RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 6/15 pp. 28-31
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zita Rinoraira Kuzvipira
  • Kuita Kuti Basa reBheteri Rive Rinobudirira
  • Kuremekedza ZvikuruBasa Rinoyera muBheteri
  • Zvikomboreromu“Imba yaMwari”
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Haazokanganwi Mabasa Akanaka Atinoita
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 6/15 pp. 28-31

Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”

“CHINHU chimwe chete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira [nokuonga, NW] mutembere yake.”—Pisarema 27:4.

Mambo Dhavhidhi anoonga akarangarira nomufarwa, kana kuti mufaro, tembere yaJehovha. Unonzwa nenzira yakafanana here pamusoro penzvimbo dzokunamata kwechokwadi nhasi? Misha yeBheteri inopfuura 95 iri pamapazu eWatch Tower Society iri pakati pezvivako izvo zvakabatanidzwa nokunamatwa kwaJehovha munguva yedu.

“Kutarira shure pamakore angu akawanda ebasa rapaBheteri kunondizadza nokutenda kukuru nokuonga kukuru, uko kwakakura gore negore,” anotsanangura kudaro Helga, uyo akatanga basa pamusha wacho muGermany muna 1948. Helga ndimumwe wavashandi vapaBheteri vanofara vane 13 828 munyika yose avo mugore rebasa ra 1993 ‘vakaona runako rwaJehovha.’ Zita rokuti Bheteri rinorevei chaizvoizvo? Munhu ari wose weZvapupu zvaJehovha, angave achibatira Mwari mukati meBheteri kana kuti kunze, anogona sei kurangarira nokuonga iyi gadziriro?

Zita Rinoraira Kuzvipira

“Bheteri” izita rakakodzera zvikurusa, sezvo shoko rechiHebheru Behth-ʼElʹ richireva “Imba yaMwari.” (Genesi 28:19, NW; mashoko omuzasi) Hungu, Bheteri yakafanana neimba yakasanorongwa, kana kuti ‘imba yakavakwa nouchenjeri,’ naMwari nokuda kwake zvichitanhamara. (Zvirevo 24:3) “Kwakafanana nokugara mumhuri. Tine rudungwe rwakasanorongwa rwezuva nezuva,” anodaro Herta nenzira yokuonga. Ave achibatira paBheteri imwe cheteyo naHelga kwamakore anopfuura 45. Mutezo mumwe nomumwe weiyi mhuri huru une basa rawo nenzvimbo yawo, zvichiubvumira kunzwa uchifara uye wakachengeteka. Kuwirirana nezita rokuti Bheteri, rongedzero yakanaka nokurongwa zvinoratidzira rimwe nerimwe ramapato acho. Ikoku kunosimudzira rugare, kunoita kuti kuparidzirwa kunobudirira kwamashoko akanaka kubvire, uye kunopa ungano chikonzero chakanaka chokuremekedza zvikurusa “Imba yaMwari.”—1 VaKorinte 14:33, 40.

Neiko zvivako zvakadaro zviri madikanwa? Magazini ino, somuenzaniso, yakabudiswa muimba yokutsikirira yeBheteri. Kuparidzirwa kweshoko roUmambo nokuparadzirwa kwezvokudya zvomudzimu, zvose zviri zviviri zvakadeya kuonekwa naJesu Kristu, zvinoita kuti rongedzero dzesangano dzakafanana neBheteri dzive dzinokosha—dzichitsigirwa navashandi vanodisa uye dzichiremekedzwa zvikuru navanamati vose vaJehovha.—Mateo 24:14, 45.

Ungada kuziva zvakawanda pamusoro porudungwe rwezuva rokushanda pano here? Uko Helga naHerta vanogara, bhero rinorira zvakanaka muzvivako zvose zvinogarwa pa 6:30 a.m., kunyange zvazvo vakawanda vavashandi venguva dzose vanopfuura 800 vachitokurumidza zvikuru kumuka kuti vagadzirire nokuda kwezuva. Panosvika 7:00 a.m., Muvhuro kusvikira kuChitanhatu, mhuri inoungana muhoro dzokudyira nokuda kwokukurukurwa kworugwaro rwezuva nezuva, kana kuti kunamata kwamangwanani. Chisvusvuro chinovaka muviri chinotevera. Zuva rokushanda rimwe nerimwe rinovamba pa 8:00 a.m. uye rinopfuurira kwamaawa masere, richidzongonyedzwa bedzi nokuzorora nokuda kwezvokudya zvamasikati. (Mhuri inowanzoshanda hafu yezuva paChitanhatu.) Mungave mukicheni, muimba yokutsikirira, munowachirwa zvipfeko, hofisi, dzimba dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu, munobatanidzwa mapeji amabhuku, kana kuti rimwe bato ripi neripi, mune zvakawanda zvokuita.

Mukati mamanheru napakupera kwamavhiki, mitezo yemhuri inosonganirana neungano dzomunzvimbomo pamisangano nomukuparidzira kwapachena. Hama dzapaBheteri dzakawanda vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira muidzi ungano. Zvapupu zvomunzvimbomo zvinoonga zvirokwazvo iyi batira pamwe, mapoka ose ari maviri achishandira pamwe chete netsinhirano somuviri mumwe, nokuremekedzana nokunzwisisana. (VaKorose 2:19) Mushandi mumwe nomumwe wapaBheteri anoziva kuti mugove wake mu“Imba yaMwari” une nzvimbo yokutanga pamusoro pemimwe mibato. Zvisinei, mbavarira yokuparidzira nokubatanidzwa neungano, pamwe chete nechimiro chendangariro chakadzikama, zvinosimbisa umudzimu hwomushandi wepaBheteri, zvinowedzera mufaro wake, uye zvinomuita kuti ave mutezo unobudirira zvikuru wemhuri yacho. Aya mavara anokosha sei patinenge tichishanda mu“imba” ine zita rakabatanidzwa nokuzvipira kwomweya wose!

Kuita Kuti Basa reBheteri Rive Rinobudirira

Chii chakabetsera vasingaverengeki veZvapupu zvaJehovha kuita kuti basa reBheteri ribudirire? Mitezo yemhuri yeBheteri muFrance ine makore akawanda oruzivo rwokuzviwanira inotsinhira sezvinotevera: “Kuda Jehovha. Kutsunga kupfuurira kupi nokupi kwaanotiisa; kuzvininipisa, kuzviisa pasi, uye kuteerera nhungamiro yatinopiwa neSosaiti.” (Denise) “Ndakacherechedza kuti kunokosha sei kuremekedza nheyo inodudzwa naPauro pana VaRoma 12:10, inoti: ‘Pakukudzana tungamiriranai.’ Urwu rugwaro runotiratidza ukoshi hwokusaomerera pakuti mufungo wedu womunhu oga ugamuchirwe asi, panzvimbo pezvo, kurangarira mifungo yavamwe. Namamwe mashoko, kusatsvaka utanhamari.” (Jean-Jacques) “Kuremekedza kwedu basa reBheteri kungagona kuparadzwa kana tikatarira zvinhu nomurangariro wenyama, wohunhu,” anodaro Barbara, “nokuti ikoku kungagona kutitungamirira kukukanganwa idi rokuti Jehovha ari kutungamirira sangano rake. Ruremekedzo rwakadaro rungagona kurasika kana tichigumburwa nokusakwana kwavamwe.”

Munhu ari wose ari paBheteri haana kukwana, naizvozvo songaniro inoda mufungo wokungwarira. Vanhu vaduku kana kuti vachangobva kusvika vanoita zvakanaka kusaganhurira songaniro yavo bedzi bedzi kuvaenzani vavo. Avo vangaratidzira chimiro chendangariro chokunyunyuta kana kuti kufunga nenzira yakaipa havasi songaniro inovaka muBheteri kana kuti muungano. Pane rumwe rutivi, kutevedzera “kuchenjera, kunobva kumusoro,” kunorondedzerwa pana Jakobho 3:17, kunounza zvikomborero. Ikoku “zvikuru kwakachena, uye kuno rugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.” Mavara akadaro, pamwe chete nomwoyo murefu nomutsa, anocherechedzwa mu“Imba yaMwari,” zvichiita kuti kugara kwomunhu ipapo kuve kunofadza nokunonyandura. Kunyange vashanyi vasiri Zvapupu vanowanzotaura kuyemura mufambiro wakanaka, ushamwari, uye mudzimu wokufara zvavashandi.

Anny, uyo ane makore anopfuura 70 ezera uye ave ari mutezo wemhuri yeBheteri muGermany chifo cha 1956, anotsanangura kuti anochengeta sei kudisa kwake kubatira: “Nokuda kwegarikano yangu yomudzimu, ndinoshandisa nhamburiko huru kuvambirana nezvinyorwa zveSosaiti, kupinda misangano nguva dzose, uye kuva negoverano yenguva dzose mukuparidzira. Ndinoedzawo kugara ndine utano hwakanaka kupfurikidza nokurovedza muviri mangwanani mamwe namamwe, kupfurikidza nokurega kushandisa chikwidzo kakawanda zvikurusa, uye kupfurikidza nokufamba kakawanda sezvinobvira, zvikurukuru mubasa romumunda.”

Vakawanda vane ruzivo rwokuzviwanira muupenyu hweBheteri vangabvumirana naAnny. Havatongoregi kudzidza, havatongoregi kushanda. Utano hwomuviri hunoraira kuti vawane kurara kwakakwana nokurovedza muviri ndokuratidza kuva nomwero mukudya nokunwa. Chinokosha zvikurusa chazvose, havaregeredzi munyengetero womunhu oga nefundo yeBhaibheri.

Kuremekedza ZvikuruBasa Rinoyera muBheteri

“Unoshanda kupiko?” mubvunzo unowanzobvunzwa mitezo iri paBheteri. Migove yebasa yakasiyana-siyana, asi mumwe nomumwe wakafanirwa nokuremekedzwa zvikuru nomunhu ari wose. Neiko? Nemhaka yokuti mugove mumwe nomumwe—kungava kushandisa muchina unotsikirira zvokudya zvomudzimu, kuwacha mbatya, kubikira nokuchenesera mhuri, kana kuti kuita basa romuhofisi—unoumba basa rinoyera. Sezvadudzwa pamusoro apa, vaKristu havaiti mitsaukano yokusarura. Yeuka kuti mabasa ose ari madikanwa aiitwa navaprista navaRevhi patembere, muvazhe dzayo nomuhoro dzokudyira, ose airangarirwa kuva basa rinoyera kuna Jehovha. Ikoko kwaibatanidza kuuraya nokugadzira mhuka nokuda kwechibairo, kuzadzazve marambi amafuta, kunyange kuchenesa nokuita mabasa avarindiri. Nenzira yakafanana, mugove mumwe nomumwe paBheteri mubato unogutsa uye unokosha “mubasa raShe,” nokudaro iropafadzo yechienzi.—1 VaKorinte 15:58.

Rangarira nokupfupikisa vara rimwe iro rinogona kudzivisa kurangarira kwedu nokuonga “Imba yaMwari.” VaKristu vose vari vaviri vari muBheteri nokunze vanofanira kungwarira shanje negodo, izvo zvi“noodza mafupa.” (Zvirevo 14:30) Hapana munhu ane chikonzero chokuitira shanje ropafadzo dzebasa dzavashandi veBheteri. Uyezve, hapana nzvimbo mukati memhuri yeBheteri yegodo, iro riri rimwe ramabasa enyama. Mirira nenzira yokuzvininipisa—iroro izano rakanaka nokuda kwomunhu angaratidzika kuva anofuratirwa apo vamwe vanopiwa ropafadzo huru zvikuru. Uyewo, vanhu vemigariro yemari yakasiyana zvikuru vanogara pamwe chete vari pedyo nepedyo muBheteri. Kunokangaidza sei kana mumwe achirangarira migariro yake “mukuenzanisa nomumwe munhu”! Kugutswa ne“zvokudya nezvokufuka” kwakabetsera vakawanda kupfuurira nenzira yokutendeka kwamakumi amakore vari mu“Imba yaMwari.”—VaGaratia 5:20, 26; 6:4; 1 Timotio 6:8.

Zvapupu zvaJehovha namamirioni avamwe vanowana betsero huru inobva mumabasa asingaripirwi anoitwa paBheteri—basa rinoitwa nenzira isina udyire nokuda Mwari nomuvakidzani. Misha yeBheteri nedzimba dzokutsikirira dzeWatch Tower Society, kufanana nezvimwe zvivako zvoubati ushe hwaMwari, zvinowanirwa mari kupfurikidza nemipiro yokuzvidira. (2 VaKorinte 9:7) Kufanana naMambo Dhavhidhi namachinda namadzishe aIsraeri, tinogona kuratidza kuremekedza kwedu nokuonga “Imba yaMwari” kupfurikidza nokupa tsigiro yekurudziro neyemari kuSosaiti. (1 Makoronike 29:3-7) Zvino ngatione kuti kunobvira sei kuti “tione kunaka kwaJehovha” paBheteri.

Zvikomboreromu“Imba yaMwari”

Pakupinda gungano, unonzwa gutsikano huru, sezvawakapoteredzwa navanamati vanofara vaJehovha here? Chimbofungidzira, mushandi weBheteri ane ropafadzo yokubatira Jehovha pakati peboka rehama zuva riri rose! (Pisarema 26:12) Ikoko kunopa kariro dzakaisvonaka zvakadini dzokukura mumudzimu! Imwe hama yakatsinhira kuti yakadzidza zvakawanda kuibetsera kuumba hunhu hwayo mukati megore rimwe paBheteri kupfuura zvayakaita mumakore matatu kune imwe nzvimbowo zvayo. Neiko? Nemhaka yokuti hakuna imwe nzvimbo kwayakava nebanza rokucherechedza nokutevedzera kutenda kwavanhu vechiKristu vakawanda kwazvo vakakura mumudzimu.—Zvirevo 13:20.

PaBheteri munhu akapoteredzwa navapi vezano vane ruzivo rwokuzviwanira, sokunge zvakadaro. Mukuwedzera, kune betsero yokunzwa tsinhiro dzakasanogadzirirwa dzinopiwa mukati mokunamata kwamangwanani uye paFundo yeNharireyomurindi yemhuri yeBheteri uye pakuteerera hurukuro pamanheru oMuvhuro. Vanosvika vatsva vanowana murairidzo muChikoro Chavapindi vapaBheteri uye vanogoverwa kurava Bhaibheri rose mukati memwedzi 12 yokutanga.

Mishumo nezvinoitika zvinobva kuvashanyi vanobva kune dzimwe nyika inopa imwe kurudziro. Uyezve, mitezo yoMutumbi Unodzora kana kuti vamiriri vayo vanoshanyira hofisi dzebazu. “Kunyange zvazvo dzine zvakawanda zvokuita,” anorangarira kudaro Helga, “hama nguva dzose dzinowana nguva yeshoko roushamwari kana kuti nyemwerero.” Kunokurudzira sei kuona pachako mutoo unozorodza noune mwero wavarume vakavimbika vakadaro!

Munhu anogona kusanocherechedza kuti sangano raMwari rinoshanda sei uye kuti mudzimu mutsvene wake unonyandurira sei mwoyo inodisa namaoko muchiito zvikurukuru paBheteri. “PaBheteri munhu anonzwa ari pedyo zvikuru no‘musimboti,’” inotsanangura kudaro imwe hama, iyo yave ichibatira paBheteri muFrance chifo cha 1949. Inopfuurira, kuti: “Ndinogona kutaura zvirokwazvo kuti nokuda kwangu Bheteri chimiro chebasa renguva yakazara chinondibvumira kupa chitsama chikurusa chenguva nesimba kubasa raJehovha uye kubatira chiverengero chikurusa chehama.” Uye iroro harisati riri donzo redu chairoiro here muupenyu—kuita kuda kwaMwari? PaBheteri munhu anogona “kupa rumbidzo zuva rose.” Chikomborero chakadini!—Pisarema 44:8, NW.

Sezvatawana, munhu ari kushanda mumusha weBheteri anogona kuona runako rwaJehovha ndokuwana mhatsa huru yezvikomborero. (VaHebheru 6:10) Basa pa“Imba yaMwari” ringagona kuva chimwe chinhu chakakufanira here? Avo vari pakati peZvapupu zvaJehovha avo vane makore anenge 19 ezera, avo vanofarikanya utano hwakanaka hwomudzimu nehwomuviri, uye avo, kufanana naTimotio, vano“pupurirwa zvakanaka nehama” vanogona kukumbira kubatira paBheteri. (Mabasa 16:2) Vakawanda vakaita basa reBheteri basa roupenyu hwavo, kufanana naavo vanokorwa mashoko pamusoro apa. Nokuda kwavo kushuva kukuru kwowezvamapisarema—ku‘gara mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwake’—kwazova chinhu chaichoicho.

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza zvikuru mudzimu wokuzvibaira unoratidzwa nehama dzazvo nehanzvadzi vari paBheteri, idzo dzinoita migove zvose zviri zviviri nokudisa uye nomufaro. Kana tichibatira Jehovha paBheteri kana kuti kune imwe nzvimbo, mumwe nomumwe wedu ane chikonzero chakanaka chokunzwa sezvakaita Mambo Dhavhidhi—kurangarira nokuonga, kana kuti mufaro, “Imba yaMwari.”

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ava vaKristuvakawana mufarwa mubasa rinoyera paBheteri yeGermany kwamakumi amakore

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe