“Kuredza” Mumvura dzeFiji
FIJI—zita racho rinobudisa mifananidzo yeparadhiso yeSouth Seas. Mvura dzebhuruu, macoral reef, micoconut inozunguzika, makomo akasvibira, hove dzomunzvimbo dzinopisa dzapasi, michero namaruva zvinoshamisa. Unogona kuwana zvose izvozvi zvakawanda muiri boka rezvitsuwa 300 makiromita anenge 1 800 kuchamhembe kweNew Zealand muSouth Pacific. Nokudaro, ungabvuma kuti Fiji ingagona kuva chiroto chomunhu ari wose cheparadhiso yomunzvimbo dzinopisa dzapasi.
Fiji inofadza murunopfuura runako rwayo rwomusikirwo, zvisinei. Hungu, sezvo kune mhatsa huru pakati pehove dzomumacoral reef, mhatsa huru inowanwawo panyika. Misiyano mumuvhenganiswa wetsika weFiji, zvichida, haienzaniswi muSouth Pacific. Mapoka maviri makurusa pakati pavagari vayo vanodokusvika 750 000 vaFiji vakaberekerwamo, avo vari vamavambo echiMelanesia, uye vaIndia vakaberekerwa muFiji, vazukuru vavashandi vakapinzwa vachibva India mukati mamazuva okutongwa neBritain. Asi kunewo vaBanaba, vaChina, vaEurope, vaGilbert, vaRotuma, vaTuvalu, uye vamwe.
Muichi chaunga chetsika dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana zvikuru mubasa ro“kuredza.” (Marko 1:17, NW) Idenho kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munzanga ine mhatsa yakadaro. Kutanga, kune mipingo yomutauro neyetsika yokukurira. Kunyange zvazvo chiNgezi chiri mutauro unozivikanwa navose, kakawanda chiFiji, chiHindi, chiRotuma, kana kuti mimwe mitauro inofanira kushandiswa.
Kusvika kwakasiyana-siyana kunofanirawo kushandiswa kukurukura naavo vemigariro yekare yakasiyana-siyana yorudzidziso. VaFiji vakaberekerwamo vakawanda zvikurusa navamwe vagari vapazvitsuwa ndevemasangano echiKristu akasiyana-siyana. Chiverengero chavagari vemo vechiIndia chinoumbwa navaHindu, vaMuslim, uye vaSikh, vaHindu vachiva vazhinji. Chechi dzakawanda mumataundi nemisha, asi pazvitsuwa zviviri zvikurusa zveFiji, tembere dzakawanda dzechiHindu nedzimba dzokunamatira dzavaMuslim zvinogovera musiyano.
Zvapupu zvakawanda zvomunzvimbomo zvakakura zvichitaura mitauro mikuru mitatu—chiNgezi, chiFiji, uye chiHindi. Kuva nouhu unyanzvi ibetsero huru mubasa ro“kuredza.” Padzimwe nguva vanhu vanoshamiswa kunzwa muFiji achitaura chiHindi chakanaka uye muHindu achitaura chiFiji chakanaka. Nemisiyano yetsika, yorudzidziso, uye yomutauro yokugonana nayo, kunoda kusvika kunochinjika kuti uve “mugoverani wa[mashoko akanaka] navamwe.”—1 VaKorinte 9:23, NW.
“Kuredza” Mumusha weFiji
VaFiji vakaberekerwamo vanhu vane ushamwari, vane mutsa. Kwakaoma kufungidzira kuti rinoti pfuurei zana ramakore rakapfuura, hondo yorudzi yakanga yakapararira. Kutaura idi, panguva iyo vaEurope vakatanga kusvika, Fiji yakanga ichizivikanwa seCannibal Islands. Pakupedzisira, nokuva nesimba kwamambo mukuru nokutendeuka kwake, kurwa nokudyana kwavanhu zvakapera. Misiyano yorudzi yasara bedzi mumitauro miduku yakawanda inowanwa mumaruwa akasiyana-siyana, kunyange zvazvo mutauro wechiBauan uchinzwisiswa zvikuru.
Mukuwedzera kuSuva, dzimbahwe, kune mataundi akawanda muFiji mose. VaFiji vakawanda zvikurusa vanogara munzanga dzomumisha vachidzorwa naturaga ni koro, kana kuti sabhuku. Pakupinda mumusha kuti vapinde mu“kuredza,” muitiro kusvika uyu murume kutsvaka mvumo yokushanyira mabure akasiyana-siyana, kana kuti misha yomunzvimbomo. Mvumo inonyimwa panhambo nenhambo bedzi, kazhinji kazhinji nemhaka yechishoro kuZvapupu zvaJehovha chinoitwa navafundisi vomumusha. Kushanyira musha weFiji kwakaita sei?
Tichipinda mubure, tinoita masero pauriri. Sumo ine mashoko akasanorongwa, seinoshandiswa kubata ngwariro munyika dzokuMadokero, haidikanwi muno. Munhu upi noupi anouya kuzotaura pamusoro paMwari anogamuchirwa nomufaro. Pakukumbirwa, saimba anosimuka nokudisa uye, nokutaura kwokuti “tulou” (pamusoroi), anosvikira sherufu kuti atore kopi yeBhaibheri muchiFiji uye anorava nokudisa magwaro akasiyana-siyana ayo mushumiri anoshanyira anodudza. Zvisinei, chimiro chendangariro chomutsa nechokuremekedza chechiFiji chinopa denho munzira yakasiyana. Nzwisiso yakati nokungwarira pakutaura zvinodikanwa kupinza vanasaimba mukurukurirano, kuvakurudzira kutevera nzira yokurangarira nayo iri kurondwa, kana kuti kuvabetsera kuona kudikanwa kwokuenzanisa zvitendero zvavo vamene nedzidziso dzeBhaibheri.
Vanasaimba veFiji vanowanzofarira zvikuru kukurukura misoro yedzidziso kupfuura kutaura pamusoro pemigariro yomunzanga kana kuti nhau. Kutaura idi, zvakawanda zveZvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 1 400 zvaJehovha muFiji zvakafarira zvokwadi yeBhaibheri somuuyo wekurukurirano pamusoro pemibvunzo yakadai, Hero inzvimbo yorudzii? Ndiani anoenda kudenga? uye Pasi richaparadzwa here? Kutevera fariro inoratidzwa, zvisinei, kunoda kuchinjika nokupfuurira. Achidzokera panguva yakabvumiranwa, munhu kazhinji kazhinji anowana kuti saimba aenda kuteitei (munda wemiti) kana kuti kune imwe nzvimbowo zvayo. Aiwa, hakusati kuri kuti havaongi shanyo asi kungoti chete pfungwa yavo yenguva yakasiyana. Chokwadika, kuZvapupu zvomunzvimbomo, ikoku hakuratidziki kuva kwechienzi. Zvinopfuurira kupfurikidza nokushanyira pane imwe nguva. Hakuna mazita emigwagwa kana kuti nhamba dzedzimba zvokunyora, naizvozvo munhu anoda yeuko yakanaka pakudzokerera.
“Kuredza”NomuitirowePolynesia
Zvino, ngatiendei kundo“redza” nomushumiri anofambira, kana kuti mutariri wedunhu, sezvo anoshanyira ungano duku iri muRotuma. Iri boka rezvitsuwa zvine makomo anoputika riri makiromita 500 kuchamhembe kweFiji. Kuti tirisvike, tinobhururuka tiri mundege inogara vanhu 19. Chitsuwa chikuru makiromita 50 bedzi akaenzana kumativi mana mukukura, nehwerengedzo yavagari vemo yeinenge 3 000. Mugwagwa une jecha unoenda nomumhenderekedzo yegungwa, uchibatanidza misha 20. Rotuma inodzorwa neFiji asi ine tsika nomutauro zvakasiyana. Zvavari vamavambo ePolynesia, vanhu vayo vanosiyana muchitarisiko navaFiji veMelanesia. Kutaura mune zvorudzidziso, vakawanda zvikurusa vaRoma Katurike kana kuti zvimwe vaMethodist.
Sezvo ndege inodzika ndokumhara, tinoona miti mikuru yakasvibira yechitsuwa. Mashizha akafanana neminhenga emicoconut anogona kuonekwa kunzvimbo iri yose. Boka guru riripo kuti rigamuchire ndege inofamba kamwe pavhiki. Pakati pavo pane boka reZvapupu. Tinokwaziswa noushamwari, uye macoconut makuru anoverengeka egirini ane pamusoro “pakazaruka” anopiwa kwatiri kuti tipedze nyota yedu.
Pashure porwendo rupfupi, tinosvika kudzimba dzedu. Zvokudya zvinobikwa pachoto zvagadzirwa. Nyama yenguruve yakagochwa, huku, hove dzakakangwa, crayfish, uye chirimwa chomunzvimbomo chine midzi inodyiwa, taro, zvinoiswa pamberi pedu. Mabiko akadini, uye mugariro wakadini weparadhiso pasi pemicoconut miduku!
Zuva rinotevera tinoshanyira vanhu mumisha, inonzi ho’aga muchiRotuma. Sezvatinosvika musha wokutanga, ngurwana yapoya murimwe rematanga inopfuura ichimhanya, ichizhwiririka sezvainoenda. Saimba ationa tichiuya uye achinyemwerera anozarura suo, achitikwazisa ne“Noya!” muchiRotuma, uye ipapo anotikumbira kugara. Ndiro yamabhanana akaibva inoiswa pamberi pedu, uye tinokumbirwawo kunwa muto wamacoconut egirini. Mutsa unouya pakutanga muRotuma.
Hakuna vanodavira kuti hapana chinogona kuzivikanwa pamusoro paMwari kana kuti vezvemhindumupindu muno. Munhu ari wose anodavira Bhaibheri. Nhau dzakadai sedonzo raMwari nokuda kwapasi hadzitani kubata ngwariro yavo. Saimba anoshamiswa kuziva kuti pasi harisati richizoparadzwa asi richagarwa navanhu vakarurama avo vachagara pariri nokusingaperi. (Pisarema 37:29) Iye anosanotevera apo ndima dzeBhaibheri dzinosimbisa iri pfundo dzinoraviwa, uye anogamuchira nokudisa mabhuku eBhaibheri atinogovera. Sezvatinogadzirira kuenda, anotionga nokuda kwokushanya uye anotipa homwe yepurasitiki yakazara namabhanana akaibva ayo tinogona kudya munzira. Munhu haatani kuva mukobvu achiparidzira muno!
Kuchinjira Kunzanga yechiIndia
Kunyange zvazvo dzimwe nyika dzezvitsuwa dzakawanda dzeSouth Pacific dzine madzinza akawanda, Fiji yakatanhamara muna ikoku. Pamwe chete netsika dzeMelanesia, Micronesia, uye Polynesia pane imwe yakatamiswa kubva Asia. Pakati pa 1879 na 1916, vashandi vezvibvumirano vakabva India vakapinzwa kuti vashande muminda yenzimbe. Iyi gadziriro, inonzi girmit (chibvumirano), yakaguma nezviuru zvavaIndia zvinouya kuFiji. Vazukuru vaava vashandi vanoumba chikamu chikuru chechiverengero chavagari vomunyika yacho. Vakachengeta tsika yavo, mutauro, uye rudzidziso.
Kurutivi rwakafuratira kunobva mhepo rwechitsuwa chikuru cheFiji kune guta reLautoka. Iyi ndiyo nzvimbo yapakati yebhizimisi renzimbe reFiji uye musha kurutivi rukuru rwechiverengero chavagari venyika yacho chavaIndia. Mitezo yeungano nhatu dzeZvapupu zvaJehovha muno inofanira kuva inochinjika zvikuru mubasa rayo ro“kuredza.” Pakushanyira imba neimba, munhu anofanira kuva akagadzirira kuchinja misoro kuchitsamira padzinza norudzidziso zvasaimba. Ngatikumbanire boka reZvapupu zvomunzvimbomo sezvazvinoshanyira misha yakapararira pakati peminda yenzimbe kunze chaiko kweLautoka.
Sezvatinosvika imba yokutanga, tinocherekedza matanda marefu amasengere ane tumicheka tutsvuku twakasungirwa pamusoro mukona rapamberi rekomboni yacho. Ikoku kunozivisa mhuri yacho seyechiHindu. Misha yakawanda zvikurusa yechiHindu yakashongedzwa nemifanikiso yavamwari vavo. Vakawanda vana mwari wavanoda zvikuru, akadai saKrishna, uye kazhinji kazhinji pane imba duku yokunamatira.a
VaHindu vakawanda zvikurusa vanodavira kuti marudzidziso ose akanaka uye inzira dzakasiyana-siyana bedzi dzokunamata nadzo. Nokudaro, saimba angateerera norupfave, kugamuchira mabhuku, kugovera zvokudya, uye kunzwa kuti aita basa rake. Kumutsa mibvunzo yakakodzera kukwevera vanasaimba mukurukurirano dzine revo zvikuru, kazhinji kazhinji kunobetsera kuziva dzimwe dzenhau dziri rutivi rwechitendero chavo. Somuenzaniso, tichiziva kuti dzimwe dzenhau dzavo dzinofananidzira vamwari vavo vari kupinda mumabasa ayo vanhu vakawanda vangapanikira, tinogona kubvunza mubvunzo, kuti: “Mungatendera mufambiro wakadaro unoitwa nomudzimai wenyu (murume) here?” Mhinduro inowanzova: “Aiwa, nyangwe!” Ipapo, mubvunzo unogona kubvunzwa munhu wacho: “Eya, mwari anofanira kuita saizvozvi here?” Kurukurirano dzakadaro kazhinji kazhinji dzinozarura mabanza okuratidza ukoshi hweBhaibheri.
Chitendero mukuberekwazve, rumwe rutivi rwechiHindu, inhau inobudirira yekurukurirano. Mumwe mukadzi wechiHindu akasanodzidza uyo akanga achangobva kurasikirwa nababa vake murufu akabvunzwa, kuti: “Mungada kuonazve baba venyu sezvavakanga vakaita chaizvo kare here?” Akapindura, kuti: “Hungu, ikoko kungava kunoshamisa.” Kubva mumhinduro yake nekurukurirano yapashure pacho, kwakanga kwakajeka kuti akanga asingagutswi nechitendero chokuti baba vake vakanga vari vapenyu zvino muchimwe chimiro chakati uye kuti aisazotongovazivazve. Asi dzidziso inoshamisa yeBhaibheri yorumuko yakaorora mwoyo wake.
Vamwe vaHindu vane mibvunzo uye vari kutsvaka mhinduro dzinogutsa. Apo chimwe Chapupu chakashanyira musha wechiHindu, murume wacho akabvunza, kuti: “Zita ramwari wenyu ndiani?” Chapupu chacho chakamuravira Pisarema 83:18 ndokutsanangura kuti zita raMwari ndiJehovha uye kuti VaRoma 10:13 inotaura kuti kuti tiwane ruponeso tinofanira kudana pazita iroro. Murume wacho akaororwa uye akada kuziva zvakawanda. Kutaura idi, akanga achidisa kuziva. Akatsanangura kuti baba vake, avo vakanga vakazvipira zvikuru kuchidhori chemhuri yavo, vakarwara pashure pokunamata pamberi pacho ndokufa nokukurumidza pashure pacho. Chinhu chimwe chetecho chakanga chaitika kuna mukoma wake. Ipapo akawedzera, kuti: “Mufananidzo iwoyo uri kutiunzira rufu, kwete upenyu. Naizvozvo panofanira kuva nechimwe chinhu chisina kururama nokuunamata. Zvimwe uyu Mwari, Jehovha, anogona kutibetsera kuwana nzira inoenda kuupenyu.” Naizvozvo fundo yeBhaibheri yakatangwa naye, mudzimai wake, uye vana vake vaviri. Vakaita fambiro mberi yokukurumidza uye vakakurumidza kubhapatidzwa. Vakasiya zvidhori zvavo uye zvino vari kufamba munzira yaJehovha, Mwari woupenyu.
Tinotevera kusvika pamusha wemhuri yechiMuslim. Mudzimu mumwe chetewo womutsa unooneka, uye nokukurumidza tinogara pasi nezvinwiwa zvinotonhorera mumaoko edu. Hationi mifananidzo yorudzidziso pamadziro kunze kwendima duku yakaiswa mufuremu iri murunyoro rwechiArab. Tinodudza kuti pane chinobatanidza zvose pakati peBhaibheri neKoran, ndiko kuti tateguru Abrahama, uye kuti Mwari akapikira Abrahama kuti kupfurikidza nembeu yake marudzi ose aizokomborerwa. Ichi chipikirwa chichazadzikwa muna Jesu Kristu, Mwanakomana Wake. Vamwe vaMuslim vacharamba mufungo wokuti Mwari ane mwanakomana. Nokudaro, tinotsanangura kuti kungofanana nomunhu wokutanga, Adhama, anonzi Mwanakomana waMwari nemhaka yokuva kwake akasikwa naMwari, nenzira imwe cheteyo, Jesu Mwanakomana waMwari. Mwari haadi mudzimai chaiyeiye kuti abereke vanakomana vakadaro. Nemhaka yokuti vaMuslim havadaviri dzidziso yoUtatu, tinoshandisa chinobvumiranwa navose ichochi kuratidza kuti Jehovha Mwari mukurusa.
Kusvikira pari zvino yava nguva yezvokudya zvamasikati, uye mitezo yeboka redu yava kudzoka kunzira, ichibuda muminda yenzimbe, kuti imirire bhazi rinodzokera kutaundi. Kunyange zvazvo vati netei, vose vafadzwa nomubato wo“kuredza” wamangwanani. Nhamburiko yaitwa kuchinjira kumigariro yakasiyana-siyana nezvitendero zvasanganwa nazvo yanga yakasanokufanirwa.
Mvura nemareef zveFiji zvine marudzi akawanda ehove. Kuti ave anobudirira, gonedau (muredzi) weFiji anofanira kuva ane unyanzvi mubasa rake. Zvimwe chetezvi ndezvechokwadi nezvebasa ro“kuredza” iro Jesu Kristu akagovera kuvadzidzi vake. “Varedzi vavanhu” vechiKristu vanofanira kuva vane unyanzvi, vachichinjira mharidzo yavo nechibvumikiso kuti zvikodzere zvitendero zvakasiyana-siyana zvavanhu. (Mateo 4:19, NW) Zvamazvirokwazvo ikoku kunodikanwa muFiji. Uye miuyo yacho iri pachena pakokorodzano dzegore negore dzeZvapupu zvaJehovha, uko vaFiji, vaIndia, vaRotuma, uye vanhu vemigariro yamarudzi yakavhengana vanonamata Jehovha Mwari muchinzwano. Hungu, chikomborero chake chiri pabasa ro“kuredza” mumvura dzeFiji.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku raMankind’s Search for God, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 115-17.
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Viti Levu
Vanua Levu
Suva
Lautoka
Nandi
0 Makiromita 100
0 Mamaira 100
18°
180°
[Mufananidzo uri papeji 24]
Bure, kana musha womunzvimbomo
[Mufananidzo uri papeji 24]
Tembere yechiHindu muFiji
[Mifananidzo iri papeji 25]
“Kuredza” vanhu kunobudirira muFiji
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Fiji Visitors Bureau