RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 6/15 p. 32
  • Abrahama—Akavigwa Pano, bva Mupenyu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Abrahama—Akavigwa Pano, bva Mupenyu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 6/15 p. 32

Abrahama—Akavigwa Pano, bva Mupenyu Here?

Kwamazana amakore vaJudha, vaMuslim, uye vaKristu vakaenda kuiyi nzvimbo.

Unogona kuishanyira muguta rakare reHebroni, kumaodzanyemba kweJerusarema. Ichi chivako chinodanwa zvose zviri zviviri kuti Haram el-Khalil uye Hwiro Hwamadzitateguru. Hungu, iyoyi inogamuchirwa zvakafara senzvimbo yakavigwa madzitateguru Abrahama, Isaka, uye Jakobho, pamwe chete navadzimai vavo vakatsaukana Sara, Rebheka, uye Rea.

Yeuka kubva muBhaibheri kuti pakufa kwomudzimai wake anodiwa, Sara, Abrahama akatenga senzvimbo yokuviga bako nomunda paMakpera, pedyo neHebroni. (Genesi 23:2-20) Gare gare, Abrahamawo akavigwa pano, sezvakaitwa mimwe mitezo yemhuri. Mazana amakore pashure pacho, panzvimbo yokuviga yegamuchidzanwa, Herodhe Mukuru akavaka chivako chinoorora icho pashure penguva yakati chakachinjwa ndokukudzwa navakundi, kuchiratidzira zvitendero zvavo vamene zvorudzidziso.

Pakupinda, unoona zvidhori zvitanhatu (mifananidzo kana kuti hwiro husina chinhu). Huri pakati hunoratidza hwaIsaka, mwanakomana waAbrahama. Pedyo nahwo pane mwena muuriri, iyo yakashandiswa kusvika kune zviri pasi. Vanzveri vakawana kamuri dzingave dzakachengeta mapfupa akare akawanda.

Zvakadiniko naAbrahama? Kana akavigwa mubako zvino riri pasi peiyi nzvimbo, akafa kare kare, handizvo here? Vashanyi vakawanda zvikurusa vaizobvuma. Bva muporofita mukuru zvikuru kupfuura Abrahama akataura kuti mupfungwa yakati Abrahama achiri kurarama. Seiko? Uye ikoku kungava nechokuitai nokutenda kwako?

Tapota rava nyaya inoti “Vadiwa Vako Vakafa—Vari kupi?” (Peji 3) Inopa izvo muporofita mukuru iyeyo akataura pamusoro pokuva mupenyu kwaAbrahama, ari mashoko anogona kuva oukoshi hukuru kwauri nokumhuri yako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe