RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/15 pp. 8-11
  • Chinetso Chokudzidza Kumirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinetso Chokudzidza Kumirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uchenjeri Hwokudzidza Kumirira
  • Nokuda Kwavazhinji, Denho Itsva
  • Kudzidza Kuna Vamwe
  • Kurwa Hondo Yakaisvonaka
  • Kudzidza Kumirira Murutivi Rwuri Rwose
  • Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?
    Mukai!—1992
  • Une Chido Chekumirira Nemwoyo Murefu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Pachazombova Nehurumende Inoita Kuti Vanhu Vese Vawane Zvavanoda Pakurarama Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Chikamu 1: Kuva Anodzorwa Nenhamo Dzemari
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/15 pp. 8-11

Chinetso Chokudzidza Kumirira

KUDZIDZA kumirira zvinhu zvatinoda zvimwe ndichimwe chezvidzidzo zvakaoma zvikurusa isu vanhu nguva dzose tinodikanirwa kugamuchira. Vana vaduku nomuzvarirwo havashiviriri. Chipi kana chipi chinokwezva ngwariro yavo, vanochida, uye vanochida zvino! Asi sezvaungaziva kubva muruzivo rwokuzviwanira, iidi roupenyu kuti hachisi chinhu chiri chose chinowanika nokuraira. Kunyange zvishuvo zvakarurama nomutemo, tinofanira kudzidza kumirira nguva yakafanira yokuzvigutsa. Vazhinji vanodzidza ichi chidzidzo; vamwe havatongodzidzi.

Vanhu vanoda kuwana tendero youmwari vane zvikonzero chaizvo zvokudzidza kumirira. Jeremia, mubatiri wapamberi pechiKristu waJehovha, akasimbisa ikoku: “Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere.” Gare gare, mudzidzi wechiKristu Jakobho akati: “Shandisai shiviriro, naizvozvo, hama, kusvikira pakuvapo kwaShe.”—Mariro 3:26; Jakobho 5:7, NW.

Jehovha ane rudungwe rwake amene rwenguva rwokushanda kwamadonzo oumwari. Kana tisingakwanisi kumirira kusvikira panguva yake yakafanira yokuita zvinhu zvakati, tichava vasingagutswi navanonyunyuta, uko kuchadzvinyirira mufaro. Pasina mufaro mubatiri waMwari achava akaneta mumudzimu, sokuudza kwakaita Nehemia vanhu vomunyika biyake: “Mufaro muna ISHE isimba renyu.”—Nehemia 8:10, The New English Bible.

Uchenjeri Hwokudzidza Kumirira

Chishuvo chomuzvarirwo kuti vanhu vasina kuroora vade kuroora kana kuti kuti vanyakuroorana vasina vana vade kuva navana. Uyezve, hapana chakaipa nokuita kuti ziso redu rishuve kugutswa kwezvinodikanwa zvakafanira zvokunyama kana kuti zvishuvo. Kunyanguvezvo, nemhaka yokudavira kuti mazuva etsika ino yezvinhu ava mashoma uye kuti mutsika itsva iri kuuya Mwari acha‘zarura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose,’ maKristu mazhinji akasarudza kumirira kuzadzika zvimwe zveizvi zvishuvo panguva yakafanira zvikuru.—Pisarema 145:16.

Vanhu vasina iyi tariro yechiKristu yakasimba zvikuru, zvisinei, vachaona chikonzero chiduku chokusundira mberi. Vasina kutenda muna Jehovha, uko kunobva “zvose zvakanaka nezvipiwa,” vanopanikira uchenjeri hwokusundira zvinhu munguva yemberi yavanopanikira kuti ichazombouya. Vanorarama kupfurikidza nokudavira, kuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.”—Jakobho 1:17; 1 VaKorinte 15:32; Isaya 22:13.

Mumarudzi akabudirira bhizimisi rokuzivisa rinoshandisa chishuvo chakajeka chokugutsa pakare pakarepo. Vanhu vanokurudzirwa kuzvifadza vamene. Kutengeserana kungatiita kuti tidavire kuti zvakakodzera zvazvino uno nezvakanaka ndizvinodikanwa chose chose. Kuregerereiko kuva nazvo, kunotaurwa kudaro, zvikurukuru apo makadhi anotendera kutenga nechikwereti, gadziriro dzokubhadhara pashoma napashoma, uye gadziriro dzokuti “tenga zvino—bhadhara gare gare” dzinokuita kuti kubvire kuva nazvo zvose uye kuva nazvo zvino? Kunze kwezvo, ‘Wakafanirwa nezvakanakisisa; zvinzwire tsitsi! Yeuka, chifarikanye zvino kana kuti zvimwe hausati uchizotongodaro!’ Dzinozivisa kudaro ziviso dzakakurumbira.

Panguva imwe cheteyo, makumi amamirioni avanhu munyika dziri kubudirira ane zvakakwana bedzi zvokurarama nazvo—kana kuti kunyange zvishomanene. Chinhu chipi nechipi chingagona kusimbisa zvakajeka zvikuru kusakwana nokusaruramisira kwamasangano ezvamatongerwe enyika avanhu neemari here?

Uchenjeri hwokudzidza kumirira hunoonwa mukuti mamirioni avanhu asiri kuda kuita kudaro—kana kuti anenge asingaoni chikonzero chokuita kudaro—akapinda zvikuru muchikwereti kuti agutse zvishuvo zvazvino. Migariro isingadeyi kuonwa, yakadai sechirwere kana kuti kushaya basa, ingareva ngwavaira. Pepanhau reGermany Frankfurter Allgemeine Zeitung rakatsanangura chikonzero nei vanhu vakashumwa vane mirioni imwe muGermany vasina misha: “Chaizvoizvo, kusava nemisha kazhinji kazhinji kunotangirwa nokushaya basa kana kuti zvikwereti zvakawandisa.”

Vasingakwanisi kubhadhara mingava yavo, vanhu vamwe navamwe vazhinji vakadaro varombo vanotambura kurasikirwa kune ngwavaira nezvose zviri zviviri musha nezvinhu. Kazhinji kazhinji zvikuru, nhamo yakawedzerwa inounza funganyo yemhuri. Roorano dzisina kusimba dzinovamba kupunzika. Nhambo dzokuora mwoyo nezvimwe zvinetso zvoutano zvinova zvenguva dzose. Kana ari maKristu, umudzimu hungatambura, kuchitungamirira, somuuyo, kukufunga kusina kururama nomufambiro usina kufanira. Vanhu vakatanga kupfurikidza nokuda nenzira yokusachenjera chinhu chiri chose vanoguma vasina nechinodokuva chinhu chiri chose.

Nokuda Kwavazhinji, Denho Itsva

Jesu akajekesa kuti tinofanira kungwarira kutyira kuti “kufunganya kwenyika, nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, zvinopinda, zvichivhunga shoko.” (Marko 4:19) Tinofanira kurangarira kuti hakuna sangano rezvamatongerwe enyika rakabvisa nenzira inobudirira funganyo, kubatanidza dzezvemari, Jesu akataura nezvadzo.

ChiKomonizimu icho nyika dzeEastern Europe zvino dzakaramba chakaedza kuenzanisa zvinhu kupfurikidza nepfuma inodzorwa neHurumende. Mukusiana negadziriro yamabhizimisi avanhu umo hurumende isingadzori, gadziriro dzapakuvamba dzaigovera vanhu vamwe navamwe munyika idzodzo chengeteko yakati yepfuma iyo gadziriro yezvemari inodzorwa navaridzi vebhizimisi kazhinji kazhinji inokundikana kupa. Zvakare, funganyo idzo Jesu akataura pamusoro padzo dzaivapo muchimiro cheperevedzo yezvinhu zvinotengwa ndokushandiswa navanhu nokuderedzwa kworusununguko rwomunhu oga.

Pari zvino, zhinji dzenyika idzodzo dziri kutanga gadziriro dzepfuma dzinodzorwa navatengi navagadziri vanotengesa, nokudaro dzichipa vagari vadzo vemo denho itsva. Mushumo wemisi ichangobva kupfuura iyi unoti: “Kusava noruzivo rwokuzviwanira kunobatanidzwa nechishuvo chokukurumidza kusvika mupimo wokumadokero wokushandisa.” Kuita ikoku “chiverengero chinokura chavanhu muLänder itsva muGermany yokumabvazuva chiri kukukurirwa mumingava umo chingava chisingazotongopukunyuki.” Mushumo wacho unowedzera, kuti: “Pashure pomufaro wokutanga pamusoro porusununguko rutsva rwezvepfuma rutyo nokuora mwoyo zvino zviri kupararira.” Funganyo dzinoramba dziripo, asi zvino gadziriro yakachinja kubva muchikomonizimu kuenda kugadziriro yezvemari inodzorwa navaridzi vebhizimisi.

Rusununguko rukuru zvikuru rwezvamatongerwe enyika norwepfuma rwakatanga bviro itsva nokuda kwokuva nani kwepfuma. Nokudaro, vanhu vazhinji vangaedzwa kurangarira zvakakomba pfungwa yokutanga bhizimisi ravo vamene kana kuti yokutamira kune imwe nyika ine mabanza ari nani ebasa.

Zvisarudzo zvakafanana neizvi inhau dzomunhu oga. Hakuna kuipa kuti muKristu ade kuvandudza migariro yake yepfuma. Angasundwa nechishuvo chokutarisira mhuri yake, achiziva kuti “kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.

Naizvozvo, hakuna kufanira kutsoropodza chisarudzo icho vamwe vanoita. Panguva imwe cheteyo, maKristu anofanira kuyeuka kuti kusachenjera kutsvaka rusununguko mune zvepfuma kupfurikidza nokuwana mungava wakanyanyisa uyo ungagona kuapinza mumusungo. Nenzira yakafanana kwaizova kwakaipa kutsvaka rusununguko rwepfuma munzira inobatanidza kuregeredza misengwa yomudzimu nefariro.

Kudzidza Kuna Vamwe

Mumakore apashure peHondo yeNyika II, zviuru zvavagari veGermany zvakatama kubva kuEurope yakasakadzwa nehondo kuenda kune dzimwe nyika, zvikurukuru Australia neCanada. Vazhinji nomutoo iwoyo vakakwanisa kuvandudza mugariro wavo wezvepfuma, asi hakuna nomumwe wavo akakwanisa kupukunyuka chose chose funganyo dzezvepfuma idzo Jesu akataura pamusoro padzo. Kupedza zvinetso zvepfuma pane dzimwe nguva kwakaparira zvinetso zvitsva—kufunga kumusha, mutauro wechienzi, kurovedzana nezvokudya zvitsva, tsika dzakasiana, kuwirirana neshamwari itsva, kana kuti kugonana nezvimiro zvendangariro zvakasiana-siana.

Vamwe vaava vatami vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Nenzira inorumbidzwa, vazhinjisa vavo vakaramba kubvumira zvinetso zvine chokuita nokutama kukuvadza umudzimu hwavo. Asi pakanga pane vasina. Vamwe vakava vanyajambwa kusimba rinonyengera repfuma. Fambiro mberi yavo youbati ushe hwaMwari yakakundikana kuvambirana negarikano yavo yezvepfuma.

Zvamazvirokwazvo ikoku kunoratidzira uchenjeri hwokusanokamuranisa mugariro wedu tisati taita sezvinobvira zvisarudzo zvokusachenjera. Zvimiro zvendangariro zvokudisa zvenyika zvichatiparira kuita zvishomanene mubasa risati richizotongodzokororwazve rokuita vadzidzi iro maKristu akagoverwa kuti aite. Ikoku ndokwechokwadi pasinei hapo nokwatinogara, sezvo pasina nyika ine vagari vemo vasina funganyo dzezvepfuma.

Kurwa Hondo Yakaisvonaka

Pauro akapa zano Timotio, kuti: “Utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, nounyoro. Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri.” KumaKristu eKorinte iye akati: “Ivai vakatsiga, vasingazungunuki, nguva dzose muchiva nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.”—1 Timotio 6:11, 12; 1 VaKorinte 15:58, NW.

Kutevera iri zano rakaisvonaka inzira yakanakisisa yokurwisa nayo kudisa zvenyika nenzira inobudirira, uye zvamazvirokwazvo kune zvakawanda zvokuti muKristu aite! Mune dzimwe nyika umo chiverengero chavaparidziri voUmambo chisiri chikuru, mapoka avanhu akava nebanza rakaganhurirwa bedzi rokusvika kuzvokwadi. Jesu nenzira yakarurama akadeya kutaura, kuti: “Kucheka kukuru, asi vashandi vashomanene.”—Mateo 9:37, NW.

Panzvimbo pokubvumira funganyo dzezvepfuma muidzi nyika kuzvitsausa pabasa romudzimu riripo, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa mugariro wacho kupfurikidza nokushandisa zvakazara mabanza aripo. Apo zvinosashanda kwechinguvana, zvizhinji zvazvo zvinofutunura mubato wazvo wokuparidzira. Basa razvo, kunze kwokudanidzira zvikuru rumbidzo kuna Jehovha, rinozvipa mufaro unodikanwa kugonana nezvinetso zvazvo zvimene zvepfuma.

Izvi Zvapupu zvinopa nzvimbo yokutanga kubasa rokuparidzira ndokuderedzera nhamo dzezvepfuma kunzvimbo yechipiri, uko kunoratidzira kuuhama hwenyika yose kuti zvinovimba chose chose naJehovha kuti azvitarisire. Chipikirwa chake ndeichi: “Rambai, naizvozvo, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:33, NW.

Chifo chokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi muna 1919, Jehovha haana kubvumira vanhu vake kuneta. Akavadzivirira muchitambudzo chakakomba uye mune dzimwe nzvimbo mumakumi amakore omubato wapasi pevhu. Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuti icho Dhiabhorosi akakundikana kuwana kupfurikidza nechitambudzo, iye haasati achizoita kupfurikidza nomusungo wamanomano zvikuru wokudisa zvenyika!

Kudzidza Kumirira Murutivi Rwuri Rwose

Horo dzoUmambo huru, magudzanzwi anodhura, Horo dzaMagungano, uye misha yeBheteri inokwezva zvinounza mbiri kuna Mwari ndokupa uchapupu hwakanyarara hwokuti ari kukomborera vanhu vake. Zvapupu zvaJehovha munyika umo basa rakarambidzwa kare zvingarangarira kuti muna ikoku zvine zvakawanda zvikuru zvokuita kuti zvisvitse mupimo mumwe chetewo sedzimwe nyika. Asi chiri choukoshi hukurusa ndechokuti zviri kuramba zvichifambira mberi mumudzimu. Ratidziro dzokunze dzechikomborero chaMwari munzira yokunyama dzichatevera munguva yakafanira.

Vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vanofanira kuva vanongwarira kutyira kuti, mukuronda fariro dzomunhu oga, vanovamba kurangarira kuti vakararama vasina zvinhu zvakati zvokunyama kwenguva refu yakakwana. Kushuva rusununguko mukusaenzana kwezvepfuma nekwenzanga kunonzwisisika, asi vanhu vaJehovha havafuratiri kuti vose vavabatiri vaMwari vanoshuva rusununguko. Mapofu anoshuva kuonazve, vanorwara nguva dzose vanoshuva kudzorerwa kuutano, vakaora mwoyo vanoshuva chitarisiko chakanaka, uye vakafirwa vanoshuva kuona vadiwa vavo vakafa zvakare.

Nemhaka yemigariro, muKristu ari wose munzira yakati anomanikidzirwa kumirira kuti nyika itsva yaJehovha ipedze zvinetso zvake. Ikoku kunofanira kutiita kuti tizvibvunze timene kuti, ‘Kana ndine zvokudya nezvokufuka, handifaniri kugutsikana here neizvi zvinhu ndokuva anodisa kumirira rusununguko muzvinetso zvepfuma?’—1 Timotio 6:8.

MaKristu anovimba zvizere naJehovha anogona kuvimbiswa kuti kana achidisa chete kumirira, zvishuvo zvawo zvose nezvinodikanwa zvakafanira zvichakurumidza kugutswa. Hapana munhu achave amirira pasina. Tinodzokorora mashoko aPauro, anoti: “Ivai vakatsiga, vasingazungunuki, nguva dzose muchiva nezvizhinji zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti mubato wenyu haungavi usina maturo muwirirano naShe.”—1 VaKorinte 15:58, NW.

Naizvozvo kudzidza kumirira kunofanira zvomenemene kuva chinetso chikuru kudaro here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kudzidza kumirira kunogona kuponesa upenyu hwako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe