RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/15 pp. 12-16
  • Kuwana Chinokosha Kuchidakadaka Chouhama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Chinokosha Kuchidakadaka Chouhama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Yechidakadaka Chaicho Zvikuru Chouhama
  • Muenzaniso Womuapostora Pauro
  • Kuonga—Chinokosha Kuchidakadaka Chouhama
  • Kuratidzira Chidakadaka Chouhama
  • “Kudanana Kwenyu Sehama Ngakupfuurire”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Dananai Zvikuru Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuonga Hama Dzedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ungaratidza Sei Kuti Unoda Mumwe Wako?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/15 pp. 12-16

Kuwana Chinokosha Kuchidakadaka Chouhama

“Wedzerai . . . pakunamata Mwari [chidakadaka chouhama, NW].”—2 PETRO 1:5-7.

1. Chii chiri chimwe chezvikonzero zvikuru nei kuungana kwavanhu vaJehovha kuri nguva dzinofadza dzakadaro?

PANE imwe nguva chiremba akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha akapinda kupedza kudzidza kwomwanasikana wake paWatch Tower Bible School of Gilead, apo akanga agamuchira rovedzo youfundisi. Akaororwa kwazvo neboka rinofara zvokuti akataura kuti panofanira kuva nokurwara kushomanene zvikuru pakati pavanhu ava. Chii chakaita kuti boka iroro rifare kwazvo? Nezvaikoko, chii chinoita kuti kuungana kwose kwavanhu vaJehovha, muungano, pamagungano edunhu, uye pakokorodzano dzoruwa, kuve nguva dzinofadza? Hachisi chidakadaka chouhama chavanoratidzira kuno mumwe nomumwe here? Pasina panikiro, chidakadaka chouhama chikonzero chimwe nei kwakataurwa kuti hapana rimwe boka rorudzidziso rinowana farikanyo yakawanda, mufarwa, uye gutsikano murudzidziso sezvinoita Zvapupu zvaJehovha.

2, 3. Mashokoi maviri echiGiriki anobata nenzira yatinofanira kunzwa nayo pamusoro pomumwe nomumwe, uye ndaapi ari mavara awo anosianisa?

2 Tinofanira kukarira kuona chidakadaka chouhama chakadaro nemhaka yamashoko omuapostora Petro ari pana 1 Petro 1:22 (NW), anoti: “Zvino zvamakanatsa mweya yenyu nokuteerera kwenyu zvokwadi nechidakadaka chouhama chisinganyengeri somuuyo, dananai zvikuru kubva mumwoyo.” Chimwe chezvinhu zvikuru zveshoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “chidakadaka chouhama” ndiphi·liʹa (chidakadaka). Revo yaro yakasanobatana nerevo yaa·gaʹpe, shoko rinowanzoshandurwa kuti “rudo.” (1 Johane 4:8) Nepo chidakadaka chouhama norudo achishandiswa kazhinji kazhinji achichinjaniswa, ane mavara akananga. Hatifaniri kuavhiringidza rimwe nerimwe, sezvinoita vashanduri vakawanda kwazvo veBhaibheri. (Munyaya ino nomune inotevera, tichabata rimwe nerimwe raaya mashoko.)

3 Pamusoro pomusiano uri pakati paaya mashoko maviri echiGiriki, imwe nyanzvi yakataura kuti phi·liʹa “zvamazvirokwazvo ishoko roushamwari nokuva pedyo nechidakadaka.” Pano rumwe rutivi, a·gaʹpe ane zvizhinji zvokuita nendangariro. Nokudaro nepo tichiudzwa kuda (a·gaʹpe) vavengi vedu, hatina chidakadaka chavo. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti “ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Anoratidzirazve kuti pane musiano mashoko omuapostora Petro, anoti: “Wedzerai . . . pa[chidakadaka chenyu chouhama, NW], rudo.”—2 Petro 1:5-7; enzanisa naJohane 21:15-17.a

Mienzaniso Yechidakadaka Chaicho Zvikuru Chouhama

4. Neiko Jesu naJohane vakanga vane chidakadaka chaicho nomumwe nomumwe?

4 Shoko raMwari rinotipa chiverengero chakati chemienzaniso yakaisvonaka yechidakadaka chaicho zvikuru chouhama. Ichi chidakadaka chaicho hachisi muuyo wechishuvo chakati chisina mufungo asi chakavakirwa pakunzwisiswa kwamavara akatanhamara. Pasina panikiro muenzaniso wakanakisisa unozivikanwa ndouyo wechidakadaka Jesu Kristu akanga anacho nokuda kwomuapostora Johane. Pasina panikiro, Jesu akanga ane chidakadaka chouhama nokuda kwavaapostora vake vose vakatendeka, uye ichochi nokuda kwechikonzero chakanaka. (Ruka 22:28) Nzira imwe yaakaratidza nayo ichochi yakanga iri kupfurikidza nokushambidza tsoka dzavo, nomutoo iwoyo achivapa chidzidzo mukuzvininipisa. (Johane 13:3-16) Asi Jesu akanga ane chidakadaka chaicho nokuda kwaJohane, icho Johane anodudza adudzazve. (Johane 13:23; 19:26; 20:2) Kunyange sezvo Jesu akanga ane chikonzero chokuratidzira chidakadaka nokuda kwavadzidzi vake navaapostora vake, Johane sezvingabvira zvikurusa akapa Jesu chikonzero chokuva nechidakadaka chaicho nokuda kwake nemhaka yokunzwisisa kwake kukuru Jesu. Tinogona kuona ikoku muzvinyorwa zvaJohane, zvose zviri zviviri Evhangeri yake netsamba dzake dzakafuridzirwa. Anodudza kazhinji kazhinji sei rudo muzvinyorwa izvozvo! Kunzwisisa kukuru zvikuru kwaJohane mavara omudzimu aJesu kunoonekwa mune zvaakanyora muna Johane magunhuro 1 ne 13 kusvikira ku 17, pamwe chete kupfurikidza nenongedzero dzinodzokororwa dzadzokororwazve dzaanoita kukuvapo kwaJesu asati ava munhu.—Johane 1:1-3; 3:13; 6:38, 42, 58; 17:5; 18:37.

5. Chii chinogona kutaurwa pamusoro pechidakadaka chaicho Pauro naTimotio vakanga vanacho nokuda kwomumwe nomumwe?

5 Nomutoo wakafanana, tingasada kufuratira chidakadaka chaicho zvikuru chouhama icho muapostora Pauro neshamwari yake yechiKristu Timotio vakanga vanacho nokuda kwomumwe nomumwe, icho chakanga, zvamazvirokwazvo, chakavakirwa pakunzwisisa mavara omumwe nomumwe. Manyoro aPauro ane tsinhiro dzakaisvonaka pamusoro paTimotio, dzakadai seidzi: “Nokuti handino mumwe munhu uno mwoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu. . . . Asi munoziva kutendeka kwake, kuti wakabata pamwe chete neni paEvhangeri, somwana unobatira baba vake.” (VaFiripi 2:20-22) Dzakawanda inongedzero dzomunhu oga mutsamba dzake kuna Timotio dzinozivisa chidakadaka chaPauro choushamwari nokuda kwaTimotio. Somuenzaniso, cherechedza 1 Timotio 6:20: “Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa.” (Onawo 1 Timotio 4:12-16; 5:23; 2 Timotio 1:5; 3:14, 15.) Zvikurukuru kuenzaniswa kwetsamba dzaPauro kuna Timotio netsamba yake kuna Tito kunosimbisa chidakadaka chaicho chaPauro nokuda kwouyu murume muduku. Timotio anofanira kuve akanzwa nenzira imwe cheteyo pamusoro poushamwari hwavo, sezvinogona kucherechedzwa mumashoko aPauro ari pana 2 Timotio 1:3, 4, anoti: “Ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu . . . ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro.”

6, 7. Kunzwai uko Dhavhidhi naJonatani vakanga vanako nokuda kwomumwe nomumwe, uye nemhaka yei?

6 Magwaro echiHebheru anogoverawo mienzaniso yakaisvonaka, wakadai souyo waDhavhidhi naJonatani. Tinorava kuti pashure pokunge Dhavhidhi auraya Goriati, “mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake.” (1 Samueri 18:1) Kuonga muenzaniso waDhavhidhi wokushingairira zita raJehovha uye kusatya kwake mukuenda kunosangana nehofori Goriati pasina panikiro kwakaparira Jonatani kuva nechidakadaka chaicho nokuda kwaDhavhidhi.

7 Jonatani akanga ane chidakadaka chakadaro nokuda kwaDhavhidhi zvokuti akapinza upenyu hwake amene mungozi mukudzivirira Dhavhidhi pana Mambo Sauro. Hapana nguva apo Jonatani akaramba kusarudzwa kwaDhavhidhi naJehovha kuva mambo anotevera waIsraeri. (1 Samueri 23:17) Dhavhidhi akanga ane chidakadaka chikuru chakaenzana nokuda kwaJonatani, uko kuri pachena mune zvaakataura pakuchema kufa kwaJonatani: “Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; wakanga uchindifadza kwazvo; rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaipfuura rudo rwavakadzi.” Zvirokwazvo, kuonga kukuru kwakaratidzira ukama hwavo.—2 Samueri 1:26.

8. Vakadzi vapi vaviri vakaratidzira chidakadaka chaicho nokuda kwomumwe nomumwe, uye nemhaka yei?

8 Tinewo muenzaniso wakaisvonaka muMagwaro echiHebheru wechidakadaka chaicho wavakadzi vaviri, Naome nomuroora wake chirikadzi Rute. Yeuka mashoko aRute kuna Naome: “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda, neni ndichaenda ipapowo; pamunovata, neni ndichavata ipapowo; vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Hatifaniri here kugumisa kuti Naome, kupfurikidza nomufambiro wake uye kutaura kwake nezvaJehovha, akabetsera kunyandura uku kuita kwokuonga kwaRute?—Enzanisa naRuka 6:40.

Muenzaniso Womuapostora Pauro

9. Chii chinoratidza kuti Pauro akanga ari womuenzaniso pamusoro pechidakadaka chouhama?

9 Sezvataona, muapostora Pauro akanga ane chidakadaka chaicho zvikuru chouhama nokuda kwaTimotio. Asi akagadzawo muenzaniso unoshamisa wokuratidzira chidakadaka chouhama choushamwari nokuda kwehama dzake dzose zvadzo. Akaudza vakuru vakabva Efeso kuti “makore matatu ha[a]na kurega usiku namasikati kuraira mumwe nomumwe nemisodzi.” Chidakadaka chouhama choushamwari here? Hapana panikiro pamusoro pako! Uye vakanzwa nenzira imwe cheteyo pamusoro paPauro. Pakunzwa kuti havasati vaizomuonazve, “vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumusveta.” (Mabasa 20:31, 37) Chidakadaka chouhama chakavakirwa pakuonga here? Hungu! Chidakadaka chake chouhama chinoonekawo mumashoko ake ari pana 2 VaKorinte 6:11-13: “Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, mwoyo wedu wakuriswa. Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumwoyo menyu. Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokuna vana vangu), imiwo mukuriswe mwoyo.”

10. Kushaikwai kwechidakadaka chouhama kwakatungamirira kurondedzera kwaPauro miedzo yake muna 2 VaKorinte ganhuro 11?

10 Nomutoo wakajeka, vazhinji vaKorinte vakanga vachishaiwa chidakadaka chouhama chokuonga muapostora Pauro. Nokudaro, vamwe vavo vakanyunyuta, kuti: “[Tsamba, NW] dzake dzina mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, uno utera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” (2 VaKorinte 10:10) Ndicho chikonzero nei Pauro akanongedzera “kuvaapostora [vavo] vanopfuura vamwe vose” uye akasundwa kutaura nezvemiedzo yaakanga atsungirira, sezvakanyorwa pana 2 VaKorinte 11:5, 22-33.

11. Chipupuriroi chiripo pamusoro pechidakadaka chaPauro nokuda kwamaKristu omuTesaronika?

11 Chidakadaka choushamwari chaPauro nokuda kwaavo akashumira chiri pachena zvikuru mumashoko ake ari pana 1 VaTesaronika 2:8, anoti: “Takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” Kutaura idi, akanga ane chidakadaka chakadaro nokuda kweidzi hama itsva zvokuti apo asati achagona kumirirazve—iye akanga achidisa kwazvo kuziva kuti vakanga vachitsungirira sei chitambudzo—akatumira Timotio, uyo akapa mushumo wakanaka uyo wakazorodza Pauro zvikuru kwazvo. (1 VaTesaronika 3:1, 2, 6, 7) Insight on the Scriptures inosanoti: “Chisungo chikuru chechidakadaka chouhama chaivapo pakati paPauro naavo akashumira.”

Kuonga—Chinokosha Kuchidakadaka Chouhama

12. Zvikonzeroi zviripo zvokuratidza kwedu chidakadaka choushamwari kuhama dzedu?

12 Pasina panikiro, chinokosha kuchidakadaka chouhama kuonga. Vabatiri vose vakazvitsaurira vaJehovha havana mavara atinoonga here, ayo anonyandura chidakadaka chedu, achitiita tivade? Tose zvedu tiri kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. Tose zvedu tiri kurwisana noushingi navavengi vedu vatatu vanozivikanwa: Satani namadhemoni ake, nyika yakaipa iri muudzori hwaSatani, uye kombamiro dzoudyire dzakagarwa nhaka dzenyama yakawa. Hatifaniri here nguva dzose kuva nechimiro chokuti hama dzedu dziri kuita unani hwadzo nemhaka yemigariro? Munhu ari wose ari munyika ari parutivi rwaJehovha kana kuti zvimwe parutivi rwaSatani. Hama dzedu nehanzvadzi dzakazvitsaurira dziri parutivi rwaJehovha, hungu, rutivi rwedu, uye naizvozvo dzakafanirwa nechidakadaka chedu chouhama.

13. Neiko tichifanira kuva nechidakadaka choushamwari nokuda kwavakuru?

13 Zvakadiniko nokuonga vakuru vedu? Hatifaniri kuvada zvikuru nemhaka yenzira iyo vanoshanda nayo zvakaoma mufariro dzeungano here? Kufanana nesu tose, vanofanira kuzvigovera vamene nemhuri dzavo. Vanewo misengwa mimwe cheteyo seyedu tasara yokuita fundo yomunhu oga, kupinda misangano yeungano, uye kugoverana muushumiri hwomumunda. Mukuwedzera, vane musengwa wokugadzirira zvikamu zvepurogiramu yemisangano, kupa hurukuro dzavose, uye kutarisira zvinetso zvinomuka muungano, izvo padzimwe nguva zvinobatanidza maawa edare rinotonga. Zvirokwazvo, tinoda kuti ti“kudze vakadai.”—VaFiripi 2:29.

Kuratidzira Chidakadaka Chouhama

14. Magwaroi anotiraira kuratidza chidakadaka chouhama?

14 Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kuratidzira kunzwa kwoushamwari kwechidakadaka chouhama nokuda kwavatendi biyedu, kunyange seizvo Jesu Kristu naPauro vakaita. Tinorava, kuti: “Mu[chidakadaka chouhama] ivai nechidakadaka chounyoro nokuda kwomumwe nomumwe.” (VaRoma 12:10, Kingdom Interlinear) “Nenongedzero ku[chidakadaka chouhama], hamudi kuti isu tikunyorerei, nokuti imi mumene munodzidziswa naMwari kudanana.” (1 VaTesaronika 4:9, Int) Chidakadaka chouhama “chenyu ngachipfuurire.” (VaHebheru 13:1, Int) Zvirokwazvo Baba vedu vokudenga vanofadzwa apo tinoratidza chidakadaka chouhama nokuda kwavana vake vapasi!

15. Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuratidzira nadzo chidakadaka chouhama?

15 Munguva dzavaapostora maKristu aisikwazisana “nokusveta kutsvene” kana kuti “nokusveta kworudo.” (VaRoma 16:16; 1 Petro 5:14) Zvirokwazvo kuratidzirwa kwechidakadaka chouhama! Nhasi, mumativi mazhinjisa apasi, kuratidzirwa kwakakodzera zvikuru kwaizova nyemwerero youshamwari hwapachokwadi uye kukwazisana nokubata maoko kwakasimba. Munyika dzechiLatin, dzakadai seMexico, mune kukwazisana kuri muchimiro chokumbundirana, zvirokwazvo kuratidzirwa kwechidakadaka. Ichi chidakadaka choushamwari cheidzi hama chingabetsera kutsanangura wedzero huru dziri kuitika munyika dzadzo.

16. Mabanzai atinawo okuratidza chidakadaka chouhama paHoro dzedu dzoUmambo?

16 Apo tinopinda muHoro yoUmambo, tinoita nhamburiko chaiyo here yokuratidzira chidakadaka chouhama? Kuchatiparira kuva namashoko anokurudzira okutaura, zvikurukuru kuna avo vanoratidzika kuva vakaora mwoyo. Tinoudzwa kuti “musimbise vanopera mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Iyoyo zvamazvirokwazvo inzira imwe yatinogona kutaura nayo ushamwari hwechidakadaka chouhama. Imwe nzira yakaisvonaka kutaura kuonga nokuda kwehurukuro yavose yakaisvonaka, rutivi rwepurogiramu rwaitwa zvakanaka, nhamburiko yakanaka yaishandiswa nomutauri mudzidzi muChikoro Choubati Ushe hwaMwari, uye zvichingodaro.

17. Mumwe mukuru akawana sei chidakadaka cheungano?

17 Zvakadiniko nokukoka vakasiana-siana kumisha yedu nokuda kwezvokudya kana kuti tudyo pashure pomusangano kana kusati kwanyanyosviba? Hatifaniri kurega zano raJesu riri pana Ruka 14:12-14 richidzora here? Pane imwe nguva aichimbova mufundisi akagadzwa somutariri anotungamirira muungano umo vamwe vose vakanga vari vorudzi rwakasiana. Akacherechedza kushaikwa kwechidakadaka chouhama, naizvozvo akashandisa zano rokururamisa mugariro wacho. Sei? Svondo pashure peSvondo, akakoka mhuri yakasiana nokuda kwezvokudya. Pakupera kwegore, vose vakanga voratidzira chidakadaka chouhama choushamwari kwaari.

18. Tinogona sei kuratidza chidakadaka chouhama nokuda kwehama dzedu nehanzvadzi dzinorwara?

18 Apo hama kana kuti hanzvadzi inenge ichirwara, iri pamusha kana kuti muchipatara, chidakadaka chouhama chichatiparira kuita kuti iyeyo azive kuti tinoitira hanya. Kana kuti zvakadiniko naavo vanogara munzvimbo dzinogara vasingagoni kuzvitarisira vamene? Huregererei kushanya iwe umene, kuridza runhare, kana kuti kutumira kadhi rinoratidzira mirangariro youshamwari?

19, 20. Tinogona sei kuratidza kuti chidakadaka chedu chouhama chakura?

19 Pakupa ratidziro dzakadaro dzechidakadaka chouhama, tinogona kuzvibvunza timene kuti, ‘Chidakadaka changu chouhama chine rusaruro here? Zvinhu zvakadai soruvara rweganda, dzidzo, kana kuti pfuma yokunyama zvinopesvedzera kuratidzira kwangu chidakadaka chouhama here? Ndinofanira kukudza chidakadaka changu chouhama, seizvo muapostora Pauro akakurudzira maKristu aiva muKorinte kuita here?’ Chidakadaka chouhama chichatiparira kurangarira hama yedu zvakanaka, tichidzionga nokuda kwamapfundo adzo akanaka. Chidakadaka chouhama chichatibetsera kufara nefambiro mberi yehama yedu panzvimbo pokuva neshanje nayo.

20 Chidakadaka chouhama chinofanirawo kutiita tisvinurire kubetsera hama dzedu muushumiri. Kunofanira kuva seizvo rumwe rwenziyo dzedu (Nhamba 92) runotaura, kuti:

“Ipa betsero vakaneta,

Vataurewo noushingi.

Tisamboregeredza vatsva,

Vayamurei kudzinga rutyo.”

21. Kuitai kwatinogona kukarira apo tinoratidza chidakadaka chouhama?

21 Naizvozvo tisakanganwa kuti mukuratidzira chidakadaka chouhama, nheyo iyo Jesu akataura muMharidzo yake yapaGomo inoshanda: “Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.” (Ruka 6:38) Tinozvibetsera timene apo tinoratidza chidakadaka chouhama, tichiratidzira ruremekedzo kuna avo vari vabatiri vaJehovha sezvatakaita isu timene. Zvirokwazvo vanofara avo vanofarira kuratidzira chidakadaka chouhama!

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inotevera: “Rudo (Agape)—Charwusiri uye Charwuri.”

Waizopindura Sei?

◻ Mashokoi maviri echiGiriki anobata nemirangariro yedu, uye akasiana sei?

◻ Chii chinokosha kuchidakadaka chouhama?

◻ Mienzanisoi yapaMagwaro yatinayo yechidakadaka chaicho chouhama?

◻ Neiko tichifanira kuva nechidakadaka choushamwari nokuda kwehama dzedu uye nokuda kwavakuru?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Muapostora Petro akakurudzira hama dzake kugovera chidakadaka chouhama kukutenda kwadzo namamwe mavara echiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe