RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi Ane Nyanga—Chinhu Chounyanzvi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Usatya Zvikara Zvinotyisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Kurwisana Nezvikara Zviviri Zvinorura
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Kuuraya Bhabhironi Guru
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Bhaibheri rinotsigira kuvapo kwema“unicorn”, ayo anodudzwa mune dzimwe shanduro here?

King James, Douay, uye dzimwe shanduro, dzinodudza maunicorn. Asi hazvina kudaro neshanduro dzazvino uno dzinoshandura zvakarurama chiHebheru.—Pisarema 22:21; 29:6; 92:10 (21:22; 28:6; 91:11, Douay).

Mumazana amakore ose ngano dzakawanda dzakatanga pamusoro pemhuka ine muviri nomusoro zvebhiza asi ine makumbo edeer nomuswe weshumba. Zvichida rutivi runotsauranisa zvikurusa rweichi chisikwa chengano inyanga imwe yakamonoroka iri pahuma yayo.a

“Vanhu vaimbodavira kuti nyanga yeunicorn yaiva nechinodzivirira chepfu, uye mukati meMiddle Ages, mapaudha ainzi anogadzirwa nenyanga dzakadaro aitengeswa nokuda kwemitengo yakakwirira zvikuru. Nyanzvi zhinjisa dzinodavira kuti mufananidzo weunicorn wakawanwa munhauro dzenhema dzeEurope dzechipembere.” (The World Book Encyclopedia) Mifananidzo yakati yeAsiria neBhabhironi yakaratidza mhuka dzine nyanga imwe. Idzodzi zvino dzinozivikanwa samastag, ibex, mhou, uye handira zvinofananidzirwa parutivi, chiono chisina kuratidza nyanga dzose dziri mbiri.

Ikoku ndokwefariro kuvadzidzi veBhaibheri nemhaka yokuti kapfumbamwe Magwaro anonongedzera kune imwe mhuka neshoko rechiHebheru rokuti reʼemʹ. (Numeri 23:22; 24:8; Dheuteronomio 33:17; Jobho 39:9, 10; Pisarema 22:21; 29:6; 92:10; Isaya 34:7) Vashanduri vakanga vasina chokwadi kwenguva refu pamusoro pokuti imhuka ipi yairehwa. Septuagint yechiGiriki yakashandura reʼemʹ nepfungwa ‘yenyanga imwe,’ kana kuti unicorn. Vulgate yeLatin kazhinji kazhinji inorishandura se“chipembere.” Dzimwe shanduro dzinoshandisa ‘dhonza romusango,’ ‘zvikara,’ kana kuti ‘nyati.’ Robert Young anongonyora namabhii echiHebheru achiisa muchiNgezi sa“Reem,” kuchisiya zvikurukuru muravi asingazivi chinhu.

Nyanzvi dzazvino uno, kunyanguvezvo, dzakabvisa vhiringidziko huru pamusoro pereʼemʹ. Varongi veduramashoko Ludwig Koehler naWalter Baumgartner vanoratidza kuti rinoreva “dhonza romusango,” nezivikanwo yezvesayenzi yokuti Bos primigenius. Iyi i“mhuri duku yemhuri yemhuka dzine mahwanda dzine nyanga huru.” The New Encyclopædia Britannica inotsanangura, kuti:

“Zvikamu zvakati zvenhetembo zveTestamente Yekare zvinonongedzera kumhuka yakasimba neine nyanga yakaisvonaka inonzi reʼemʹ. Iri shoko rinoshandurwa kuti ‘unicorn’ kana kuti ‘chipembere’ mushanduro dzakawanda, asi shanduro dzakawanda dzazvino uno dzinoda hadzo ‘dhonza romusango’ (aurochs), iyo iri revo yakarurama yareʼemʹ wechiHebheru.”

Sezvo muchiShona chazvino “dhonza” ane pfungwa yomukono wakachekwa, New World Translation of the Holy Scriptures inoshandura nenzira inobvumirana neyakarurama reʼemʹ kuti “handira yomusango.” Aurochs (dhonza romusango, kana kuti handira) inoratidzika kuva yakatsakatika pakazosvika zana ramakore rechi 17, asi vezvesayenzi vakawana kuti yakanga yakasiana kwazvo neunicorn yengano. Aurochs yakare yakanga ine urefu hwomuviri hunenge mamita 1,8, uye urefu hwamamita 3. Iyo ingarema makirogiramu 900, uye imwe neimwe yenyanga dzayo mbiri ingagona kureba anopfuura masendimita 75.

Zvamazvirokwazvo ikoku kunowirirana nokududza kweBhaibheri reʼemʹ, kana kuti handira yomusango. Yaizivikanwa nokuda kwesimba rayo nechimiro chakasimba (Jobho 39:10, 11) pamwe chete nokumhanya kwayo. (Numeri 23:22; 24:8) Sezviri pachena yakanga ine nyanga mbiri, kwete nyanga imwe kufanana neunicorn yengano. Mosesi akanongedzera kunyanga dzayo pakuenzanisira ndudzi mbiri dzine simba idzo dzaizobva muvanakomana vaviri vaJosefa.—Dheuteronomio 33:17.

Naizvozvo Bhaibheri haritsigiri mufungo wemaunicorn sowakakurumbira mungano. Rinopa mufanikiso wakarurama, kunyange zvazvo wakaganhurirwa, weaurochs hombe neinotyisa, kana kuti handira yomusango, iyo yaivapo munguva dzeBhaibheri uye kudzika munguva yakapfuura isati iri kure zvikurusa.

[Mashoko Omuzasi]

a Purofesa Paul Haupt anotsanangura, kuti: ‘Mumiunganidzwa yomuMiddle Ages nyanga dzechipembere kana kuti misinga yenarwhal (inodanwawo kunzi unicorn fish kana kuti unicorn whale) dzairangarirwa senyanga dzeunicorn.’

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Treasury of Fantastic and Mythological Creatures: 1,087 Renderings from Historic Sources, rakanyorwa naRichard Huber/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe