RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/1 pp. 27-30
  • Ndakatsigirwa naMwari Asingagoni Kureva Nhema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakatsigirwa naMwari Asingagoni Kureva Nhema
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhaka yechiKristu
  • Chishuvo Chapakuvamba Chokuparidza Evhangeri
  • Kuziva “Boka Guru”
  • Mitoo Mitsva Yokuparidzira
  • Kudzoka kuMadokero
  • Roorano Nemhuri
  • Ushumiri Pakati pavaAborigine
  • Betsero Isingakundikani yaJehovha
  • Kuita Zvaunoudzwa naJehovha Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Ndiri Ndoga Asi Handina Kutongosiyiwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/1 pp. 27-30

Ndakatsigirwa naMwari Asingagoni Kureva Nhema

YAKATAURWA NAMARY WILLIS

Miuyo yomugariro wakashata wezvokutengeserana wenyika wakanga wasvika maruwa eWestern Australia pakasvika 1932. Gore iroro, apo ndakanga ndine makore 19 bedzi, Ellen Davies neni takagamuchira mugove wokuparidzira uyo wakafukidza anenge makiromita 100 000 akaenzana kumativi mana. Nzvimbo yedu yokutangira yaifanira kuva taundi duku reWiluna, makiromita anodokusvika 950 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwomusha wedu muPerth, dzimbahwe reWestern Australia.

TICHIENDA ikoko, Ellen neni takazviwana timene tichigoverana tiroko rechitima nomugadhi ane ushamwari weraruwe. Sezvo chitima chaimira panjanji pfupi dzaparutivi pamwe napamwe dzaiva murutivi menjanji yacho, gadhi aitiudza nomutsa kuti kugara kwedu kwaizova kwenguva yakareba sei. Ikoku kwaitipa banza rokuburuka ndokupupurira kuvanhu vanogara munzvimbo idzodzo dziri dzoga dzeraruwe. Pakupedzisira takasvika paguta ravacheri vemigodhi reWiluna pakati pedutu reguruva.

Zvisinei, njanji pfupi dzaparutivi dzeraruwe paWiluna dzaidokusvika makiromita matatu kubva kutaundi. Hapana nomumwe wedu akanga akasimba zvikuru, uye taiva namakatoni matatu anorema amabhuku pamwe chete nesutukesi mbiri. Chii chataizoita? Takaisa katoni pamuti, uye mumwe nomumwe akabata mugumo mumwe womuti wacho. Neiyi nzira takatakura makatoni acho, rimwe pashure perimwe. Kwakatora nzendo nomwe kupinza makoni matatu nesutukesi yedu makiromita matatu mutaundi. Takamira kakawanda kuti tizorore, nemhaka yokuti maoko edu akarwadza zvikuru.

Pasinei zvapo neguruva, maoko anorwadza, uye makumbo akaneta, takafarikanya denho yacho nechinoitika. Tose tiri vaviri takanzwa kuti Jehovha akanga anesu, kuti akanga achititsigira kuti tigonane nouku kutanga kwakashata kukuparidzira munzvimbo dziri kure. Takakurumidza kuona chikomborero chake pabasa reduwo nokuti nhamburiko dzedu parwendo irworwo dzakaguma nokugamuchira zvokwadi yeBhaibheri kwaBob Horn muduku. Tinofara kuti Bob akagona kupedza makore akati ari mubasa rapaBheteri, uye kuti akapfuurira kubatira Jehovha nokutendeka kwamakore anodokusvika 50 kutozosvikira parufu rwake muna 1982.

Kubva muWiluna takashanda munogarwa parwendo rwedu rwamakiromita anopfuura 725 kusvikira kuGeraldton pamhenderekedzo yegungwa. Kubva imomo takadzokera kuPerth. Humwe usiku tairara mukamuri dzokumirira dzeraruwe dzisina chinhu uye pane imwe nguva kunyange mumurwi wouswa parutivi penjanji yeraruwe.

Takauya nepirokesi yakazadzwa namabhisikiti egorosi akagadzirwa pamusha. Iwaya zvakanga zviri zvokudya zvedu zvikuru kwehafu yokutanga yorwendo rwedu. Padzimwe nguva taiwana zvokudya zvedu kupfurikidza nokusuka ndiro nokukwesha uriri mudzimba dzebhodhin’i nenzvimbo dzinopirwa vanhu zvokudya. Padzimwe nguva taishanda muzuva rinopisa tichitanha pizi kana kuti bhinzi. Mipiro yaibva kuvanhu vanofarira vaigamuchira mabhuku eBhaibheri yakabetsera nendyiko dzedu.

Wakandisimbisa kuchengeta kutenda muna Jehovha ndokugonana nomufaro nemigariro yakawanda yakaoma mumazuva iwayo wakanga uri muenzaniso nerovedzo yapakuvamba zvakagamuchirwa kuna amai vangu.

Nhaka yechiKristu

Amai vangu vaiva nokutenda kwakasimba muMusiki, uye kudzokera shure kusvikira kwandinogona kuyeuka, ivo vaitaura kwatiri vana pamusoro pake. Kutenda kwavo kwakaedzwa zvakakomba, zvisinei, norufu rwehanzvadzi yedu yaiva namakore manomwe okukura mutsaona ine ngwavaira kuchikoro. Asi panzvimbo pokukasharara kuna Mwari, amai vakavamba fundo yapachokwadi yeBhaibheri. Vaida kudzidza, kana kuchibvira, chikonzero chengwavaira dzakadaro. Kutsvaka kwavo zvokwadi yeBhaibheri kwakatuswa, uye vakaratidzira tsauriro yavo kuna Mwari wechokwadi, Jehovha, kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura mukuvamba kwama 1920.

Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi, kurukurirano dzavo nesu kazhinji kazhinji dzaisimbisa kuti zvipikirwa zvaMwari ndezvechokwadi sei. Vaitikurudzira nguva dzose kurangarira kuti pasinei zvapo nechingaitika, ‘Mwari haagoni kureva nhema.’ (Tito 1:2) Somuuyo, munun’una wangu neni nembiri dzehanzvadzi dzedu, pamwe chete nemhuri dzedu navazukuru, nhasi tiri varumbidzi vaJehovha Mwari. Vaviri vavanakomana vomunun’una vangu, Alan naPaul Mason, vanobatira savatariri vanofambira.

Chishuvo Chapakuvamba Chokuparidza Evhangeri

Ndakanga ndiri mudzidzi asingagoni ndokurega chikoro muna 1926, apo ndaiva namakore 13. Bva, ndakanga ndatanga chishuvo chakasimba chokugoverana izvo ndakanga ndadzidza pamusoro peBhaibheri navamwe. Baba vakafunga kuti ndakanga ndisina kudzidza zvakakwana kuti ndibetsere munhu upi noupi, asi Amai vakati: “Kunyange kana achingoudza bedzi vanhu nezvehondo iri kusvika yeArmagedhoni uye kuti vanyoro vachagara nhaka pasi, ikoko kuchazivisa Umambo hwaMwari.” Naizvozvo ndakavamba kugoverana mubasa rokuparidzira pasuo nesuo ndiri mumakore angu apakuvamba ouduku, kunyange zvazvo ndakanga ndisina kubhapatidzwa kutozosvikira muna 1930. Nokukurumidza pashure pako, ndakavamba basa rokuparidza evhangeri renguva yakazara munharaunda yakapoteredza Perth.

Gore rakatevera racho, 1931, takavamba kushandisa zita redu idzva Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, vanasaimba vakawanda vakaramba kushandisa kwedu iri zita rinoyera raMwari ndokupindura nehasha. Bva ndakapfuurira muushumiri hwacho pasinei zvapo nezvinoitika zvisingafadzi. Ndaiva nechivimbo chokuti Mwari haarevi nhema apo anopikira kuti vabatiri vake vanogona ‘kuvimba nesimba raanogovera.’—1 Petro 4:11; VaFiripi 4:13.

Kuziva “Boka Guru”

Muna 1935, ndakagamuchira mugove kurumwe rutivi rwenyika huru yeAustralia. Nokudaro, kwamakore pashure paikoko ndakabatira somushumiri piyona muruwa rweNew England rwenyika yeNew South Wales, makiromita 4 000 kubva kuwaichimbova musha wangu muPerth.

Kusvikira panguva iyeyo ndakanga ndadya zviratidziro zvechingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku paChirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu. Kunyange zvazvo ichochi chairangarirwa kuva chinhu chakarurama kuita, zvikurukuru nokuda kwavashumiri vanoshingaira venguva yakazara, handina kutongopwiswa kuti ndaiva netariro yokudenga. Ipapo, muna 1935, kwakajekeswa kwatiri kuti kwakanga kuchiunganidzwa boka guru rine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Vakawanda vedu takafadzwa nokunzwisisa kuti takanga tiri rutivi rweboka guru iroro, uye takarega kudya zviratidziro. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Zvokwadi yeBhaibheri yakanga ichipenya zvikuru nenzira inofambira mberi, kunyange seizvo Jehovha akanga apikira.—Zvirevo 4:18.

Mitoo Mitsva Yokuparidzira

Pakati pema 1930, takavamba kushandisa giramufomu muushumiri hwedu. Nokudaro, mabhasikoro edu akasimba aifanira kuiswa keriya yemberi neyeshure kwete bedzi nokuda kwamagiramufomu anorema asi nokuda kwamarekodhi namabhegi eduwo amabhuku. Ndaifanira kungwarira zvikuru apo bhasikoro rangu raizadzwa zvizere nemhaka yokuti kudai rakawa, rainyanyorema zvokusagona kuti ndirisimudze zvakare!

Panenge panguva iyoyo takavambawo kwakanzi kufamba kwokufambisa mashoko. Sezvo taifamba mumigwagwa mikuru yamataundi, taipfeka zvikwangwani, kana kuti zviratidzo, izvo zvairatidzira kutaura kunoorora. Ndakawana iri basa kuva muedzo wakaoma wokutenda, zvikurukuru apo ndakasungwa ndokupfigirwa usiku hwose muchitokisi chiduku mutaundi reLismore. Kwakanga kuchinyadzisa kupinzwa mudare zuva rakatevera racho pasina kunyange kubvumirwa kukama vhudzi rangu! Asi zvakare Jehovha akanditsigira sezvaakanga apikira. Mhaka yacho yakaregwa nemhaka yokuti pomero bedzi yomupurisa akasunga yaiva yokuti chikwangwani changu chaigumbura rudzidziso rwake.

Kudzoka kuMadokero

Mukuvamba kwama 1940, kuparidzira kwangu kwoupiyona kwakandidzorera kumataundi omunyika muWestern Australia. Muno ndakapfuurira kufarikanya zvinoitika zvinoshamisa nezvikomborero zvomudzimu. Ndiri mumugove wangu muNortham, ndakasangana nomukadzi anotarisira imba akabatikana, Flo Timmins, anenge makiromita gumi nerimwe kunze kwetaundi. Iye akagamuchira bhuku raReconciliation, uye nguva refu isati yapera akava Chapupu chakazvitsaurira chaJehovha Mwari. Iye achiri anoshingaira mubasa roUmambo, uye mwanasikana wake, panguva iyeyo aiva namakore mana bedzi okukura, akakura kuva mushumiri piyona chaiye.

Asi kwakanga kune zvimwe zvinoitika zvisingakanganwiki. Pane imwe nguva, mubiyangu neni taiyambuka zambuko muNortham tiri mungoro yedu inodhonzwa nemabhiza, apo kamwe kamwe bhiza rakavamba kumhanya kamwe kamwe, kuchitipa kuyambuka kunotyisa mvura dzinovinduka dzeAvon River kure pasi. Pashure peinopfuura kiromita rimwe, bhiza rakaderedza kumhanya.

Roorano Nemhuri

Muna 1950, ndakaroorwa naArthur Willis, uyo akanga ave ariwo piyona kwamakore akawanda. Takagara mutaundi renyika yokuMadokero eAustralia rePingelly, umo takakomborerwa nomwanakomana, Bentley, uye mwanasikana, Eunice. Apo vana vakanga vodokupedza chikoro, Arthur akasarudza kunyoresa sapiyona zvakare. Muenzaniso wakanaka wababa wavo wakakurudzira vana vedu vose vari vaviri kuvamba kuita upiyona hwenguva dzose nokukurumidza apo vakakwanirisa.

Arthur aiwanzoendesa vana kunharaunda dzomuruwa dziri kure kundoparidzira. Pane imwe nhambo, aigara asiri pamusha navo kwevhiki kana kuti kupfuura panguva, vachigara mumusasa usiku humwe nohumwe. Mukati mouku kusavapo, ndaigara pamusha kuti nditarisire bhizimisi refanicha remhuri, kuchiita kuti kubvirire vatatu vavo kupayona.

Ushumiri Pakati pavaAborigine

Mamwe mangwanani pashure chaipo pokunge mhuri yadzokera kuimwe yenzendo dzavo dzokuruwa, takagamuchira mushanyi asingakarirwi. Mushanyi wacho akanga ari muAborigine, uyo akabvunza, kuti: “Chii chandinofanira kuita kuti ndidzokere?” Pakutanga takakatyamadzwa. Ipapo Arthur akamuziva somunhu uyo makore akawanda kare akadzingwa muungano yechiKristu nokuda kwoudhakwa. Iye chifo chenguva iyeyo akanga atanga mukurumbira unokatyamadza wokunwisa uye wokupinda muzvikwereti.

Arthur akatsanangura chaaifanira kuita kuti adzorerwe musangano rakachena raJehovha. Iye akaenda chinyararire asingatauri zvakawanda, uye tose takashamisika nechaaizoita. Hapana nomumwe wedu akakarira kuona chakaitika mumwedzi mishomanene yakatevera. Chinjo dzakaita murume iyeyo dzaidokuva dzisingadaviriki! Akanga asati achivandudzika bedzi muchinetso chake chokunwa asi akashanyira vanhu muruwa rwacho, achivayeuchidza nezvezvikwereti zvake, uye ipapo akabhadhara zvaaiva nazvo! Nhasi ihama zvakare mukutenda, uye akabatira kwenguva yakati somushumiri piyona.

Kwakanga kune vanhu vakawanda vechiAborigine muPingelly, uye taifarikanya ushumiri hunogutsa zvikurusa, tichibetsera ava vanhu vanozvininipisa kudzidza ndokugamuchira zvokwadi yeShoko raMwari. Kwave kuchindisimbisa kutenda sei kuti ndakava norutivi mukubatsira vakawanda vavanhu veAustralia vechiAborigine mukudzidza zvokwadi!

Imwe ungano yakatangwa muPingelly, uye pakutanga, yakawanda zvikurusa yemitezo yayo vakanga vari vaAborigine. Taifanira kudzidzisa vakawanda vavo kurava nokunyora. Kwakanga kune fungira mano yakaipa yakawanda kwavari mumakore iwayo apakuvamba, asi vanhu vomumataundi pashoma napashoma vakasvika pakuremekedza Zvapupu zvechiAborigine nokuda kwokurarama kwazvo kwakachena uye nokuda kwokuva vagari vemo vakavimbika.

Betsero Isingakundikani yaJehovha

Murume wangu anodiwa, Arthur, uyo akanga abatira Mwari nokutendeka kwamakore 57, akafa pakuvamba muna 1986. Airemekedzwa zvikuru navanhu vose vamabhizimisi muPingelly uye navanhu vomuruwa macho. Zvakare, Jehovha akanditsigira, achindipa simba rokutsungirira uku kurasikirwa kwakamwe kamwe.

Mwanakomana wangu, Bentley, anobatira somukuru kuchamhembe kweWestern Australia, uko iye nomudzimai wake, Lorna, vakarera mhuri yavo muzvokwadi. Mamwe manyuko omufaro mukuru kwandiri ndeokuti mwanasikana wangu, Eunice, akapfuurira mubasa renguva yakazara kusvikira kuzuva rino. Iye nomurume wake, Jeff, vanobatira samapiyona. Ndinogara navo zvino uye ndakakomborerwa kuva anokwanisa kuita upiyona hwebetsero pahwaro hunopfuurira.

Kwamakore anopfuura 60, ndakawana zadziko yechipikirwa chorudo chaJehovha chokusimbisa vabatiri vake ndokuvabetsera kugonana nemigariro ipi kana ipi yavangafanira kutarisana nayo. Iye anogovera chinodikanwa chedu chiri chose kana tikasatongomupanikira kana kuti kusamutenda. Kutenda kwangu kwakasimbiswa sezvandakanzwa kushanda kworuoko rwaJehovha, uye ndakaona kuti anopa sei chikomborero chake kunyange kupfuura zvatinogona kunzwisisa. (Maraki 3:10) Zvirokwazvo, Mwari haagoni kureva nhema!

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mary muna 1933

[Mifananidzo iri papeji 29]

Mary naArthur mumakore apashure

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe