RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/1 pp. 24-26
  • Jehovha—Muzivikanwi Wako Kana Kuti Shamwari Yako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha—Muzivikanwi Wako Kana Kuti Shamwari Yako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ushamwari naMwari
  • Zvinodikanwa Zvoushamwari
  • Ushamwari hwaJehovha Hunokosha Sei Kwauri?
  • Mawaniro Aungaita Shamwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nei Ndisingagoni Kuchengeta Shamwari?
    Mukai!—1996
  • “Ndava Kukutii Shamwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/1 pp. 24-26

Jehovha—Muzivikanwi Wako Kana Kuti Shamwari Yako Here?

“JOHN, ndingakusuma kushamwari yangu here? Uyu anonzi—ndiregererewo, wati zita ndiani zvakare?”

Wati wambonzwa urwu rudzi rwekurukurirano isina kururama here? Inogovera muenzaniso wenzira iyo vamwe vanhu vanoshandisa nayo zvisina kufanira shoko rokuti “shamwari.” Chaizvoizvo vanoreva bedzi “muzivikanwi” kana kuti pane dzimwe nguva kwete kunyange izvozvo. Kuzivana naVaMoyo vokumhiri kwomugwagwa ndichimwe chinhu; kuva shamwari yavo ndichimwe chaizvo.

Rimwe duramashoko rinorondedzera “muzivikanwi” so“munhu uyo mumwe akasangana naye asi uyo mumwe asina batano yakasimba yomunhu oga naye.” Iro rinoratidzira “kurovedzana kushomanene, kuva pedyo, kuwadzana, uye kushuva zvakanaka kupfuura SHAMWARI.”

Uku kushaikwa kwebatano yakasimba yomunhu oga kunobetsera kutsanangura chikonzero nei tichiwanzopa ngwariro shomanene kune zviri kuitika kuvazivikanwi, nepo tichibatanidzwa noushamwari muupenyu hweshamwari dzedu. Tinogoverana mifaro yadzo nokusuwa kwadzo, tichizvibvumira kutitapura zvikuru. Chokwadika, tinofanira kungwarira kusarega kubatanidzwa kwemirangariro kuchititsausa mukupindira muzvinhu zvavo zvomunhu oga.—1 Petro 4:15.

Kuva nebatano yomunhu oga yakasimba neshamwari dzedu kunotsanangurawo chikonzero nei tichiedza nguva dzose kudzifadza. Kana muzivikanwi akawana mufambiro wedu uri unonyangadza kana kuti usina kukodzera, kusafara kwake sezvingabvira kwazvo hakusati kuchizotisunda kuchinja. Asi shamwari inogona kushandisa pesvedzero ine simba zvamazvirokwazvo, mungave munhau dzomupfekero, mufambiro, kana kuti chimiro.

Pamusoro pokuvimba, chidakadaka, ruremekedzo, uye ruvimbiko, ushamwari hunoraira mwero mukuru zvikuru womutoro kupfuura zvinoita kuzivana. Iye uyo anokumbira ushamwari, sokunge zvakadaro, pasina mutoro unobatanidzwa, chaizvoizvo anoda bedzi muzivikanwi, kwete shamwari. Shamwari dzapedyo dzinofara kuita mitoro inobatanidzwa nokubatana kwakasimba kwomunhu oga, dzichiziva kuti izvozvi zvinodzipa banza rokubvumikisa ushamwari hwadzo.

Ushamwari naMwari

SoMusiki, Jehovha ndiBaba vokudenga vorudzi rwomunhu uye akafanirwa nokudiwa, kuteererwa, uye kuremekedzwa. Asi anoda vanhu kuti vaite ikoku nemhaka yokubatana kwakasimba kwomunhu oga, kwete nepfungwawo zvayo yebasa. (Mateo 22:37) Iye anodawo kuti vamude seShamwari. (Pisarema 18:1) Sezvo “akatanga kutida,” iye amene akavanzarika hwaro hwakakwana hwoushamwari hwakadaro.—1 Johane 4:19.

Vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vaizivana naJehovha. Mubvunzo wakanga uri wokuti: Vaizogamuchira chikarakadzo chake choushamwari here? Kunosuruvarisa kutaura, havana. Kutsvaka kwavo noudyire kuzvimirira pana Mwari kwakakarakadza kusava nokunzwa kwokubatana kwakasimba kwomunhu oga. Vachidisa kugamuchira zvikomborero zvoushamwari hwaakanga ari kukarakadza, ivo vakanga vasingadisi kuita mitoro yahwo. Kwakanga kwakaita sokunge vaida kufarikanya zvinofadza nechengeteko zvomusha wavo wakanaka weParadhiso pasina kuva vanodisa kuripira rendi.

Tose zvedu, vamwe kusvikira kumwero mukuru zvikuru kupfuura vamwe, takagara nhaka uyu mudzimu wokusaonga newokuzvimirira. (Genesi 8:21) Vamwe vanhu vaduku, somuenzaniso, vakabvumira chishuvo chavo chomuzvarirwo chokuzvimirira kuvaita vasingaongi vabereki vavo. Ikoku kwakaguma nokuputsika kwoushamwari hunokosha zvikurusa hunofanira kuvapo pakati pavo navabereki vavo muupenyu hwose. Sezvo ikoku kuchisuruvarisa, zvisinei, kuputsika muushamwari hwedu naBaba vedu vokudenga kwakakomba zvikuru kwazvo. Kutaura idi, kunogona kuva kunouraya!

Zvinodikanwa Zvoushamwari

Pasina kuvimba, hapana ukama, kungava navanhu kana kuti naMwari, hunogona kugara kwenguva refu. Tateguru Abrahama akanzwisisa ikoku, uye ndicho chikonzero nei akaratidzira aratidzirazve kuvimba zvachose chose naMwari. Rava Genesi 12:1-5 na 22:1-18, uye ona mienzaniso miviri yakatanhamara yokuvimba kwake naJehovha. Hungu, “Abrahama akaisa kutenda muna Jehovha, uye kwakarangarirwa kwaari sokururama.” Ndicho chikonzero nei “akasvika pakudanwa kunzi ‘shamwari yaJehovha.’”—Jakobho 2:23, NW.

Chimwe chinodikanwa nokuda kwoushamwari naMwari kusvitsa misengwa iyo uhwu ushamwari hunobatanidza. Nemhaka yenzvimbo yedu yakaderera mukuenzanisa naJehovha, iyi misengwa nenzira ine mufungo mikuru zvikuru kupfuura zvayaizova muushamwari hwohunhu. Inopfuura kuda kwedu kumufadza mune zvimwe zvinhu—sezvataizoita neshamwari yohunhu. Inobatanidza kuda kwedu kumufadza muzvinhu zvose. Jesu, Mwanakomana waMwari neshamwari yapedyo zvikurusa, akaratidza ikoku apo akati nezvaJehovha: “Nguva dzose ndinoita zvinhu zvinomufadza.”—Johane 8:29, NW.

Nokudaro, ushamwari naJehovha, kana kuti noMwanakomana wake, hausati huchiwanikwa pahwaro hwokuva pasina mitoro inobatanidzwa; hunotsamira pakurarama kwedu mukuwirirana nezvinodikanwa zvoushamwari izvo ivo vakagadza. (Ona Pisarema 15:1-5.) Jesu akaratidza ikoku nenzira yakajeka mukurukurirano navadzidzi vake. “Muri shamwari dzangu,” iye akavaudza kudaro, “kana muchiita zvandinokurairai.”—Johane 15:14, NW.

Chimwe chinodikanwa choushamwari ikurukurirano yakajeka neyechokwadi. Pazuva rorufu rwake, Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka, kuti: “Handichakuidziyi varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai [shamwari, NW]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.” (Johane 15:15) Mukugoverana mifungo yake neshamwari dzake, Jesu akanga ari kutevera muenzaniso waBaba vake vokudenga, avo Amosi 3:7 (NW), inoti pamusoro pavo: “Changamire Ishe Jehovha haasati achizoita chinhu kutoti azivisa nhau yake yakavanzika kuvabatiri vake vaporofita.”

Ichochi hachisati chiri chinhu chenguva dzose pakati peshamwari here? Tingasanzwa sundo yokugoverana zvinoitika zvedu naVaMoyo vokumhiri kwomugwagwa. Uye zvirokwazvo zvikurusa tingasada kuvaudza mifungo yedu yomukati-kati nemirangariro. Pashure pokurangarira zvose, ivo muzivikanwi bedzi. Asi neshamwari dzedu, chokwadi, kazhinji kazhinji hatisati tichizotongomira kuvaudza zvinhu zvakadaro!

Zvakafanana nomuushamwari hwedu naMwari. Hatitongogoni kumira kumusvika mumunyengetero, tichizivisa kwaari zvinodikanwa zvedu, zvishuvo zvedu, uye mirangariro yedu yomukati-kati. Chokwadika, kana kurukurirano iri kurutivi rumwe, ushamwari huchakurumidza kufa. Naizvozvo tinofanirawo kuva vanodisa kurega Mwari achitaura kwatiri. Tinoita ikoku kupfurikidza nokusanoteerera Shoko rake rakanyorwa, kufungisisa pamusoro pezano rake, uye ipapo kurishandisa zvakanakisisa sezvatinogona.

Ushamwari hwaJehovha Hunokosha Sei Kwauri?

Kukubetsera kupindura uyu mubvunzo, rangarira rudzi chairwo rwoushamwari hwavanhu. Kana uri munhu muduku, zvichida unofarira ushamwari uhwo hungagona kutungamirira kuroorano. Chokwadika, unoziva kuti kungozivana chete nomukwanyina anokarirwa hakusati kutongori hwaro hwakakodzera hweroorano. Kuzivana kunofanira kutanga kutendeudzirwa muushamwari. Uhwu ushamwari hunogona ipapo kukudziridzwa ndokuumbwa kuva ukama hwapedyo zvikuru uhwo huchaumba pakupedzisira hwaro hwakakodzera hweroorano inofadza.

Zvino, rangarira. Inhamburiko yakakura sei iyo vanhu vazhinjisa vanoisa mukukudziridza urwu rudzi rwoushamwari? Inguva yakawanda sei nemari zvavanopedza mukuhutanga uye ipapo kuhuchengeta? Inguva yakawanda sei yavanopedza vachifunga pamusoro pahwo? Vanoita rongedzero kusvikira kutambanuko yakadini—kana kuti kuratidza kudisa kuchinja rongedzero—nokuda kwedonzo rokuvandudza kana kuti kuchengeta ukama ihwohwu?

Ipapo zvibvunze umene, kuti: ‘Ikoku kunoenzana sei nenhamburiko dzangu dzokukudziridza ushamwari noMusiki wangu kana kuti kuhuvandudza ndokuhusimbisa? Inguva yakawanda zvakadini yandiri kupedza mukuita saizvozvo? Ushamwari naJehovha huri mumifungo yangu yezuva nezuva kusvikira kutambanukoi? Ndiri kuita rongedzero kusvikira kutambanukoi—kana kuti kuratidza kudisa kuchinja rongedzero—nokuda kwedonzo rokuvandudza uye ipapo kuchengeta ukama ihwohwu?’

MaKristu echiduku anofanira kuziva zvizere kuti ushamwari hwose hwavanhu, kubatanidza uhwo pakupedzisira hunotungamirira kuroorano, ndohwechipiri muukoshi kuushamwari hwaanofanira kuva nahwo noMusiki wawo. Ndicho chikonzero nei achikurudzirwa pana Muparidzi 12:1, kuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.” Vakawanda vari kuita ikoku kupfurikidza nokubatira pachena savashumiri vaMwari, chiverengero chinowedzera nguva dzose chavo savaparidzi venguva yakazara, kana kuti mapiona.

Pasinei zvapo nokunyomba kunokura uye kusava vorudzidziso kwakavapota, ivava vanodzivirira noushingi Jehovha apo vanonzwa kushora kwenhema nepomero zvaanoitirwa. Izvi handizvo here izvo Jehovha nenzira yakarurama anofanira kuva anokwanisa kukarira kushamwari dzake? Izvozvi hazvisati zviri izvo zvataizokarirawo kushamwari dzedu here? Uye hakusati kwaizofadza mwoyo yedu here apo tinowana shamwari dzedu dzichikuita nokushingaira uye nokupwiswa?—Enzanisa naZvirevo 27:11.

Hungu, ushamwari naMwari—kunyange sezvakuri navanhu—hunounza mitoro iyo inofanira kuitwa kana ushamwari hwacho huchizogara. Munhu asingadisi kugamuchira mitoro iyoyi, kana kuti asina kugadzirira kuita tsauriro kuna Mwari uye ipapo kuiita, zvamazvirokwazvo angave achizivana naJehovha. Achigere kuwana, zvisinei, mifaro yokuva Naye seShamwari.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Abrahama akavimba naMwari uye naizvozvo akasvika pakunzi shamwari yaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe