RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 August p. 8
  • Haazokanganwi Mabasa Akanaka Atinoita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Haazokanganwi Mabasa Akanaka Atinoita
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 August p. 8
Hanzvadzi iri kushanda mukicheni paBheteri

KURARAMA KWECHIKRISTU

Haazokanganwi Mabasa Akanaka Atinoita

Tese tinogona kuitira Jehovha mabasa akanaka aacharamba achiyeuka nekusingaperi. Jehovha akafanana nemubereki anokoshesa zvinoitwa nevana vake. Haazokanganwi basa ratinoita nerudo rwatiinarwo nezita rake. (Mt 6:20; VaH 6:10) Zvinhu zvatinokwanisa uye mamiriro edu ezvinhu muupenyu akasiyana. Asi tichafara kana tikaita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha. (VaG 6:4; VaK 3:23) Pane hama nehanzvadzi dzakawanda dzakashumira paBheteri. Unogona kuzvipira kunoshanda paBheteri here? Kana usingakwanisi, unogona kukurudzira mumwe munhu kana kutsigira mumwe munhu anoshanda paBheteri kuti arambe achiita basa iri here?

ONA VHIDHIYO INONZI KUZVIPIRA KUTI UITE BASA REPABHETERI, WOBVA WAZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chinofanira kuita kuti munhu ade kushanda paBheteri?

  • Vamwe vakatii nezvemakomborero avari kuwana nekushanda paBheteri?

  • Zvii zvinodiwa kuti munhu akodzere kushanda paBheteri?

  • Ungaita sei kana uchida kunyorera kuti uzoshanda paBheteri?

Vashandi vatatu vepaBheteri vari kuita basa ravo vachishandisa kombiyuta; hama iri kuisa mabhuku mubhokisi; hama iri kuita basa rekuveza paBheteri

Zvinhu Zvinodiwa Kuti Munhu Akodzere Kushanda paBheteri

  • Kuda Jehovha nesangano rake nemwoyo wese

  • Kuva netsika dzakanaka uye hana yakachena pamberi paJehovha

  • Kupfeka zvinokodzera vaKristu

  • Kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvakakodzera vaKristu

  • Kazhinji kacho panodiwa vane makore 19 kusvika ku35

  • Kuva neutano hwakanaka

  • Kukwanisa kuverenga, kunyora, uye kutaura mutauro unonyanya kushandiswa pabazi racho

  • Unofanira kunge uchida kushanda paBheteri kwegore rimwe chete kana kupfuura

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe