Vanokumbanira Uhama Hwakabatana
Akanga ari August 7, 1993, paRepublican Stadium muKiev, Ukraine. Vanopfuura 64 000 vaivapo vakatarira nekariro sezvo nguva yacho yakasvika. Ipapo, mumhinduro kumibvunzo miviri ine revo, zviuru zvakadanidzira kuti “Da!” (“Hungu!”) Neiyi nzira, ivo vakaita ziviso yapachena yokutenda kwavo uye ipapo vakapfuurira kuratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokubhapatidzwa murimwe ramadziva matanhatu aiva munhandare macho.—Mateo 28:19.
Nokudaro, pairi zuva rechitatu re“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha yamarudzi ose, vateereri vakaona chinoitika chakatanhamara: 7 402 vakabhapatidzwa ndokuva rutivi, kwete rwechechi yakakamurwa, asi rweungano yechiKristu yomunyika yose yakabatana.
Kana uchida kudzidza zvakawanda pamusoro pokubatana kwechokwadi kwechiKristu, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakafanira iri papeji 2.