Ganhuro 18
“Kutanga Kutsvaka Umambo”
MUSORO mukuru weBhaibheri kutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo. Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kutanga kutsvaka Umambo, vachihuisa pamberi pedzimwe fariro muupenyu. Neiko?
Nharireyomurindi yakatsanangura kazhinji kazhinji kuti nemhaka yeidi rokuti iye ndiye Musiki, Jehovha ndiye Changamire Wechisiko Chose. Iye akafanirwa nokuremekedzwa zvikurusa nezvisikwa zvake. (Zvak. 4:11) Zvisinei, pakuvamba zvikuru munhau yavanhu, mumwe mwanakomana womudzimu waMwari uyo akazviita amene Satani Dhiyabhorosi akadenha nenzira yokuzvidza uchangamire hwaJehovha. (Gen. 3:1-5) Kupfuurirazve, Satani akati vose vaibatira Jehovha vane vavariro dzoudyire. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5; Zvak. 12:10) Nokudaro rugare rwechisiko chose rwakadzongonyedzwa.
Kwamakumi amakore zvino, zvinyorwa zveWatch Tower zvakaonesa kuti Jehovha akaita gadziriro yokupedza nhau idzodzi nomutoo unokudza kwete bedzi simba rake guru asiwo ukuru hwouchenjeri hwake, ruramisiro yake, uye rudo rwake. Rutivi rukuru rwegadziriro iyoyo Umambo hwaMesiya hwaMwari. Kupfurikidza noUmambo ihwohwo, rudzi rwomunhu runopiwa mukana wakakwana wokuziva nawo nzira dzokururama. Kupfurikidza nahwo, vakaipa vachaparadzwa, uchangamire hwaJehovha hucharevererwa, uye chinangwa chake chichaitwa chokuita kuti pasi rive paradhiso inogarwa navanhu vanoda Mwari zvirokwazvo nevanodana uye avo vanokomborerwa noupenyu hwakakwana.
Nemhaka youkoshi hwahwo, Jesu akapa zano vateveri vake, kuti: “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo.” (Mat. 6:10, 33, NW) Zvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno zvakapa ufakazi hukuru hwokuti zvinoedza kuteerera zano iroro.
Kusiya Zvose Nokuda kwoUmambo
Pamusi wapakuvamba, Vadzidzi veBhaibheri vakarangarira chairehwa nokutanga kutsvaka Umambo. Vakakurukura mufananidzo waJesu umo iye akaenzanisa Umambo neparera roukoshi hukuru kwazvo zvokuti mumwe murume “akatengesa zvinhu zvose zvaakanga anazvo ndokuritenga.” (Mat. 13:45, 46, NW) Ivo vakafungisisa ukoshi hwezano raJesu kumutongi muduku akapfuma rokutengesa chinhu chiri chose, kuparadzira kuvarombo, uye kumutevera. (Marko 10:17-30)a Vakaziva kuti kana vakanga vachizobvumikisa kuva vakafanirwa nokuva negoverano muUmambo hwaMwari, vanofanira kuita kuti Umambo huve fariro yavo yokutanga, vachishandisa nomufaro upenyu hwavo, mano avo, pfuma yavo, mubasa rahwo. Chimwe chinhu chiri chose zvacho muupenyu chaifanira kuva nenzvimbo yechipiri.
Charles Taze Russell akashandisa somunhu oga zano iroro. Akatengesa bhizimisi rake raibudirira rezvipfeko zvavarume, akaderedza zvishoma nezvishoma dzimwe fariro dzebhizimisi, uye ipapo akashandisa pfuma yake yose yapasi kuti abetsere vanhu mumudzimu. (Enzanisa naMateo 6:19-21.) Chakanga chisati chiri chimwe chinhu chaakaita kwamakore mashomanene chete. Kuburuka kusvikira chaizvo kurufu rwake, iye akashandisa pfuma yake yose—mano ake endangariro, utano hwake hwomuviri, zvinhu zvake zvokunyama—kuti adzidzise vamwe shoko guru roUmambo hwaMesiya. Pamariro aRussell mumwe musonganiri, Joseph F. Rutherford, akati: “Charles Taze Russell akanga akavimbika kuna Mwari, akavimbika kuna Kristu Jesu, akavimbika kubasa roUmambo hwaMesiya.”
Muna April 1881 (apo vanhu vane mazana mashomanene bedzi vakanga vari kupinda misangano yaVadzidzi veBhaibheri), Nharireyomurindi yakabudisa nyaya ine musoro unoti “Vaparidzi 1 000 Vanodikanwa.” Iyoyi yakabatanidza kokero kuvarume navakadzi vakanga vasina mhuri dzinotsamira pavari kuti vatange basa savaparidzi veevhangeri macolporteur. Ichishandisa mutauro womuenzaniso waJesu uri pana Mateo 20:1-16, Nharireyomurindi yakabvunza, kuti: “Ndiani ane chishuvo chikuru chokuenda ndokushanda muMunda weMizambiringa, uye ave achinyengetera kuti Ishe azarure nzira”? Avo vaigona kupa inenge hafu yenguva yavo chose chose kubasa raShe vakakurudzirwa kukumbira. Kuvabatsira nendyiko dzokufamba, zvokudya, zvipfeko, uye pokugara, Zion’s Watch Tower Tract Society yakagovera macolporteur apakuvamba mabhuku eBhaibheri okuparadzira, yakataura mupiro muduku zvikurusa uyo waigona kukumbirwa nokuda kwamabhuku, uye yakakumbira macolporteur kuchengeta chikamu chemari inodarozvo kugamuchirwa. Ndivanaani vakagamuchira idzi gadziriro ndokutanga basa roucolporteur?
Pakasvika 1885 kwakanga kwava nemacolporteur anenge 300 akabatanidzwa neSosaiti. Muna 1914 nhamba yacho pakupedzisira yakapfuura 1 000. Rakanga risati riri basa riri nyore. Pashure pokushanyira misha mumataundi maduku mana uye vachiwana vanhu vatatu kana kuti vana bedzi vaifarira kusvikira kutambanuko ipi neipi, mumwe wamacolporteur akanyora, kuti: “Ndinofanira kutaura kuti ndakati inzwei ukata nokuenda kure kwazvo, nokusangana navakawanda kwazvo, uye nokuwana itiro hanya shomanene kwazvo yairatidzirwa pamusoro perongedzero yaMwari neChechi. Ndibatsirei neminyengetero yenyu, kuti ndigopa zvokwadi nenzira yakakodzera uye nenzira yokusatya, uye kusava anoneta mukuita zvakanaka.”
Vakazvipa Vamene Nokudisa
Macolporteur iwayo akanga ari vazaruri venzira chaivoivo. Vaipinda mumativi asingasvikiki zvikurusa enyika panguva apo zvokufambisa zvakanga zviri zvechinyakare zvikuru uye migwagwa, zvikurukuru, yakanga yakadokufanana nenzira dzengoro. Hanzvadzi Early, muNew Zealand, vakanga vari mumwe uyo akaita izvozvo. Vachitanga zvakanaka Hondo Yenyika I isati yaitika, ivo vakapa makore 34 kubasa rakadaro nguva yakazara vasati vafa muna 1943. Vakafukidza yakawanda yenyika yacho nebhasikoro. Kunyange apo vakaremadzwa nearthritis uye vaisagona kutasva, vakashandisa bhasikoro kutsamira pariri nokutakura mabhuku avo vachipota mundima yebhizimisi yeChristchurch. Vaigona kukwira matanho, asi vaifanira kuaburuka nenhendeshure nemhaka yokuremara kwavo. Kunyange zvazvo zvakadaro, chero bedzi vaiva nesimba ripi neripi, vairishandisa mubasa raJehovha.
Ava vanhu havana kutanga iri basa nemhaka yokuti vainzwa vane chivimbo mavari vamene. Vamwe nenzira yomuzvarirwo vakanga vane ruzazu zvikuru, asi vaida Jehovha. Isati yapupura mundima yebhizimisi, imwe hanzvadzi yakadaro yaikumbira mumwe nomumwe waVadzidzi veBhaibheri munharaunda yayo kuti ainyengeterere. Pashure penguva yakati, sezvo yakawana ruzivo rwokuzviwanira, yakava ine mbavarira zvikuru pamusoro pomubato wacho.
Apo Malinda Keefer akataura kuna Hama Russell muna 1907 pamusoro pechishuvo chake chokupinda mubasa renguva yakazara, akataura kuti ainzwa dikanwo yokuwana zivo yakawanda pakutanga. Kutaura idi, rakanga riri chete gore rakapfuura racho apo akatanga kuona mabhuku aVadzidzi veBhaibheri. Mhinduro yaHama Russell yakanga iri yokuti: “Kana muchida kumirira kutozosvikira maziva zvose hamusati muchizotongotanga, asi muchadzidza apo munenge muchiriita.” Asingaregi, akakurumidza kuvamba muOhio, muUnited States. Kazhinji kazhinji aiyeuka Pisarema 110:3 (NW), iro rinotaura, kuti: “Vanhu vako vachazvipa vamene nokudisa.” Kwamakore 76 akatevera, iye akaramba achiita izvozvo chaizvo.b Akatanga asina kuroorwa. Kwemakore 15 iye akafarikanya kubatira akaroorwa. Asi pashure pokunge murume wake afa, akaramba achipfuurira chaizvo, nebetsero yaJehovha. Achitarira shure mumakore ose akapfuura, iye akati: “Ndinoonga sei kuti ndakazvipa ndimene nokudisa sapiyona apo ndaiva mhandara nguva dzose ndokuisa fariro dzoUmambo pakutanga!”
Apo kokorodzano huru dzaiitwa mumazuva apakuvamba, gadziriro dzaiwanzoitwa dzemarusando chaiwo namacolporteur. Mibvunzo yaipindurwa, rovedzo yaigoverwa vatsva zvikuru, uye kurudziro yaipiwa.
Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, kwakanga kune vamwe vakawanda zvikuru vavabatiri vaJehovha avo vaikoshesa Umambo hwaMwari zvikuru kwazvo zvokuti ivowo vakavakira zvirokwazvo upenyu hwavo pahuri. Vamwe vavo vakakwanisa kuisa parutivi zvinorondwa zvenyika ndokuzvipa vamene zvizere kuushumiri.
Kutarisira Zvinodikanwa Zvokunyama
Vaitarisira sei zvinodikanwa zvavo zvokunyama? Anna Petersen (gare gare Rømer), muparidzi weevhangeri wenguva yakazara muDenmark, akayeuka, kuti: “Taiwana betsero mukugovera mabhuku nokuda kwendyiko dzezuva nezuva, uye zvinodikanwa zvedu zvakanga zvisati zviri zvikuru. Kana kwakanga kune ndyiko huru zvikuru, idzodzi dzaibhadharwa nguva dzose munzira yakati. Hanzvadzi dzaisitipa zvipfeko, marokwe kana kuti mabhachi, uye taigona kubva tatopfeka izvozvi, naizvozvo takanga takapfeka zvakanaka. Uye mimwe mwaka yechando ndaiita basa romuhofisi kwemwedzi yakati. . . . Kupfurikidza nokutenga apo kwakanga kune sero, ndaigona kutenga zvipfeko zvandaida kwegore rose. Zvinhu zvakafamba zvakaisvonaka. Takanga tisingatongoshayiwi.” Zvinhu zvokunyama zvakanga zvisati zviri itiro hanya yavo huru. Kuda kwavo Jehovha nenzira dzake kwakanga kwakafanana nemwoto waipisa mukati mavo, uye vaingofanira zvavo kukuratidzira.
Nokuda kwepokugara vairenda kamuri duku zvikurusa apo vaishanyira vanhu vari munharaunda yacho. Vamwe vavo vaishandisa turera—pasina chinhu chakaisvonaka, nzvimbo yokurara nokudyira chete. Vamwe vairara mutende sezvo vaienda kunzvimbo nenzvimbo. Munzvimbo dzakati hama dzaironga “misasa yemapiyona.” Zvapupu zviri munharaunda zvaigovera musha, uye munhu mumwe aizogoverwa kuutarisira. Mapiyona aibatira munharaunda iyoyo aigona kushandisa dzimba, uye aigoverana ndyiko dzaibatanidzwa.
Ava vashandi venguva yakazara havana kubvumira kushayikwa kwemari kudzivisa vanhu vakafanana namakwai kuwana mabhuku eBhaibheri. Mapiyona aiwanzotsinhana nezvirimwa zvakadai sembatatisi, bhata, mazai, michero ichangotanhwa neyomumagaba, huku, sipo, uye chinodokuva chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho. Vakanga vasiri kupfuma; panzvimbo pezvo, iwoyu wakanga uri mutoo wokubetsera nawo vanhu vapachokwadi kuva neshoko roUmambo, nepo panguva imwe cheteyo vachiwana zvinodikanwa zvokunyama zvoupenyu kuti mapiyona agogona kupfuuridzira ushumiri hwawo. Vakanga vane chivimbo muchipikirwa chaJesu chokuti kana vaizo“ramba . . . [va]chitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari],” ipapo zvokudya zviri madikanwa nezvokufuka zvaizogoverwa.—Mat. 6:33, NW.
Kudisa Kubatira Kupi Nokupi Kwaiva Nokushayiwa
Chishuvo chavo chapachokwadi chokuita basa iro Jesu akanga agovera kuvadzidzi vake chakatungamirira vashandi venguva yakazara kuenda kundima itsva, kunyange kunyika itsva. Apo Frank Rice akakumbirwa kubva muAustralia kuenda kundozarura kuparidzwa kwemashoko akanaka paJava (zvino rutivi rweIndonesia) muna 1931, akanga ane makore gumi oruzivo rwokuzviwanira muushumiri hwenguva yakazara. Asi zvino kwaiva netsika itsva, pamwe chete nemitauro mitsva zvokudzidza. Iye aigona kushandisa chiNgezi kupupura kuvamwe muzvitoro nomuhofisi, asi aida kupupura kune vamwewo. Akafunda zvakaoma, uye mumwedzi mitatu akaziva chiDutch chakakwana zvokutanga kuenda paimba neimba. Ipapo akafunda chiMalay.
Frank akanga ane makore 26 chete okukura apo akaenda kuJava, uye kwamazhinjisa amakore matanhatu ayo akanga ari ikoko napaSumatra, akashanda ari oga. (Kumugumo wa1931, Clem Deschamp naBill Hunter vakabva Australia kuti vabetsere nebasa. Seboka, vaiita shanyo yokuparidza mukati menyika, apo Frank akanga achishanda mukati nomakapoteredza dzimbahwe reJava. Gare gare, Clem naBill vakagamuchirawo migove yakavaendesa kunharaunda dzakaparadzana.) Kwakanga kusina misangano yeungano iyo Frank aigona kupinda. Pane dzimwe nguva ainzwa ukata zvikuru, uye kanopfuura kamwe akarwisana nemifungo yokurega uye kudzokera kuAustralia. Asi akaramba achipfuurira. Seiko? Zvokudya zvomudzimu zvaiva muNharireyomurindi zvakabetsera kumusimbisa. Muna 1937 akatamira kumumwe mugove muIndochina, uko akapukunyuka nepaburi retsono noupenyu hwake mukati mokupandukira kwamasimba masimba uko kwakatevera Hondo Yenyika II. Mudzimu iwoyo wokudisa kubatira wakanga uchiri mupenyu muma1970 apo akanyora kuti aratidzire mufaro wake pamusoro peidi rokuti mhuri yake yose yakanga iri kubatira Jehovha uye kuti ataure kuti iye nomudzimai wake vakanga vari kugadzirira zvakare kuti vaende kunzvimbo iri muAustralia uko kushayiwa kwakanga kuri kukuru zvikuru.
‘Kuvimba naJehovha Nomwoyo Wavo Wose’
Claude Goodman akatsunga ku‘vimba naJehovha nomwoyo wake wose uye kwete kutsamira panzwisiso yake amene,’ naizvozvo akasarudza basa roucolporteur somuparidzi weevhangeri wechiKristu panzvimbo pemukana webhizimisi rokunyika. (Zvir. 3:5, 6) Pamwe chete naRonald Tippin, uyo akanga amubetsera kudzidza zvokwadi, akabatira sacolporteur muEngland kwerinopfuura gore. Ipapo, muna 1929, vaviri vacho vakazviita vamene vanowanika kuti vaende kuIndia.c Ikoko kwakapa denho yakadini!
Mumakore akatevera, ivo vakafamba kwete bedzi netsoka uye nechitima chinotakura vanhu nebhazi asiwo nechitima chinotakura zvinhu, chikochikari, ngamera, igwa, ricksha, uye kunyange ndege nechitima chakahayiwa. Pane dzimwe nguva vaiwaridza mibhedha inopetwa mukamuri dzokumirira dzepararuwe, mudanga remombe, muuswa hwomusango, kana kuti pauriri hwakadzurwa muchitumba, asi paivawo nenguva apo vairara muhotera dzoumbozha uye muimba youmambo yomutongi. Kufanana nomuapostora Pauro, ivo vakadzidza chakavanzika chegutsikano kana vaiva nezvokudya zvishomanene kana kuti vakanga vane zvakawanda. (VaF. 4:12, 13) Kazhinji kazhinji vakanga vane zvishomanene zvikuru zvakanga zviri zvoukoshi hwokunyama, asi vakanga vasati vatongori vasina zvavaida chaizvoizvo. Vakawana somunhu oga kuzadzikwa kwechipikirwa chaJesu chokuti kana vaizotanga kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari, zvinodikanwa zvokunyama zvoupenyu zvaizogoverwa.
Kwakanga kune kurwara kwakakomba nechirwere chedengue, marariya, uye typhoid, asi tarisiro yorudo yaigoverwa neZvapupu biyavo. Kwakanga kune basa raifanira kuitwa pakati poushati hwamaguta akadai seCalcutta, uye kwakanga kune kupupura kwaifanira kuitwa muminda yetii mumakomo eCeylon (zvino inozivikanwa seSri Lanka). Kugovera zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu, mabhuku aigoverwa, marekodhi airidzwa mumitauro yomunzvimbomo, uye hurukuro dzaipiwa. Sezvo basa rakawedzera, Claude akadzidzawo nzira yokushandisa nayo muchina wokudhinda nokutarisira basa muhofisi dzebazu dzeSosaiti.
Mugore rake rechi87, aigona kutarira shure kuupenyu hwakapfuma nezvakaitika mubasa raJehovha muEngland, India, Pakistan, Ceylon, Burma (zvino Myanmar), Malaya, Thailand, uye Australia. Zvose zviri zviviri sejaya risina kuroora uye somurume nababa, akachengeta Umambo huri pakutanga muupenyu hwake. Akapinda mubasa renguva yakazara makore asingasviki maviri pashure porubhapatidzo rwake, uye akarangarira iroro sebasa rake kwehwasara hwose hwoupenyu hwake.
Simba raMwari Rakakwanisa Muutera
Ben Brickell akanga ari mumwe weZvapupu izvozvo zvinoshingaira—akafanana zvikuru navamwe vanhu, mukuti iye aigoverana zvinodikanwa zvavo noundonda. Akanga akatanhamara mukutenda. Muna 1930 akapinda mubasa roucolporteur muNew Zealand, uko akapupura mundima dzisina kufukidzwazve kwamakumi amakore. Makore maviri gare gare, muAustralia, akaita rwendo rwemwedzi mishanu rwokuparidza achipfuura nomunyika yerenje umo musina uchapupu hwakanga hwapiwa kare. Bhasikoro rake rakanga rakaremerwa zvikuru nemagumbeze, zvipfeko, zvokudya, uye mabhuku makuru okugovera. Kunyange zvazvo vamwe varume vakanga vaparara pakuedza kufamba vachipfuura nomuiyi nharaunda, iye akapfuurira, nechivimbo muna Jehovha. Tevere, akabatira muMalaysia, umo zvinetso zvakakomba zvomwoyo zvakatanga. Haana kurega. Pashure penhambo yokunaya, akatangazve mubato wokuparidza wenguva yakazara muAustralia. Makore anenge gumi gare gare, chirwere chakakomba chakamuisa muchipatara, uye apo akabudiswa akaudzwa nachiremba kuti akanga “aremadzwa nokuda kwebasa ne85 muzana.” Iye aisagona kunyange kufamba mumugwagwa kuti andotenga asingazorori apo nepapo.
Asi Ben Brickell akanga akatsunga kupfuurirazve, uye akadaro, achimira kuti azorore sezviri madikanwa. Nokukurumidza akanga adzoka achipupura muruwa rwakashata rweAustralia. Akaita zvaaigona kutarisira utano hwake, asi basa rake kuna Jehovha rakanga riri chinhu chikuru muupenyu hwake kutozosvikira parufu rwake makore 30 gare gare aine makore ari pakati pema60.d Iye akaziva kuti kuperevedza kwaivapo somugumisiro woutera hwake kwaigona kugoverwa nesimba raJehovha. Pakokorodzano muMelbourne muna 1969, akabatira kubato ramapiyona nebheji guru pabhachi rake rairava, kuti: “Kana uchida kuziva pamusoro pokupayona, ndibvunze.”—Enzanisa na2 VaKorinte 12:7-10.
Kusvika Misha Yomusango Nemisasa Yokuchera Migodhi Yomumakomo
Kushingairira basa raJehovha kwakasunda kwete bedzi varume asiwo vakadzi kuti vatange basa munzvimbo dzisina kumboparidzwa kare. Freida Johnson akanga ari mumwe wavakazodzwa, akati dukupei uye aiva nemakore omuma50 ezera apo aishanda ari oga mumativi eCentral America, achifukidza nharaunda dzakadai semhenderekedzo yokuchamhembe yeHonduras akatasva bhiza. Kwaida kutenda kushanda ari oga muiyi nharaunda, achishanyira minda yemabhanana yakapararira, mataundi eLa Ceiba, Tela, uye Trujillo, uye kunyange misha iri yoga yeCarib iri mberi. Akapupura imomo muna 1930 na1931, zvakare muna 1934, uye muna 1940 na1941, achigovera zviuru zvamabhuku ane zvokwadi yeBhaibheri.
Mukati mamakore iwayo mumwe mushandi anoshingaira akatanga basa rake muushumiri hwenguva yakazara. Iyeyu akanga ari Kathe Palm, uyo akaberekerwa muGermany. Kwakamusundira kuchiito kwakanga kuri kupinda kokorodzano muColumbus, Ohio, muna 1931, apo Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Pakanga pari panguva iyoyo apo akasarudza kutanga kutsvaka Umambo, uye muna 1992, pamakore 89 ezera, akanga achiri kukuita.
Basa rake roupiyona rakavamba muNew York City. Gare gare, muSouth Dakota, iye akanga ane mubiyake kwemwedzi mishomanene asi ipapo akapfuurira ari oga, achifamba akatasva bhiza. Paakakokwa kubatira muColombia, South America, akagamuchira nokudisa, achisvikako mukupera kwa1934. Zvakare, akanga ane mubiyake kwechinguvana asi ipapo akanga ari oga. Ikoku hakuna kumuita kuti anzwe kuti aifanira kurega.
Varoorani vakamukoka kuti avakumbanire muChile. Heino imwe ndima yakanga iri huru, yaitambanuka makiromita 4 265 mumhenderekedzo yegungwa yokumadokero yekondinendi yeSouth America. Pashure pokuparidza muzvivako zvehofisi zvedzimbahwe, akatanga kuenda kure kuchamhembe. Mumusasa uri wose wokuchera mugodhi, taundi riri rose rekambani, guru kana kuti duku, aipupura pasuo nesuo. Vashandi vari kumusorosoro muAndes vakashamiswa nokushanyirwa nomukadzi ari oga, asi iye akanga akatsunga kusapotsa munhu munharaunda yakagoverwa kwaari. Gare gare, akatamira kumaodzanyemba, uko maestancia (nzvimbo dzinochengeterwa makwai) akafukidza chakakura sechikamu chimwe chezvina chamaeka ane miriyoni. Vanhu vacho ikoko vakanga vane ushamwari uye vane mutsa uye vaimugamuchira kutafura yavo panguva yezvokudya. Muiyi nedzimwe nzira, Jehovha akamutarisira, zvokuti akanga ane zvinodikanwa zvokunyama zvoupenyu.
Kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwakazadza upenyu hwake.e Achitarira shure kumakore ake ebasa, iye akati: “Ndinonzwa kuti ndakava noupenyu hwakapfuma zvikuru. Gore rimwe nerimwe apo ndinopinda gungano ravanhu vaJehovha, ndinowana kunzwa kwoushamwari, kwakagutswa sezvo ndinoona vanhu vakawanda kwazvo vandakava nefundo dzeBhaibheri navo vachizivisa mashoko akanaka, vachibetsera vamwe kuuya kumvura youpenyu.” Iye akava nomufaro wokuona nhamba yavarumbidzi vaJehovha muChile ichikura kubva pavanenge 50 kusvikira kuvanopfuura 44 000.
“Ndiri Pano! Nditumei”
Pashure pokunzwa hurukuro yakavakirwa pakukokera kwaJehovha kubasa sokwakanyorwa pana Isaya 6:8 (NW), uye mhinduro yakanaka yomuporofita inoti, “Ndiri pano! Nditumei,” Martin Poetzinger, muGermany, akabhapatidzwa. Makore maviri gare gare, muna 1930, akapinda muushumiri hwenguva yakazara muBavaria.f Pasati papera nguva refu, vakuru vakuru imomo vakarambidza kuparidza kunoitwa neZvapupu, nzvimbo dzemisangano dzakavharwa, uye mabhuku akatorwa. Gestapo yaityisidzira. Asi zviitiko izvozvo muna 1933 hazvina kugumisa ushumiri hwaHama Poetzinger.
Iye akakokwa kuti abatire muBulgaria. Makadhi eumboo muchiBulgarian aishandiswa kusuma mabhuku eBhaibheri. Asi vanhu vakawanda vakanga vasingagoni kurava kana kuti kunyora. Naizvozvo, Hama Poetzinger vakaita zvifundo zvokudzidza mutauro wavo, uyo waishandisa arufabheti yeCyrillic. Apo mabhuku aisiyiwa ane mhuri, kazhinji kazhinji kwakanga kuri madikanwa kuti vana vaduku vaaravire vabereki vavo.
Kwerutivi rukurusa rwegore rokutanga, Hama Poetzinger vakanga vari voga, uye ivo vakanyora, kuti: “PaChirangaridzo, ndakapa hurukuro ini ndimene, ndakanyengetera ini ndimene, uye ndakapfiga musangano ndiri ndoga bedzi.” Mukati ma1934, vokunyika dzokumwe vakadzingwa, naizvozvo vakaenda kuHungary. Kuno mumwe mutauro waifanira kudzidzwa kuti vagogona kugoverana mashoko akanaka. Kubva kuHungary vakaenda kunyika dzaizivikanwa panguva iyoyo seCzechoslovakia neYugoslavia.
Vakava nezvakaitika zvinofadza zvakawanda—vachiwana vadi vezvokwadi sezvo vaifamba mumaruwa nemisha, vaine mabhuku akatakurwa kumusana wavo; vachiwana tarisiro yaJehovha sezvo vanhu vane mutsa vaigovera zvokudya uye kunyange mubhedha nokuda kwousiku; vachitaura kutozosvikira usiku chaihwo kuavo vaiuya kuimba yavo kuti vanzwe zvakawanda zveshoko rinonyaradza roUmambo.
Kwaivawo nemiedzo yakakomba yokutenda. Pakubatira kunze kwenyika yavo yavakaberekerwa, uye vasina mari, vakatambura chirwere chakakomba. Hakuna chiremba akanga achidisa kuvaona. Asi Jehovha akagovera. Seiko? Pakupedzisira, chiremba mukuru wechipatara chomunzvimbomo akaonanwa naye. Uyu murume, mudaviri akasimba muBhaibheri, akatarisira Hama Poetzinger sezvaaizodai akaita mwanakomana, achiita saizvozvo pasina muripo. Chiremba wacho akaororwa nomudzimu wokurega zvimwe zvinhu weiri jaya, uyo waiva pachena mubasa raakanga achiita, uye akagamuchira mabhuku eSosaiti sechipo.
Mumwe muedzo wakakomba wakasvika mwedzi mina pashure peroorano. Hama Poetzinger vakasungwa muna December 1936 uye vakapfigirwa kutanga mumumwe musasa wevasungwa uye ipapo mune mumwe, apo mudzimai wavo akachengetwa mumumwezve musasa wakadaro. Havana kuonana kwamakore mapfumbamwe. Jehovha haana kudzivisa chitambudzo choutsinye chakadaro, asi akasimbisa Martin, mudzimai wake Gertrud, uye zviuru zvavamwe kuti vautsungirire.
Pashure pokunge ivo nomudzimai wavo vasunungurwa, Hama Poetzinger vakafarikanya makore akawanda ebasa somutariri anofambira muGermany. Vakanga varipo nokuda kwekokorodzano dzinofadza dzakaitwa munhambo yapashure pehondo payaichimbova nhandare yaHitler yokufora muNuremberg. Asi zvino nhandare iyoyo yakazadzwa neboka guru ravatsigiri vakavimbika voUmambo hwaMwari. Vakapinda kokorodzano dzisingakanganwiki muYankee Stadium yeNew York. Vakafarikanya zvakazara rovedzo yavo paWatchtower Bible School of Gilead. Uye muna 1977 vakava mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Murangariro wavo, kuburuka kutozosvikira pavakapedza upenyu hwavo hwepasi muna 1988, unogona kutaurwa zvakanakisisa namashoko anoti: ‘Ndinoita chinhu chimwe ichi—kutanga kutsvaka Umambo.’
Kudzidza Chakunoreva Chaizvoizvo
Mudzimu wokurega zvimwe zvinhu nenzira yakajeka hausati uri chimwe chinhu chitsva pakati peZvapupu zvaJehovha. Apo vhoriyamu yokutanga imene yeMillennial Dawn yakabudiswa shure muna 1886, nhau yokupa (kana kuti, sezvatingataura nhasi, tsauriro) yakakurukurwa nenzira yakananga. Kwakaoneswa pahwaro hwaMagwaro kuti vaKristu vechokwadi “vanopa” chinhu chiri chose kuna Mwari; ikoko kunobatanidza mano avo, zvinhu zvavo zvokunyama, upenyu hwavo humene. VaKristu nokudaro vanova vatarisiri vechaka“piwa” kuna Mwari, uye sevatarisiri, vanofanira kuzvidavirira—kwete kumunhu asi kuna Mwari.
Nhamba inowedzera yaVadzidzi veBhaibheri yakazvipa imene zvirokwazvo mubasa raMwari. Vakashandisa zvakazara mano avo, zvinhu zvavo, simba ravo, mukuita kuda kwake. Pane rumwe rutivi, kwaiva naavo vainzwa kuti kwakanga kuchikosha zvikurusa kwakanga kuri kusakurira chavaidana kuti unhu hwechiKristu kuti vagokwanirisa kugoverana muUmambo naKristu.
Kunyange zvazvo basa romuKristu wechokwadi mumwe nomumwe rokupupura kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari rakanga rataurwa kazhinji kazhinji naHama Russell, irori rakawana kusimbiswa kunotova kukuru zvikuru pashure peHondo Yenyika I. Nyaya inoti “Unhu Kana Kuti Sungano—Ndechipi?” muNharireyomurindi yechiNgezi yaMay 1, 1926, muenzaniso unoshamisa. Yakarangarira zvakananga tapuro dzinokuvadza dzakabva mukwaidanwa kunzi kukudza unhu uye ipapo yakasimbisa ukoshi hwokuita misengwa yomunhu kuna Mwari kupfurikidza nezviito.
Pakuvamba zvikuru, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1920, yakanga yanzvera uporofita hukuru hwaJesu pamusoro pe‘chiratidzo chokuvapo kwake nomugumo wenyika.’ (Mat. 24:3, KJ) Yakanangidzira ngwariro pabasa rokuparidza iro rinofanira kuitwa mukuzadzikwa kwaMateo 24:14 ndokuzivisa shoko raifanira kuziviswa, ichiti: “Mashoko akanaka pano ane chokuita nomugumo wenhevedzo yekare yezvinhu nokugadzwa kwoumambo hwaMesiya.” Nharireyomurindi yacho yakatsanangura kuti pahwaro hwouko Jesu akataura ikoku maererano nemamwe mativi echiratidzo, iri basa raizofanira kuitwa “pakati penguva yehondo huru yenyika [Hondo Yenyika I] nenguva ye‘dambudziko guru’ rinodudzwa naTenzi muna Mateo 24:21, 22.” Basa iroro rakanga riri rokukurumidzira. Ndivanaani vaizoriita?
Iri basa nenzira yakajeka raiva pamitezo ye“chechi,” ungano yechiKristu yechokwadi. Zvisinei, muna 1932, kupfurikidza nechinyorwa chaAugust 1 cheNharireyomurindi, ivava vakapiwa zano kuti vakurudzire “boka raJehonadhabhi” kugoverana navo mubasa racho, mutsinhirano nomudzimu waZvakazarurwa 22:17. Boka raJehonadhabhi—rine tariro iri upenyu husingaperi muParadhiso yapasi—rakabvuma, uye vakawanda vavo vakadaro nenzira yokushingaira.
Ukoshi hukuru hweiri basa hwakasimbiswa zvakasimba: “Kutora rutivi mubasa raShe kunokosha sekupinda musangano,” yakadaro Nharireyomurindi muna 1921. “Mumwe nomumwe anofanira kuva muparidzi weevhangeri,” yakaonesa kudaro muna 1922. “Jehovha akaita kuparidza basa rinokosha zvikurusa iro upi noupi wedu angagona kuita munyika ino,” yakadaro muna 1949. Ziviso yomuapostora Pauro iri pana 1 VaKorinte 9:16 yakanokorwa mashoko kazhinji kazhinji, inoti: “Ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.” Urwu rugwaro rwakashandiswa kune mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha.
Vangani Vanoparidza? Kusvikira Kutambanukoi? Neiko?
Vapi navapi vakanga vachimanikidzwa kupinda muiri basa mukupesana nokuda kwavo here? “Aiwa,” Nharireyomurindi yakapindura kudaro, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaAugust 1, 1919, “hakuna munhu anomanikidzwa kuita chinhu chipi nechipi. Ibasa rokuzvipira chose chose, rinoitwa nokuda Ishe nebasa rake rokururama. Jehovha haasati achitongomanikidza munhu upi noupi.” Pamusoro pesundo inotsigira basa rakadaro, Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 1, 1922, yakatizve: “Munhu anotenda chaizvoizvo mumwoyo make uye anoonga izvo Mwari akamuitira achada kuitawo chimwe chinhu; uye kana kuonga kwake mutsa waMwari kwaari kukawedzera zvikuru, rudo rwake ruchavawo rukuru zvikuru; uye kana rudo rwake rukava rukuru zvikuru, chishuvo chokumubatira chichavawo chikuru zvikuru.” Kuda Mwari, kwakatsanangurwa kudaro, kunoratidzwa kupfurikidza nokuchengeta mirayiro yake, uye mumwe wemirayiro iyoyo kuparidza mashoko anofadza oUmambo hwaMwari.—Isa. 61:1, 2; 1 Johane 5:3.
Avo vakatanga kuita uyu mubato havana kunyengerwa nepfungwa ipi neipi yengwinyiro renyika. Vakaudzwa zvakananga kuti apo vanoenda paimba neimba kana kuti kugovera mabhuku pakona yomugwagwa, vacharangarirwa sa“mafuza, vakaneta, vakaderera,” kuti vacha“zvidzwa, vachatambudzwa,” uye vacharangarirwa se“vasingakoshi zvikuru mumurangariro wenyika.” Asi vanoziva kuti Jesu navadzidzi vake vapakuvamba vakabatwa nenzira imwe cheteyo.—Johane 15:18-20; 1 VaK. 1:18-31.
Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti neimwe nzira zviri kuwana ruponeso kupfurikidza nomubato wazvo wokuparidza here? Nyangwe! Bhuku rinonzi Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi, iro rakashandiswa kubvira muna 1983 kubetsera vadzidzi kufambira mberi kuukuru hwechiKristu, rinokurukura iyi nhau. Rinoti: “Chibayiro chaJesu chakatizarurirawo mukana woupenyu husingagumi . . . Iyoyi haisati iri tuso yatinowana. Pasinei zvapo nokuti tinoita zvizhinji sei mubasa raJehovha, hatitongogoni kuita tuso yakadaro zvokuti Mwari achafanira kutipa upenyu. Upenyu husingagumi ‘chipo chinopa Mwari . . . kupfurikidza naKristu Jesu Ishe wedu.’ (VaR. 6:23; VaEf. 2:8-10) Kunyange zvakadaro, kana tichitenda chipo ichecho uye tichionga mutoo uyo chakaitwa kuti chibvire nawo, ticharatidzira ikoku. Tichiziva kuti Jehovha akashandisa sei Jesu nomutoo unoshamisa mukuita kuda Kwake uye kuti kwakakosha sei kuti isu tose tisanotevera makwara aJesu, tichaita ushumiri hwechiKristu chimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa muupenyu hwedu.”
Kunogona kutaurwa here kuti vose veZvapupu zvaJehovha vazivisi voUmambo hwaMwari? Hungu! Izvozvo ndizvo zvinoreva kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Inopfuura hafu yezana ramakore yakapfuura, kwaiva navamwe vairangarira kuti kwakanga kusati kuri madikanwa kuti vave norutivi mubasa romumunda, kubuda pachena napaimba neimba. Asi nhasi hapana nomumwe weZvapupu zvaJehovha anotaura kuti anohesvurwa mubasa rakadaro nemhaka yenzvimbo muungano yomunzvimbomo kana kuti musangano romunyika yose. Vanhurume navanhukadzi pamwe chete navaduku navakuru vanotora rutivi. Vanokurangarira seropafadzo inokosha, basa rinoyera. Vakawanda vanoriita pasinei zvapo noundonda hwakakomba. Uye kana vari vapi nevapi vasingambokwanisi mumuviri kuenda paimba neimba, vanowana dzimwe nzira dzokusvika nadzo vanhu ndokuvapa uchapupu hwomunhu oga.
Munguva yakapfuura, padzimwe nguva kwaiva nechimiro chendangariro chokubvumira vatsva zvikuru kutora rutivi mubasa romumunda nokukurumidza zvikuru. Asi mumakumi amakore achangobva kupfuura aya, simbiso huru zvikuru yakaiswa pakukwanirisa kwavo vasati vakokwa. Ikoko kunorevei? Hakusati kuchireva kuti vanofanira kukwanisa kutsanangura chinhu chiri chose chiri muBhaibheri. Asi, sokutsanangura kunoita bhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu, vanofanira kuziva ndokudavira dzidziso huru dzeBhaibheri. Vanofanirawo kuva vari kurarama upenyu hwakachena, huri mutsinhirano nemipimo yeBhaibheri. Mumwe nomumwe anofanira kuda zvirokwazvo kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Hakusati kuchikarirwa kuti vose veZvapupu zvaJehovha vachaita chitsama chimwe chetecho chokuparidza. Mamirire ezvinhu evanhu vamwe navamwe anosiyana. Zera, utano, mitoro yemhuri, uye ukuru hwokuonga zvose zvinoparira kusiyana kwezvinoitwa. Ikoku kwakazivikanwa nguva dzose. Kwakasimbiswa neNharireyomurindi muchinyorwa chayo chechiNgezi chaDecember 1, 1950, pakukurukura i“vhu rakanaka” mumufananidzo waJesu womukushi, uri pana Ruka 8:4-15. Kosi yeChikoro Choushumiri hwoUmambo, yakagadzirirwa vakuru muna 1972, yakakamuranisa chinodikanwa cho‘kuda Jehovha nomweya wose womunhu’ uye yakatsanangura kuti “hunokosha hahusati huri uwandu uhwo munhu anoita maererano neizvo mumwe munhuwo zvake anoita, asi kuita izvo munhu anogona.” (Marko 14:6-8) Ichikurudzira kuzvinzvera kwakakomba, zvisinei, yakaratidzawo kuti rudo rwakadaro runoreva “kuti rutivi rwuri rwose rwokuvapo kwomunhu runobatanidzwa mukubatira Mwari nenzira yorudo; hapana mubato, nzvimbo kana kuti chishuvo muupenyu chinokarirwa.” Mano edu ose, mweya wedu wose, zvinofanira kushandiswa kuita kuda kwaMwari. Bhuku rinofundwa iroro rakasimbisa kuti “Mwari anoda, kwete kutorawo zvako rutivi, asi basa romweya wose.”—Marko 12:30.
Nenzira isingafadzi, chimiro chendangariro chavanhu vasina kukwana ndechokunyanyisa, vachisimbisa chinhu chimwe apo vanenge vachiregeredza chimwe. Naizvozvo, shure muna 1906, Hama Russell vakakuwana kuri madikanwa kunyevera kuti kurega zvimwe zvinhu hakusati kuchireva kurega vamwe. Hakusati kuchireva kukundikana kuita gadziriro ine mufungo nokuda kwomudzimai wako, vana vanotsamira pauri, kana kuti vabereki vakwegura kuti munhu agone kuva akasununguka kuparidza kuvamwe. Nguva nenguva kubvira panguva iyoyo, zviyeuchidzo zvakafanana zvakaoneka muzvinyorwa zveWatch Tower.
Zvishoma nezvishoma, nebetsero yeShoko raMwari, sangano rose rakatsvaka kuwana dzikamo yechiKristu—richiratidzira kushingairira basa raMwari, apo rakanga richipa ngwariro yakakodzera kumativi ose okuva muKristu chaiyeiye. Kunyange zvazvo “kukudza unhu” kwakanga kwakavakirwa panzwisiso isina kururama, Nharireyomurindi yakaratidza kuti zvibereko zvomudzimu nomufambiro wechiKristu hazvisati zvichifanira kudukupiswa. Muna 1942, Nharireyomurindi yakataura nenzira yakananga zvikuru, kuti: “Vamwe vakagumisa nenzira yokusachenjera kuti kana vari mubasa rouchapupu rapaimba neimba vaigona kuronda vasingarangwi nzira ipi neipi iyo ingagutsa zvishuvo zvavo. Munhu anofanira kuyeuka kuti kungopindawo zvako mubasa rouchapupu hakusati kuri zvose zvinodikanwa.”—1 VaK. 9:27.
Kuisa Zvinhu Zvinokosha Pakutanga
Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pakunzwisisa kuti ‘kutanga kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari’ inhau yokuisa zvinhu zvazvo zvinokosha pakutanga. Kunobatanidza kupa nzvimbo yakakodzera muupenyu hwomunhu kufundo yomunhu oga yeShoko raMwari nokupinda nguva dzose misangano yeungano uye kusabvumira zvimwe zvinorondwa kuva nenzvimbo yokutanga. Kunobatanidza kuita zvisarudzo zvinoratidzira chishuvo chapachokwadi chokuwirirana nezvinodikanwa zvoUmambo hwaMwari, sezvinooneswa muBhaibheri. Ikoko kunobatanidza kushandisa nheyo dzeBhaibheri sehwaro hwezvisarudzo zvinobatanidza upenyu hwemhuri, nhandaro, dzidzo yokunyika, basa, miitiro yebhizimisi, uye kuwirirana navanhu biyako.
Kutanga kutsvaka Umambo kunopfuura kungova negoverano yakati mwedzi mumwe nomumwe mukutaura kuvamwe pamusoro pechinangwa chaMwari. Kunoreva kupa fariro dzoUmambo nzvimbo yokutanga muupenyu hwose hwomunhu, apo anenge achitarisira nenzira yakakodzera mimwe misengwa yapaMagwaro.
Kune nzira dzakawanda umo Zvapupu zvakazvipira zvaJehovha zvinosimudzira namo fariro dzoUmambo.
Ropafadzo Yebasa repaBheteri
Vamwe vanobatira semitezo yemhuri yeBheteri yomunyika yose. Iri iboka ravashumiri venguva yakazara avo vakazvipira kuita chipi kana chipi chavangagoverwa mukugadzirira nokubudisa mabhuku eBhaibheri, mukutarisira basa romuhofisi riri madikanwa, uye mukugovera mabasa okutsigira kushanda kwakadaro. Iri harisati riri basa umo vanowana utanhamari hwomunhu oga kana kuti zvinhu zvokunyama. Chishuvo chavo ndechokukudza Jehovha, uye vanogutswa negadziriro dzavanoitirwa muzvokudya, pokugara, uye muripo muduku wendyiko dzomunhu oga. Nemhaka yamararamire emhuri yeBheteri, zviremera zvenyika muUnited States, somuenzaniso, zvinovarangarira semitezo yeboka rorudzidziso rakaita mhiko yourombo. Avo vari paBheteri vanowana mufaro mukukwanisa kushandisa upenyu hwavo zvakazara mubasa raJehovha nomukuita basa rinobetsera nhamba huru dzehama dzavo dzechiKristu navanhu vachangobva kufarira, pane dzimwe nguva mumarudzi akawanda. Kufanana navamwe veZvapupu zvaJehovha, ivo vanogoveranawo nguva dzose muushumiri hwomumunda.
Mhuri yeBheteri yokutanga (kana kuti, mhuri yeBible House, sezvavaizivikanwa panguva iyoyo) yakanga iri muAllegheny, Pennsylvania. Muna 1896, vashandi vaiva 12. Muna 1992, kwaiva nemitezo yemhuri yeBheteri inopfuura 12-900, inobatira munyika 99. Mukuwedzera, apo kwakanga kusina dzimba dzakakwana pazvivako zveSosaiti, mazana avamwe vazvipiri akafamba kuenda kumisha yeBheteri namafekitari zuva riri rose kuti agoverane mubasa. Vakakurangarira kuva ropafadzo kuva norutivi mubasa riri kuitwa. Kana kune kudikanwa, zviuru zvezvimwe Zvapupu zvinozvipira kusiya basa rokunyika nomumwe mubato kwenhambo dzinosiyana-siyana dzenguva kuti zvibatsire nokuvakwa kwezvivako zvinodikanwa neSosaiti zvokushandisa pamusoro pokuparidzwa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Yakawanda yemitezo yemhuri yeBheteri yomunyika yose yakariita basa rayo roupenyu. Frederick W. Franz, uyo muna 1977 akava purezidhendi wechina weWatch Tower Society, panguva iyoyo akanga atova mutezo wemhuri yeBheteri muNew York kwamakore 57, uye akapfuurira mubasa repaBheteri kwamamwe makore 15, kutozosvikira afa muna 1992. Heinrich Dwenger akavamba basa rake repaBheteri muGermany muna 1911, pashure pacho achibatira nenzira yokuzvininipisa kupi nokupi kwaaigoverwa; uye muna 1983, gore rorufu rwake, akanga achiri kufarikanya basa rake somutezo wemhuri yeBheteri muThun, Switzerland. George Phillips, wokuScotland, akagamuchira mugove kuhofisi yebazu muSouth Africa muna 1924 (apo yaitarisira mubato wokuparidza kubvira Cape Town kusvikira kuKenya) uye akapfuurira kubatira muSouth Africa kutozosvikira parufu rwake muna 1982 (pari panguva apo hofisi dzemapazu nomwe dzeSosaiti neZvapupu zvine 160 000 zvakanga zvichishingaira munharaunda iyoyo). Hanzvadzi dzechiKristu, dzakadai saKathryn Bogard, Grace DeCecca, Irma Friend, Alice Berner, uye Mary Hannan, dzakapawo upenyu hwadzo hwavanhu vakura kubasa repaBheteri, dzichiita saizvozvo kusvikira parufu chaipo. Mimwe mitezo yemhuri yeBheteri yakawanda nenzira yakafanana yave ichibatirawo kwamakore 10, 30, 50, 70, uye anopfuura.g
Vatariri Vanofambira Vanorega Zvimwe Zvinhu
Munyika yose, kune vatariri vedunhu neveruwa vane 3 900 avo, pamwe chete navadzimai vavo, vanotarisirawo migove kupi kana kupi kwavanodikanwa, kazhinji kazhinji munyika yokumusha kwavo. Vakawanda vaivava vakasiya misha uye zvino vanofamba vhiki iri yose kana kuti vhiki shomanene dziri dzose kuti vabatire ungano dzakagoverwa. Havagamuchiri mubhadharo asi vanoonga zvokudya nepokugara kwavanobatira, pamwe chete negadziriro duku yendyiko dzomunhu oga. MuUnited States, umo vatariri vedunhu neveruwa vane 499 vakanga vachibatira muna 1992, ava vakuru vanofambira vanoita avhareji yamakore 54 muzera, uye vamwe vavo vave vachibatira muiyi nzvimbo kwamakore 30, 40, kana kuti anopfuura. Munyika dzakati, ava vatariri vanofamba nemotokari. Ndima munharaunda yePacific kazhinji kazhinji inoda kushandiswa kwendege dzokuhaya nemagwa. Munzvimbo dzakawanda vatariri vedunhu vanosvika ungano dziri kure vakatasva bhiza kana kuti netsoka.
Mapiyona Anoita Chinodikanwa Chinokosha
Kuti uite kuti kuparidzwa kwemashoko akanaka kutange munzvimbo musina Zvapupu, kana kuti kuti ugovere betsero ingava ichidikanwa zvikuru munharaunda yakati, Mutumbi Unodzora ungaronga kutumira mapiyona chaiwo. Ava vaparidzi veevhangeri venguva yakazara avo vanopa maawa anenge 140 mwedzi mumwe nomumwe kuushumiri hwomumunda. Vanozviita vamene vanowanika kuti vabatire kupi nokupi kwavanodikanwa munyika yavo vamene kana kuti, muzviitiko zvakati, munyika dziri pedyo. Sezvo zvinodikanwa zvebasa ravo zvichivasiyira nguva shomanene kana kuti kusasiya yebasa rokunyika kuti vagovere zvinodikanwa zvokunyama, vanopiwa muripo muduku weimba yokugara nezvimwe zvinodikanwa. Muna 1992, kwaiva namapiyona chaiwo anopfuura 14 500 mumativi akasiyana-siyana apasi.
Apo mapiyona chaiwo okutanga akatumwa muna 1937, akatungamirira basa rokuridzira vanasaimba hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa pamasuo pavo chaipo uye vachishandisa marekodhi sehwaro hwekurukurirano dzeBhaibheri pashanyo dzedzokerero. Ikoku kwakaitwa mumaguta makuru umo maitova neungano. Pashure pemakore mashomanene, mapiyona chaiwo akavamba kunangidzirwa zvikurukuru kupinda munharaunda umo maisava neungano kana kuti umo ungano dzacho dzaida betsero zvikuru. Somugumisiro webasa ravo rinobudirira, mazana eungano itsva akaumbwa.
Panzvimbo pokufukidza ndima ndokupfuurira, ivo vaishanda vashandazve nharaunda yakapiwa, vachitevera fariro yose nokuitisa fundo dzeBhaibheri. Misangano yairongwa nokuda kwavanhu vanofarira. Nokudaro, muLesotho, kumaodzanyemba kweAfrica, pavhiki yake yokutanga mumugove mutsva, mumwe piyona chaiye akakoka munhu ari wose waaisangana naye kuti auye ndokuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Iye nemhuri yake vakaita purogiramu yakazara. Ipapo akakokera vose kuFundo yeNharireyomurindi. Pashure pokunge fariro yokutanga yagutswa, 30 vakapfuurira kupinda Fundo yeNharireyomurindi, uye avhareji yenhamba yevapindi pachikoro yakanga iri 20. Munyika umo vafundisi vakarovedzwa kuGilead vakaita zvakawanda kuti vatange kuparidzwa kwamashoko akanaka, kukura kunokurumidza zvikuru pane dzimwe nguva kwaiitika apo Zvapupu zvakaberekerwa munyika imomo zvakavamba kukwanirisa nokuda kwebasa roupiyona chaihwo, nokuti ivava kazhinji kazhinji vaigona kushanda nenzira inotobudirira zvikuru pakati pavanhu vomunzvimbomo.
Mukuwedzera kuava vashandi vanoshingaira, kune mamwe mazana ezviuru eZvapupu zvaJehovha ayo anosimudzirawo nesimba fariro dzoUmambo. Iwaya anobatanidza vaduku navakuru, vanhurume nevanhukadzi, vanhu vakaroorana nevasina. Mapiyona enguva dzose anopa maawa anotangira pa90 mwedzi mumwe nomumwe kuushumiri hwomumunda; mapiyona ebetsero, maawa anenge 60. Anosarudza kwaangada kuparidza. Mazhinjisa awo anoshanda neungano dzakatangwa; mamwe anotamira kunharaunda dziri dzoga. Anotarisira zvinodikanwa zvawo amene zvokunyama kupfurikidza nokuita basa rokunyika, kana kuti mitezo yawo yemhuri ingabetsera kuita gadziriro nokuda kwawo. Mukati ma1992, vanopfuura 914 500 vakagoverana mubasa rakadaro samapiyona enguva dzose kana kuti ebetsero kworunenge harwo rutivi rwegore.
Zvikoro Zvine Zvinangwa Chaizvo
Kushongedzera vazvipiri nokuda kwamarudzi akati ebasa, dzidzo chaiyo inogoverwa. Kubvira muna 1943, somuenzaniso, Chikoro cheGilead chakarovedza zviuru zvavashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira nokuda kwebasa roufundisi, uye vakapedza kufunda vakatumirwa kumativi ose apasi. Muna 1987 Chikoro Chokurovedza Vashumiri chakatanga kushanda kubetsera kugutsa zvinodikanwa chaizvo, kubatanidza kutarisirwa kweungano pamwe chete nemimwe mitoro. Gadziriro yokuti chikoro ichochi chiitwe munzvimbo dzakasiyana-siyana inoderedza kufamba kwavadzidzi kuenda kunzvimbo iri pakati pamwe chete nekudikanwa kwokudzidza mumwe mutauro kuti vabetserwe nokufunda kwacho. Vose vanokokwa kuti vapinde ichi chikoro vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira vakapa ufakazi hwokuti vanotanga kutsvaka zvirokwazvo Umambo. Vakawanda vakazviita vamene vanowanika kuti vabatire mudzimwe nyika. Mudzimu wavo wakafanana nouyo womuporofita Isaya, uyo akati: “Ndiri pano! Nditumei.”—Isa. 6:8, NW.
Kuwedzera kubudirira kwaavo vari kutobatira samapiyona enguva dzose uye chaiwo, Chikoro Chebasa Roupiyona chakaitwa kuti chishande kutanga muna 1977. Kwazvaibvira, chikoro chacho chakarongwa mudunhu rimwe nerimwe kupota nyika. Mapiyona ose akakokwa kuti abetserwe neiyi kosi yevhiki mbiri. Nenzira inofambira mberi kubvira panguva iyoyo, mapiyona akapedza gore rawo rokutanga rebasa akapiwa rovedzo imwe cheteyo. Kuburuka kusvikira muna 1992, mapiyona anopfuura 100 000 akanga achirovedzwa muichi chikoro muUnited States moga; anopfuura 10 000 akanga ari kurovedzwa gore rimwe nerimwe. Mamwe ane 55 000 akanga arovedzwa muJapan, 38 000 muMexico, 25 000 muBrazil, uye 25 000 muItaly. Mukuwedzera kuiyi kosi, mapiyona anofarikanya nguva dzose musangano chaiwo nomutariri wedunhu mukati meshanyo dzake mbiri pagore kuungano imwe neimwe norusando chairwo rwerovedzo navose vari vaviri mutariri wedunhu nomutariri weruwa panguva yegungano redunhu regore negore. Nokudaro, avo vanoumba uto guru ravazivisi voUmambo avo vanobatira samapiyona havasati vari vashandi vanodisa bedzi asiwo vashumiri vakasanorovedzwa.
Kubatira Kune Kudikanwa Kukuru Zvikuru
Zviuru zvakawanda zveZvapupu zvaJehovha—zvimwe zvazvo zviri mapiyona, uye zvimwe zvisiri—zvakazviita zvimene zvinowanika kuti zvibatire kwete bedzi munzanga yazvo yokumusha asiwo mudzimwe nharaunda umo mune kudikanwa kukuru kwavazivisi vamashoko akanaka. Gore rimwe nerimwe zviuru zvinopedza nhambo yevhiki kana kuti mwedzi, maererano nezvazvinogona kuronga somunhu oga, munharaunda kazhinji kazhinji dziri kure chaizvo nemisha yazvo kuti zvipupure kuvanhu vasingashanyirwi nguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Zvimwe zviuru zvakasiya nzvimbo dzazvaigara ndokutama kuti zvigovere betsero yakadaro kwenhambo refu. Vakawanda vaivava varoorani kana kuti mhuri dzine vana. Kutama kwavo kazhinji kazhinji kwakabatanidza kuenda daro pfupi zvikuru, asi vamwe vakatama vatamazve zvakadaro mumakore akapfuura. Vakawanda veizvi Zvapupu zvinoshingaira vakatanga kuita basa munyika dzokumwe—vamwe kwamakore mashomanene, vamwe zvechigarire. Vanoita basa rokunyika ripi kana ripi rinodikanwa kuti vatarisire zvinodikanwa zvavo, uye kutama kunoitwa pandyiko yavo vamene. Chishuvo chavo chimwe ndechokugoverana zvizere sezvinobvumidza mamirire ezvinhu zvavo mukuparadzira shoko roUmambo.
Apo musoro wemhuri unenge usiri Chapupu, ungatamisa mhuri yawo nemhaka yebasa. Asi mitezo yemhuri iyo iri Zvapupu ingaona ikoku semukana wokuparadzira shoko roUmambo. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi nezveZvapupu zviviri zvokuUnited States izvo zvakazviwana zvimene zviri pamusasa wokuvaka musango riri muSuriname mukupera kwema1970. Kaviri pavhiki ivo vaimuka na4:00 a.m., kukwira bhazi rekambani kwerwendo rwakashata rweawa imwe vachienda kumumwe musha, uye vaipedza zuva vachiparidza. Pasati papera nguva refu vakanga vava kuitisa fundo dzeBhaibheri 30 vhiki imwe neimwe vanhu vaiva nenzara yezvokwadi. Nhasi, kune ungano iri murutivi irworwo rwaichimbova rwusina kusvikwa rwesango rinonaya zvikuru.
Kushandisa Mukana Uri Wose Wakafanira Kupupura
Chokwadika, havasati vari vose veZvapupu zvaJehovha vanotamira kudzimwe nyika, kana kuti kunyange kumamwe mataundi, kuti vapfuuridzire ushumiri hwavo. Mamirire ezvinhu zvavo angasavabvumidza kupayona. Kunyange zvakadaro, vanosanoziva zano reBhaibheri rokushandisa “nhamburiko yose yepachokwadi” uye kuva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (2 Pet. 1:5-8; 1 VaK. 15:58, NW) Vanoratidza kuti vanotanga kutsvaka Umambo apo vanoisa fariro dzahwo pamberi pebasa rokunyika nenhandaro. Avo vane mwoyo yakazadzwa nokuonga Umambo vanogoverana nguva dzose muushumiri hwomumunda kusvikira kutambanuko iyo mamirire ezvinhu zvavo anobvumidza, uye vakawanda vavo vanochinja mamirire ezvinhu zvavo kuti vagone kugoverana zvizere. Nguva dzose vanosvinurirawo kushandisa mikana yakafanira kupupurira kuvamwe pamusoro poUmambo.
Somuenzaniso, John Furgala, uyo aiva nebhizimisi rematurusi muGuayaquil, Ecuador, akaronga kuratidzirwa kunokwezva kwamabhuku eBhaibheri muchitoro chake. Apo mubetseri wake aiita odha, John aipupurira kumutengi.
MuNigeria Chapupu chinoshingaira icho chaitsigira mhuri yacho kupfurikidza nokushanda somugadziri wamagetsi chakatsungawo kushandisa zvakanaka kuonana kwacho navanhu kuti chipe uchapupu. Sezvo chaiva muridzi webhizimisi racho, chaisarudza rudungwe rwomubato. Mangwanani mamwe namamwe, basa rezuva risati ravamba, chaiunganidza mudzimai wacho, vana, vashandi, uye vari kudzidza basa nokuda kwekurukurirano yorugwaro rwezuva rweBhaibheri, pamwe chete nezvakaitika zvomuYearbook of Jehovah’s Witnesses. Pamavambo egore rimwe nerimwe, chaipawo vatengi vacho kopi yekarenda yeWatch Tower Society, pamwe chete namagazini maviri. Somugumisiro, vamwe vevashandi vacho navamwe vatengi vakachikumbanira mukunamatwa kwaJehovha.
Kune vakawanda veZvapupu zvaJehovha vanogoverana mudzimu mumwe chetewo. Pasinei zvapo nezvavari kuita, vanotsvaka nguva dzose mikana yokugoverana mashoko akanaka navamwe.
Hondo Huru Yavaparidzi Veevhangeri Venguva Yakazara Vanofara
Nokupfuura kwamakore, shingairo yeZvapupu zvaJehovha yokuparidzwa kwemashoko akanaka haina kuderera. Kunyange zvazvo vanasaimba vakawanda vakavaudza zvakasimba kwazvo kuti havafariri, kune vakawanda zvikuru vanoonga kuti Zvapupu zvinovabetsera kunzwisisa Bhaibheri. Kutsunga kweZvapupu zvaJehovha ndekwokupfuurira kuparidzira kutozosvikira Jehovha amene apa ratidziro yakajeka yokuti iri basa rapedzwa.
Panzvimbo pokuderera, sangano romunyika yose reZvapupu zvaJehovha rakasimbisa chaizvoizvo mubato waro wokuparidza. Muna 1982 mushumo wenyika yose wegore negore wakaratidza kuti maawa 384 856 662 akanga apiwa kuushumiri hwomumunda. Makore gumi gare gare (muna 1992) maawa 1 024 910-434 akapirwa kuiri basa. Chii chakaparira wedzero huru iyoyo mumubato?
Ichokwadi kuti nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakanga yakura. Asi kwete kusvikira kutambanuko iyoyo. Mukati menhambo iyoyo, apo nhamba yeZvapupu yakawedzera ne80 muzana, nhamba yemapiyona yakakwira zvikuru ne250 muzana. Paavhareji mwedzi mumwe nomumwe, 1 mu7 vari vose veZvapupu zvaJehovha munyika yose akanga ari murutivi rwakati rwebasa rokuparidza renguva yakazara.
Ndivanaani vakanga vachigoverana mubasa roupiyona rakadaro? Somuenzaniso, muRepublic of Korea, Zvapupu zvakawanda vadzimai vanotarisira imba. Mabasa emhuri angasavabvumidza vose kupayona nguva dzose, asi nhamba huru dzakashandisa mazororo marefu echikoro emwaka wechando semikana yebasa roupiyona hwebetsero. Somugumisiro, 53 muzana yehwerengedzo yeZvapupu muRepublic of Korea vakanga vari murutivi rwakati rwebasa renguva yakazara muna January 1990.
Mumakore apakuvamba, wakanga uri mudzimu wokushingaira woupiyona weZvapupu zvomuPhilippines wakazvigonesa kusvika mazana ezvitsuwa zvinogarwa muPhilippines neshoko roUmambo. Shingairo iyoyo yave itori pachena zvikuru kubvira panguva iyoyo. Muna 1992, paavhareji mwedzi mumwe nomumwe, vaparidzi 22 205 vakanga vachigoverana muushumiri hwomumunda semapiyona muPhilippines. Dzaibatanidzwa pakati pavo dzakanga dziri pwere dzakawanda dzakanga dzasarudza ku‘yeuka Musiki wadzo’ ndokushandisa simba radzo roupwere mubasa rake. (Mup. 12:1) Pashure pamakore gumi ebasa roupiyona, imwe yepwere dzakadaro yakati: “Ndakadzidza kuva anoshivirira, kurarama upenyu hwakapfava, kuvimba naJehovha, uye kuva anozvininipisa. Ichokwadi kuti ndakawanawo nhamo nokuodzwa mwoyo, asi zvose izvozvi hazvisati zviri chinhu zvichienzaniswa nezvikomborero izvo kupayona kwakaunza.”
Mukati maApril naMay wa1989, Nharireyomurindi yakasimbisa kufumurwa kweBhabhironi Guru, urwo rwuri rudzidziso rwenhema muzvimiro zvarwo zvakawanda munyika yose. Nyaya dzacho dzakabudiswa panguva imwe cheteyo mumitauro 39 ndokuparadzirwa zvikuru. MuJapan, umo nhamba yeZvapupu zviri kupayona kazhinji kazhinji yave ichipfuura 40 muzana, nhamba itsva yepamusoro yemapiyona ebetsero 41 055 yakanyoresa kubetsera mubasa April iyeyo. MuOsaka Prefecture, Takatsuki City, Otsuka Ungano, 73 vavaparidzi 77 vakabhapatidzwa vakanga vari muchimiro chakati chebasa roupiyona mwedzi iwoyo. Pana April 8, apo vaparidzi vose muJapan vakakurudzirwa kuva norutivi rwakati mukuparadzira iri shoko rinokosha, mazana eungano, dzakadai seUshioda Ungano, muYokohama City, akaronga nokuda kwebasa rezuva rose romumugwagwa nerepaimba neimba, kubvira pa7:00 a.m. kusvikira 8:00 p.m., kuti vasvike munhu ari wose anobvira munharaunda yacho.
Sezvakwakaita munzvimbo iri yose, Zvapupu zvaJehovha muMexico zvinoshanda kuti zvitarisire zvinodikanwa zvazvo zvokunyama. Kunyange zvakadaro, mwedzi mumwe nomumwe mukati ma1992, paavhareji 50 095 veZvapupu zvaJehovha imomo vakawanirawo nzvimbo muupenyu hwavo basa roupiyona kuti vabetsere vanhu vane nzara yezvokwadi kudzidza pamusoro poUmambo hwaMwari. Mumhuri dzakati vose vari mumhuri vakabatira pamwe kuti vagonese boka rose, kana kuti toti hedu vamwe vavo, kuti vapayone. Vanofarikanya ushumiri hunobudirira. Mukati ma1992, Zvapupu zvaJehovha muMexico zvakanga zvichiitisa nguva dzose fundo dzeBhaibheri dzapamusha 502 017 vanhu vamwe navamwe namapoka emhuri.
Vakuru vanobatira zvinodikanwa zveungano dzeZvapupu zvaJehovha vane mabasa anorema. Vazhinjisa vavakuru muNigeria varume vane mhuri, uye ndizvo zvakwakaita mudzimwewo nzvimbo dzakawanda. Bva, mukuwedzera kukugadzirira kuitisa kana kuti kugoverana mumisangano yeungano, pamwe chete nokuita kufudzwa kunodikanwa kweboka raMwari, vamwe vavarume ivava vanopayonawo. Kunobvira sei? Kurongwa kwokungwarira kwenguva nebatira pamwe yakanaka yemhuri kazhinji kazhinji zvinhu zvinokosha.
Kuri pachena kuti, munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvakafungisisa zano raJesu roku‘ramba zvichitanga kutsvaka umambo.’ (Mat. 6:33) Zvazviri kuita kuratidzirwa kwomwoyo wose kwokuda kwazvo Jehovha nokuonga kwazvo uchangamire hwake. Kufanana nowezvamapisarema Dhavhidhi, izvo zvinoti: “Ndichakukudzai, Haiwa Mwari wangu Mambo, uye ndicharumbidza zita renyu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.”—Pis. 145:1, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi yechiNgezi, August 15, 1906, map. 267-71.
b Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, February 1, 1967, mapeji 92-5.
c Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, December 15, 1973, mapeji 760-5.
d Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, September 1, 1972, mapeji 533-6.
e Nharireyomurindi yechiNgezi, December 15, 1963, map. 764-6.
f Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, December 1, 1969, mapeji 729-32; September 15, 1988, peji 31.
g Ona Nhariyomurindi yechiNgezi, May 1, 1987, mapeji 22-30; April 1, 1964, mapeji 212-15; December 1, 1956, mapeji 712-19; August 15, 1970, mapeji 507-10; October 1, 1960, mapeji 601-5; June 15, 1968, mapeji 378-81; April 1, 1968, mapeji 217-21; April 1, 1959, mapeji 220-3.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 292]
Simbiso yakawedzerwa pamusoro pebasa rokupupura
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 293]
Vanorangarira kupupura paimba neimba seropafadzo inokosha
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 294]
Kunzwisisa riri basa romweya wose
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 295]
Icho “kutanga kutsvaka Umambo” kunoreva chaizvoizvo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 301]
Zvapupu zvinoshingaira zvinoisa fariro dzoUmambo pamberi pebasa rokunyika nenhandaro
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 288]
“Vapfumbamwe Varipiko?”
PaChirangaridzo chorufu rwaKristu, muna 1928, turakiti rakapiwa kuvose vaiva muvateereri rakanga rine musoro unoti “Vapfumbamwe Varipiko?” Kukurukura kwaro Ruka 17:11-19 kwakaorora mwoyo waClaude Goodman ndokumusunda kupinda mubasa rou“colporteur,” kana kuti roupiyona, uye kupfuurira mubasa iroro.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 296, 297]
Basa repaBheteri
Muna 1992, kwakanga kune 12 974 vaigoverana mubasa repaBheteri munyika 99
[Mifananidzo]
Fundo yomunhu oga inokosha kumitezo yemhuri yeBheteri
Spain
PaMusha weBheteri mumwe nomumwe, zuva rinovamba nekurukurirano yorugwaro rweBhaibheri
Finland
Sezvakwakaita neZvapupu zvaJehovha kwose kwose, mitezo yemhuri yeBheteri inogoverana mubasa ro- mumunda
Switzerland
Manheru oMuvhuro mamwe nemamwe mhuri yeBheteri inofunda “Nharireyomurindi” pamwe chete
Italy
Basa racho rinosiyana-siyana, asi rose rinoitwa mukutsigira kuziviswa kwoUmambo hwaMwari
France
Papua New Guinea
United States
Germany
Philippines
Mexico
Britain
Nigeria
Netherlands
Brazil
Japan
South Africa
[Mifananidzo iri papeji 298]
Vashomanene Vane Zvinyorwa Zvenguva Refu Zvebasa reBheteri
F. W. Franz—United States (1920-92)
Heinrich Dwenger—Germany (anenge makore 15 a1911-33), Hungary (1933-35), Czechoslovakia (1936-39), ipapo Switzerland (1939-83)
George Phillips—South Africa (1924-66, 1976-82)
Mukoma nemunun’una (Kathryn Bogard naGrace DeCecca) avo vakapa hwerengedzo yakabatanidzwa yamakore 136 kubasa repaBheteri—United States
[Girafu riri papeji 303]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mapiyona Anowedzera!
Mapiyona
Vaparidzi
Wedzero Muzana Kubvira Muna 1982
250%
200%
150%
100%
50%
1982 1984 1986 1988 1990 1992
[Mufananidzo uri papeji 284]
Hanzvadzi Early vakafamba muyakawanda yeNew Zealand vakatasva bhasikoro kuti vagoverane shoko roUmambo
[Mufananidzo uri papeji 285]
Kwamakore 76—asina kuroorwa, aroorwa, uye ipapo sechirikadzi—Malinda Keefer akazvipa amene kuushumiri hwenguva yakazara
[Mifananidzo iri papeji 286]
Motokari inoshanda seimba yakagovera mapiyona apakuvamba pokugara sezvo aifamba kunzvimbo nenzvimbo
Canada
India
[Mufananidzo uri papeji 287]
Frank Rice (akamira kurudyi), Clem Deschamp (akagara pamberi paFrank, nomudzimai waClem, Jean, pedyo navo), uye boka riri paJava kubatanidza Zvapupu biyavo navachangobva kufarira
[Mifananidzo iri papeji 288]
Upenyu hwaClaude Goodman hwoushumiri hwenguva yakazara hwakamutungamirira kubasa muIndia nedzimwe nyika nomwe
[Mufananidzo uri papeji 289]
Apo Ben Brickell aiva noutano hwakanaka, akafarikanya kuhushandisa mubasa raJehovha; zvinetso zvoutano zvakakomba mumakore apashure hazvina kumuregedzesa
[Mufananidzo uri papeji 290]
Kathe Palm aipupura mumarudzi ose endima, kubvira muzvivako zvehofisi zveguta guru kusvikira kumusasa wokuchera migodhi uri kure zvikurusa nenzvimbo inochengeterwa makwai muChile
[Mufananidzo uri papeji 291]
Kutsunga kwavose vari vaviri Martin naGertrud Poetzinger kunoratidzirwa mumashoko, anoti: ‘Ndinoita chinhu chimwe ichi—kutanga kutsvaka Umambo’
[Mufananidzo uri papeji 300]
Chikoro Chebasa Roupiyona (sechinoratidzwa pano muJapan) chakagovera rovedzo chaiyo nokuda kwamakumi ezviuru zvavashandi vanoshingaira