Pashure peBuchenwald Ndakawana Zvokwadi
INI ndakakurira muGrenoble, France, muma 1930. Mudzidzisi wangu womutauro wechiGermany, muFrench, akanga ari muNazi anonyanyisa. Kuchikoro iye nguva dzose aitaura kuti chiGermany chaizo“va chinobetsera” rimwe zuva. Zvisinei, voruzhinji vavadzidzisi vedu, nyanzvi dzeHondo yeNyika I, vainetseka pamusoro pokumuka kwechiNazi muGermany. Iniwo ndakanzwa ndichiitira hanya sezvo kwakava pachena zvikuru kuti hondo yakanga ichisvika.
Muna 1940, pamavambo eHondo yeNyika II, ndakarasikirwa nehama yokunyama inodiwa mukurwa kukuru parwizi rweSomme. Ndakava akakasharara zvikuru asi ndaiva muduku zvikuru zvokusagona kunyoresa muHondo yeFrance. Makore matatu gare gare, kunyanguvezvo, mukati mokutapwa kweFrance namaGermany, ndakapiwa banza rokushandisa unyanzvi hwangu somunyori wamapurani weFrench Resistance. Ndakaita zvakanaka mukukopa siginicha uyewo ndakashanda pakuita zvidhindo zverabha zvokunyepedzera zveGermany. Ndakawana gutsikano huru kwazvo mukurwisa mauto omuvengi akatapa neiyi nzira zvokuti mirangariro yechiKomonisiti yavasonganiri vangu yaiva youkoshi huduku kwandiri panguva yacho.
Kusungwa
Pana November 11, 1943, Resistance yomunzvimbomo yakaraira ratidziro mukuchengetwa kwechibvumirano chokurega kurwa kwenguva pfupi cheHondo yeNyika 1. Asi varindiri vanoshandisa motokari veFrance vakanga vavhara kusvika kubhiriji rinotungamirira kuchirangaridzo chehondo, uye vakatikurudzira kudzokera kumusha. Kufora kwedu kwakasarudza panzvimbo pezvo kupfuurira kumumwe mufananidzo wehondo mukati metaundi. Asi takakanganwa chinhu chimwe. Mufananidzo wacho wakanga uri pedyo kubva pamahofisi eGestapo.
Boka redu rakakurumidza kukombwa navarwi vakashongedzerwa, avo vakatimisa mumutsetse parusvingo. Apo varwi vakatibvisa, vakawana marivhorovha anoverengeka pasi. Sezvo pasina munhu aida kubvuma kuti ndeake, varwi vakasunungura vakadzi bedzi nepwere dzamakore 16 ezera uye duku. Nokudaro, pazera ramakore 18, ndakapinzwa mutorongo, pamwe chete navamwe vasungwa 450. Mazuva mashomanene gare gare, takachinjirwa kumusasa wokugara kwechinguvana pedyo neCompiègne, kuchamhembe kweFrance.
Kuenda kuGermany
Pana January 17, 1944, ndakava neonano yangu yokutanga—asi sezvineiwo isiri yokupedzisira—navarwi veGermany vane ngowani dzakanga dzakanyerenyetedzwa neswastika kuruboshwe uye mabhii SS (Schutzstaffel) kurudyi. Ivo vakaunganidza mazana avasungwa, uye taifanira kufamba kuenda kuchiteshi cheCompiègne. Takabanhirwa chaizvoizvo mumatiroko echitima. Mutiroko rangu moga, makanga mune vasungwa 125. Kwamazuva matatu nousiku huviri, takanga tisina chinhu chokudya kana kuti kunwa. Mukati mamaawa mashomanene, vakaneta zvikuru vakanga vatopunzika uye vakatsikwa. Mazuva maviri gare gare takasvika paBuchenwald, pedyo neWeimar, mukati chaimo meGermany.
Pashure pokubviswa zvinoparira hosha nokuveurwa musoro wangu, ndakapiwa nhamba inoti 41 101 ndokurongwa se“Gandanga rechiKomonisiti.” Mukati menhambo yokugara ndiri ndoga, ndakasangana nomuprista weDominican Michel Riquet, uyo aizova akakurumbira pashure pehondo nokuda kwemharidzo dzake muNotre Dame Cathedral, Paris. Pamwe chete namamwe majaya ezera rangu, ndakamubvunza chikonzero nei Mwari akabvumira nhamo dzakadaro. Iye akapindura, kuti: “Unofanira kupfuura nomukutambura kwakawanda kuti ufanirwe nokuenda kudenga.”
Upenyu Hwezuva Riri Rose
Vagari vamabhuroko ose 61 vaifanira kumuka panenge pahafu yenguva yechina mumangwanani. Taibuda tisina kupfeka kusvika muchiuno uye kazhinji kazhinji taifanira kupunza aizi kuti tigeze. Angave ane utano hwakanaka kana kuti hwakashata, munhu ari wose aifanira kuwirirana. Tevere kwakauya kugoverwa kwechingwa—chinovambira pamagiramu 200-300 pazuva echingwa chisinganaki, nekamajarini nechimwe chinhu chakadokufanana nejamu. Pa 5:30 a.m., munhu ari wose aiunganidzwa nokuda kwokushevedzwa kwamazita. Chakanga chiri chinoitika chinotyisa zvakadini kutakurira kunze pamisana yedu avo vakanga vafa mukati mousiku! Kunhuhwa kwakaipa kwoutsi sezvo zvitunha zvaitsva kwakatiyeuchidza nezveshamwari dzedu. Taikundwa nemirangariro yokusemburwa, kupera simba, uye ruvengo, nokuti taiziva kuti taigona kusanoguma nenzira imwe cheteyo.
Basa rangu paBAU II Kommando rakanga rakaumbwa nokuchera makomba asina donzo. Nokukurumidza apo gomba rine mamita maviri rinenge racherwa taifanira kurizadza zvakare nokungwarira kwakafanana. Basa raitanga 6:00 a.m., nokuzorora kwehafu yeawa pakati pamasikati, pashure pako taipfuurira kushanda kutozosvikira pa 7:00 p.m. Kushevedzwa kwamazita kwamadekwana kwaiwanzoratidzika kuva kusingatongogumi. Panguva ipi neipi apo kwaiva nokurasikirwa kukuru kwavaGermany kuRussia, kwaigona kupfuurira kutozosvikira pakati pousiku.
Boka Rakasiana
Vapi navapi vaiedza kunzvenga vachibva mumusasa vaigona nyore nyore kuzivikanwa nemhaka yokuti tose zvedu taiva nomugadzirirwo webvudzi wakasiana. Bvudzi redu raigerwa nomutsetse unogerwa kana kuti kugurwa riri pfupi zvikuru uchidzika napakati kana kuti pamativi. Vamwe vasungwa, kunyanguvezvo, vaiva nokugerwawo zvako. Vaiva vanaani? Musoro webhuroko redu akagutsa chishuvo chedu chokuda kuziva. “Ivo ndivo vaBibelforscher (Vadzidzi veBhaibheri),” iye akadaro. “Asi chii icho Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachiita mumusasa wechibharo?” ndakashamisika. “Ivo vari muno nemhaka yokuti vanonamata Jehovha,” ndakaudzwa kudaro. Jehovha! Iyoyo yakanga iri nguva yokutanga yandakambonzwa zita raMwari.
Pakupedzisira ndakasvika pakuziva zvimwe zvishomanene pamusoro paVadzidzi veBhaibheri. Ivo zvikurukuru vakanga vari vaGermany. Vamwe vavo vakanga vave vari mumisasa yechibharo chifo chapakati pama 1930 nokuda kwokuramba kuteerera Hitler. Ivo vaigona kuva vakaenda vakasununguka, asi vakaramba kutera. SS yakavashandisa savageri vavo pachavo, uye ivo vaipiwa mabasa chaiwo anoda vashandi vanovimbwa navo, zvakadai sebasa munzvimbo dzokutarisira. Kwakatifadza zvikurusa kwakanga kuri kuterema kwavo, kushaikwa kwakakwana kworuvengo kana kuti mudzimu wokunyunyuta namatsive. Handina kugona kukunzwisisa. Sezvineiwo, ndaisaziva chiGermany zvakakwana zvokukurukura navo panguva yacho.
Chitima Chorufu
Sezvo Mibatanidzwa yakafambira mberi, vasungwa vakaendeswa kumisasa iri kure mukati menyika, asi iyoyi yakanga yava kuva yakatsvikinyidziranwa zvinotyisa. Pamangwanani aApril 6, 1945, SS yakatora 5 000 vedu, uye yakatimanikidzira kupinda mumugwagwa unoenda kuWeimar nokuda kwokufamba kwamakiromita mapfumbamwe. Avo vasina kugona kufamba vakapfurwa noutsinye zvikuru mumutsipa. Apo pakupedzisira takasvika chiteshi cheWeimar, takakwira mumatiroko avanhu asina denga, uye chitima chakaenda. Kwamazuva 20 chakafamba chichibva chiteshi chimwe cheraruwe kuenda kuchimwe chichigura Germany uye ipapo kupfuurira kupinda muCzechoslovakia.
Mamwe mangwanani, rutivi rwechitima chedu rwakamiswa panjanji yaparutivi. Varwi vakagadzirira zvigwagwagwa, vakavhura masuo amaturoko avanhu, uye vakauraya vasungwa vose veRussia vaiva mukati. Chikonzero chacho? Vasungwa gumi navaviri vakanga vauraya varindiri vavo ndokunzvenga mukati mousiku. Kunyange nhasi ndinogona kungoona ropa richierera muuriri hwetiroko ndokusvika kunjanji.
Pakupedzisira, chitima chakasvika paDachau, apo mazuva maviri gare gare takasunungurwa neHondo yeAmerica. Mukati merwendo rwose rwamazuva 20, zvokudya bedzi zvataiva nazvo dzakanga dziri mbatatisi mbishi shomanene nemvura. Maiva navane 5 000 vedu apo takatanga, asi 800 bedzi vakanga vapona. Vamwe vazhinji vakafa mazuva gare gare. Kana ndirini, ndakanga ndapedza uzhinji hwerwendo ndakagara pachitunha.
Nhano Itsva
Pashure pokusunungurwa kwangu hapana chinhu chakaratidzika kuva chomuzvarirwo zvikuru kupfuura kutsigira nenzira yokushingaira Bato rechiKomonisiti reFrance, sezvo ndakanga ndasanosonganirana navazhinji vemitezo yaro—kubatanidza yakatanhamara—muBuchenwald. Ndakava mubetseri womunyori wechitokisi muGrenoble uye ndakakurudzirwa kupinda kosi yerovedzo yavakuru vakuru muParis.
Zvisinei, ndakakurumidza kuodzwa mwoyo. Pana November 11, 1945, takakokwa kundotora rutivi mukufora muParis. Camarade aitarisira boka redu akagamuchira chitsama chakati chemari chepokugara pedu, asi haana kuratidzika kuva anodisa kuchishandisa nokuda kwedu. Takasungirwa kumuyeuchidza nezvenheyo dzokutendeseka noushamwari idzo dzaifanira kutibatanidza. Ndakasvikawo pakuziva kuti vanhu vazhinji vakatanhamara vandakanga ndaziva vaisambova nemhinduro kuzvinetso zvenyika. Uyezve, zvikurukuru, ivo vakanga vari vasingatendi kuvapo kwaMwari, uye ini ndaidavira muna Mwari.
Gare gare ndakaenda kuLyons, uko ndakapfuurira kushanda somunyori wamapurani. Muna 1954, ndakashanyirwa navaviri veZvapupu zvaJehovha, uye ndakazvinyoresa kumagazini yaMukai!, wechiNgezi. Mazuva maviri gare gare, mumwe murume akauya kuzondishanyira nomumwe wavakadzi vakanga vagogodza pasuo rangu. Mudzimai wangu neni takaziva kamwe kamwe kuti tose tiri vaviri taifarira zvinhu zvomudzimu.
Mukati mekurukurirano dzakatevera, ndakayeuka vaBibelforscher muBuchenwald avo vakanga vari vechokwadi kwazvo kukutenda kwavo. Ipapo bedzi ndakaziva kuti ava vaBibelforscher neZvapupu zvaJehovha vaiva vamwe uye vanhu vamwe chetevo. Kuonga kufundo yeBhaibheri, mudzimai wangu neni takatsigira Jehovha uye takabhapatidzwa muna April 1955.
Yeuko dzangu itsva sokunge kwose kwakaitika nezuro. Handisati ndichidemba miedzo yangu yomunguva yakapfuura. Iyo yakandisimbisa ndokundibetsera kuona kuti hurumende dzenyika ino dzine zvishomanene zvokupa. Kunyange zvazvo zvinoitika zvomunhu oga zvichigona kubetsera bedzi vamwe kusvikira kutambanuko yakati, ndaizova anofara kudai zvangu zvaigona hazvo kubetsera vanhu vaduku nhasi kuona munyengedzo yenyika ino uye somuuyo kutsvaka zvinokosha zvakanaka, zvakarurama muchiKristu chechokwadi, sechakadzidziswa naJesu.
Nhasi, kutambura nokusaruramisira rutivi rwoupenyu hwezuva riri rose. Kufanana navaBibelforscher mumisasa yechibharo, iniwo ndiri kutarira mberi kunyika iri nani ichauya, umo rudo rwouhama neruramisiro zvichatekeshera panzvimbo pamasimba masimba nepfungwa yokunyanyisa. Munguva ino, ndiri kuedza kubatira Mwari naKristu zvakanakisisa sezvandinogona somukuru muungano yechiKristu, pamwe chete nomudzimai wangu, vana, uye vazukuru. (Pisarema 112:7, 8)—Yakarondedzerwa naRené Séglat.
[Mifananidzo iri papeji 28]
Pamusoro: Kushevedzwa kwamazita mumusasa
Kuruboshwe: Suo rokupinda muBuchenwald. Runyoro runorava, kuti: “Kumunhu ari wose chaanofanirwa nacho”
[Mifananidzo iri papeji 29]
Pamusoro: Munopisirwa zvitunhwa paBuchenwald
Kuruboshwe: Vasungwa gumi navatanhatu kumutsetse mumwe nomumwe