RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/1 p. 31
  • Akatevera Hana Yake Yakarovedzwa neBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akatevera Hana Yake Yakarovedzwa neBhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaramba Sei Uine Hana Yakanaka?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Hana Yako Inokutungamirira Zvakanaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kuva Nehana Yakanaka Pamberi paMwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/1 p. 31

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Akatevera Hana Yake Yakarovedzwa neBhaibheri

MAMBO waIsraeri Dhavhidhi akanyengetera nokuda kwebetsero yaJehovha apo akati: “Asi kana ndirini ndichafamba nokusanyengera kwangu; ndidzikinurei, mundinzwire tsitsi.” (Pisarema 26:11) Mwari akamunzwira nyasha nemhaka yokuchengeta perero yake. Jehovha akakomborerawo Jesu nemhaka yokuti akaita kuda kwaBaba vake vokudenga, uye Iye akakomborera imwe pwere muColombia iyo yakatevera hana yayo yakarovedzwa neBhaibheri ndokutsunga kuita kuda kwaMwari. Iri jaya rinorondedzera, kuti:

“Apo ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndiri mudzidzi muchikoro cheKaturike. Zvisinei, hana yangu yakandinetsa apo ndakapinda Misa, naizvozvo ndakaenda kumukuru wechikoro (uyo akanga ari muprista), mupi wezano rinotungamirira, uye mutarisiri weboka rangu ndokukumbira kuhesvurwa pakupinda Misa. Kunyange zvazvo ndakahesvurwa, vamwe vakaedza kundimanikidza kupinda. Dzvinyiriro yacho yakawedzera nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwangu somumwe weZvapupu zvaJehovha. Baba vangu vakatyisidzira kundidzinga pamusha kana ndikadzingwa pachikoro. Airangarira dzidzo yapayunivhesiti uye nharidzano yebasa rounyanzvi nokuda kwangu.

“Mukuru wacho akapa nyevero dzinodzokororwa pamusoro pomunhu upi noupi aikundikana kuchengeta misengwa yeKaturike. Apo yakasvika nguva yeMisa yokutanga yegore, ndakahwanda kusvikira yaguma. Ipapo ndakapa mudzidzisi (muprista) kopi yebhurocha raSchool and Jehovah’s Witnesses ndokumuudza kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndaisagona kupinda Misa. Akati: ‘Zvaitova nani kuti utange kutsvaka chimwe chikoro.’ Ndaiziva kuti kudzingwa pachikoro kwaizoreva kutandaniswa mumba mangu nababa vangu. Kunyanguvezvo, ndakanyengetera kuna Jehovha ndokuramba ndichipa uchapupu hwakakwana kuvokuchikoro biyangu.

“Nguva yezororo yakasvika. Ipapo, tadzoka kuchikoro pashure pezororo, yakanga yava zvakare nguva yeMisa. Mukuru navamwe vaprista vakange vari pamberi penzvimbo yokunamatira, vagadzirira kunzwa reururo. Ndakadokukurirwa norutyo. Ndakapinda ndokugara pasi, asi hana yangu yakandinetsa. Apo kuimba kwakavamba, ndakafunga, ‘Chii chandiri kuita muno? Jehovha ndiye Mwari wangu. Handigoni kuva mbwende ndokumunyengera. Handigoni kumunyadzisa. Haasati achizondisiya.’ Ndakanyengeterera ushingi. Ipapo, ndakabuda munzvimbo yokunamatira ndokumira mumutsara wokureurura. Apo ndakasvika kumukuru, ndakamuudza, kuti: ‘Mudzidzisi, handisi kuuya kuzoreurura.’ Akati: ‘Ndafungawo kudaro.’ Ndakamuudza kuti ndakanga ndichida kutambura miuyo asi kuti hana yangu yaisanditendera kugoverana muMisa. Ndaisagona kurwisana nezvinhu ndakanga ndadzidza muBhaibheri.

“Akandituzura, akanyemwerera, uye akati: ‘Ndinokuyemura. Mose imi Zvapupu makafanirwa neyemuro. Kwauri, Mwari anouya pakutanga, uye wakagadzirira kuteerera mitemo yake chauya chauya. Ramba wakadaro. Uri kuita zvakanaka zvikuru. Ndinoshuva kuti dai vaKaturike vose vakafanana newe, vachiratidzira shingairo yakadaro, rudo rwakadaro nokuda kwaMwari. Kubva zvino zvichienda mberi, unohesvurwa mukutora rutivi muminamato yedu.’ Ndakafara sei! Jehovha akanga akomborera kutsunga kwangu kuteerera hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri.

“Zuva rakatevera mukuru akati kuvadzidzi: ‘Mamwe marudzidziso anotipfuura. Neiko tisina kuita saivo, anoshingaira, norudo rukuru rwaMwari uye chishuvo chokumubatira kupfuura zvimwe zvose? Ichi ndichimwe chinhu chinofanira kuva mumwoyo yedu.’

“Pakupedzisira mukuru akatamisirwa kuRome, uye mukuru mutsva akangofuratira kusatora rutivi kwangu. Baba vangu vakabuda mumba, vachindisiya ndakasununguka kuwana nharidzano yangu yeushumiri hwenguva yakazara pakupedza kufunda.”

Jehovha akakomborera iri jaya rakatevera hana yaro yakarovedzwa neBhaibheri. Achakomborera nenzira yakafanana avo vanotsvaka kuita kuda kwake.—Zvirevo 3:5, 6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe