanhu vanorinzwisisa uye vanoshandisa zvarinotaura, vafare.—Zvakazarurwa 1:3.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya yakanzi “Bhuku raZvakazarurwa—Rinotaura Nezvei?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe