RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 4/8 pp. 13-15
  • Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mudziyo Unobudirira Zvikurusa
  • Ko Makwikwi Emari Ari Madikanwa Here?
  • Sununguka Nokuda Kwechimwe Chinhu Chiri Nani Zvikuru!
  • Chinetso Chokudzidza Kumirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Chikamu 5: Makambani Makuru Anobatisisa Kubata Kwawo
    Mukai!—1992
  • Makwikwi Anokosha Kubudiriro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Rugare Rwendangariro Muchaunga Chine Makwikwi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 4/8 pp. 13-15

Kumuka Nokuwa Kwenyika Yokutengeserana

Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?

CHERO bedzi kutengeserana kwamakaro kuchipfuurira kubata kwako kwakasimba pazvakawanda, nhamo dzemari dzichapfuurira. Iwawo mashoko akashata. Mashoko akanaka ndeokuti kubata kwako nokukurumidza kuchaputswa, kuchigumisa nhamo dzemari nokusingaperi. Munguva ino Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamirioni mana zviri kuzivisa aya mashoko akanaka kuna vamwe munyika yose.—Ona bhokisi riri papeji 14.

Mudziyo Unobudirira Zvikurusa

Donzo rokuzivisa—parinoshandisirwa kumigariro yezvemari—nderokutengesa zvibereko kana kuti mabasa. Kuti vasimudzire kutengesa, vanhu vanofanira kupesvedzerwa kuti vatenge. Zvikwangwani zvamapepa ezviziviso, mapepanhau, magazini, nhepfenyuro, uye terevhizheni, kusingadudzwi matsamba aya anozivikanwa kuva anoshatirisa anotumirwa kuvagari vomudzimba, ane vavariro yokupedza ikoku.

Ziviso dzakatanhamara dzeterevhizheni yazvino uno dzakasiana chose chose namashoko avazivisi vapamhene vomuGirisi yekare. Asi donzo rokuzivisa—kupesvedzera vanhu—harina kuchinja. Kuitwa kwokutsikirira norudzi rwamabhii anochinjwa kwakaitwa naJohannes Gutenberg kwakazarura zviono zvitsva zvakadaro zvokuzivisa pamhene izvo pakuzosvika 1758 nyanzvi youzivi hurusa yechiNgezi Samuel Johnson aigona kunyora, kuti: “Ziviso zvino dzawandisa zvikuru zvokuti zvinoregeredzwa zvikuru kusanoraviwa, uye naizvozvo kunova kuri madikanwa kuwana ngwariro kupfurikidza nechipikirwa chakaisvonaka uye kupfurikidza nokudekudza padzimwe nguva nomutoo une chiremera uye padzimwe nguva unonzwisa tsitsi.” Kudai kwakanga kusati kuri nokuda kwomunyorero wake wechinyakare, taigona kufungidzira kuti Johnson akanga anyora aya mashoko nhasi, muna 1992.

Kuzivisa kwakapiwa simba idzva kupfurikidza nokuchinja kwenzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu. Huzhinjisa hwezviitwa zvitsva hwayakaita kuti huve hunowanikwa hwakada vatengi, avo zvino vaigona kusvikwa kupfurikidza nekochekedzano inokura yamapepanhau namagazini. Mukufambira mberi kwenguva, nhepfenyuro neterevhizheni zvakawana vateereri vakatowanda zvikuru. Kuzivisa kwakava bhizimisi mumaruramiro aro rimene. Manyuko eziviso akavamba kare kare somuna 1812, apo Reynell and Son vakatanga muLondon.

Kana kuzivisa kuri kwezvokwadi, kutizivisa nezvezviitwa zvinowanika kana kuti mabasa kuti kugutse zvinodikanwa zvakakodzera, kunobatira donzo rakanaka. Zvisinei, hakuna kudaro apo kunodarika miganho yakakodzera, kuchitinyengedza kupinda mukutenga zvatisingashaiwi uye mukutora zvikwereti zvinoremedza nokuda kwegutsikano yapakarepo. “Kunopesvedzera, kunokumbira, kunorangarira, kunodanidzira,” ndiwo marondedzererwe akwakaitwa nomumwe munyori, achiwedzera, kuti: “Kunyange nomutoo wokuziva kana kuti wokusaziva, tose zvedu tinotapurwa, nokuda kwezviri nani zvikuru kana kuti zvakaipisisa, kupfurikidza nokuzivisa.”

Vatengi vanokarirwa vanowanzopesvedzerwa nezvinhu zvisina kunyange kukodzera. Vazivisi vanofadza hunhu; vanoshandira pamirangariro. Vangapa zvokwadi dzisina kukwana. Zvakatoipisisa, vangabvisa kusatsarukana kana kuti mativi ane ngozi echiitwa chavo, nokudaroko vachiratidzira shaiko yakakomba yokuitira hanya garikano yavamwe—zvose muzita ramakwikwi emari.

Ko Makwikwi Emari Ari Madikanwa Here?

Ungarangarira, sezvinoita vazhinji, kuti makwikwi ari madikanwa nokuda kwefambiro mberi. Uye, zvamazvirokwazvo, munguva ino, makwikwi okutendeseka emari mudzimwe nzira angataviridzira mushandisi. Asi bhuku redzidzo rinonzi Psychology and Life rinopanikira kana makwikwi ari “vara riri madikanwa romusikirwo womunhu,” achibvunza, kuti: “Tinofanira kumira nechimiro chinoratidzira rukundo kuti tive vanofara here?”

Nepo richicherekedza kuti vanhu vanorererwa munzanga inokwikwidzana sezvinooneka “vanodavidza kudenho yokukurira mumwe munhu,” iri bhuku rinoshandiswa rinotsigira kuti mudzimu wamakwikwi hausati uri muitiro wendangariro wokuberekwa nayo. Kutaura idi, pakupedzisira, makwikwi anorwisana nokuita zviitwa. Miedzo inowadzanyura kuti ano“parira chimiro chendangariro chokukunda pakurashikirwa kupi nokupi icho kazhinji kazhinji chisati chiri chinobetsera kuvara rakanaka rebasa.”

Makwikwi, somuenzaniso, anogona kuparira rutyo rwekundikano. Asi rutyo, kunyange kuchikoro, munzvimbo yebasa, kana kuti kunzvimbo imwewo zvayo, anobetsera zvomenemene kukuitwa kwezvakanaka. Kunze kwezvo, makwikwi angaparira kusatendeseka kana kuti kunyengedza. Vadzidzi vanonyanyokwikwidzana pamusoro pokuwana mamakisi akanaka vangarasikirwa nechiono chedonzo chairo redzidzo: kuvashongedzera kuva mitezo yenzanga iri nani zvikuru neinoita zvibereko zvakawanda.

Panguva yokunyorwa kwaro muma 1930, Psychology and Life rakadudza Samoa somuenzaniso wenzanga isina makwikwi zvikurukuru. “Vanhu vanoshanda ndokuchengeta zvibereko zvomubato wavo mudura ravose umo vose vanogona kutora mukuwirirana nezvinoshaika zvavo,” rinotsanangura, richiwedzera, kuti: “Nyanzvi dzomugariro wavanhu dzinoshuma kuti vanhu vakadaro vanofara zvizere savanhu biyavo vamwe navamwe vari muna mamwe mativi enyika.”

Nokudaro, gadziriro inotusa neinobudirira yemari haisati ichida hayo kuva inovakirwa pamakwikwi. Muzvinabhisimisi akatanhamara anopokanidza kuti nepo makwikwi angava ari madikanwa kusunda vanhu vasati vakura muzivo, vanhu vakura muzivo havafaniri kuva nechinetso mukuwana sundo mumubato iwo umene. Mufaro unofanira kuwanwa mukudzidza, mukuva anoita zvinhu, mukuita kuti vamwe vafare, mukuita vandudziko nezviwanwa zvitsva.

Nomutoo unonzwisisika, ipapoka, zano rokuchenjera reBhaibheri ndeiri: “Ngatiregei kuva vanozvikudza, tichinyandurirana makwikwi, tichigodorana.”—VaGaratia 5:26, NW; Muparidzi 4:4.

Sununguka Nokuda Kwechimwe Chinhu Chiri Nani Zvikuru!

Kunooneka kuti Satani ari kushandisa kutengeserana kwamakaro somudziyo mukurondwa kwamadonzo ake amene. Kupfurikidza nokuita nhamo dzemari, ari kuwana kubata kunoramba kuchibatisisa parudzi rwomunhu. Kuzvidya mwoyo pamusoro pezvishuvo zvezvinhu zvinogutsa kunotsikinyidzira kunze zvinoshaika zvomudzimu zviri madikanwa. Pfungwa yokuti zvinhu zvomushandisi zvinofanira kushandiswa ndokuraswa inochengetwa nokutengeserana inotapura nomutoo usina kutsarukana wemhoteredzo. Chimiro chayo chokuti iva nezvose uye iva nazvo zvino chinoparadza kugutsikana nomufarwa. Kutaura idi, fariro dzakakodzera dzemari, padzinenge dzisingadzorwi nenheyo dzoumwari, pakupedzisira dzinodzikira muudyire uye, pashure pacho, mumakaro.

Zvisinei, makaro noudyire hwokunyanyisa, zvimiro zvokunamata zvidhori, uko kusingafadzi Mwari. (VaKorose 3:5) Vanhu vanobvumira hunhu hwavo kuti huumbwe nomutoo usina kutsarukana nokutengeserana, vakafanana navasimudziri vorudzidziso rwenhema navareveri voubati ushe hwomunhu, vari kutsika pavhu rine ngozi. Vanozvipinza mungozi yokuva vanyajambwa vokusatendera kwoumwari. Jesu akanyevera, kuti: “Zvingwarirei mumene kuti mwoyo yenyu irege kuva inoremedzwa nokunyanyodyisa nokunyanyonwa uye nefunganyo dzoupenyu [kubatanidza nenhamo dzemari], uye kamwe kamwe nezuva irero [rorutongeso rwaJehovha] rikuwirei pamusoro penyu.”—Ruka 21:34, NW.

Avo vangava maKristu vanofanira kusununguka pakubata kwakasimba kwegadziriro dzemari dzisina kukwana kupfurikidza nokuramba mudzimu wadzinochengeta uye kupfurikidza nokubvisa nharidzano dzemari dzoudyire. Hunhu hunofanira kuumbwa kupfurikidza noMusiki wamasimba ose, kwete kupfurikidza nepesvedzero ine simba yemari. Kutendeseka kunofanira kuvavarirwa panguva dzose. Gutsikano inofanira kuwanwa mune izvo munhu anazvo, kwete mukupfuurira kushuvira zvakawanda.—VaEfeso 5:5; 1 Timotio 6:6-11; VaHebheru 13:18.

Kuti agadze zvinhu zvokutanga zvakafanira, maKristu anofanira panhambo nenhambo kunzvera nharidzano dzawo muupenyu. (VaFiripi 1:9, 10) Ikoku kunoratidzirwa muchisarudzo chawo chebasa uye chedzidzo nokuda kwavana vavo. Anorangarira kuti “chinhu chiri chose chiri munyika—kuchiva kwenyama nechishuvo chameso nokuzvitutumadza kwamararamiro omunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Kupfuurirazve, nyika inopfuura uye saizvozvowo chishuvo chayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unoramba aripo nokusingaperi.” Nguva dzose anozviyeuchidza amene kuti apo nyika inopfuura, kutengeserana kwenyika kuchawana ‘Kundikano Yachose Chose’ uko iyo navatsigiri vayo vasati vachizotongonayazve.—1 Johane 2:16, 17.

[Bhokisi riri papeji 14]

MuUmambo hwaMwari Hamuna Nhamo Dzemari

Hamuna mitengo inokwira nokuda kweperevedzo dzezvokudya: “Pasi iro rimene richapa zvamazvirokwazvo zvibereko zvaro; Mwari, Mwari wedu, achatikomborera.” “Pasi pano pachava nezviyo zvakawanda; pamusoro pamakomo pachava nezvinofashukira.”—Pisarema 67:6; 72:16, NW.

Hamuna zvikwereti zvavanachiremba zvisingaripirwi: “Hakuna mugariwemo achati: ‘Ini ndinorwara.’” “Meso amapofu achasvinudzwa, nzeve dzimene dzematsi dzichadziurwa. Panguva iyeyo vakaremara vachakwakuka sezvinoita nondo, uye rurimi rwembeveve ruchadanidzira mumufaro.”—Isaya 33:24; 35:5, 6, NW.

Hamuna rendi dzokunyanyisa kana kuti mibhadharo yezvikwereti zvedzimba: “Vachavaka dzimba zvamazvirokwazvo ndokugaramo; uye zvamazvirokwazvo vachasima minda yemizambiringa ndokudya chibereko chayo. Havasati vachizovaka uye mumwe munhuwo zvake achizodya.”—Isaya 65:21, 22, NW.

Hamuna musiano mumapoka avapfumi navarombo: “Zvamazvirokwazvo achaita rutongeso pakati pamarudzi mazhinji, uye acharuramisa zvinhu pamusoro pamarudzi ane simba ari kure. . . . Uye vachagara zvamazvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, uye hakusati kuchizova nomunhu unovadederesa.”—Mika 4:3, 4, NW.

Hamuchinazve zvinoshaikwa zvisingazadzikwi zvorudzi rupi norupi: “Kana vari avo vanotsvaka Jehovha, havasati vachizoshaiwa chinhu chipi nechipi chakanaka.” “Imi munofumbanura chanza chenyu ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.”—Pisarema 34:10; 145:16, NW.

[Mufananidzo uri papeji 15]

MuUmambo hwaMwari nhamo dzemari dzichave dzapera pakupedzisira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe