RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 1/1 pp. 25-29
  • Hapana Chinhu Chiri Nani Kupfuura Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hapana Chinhu Chiri Nani Kupfuura Chokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidza Chokwadi cheBhaibheri
  • Kutsigira Chokwadi
  • Upenyu muSachsenhausen
  • Kufamba Kworufu
  • Chokwadi Chave Chiri Upenyu Hwangu
  • Jehovha Akabvumikisa Kuva Neni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mufaro Wakadini Kugara Patafura yaJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nguva Dzose Kuwana Chimwe Chinhu Chokuitira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 1/1 pp. 25-29

Hapana Chinhu Chiri Nani Kupfuura Chokwadi

Yakataurwa naG. N. Van Der Bijl

Muna June 1941, ndakapiwa kuGestapo ndokuendeswa kumusasa wavasungwa weSachsenhausen pedyo neBerlin, Germany. Somusungwa nhamba 38190, ndakaramba ndiriko kusvikira pakufamba kworufu kune mukurumbira wakaipa muna April 1945. Asi ndisati ndarondedzera zviitiko izvozvo, regai nditsanangure kuti ndakasvika sei pakuva musungwa.

NDAKABEREKERWA muRotterdam, Netherlands, nokukurumidza pashure pokuvamba kweHondo Yenyika I, muna 1914. Baba vaishandira pararuwe, uye furati redu duku rakanga riri pedyo nenjanji. Nechokunopera kwehondo muna 1918, ndakaona zvinonzi zvitima zvenjodzi zvakawanda zvichipfuura zvichimhanya. Pasina mubvunzo zvakanga zvakazadzwa navarwi vakakuvadzwa vakanga vari kuendeswa kumba vachibva kuhondo.

Pandakanga ndava nemakore 12, ndakarega chikoro kuti nditsvake basa. Makore masere gare gare ndakapinda basa saweta mungarava inotakura vanhu, uye kwamakore mana akatevera, ndakafamba nengarava pakati peNetherlands neUnited States.

Patakasvika pachiteshi chengarava muNew York muzhizha ra1939, imwe hondo yenyika yakatyisidzira. Naizvozvo apo mumwe murume akakwira mungarava yedu ndokundigovera bhuku raGovernment, iro raitaura nezvehurumende yakarurama, ndakarigamuchira nomufaro. Pakudzokera kuRotterdam, ndakavamba kutsvaka basa panyika, sezvo upenyu hwomugungwa hwakanga husingacharatidziki kuva hwakachengeteka. Pana September 1, Germany yakavhozhokera Poland uye marudzi akapinzwa muHondo Yenyika II.

Kudzidza Chokwadi cheBhaibheri

Mamwe mangwanani eSvondo muna March 1940, ndakanga ndichishanyira mukoma wangu akanga akaroora apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akaridza bhera repasuo. Ndakamuudza kuti ndakanga ndichitova nebhuku raGovernment ndokumubvunza pamusoro pokudenga uye kuti ndivanaani vanoendako. Ndakagamuchira mhinduro yakajeka kwazvo uye ine mufungo zvokuti ndakazviti, ‘Ichi ndicho chokwadi.’ Ndakamupa kero yangu ndokumukumbira kuti andishanyire kumba kwangu.

Pashure peshanyo nhatu bedzi, maiva nekurukurirano dzeBhaibheri dzakadzama, ndakavamba kuperekedza Zvapupu mubasa rokuparidza repaimba neimba. Patakasvika kundima, akandiratidza pokutangira, uye ndakanga ndiri ndoga. Iyoyo ndiyo nzira iyo vatsva vakawanda vakatanga nayo basa rokuparidza mumazuva iwayo. Ndakarayirwa kuti, kuitira kuti ndisaonekwa mumugwagwa, nguva dzose ndinofanira kuva mumukoto pandaigovera mabhuku. Pakanga pane kudikanwa kwokungwarira mumazuva apakuvamba ehondo.

Mavhiki matatu gare gare, musi waMay 10, 1940, uto reGermany rakavhozhokera Netherlands, uye musi waMay 29, mukuru mukuru weReich Seyss-Inquart akazivisa kuti sangano reZvapupu zvaJehovha rarambidzwa. Taingoungana mumapoka maduku bedzi, uye zvakangwarirwa kuti tichengete nzvimbo dzemisangano yedu dziri chakavanzika.

Dzaisimbisa zvikuru kwatiri dzakanga dziri shanyo dzevatariri vanofambira. Ndakanga ndiri musvuti mukuru, uye pandakapa Chapupu chaifunda neni mudzanga ndokuwana kuti chakanga chisingasvuti, ndakati: “Handimbofi ndakagona kurega kusvuta!” Nokukurumidza pashure pezvo, zvisinei, sezvandakanga ndiri kufamba mumugwagwa, ndakafunga kuti, ‘Kana ndichizova Chapupu, ndinoda kuva Chapupu chaichoicho.’ Naizvozvo handina kuzombosvuta zvakare.

Kutsigira Chokwadi

Muna June 1940, isingasviki mwedzi mitatu pashure pokunge ndasangana neChapupu pasuo romukoma wangu, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha uye ndakabhabhatidzwa. Mwedzi mishomanene gare gare, muna October 1940, ndakapinda muushumiri hwenguva yakazara sapiyona. Panguva iyoyo, ndakapiwa rainzi bhachi rapiyona. Rakanga rine homwe dzakawanda dzemabhuku nemabhukwana, uye raigona kupfekwa pasi pebhachi.

Kubvira panenge pakuvamba pekutapa kweGermany, Zvapupu zvaJehovha zvaitsvagwa nenzira yakarongwa ndokusungwa. Mamwe mangwanani muna February 1941, ndakanga ndiri muushumiri hwomumunda nezvimwe Zvapupu zvishomanene. Pazvakanga zvichishanyira vanhu kune rimwe divi rechikamu chedzimba, ini ndaishanda kune rimwe divi rechikamu chacho kuti ndigosangana nazvo. Pashure penguva yakati, ndakaenda kunoona chakanga chichivanonotsa ndokusangana nomumwe murume akabvunza kuti, “Unewo ripi neripi ramabhukwana aya here?”

“Hungu,” ndakapindura kudaro. Ipapo akandisunga ndokundiendesa kukamba yamapurisa. Ndakachengetwa mutorongo kweanenge mavhiki mana. Vazhinjisa vemapurisa acho vakanga vane ushamwari. Chero bedzi munhu akanga asina kuendeswa kuGestapo, aigona kusunungurwa kupfurikidza nokungosaina bedzi ziviso yakanyorwa yokuti aisazoparadzirazve mabhuku eBhaibheri. Pandakakumbirwa kuti ndisaine ziviso yakadaro, ndakapindura kuti: “Kunyange kana mukandipa mamiriyoni emagulden, handimbosaini.”

Pashure pokumbochengetwa kwechinguvana, ndakaendeswa kuGestapo. Ipapo ndakaendeswa kumusasa wavasungwa weSachsenhausen muGermany.

Upenyu muSachsenhausen

Pandakasvika muna June 1941, makanga muchitova nezvimwe Zvapupu 150—zvikurukuru vaGerman—muSachsenhausen. Isu vasungwa vatsva takaendeswa kuchikamu chomusasa chainzi Isolation. Ikoko hama dzedu dzechiKristu dzakatitarisira ndokutigadzirira zvataifanira kukarira. Vhiki imwe gare gare zvimwe Zvapupu zvakaunzwa nengarava zvichibva kuNetherlands zvakasvika. Pakutanga takanzi timire panzvimbo imwe cheteyo mberi kwemarejimendi kubva na7:00 mangwanani kusvikira na6:00 manheru. Pane dzimwe nguva vasungwa vaifanira kuita izvozvo zuva roga roga kwevhiki imwe kana kuti kupfuura.

Pasinei zvapo nokubatwa noutsinye, hama dzakaziva kudikanwa kwokukurumidza kwokuramba dzakarongeka uye kudya zvokudya zvomudzimu. Zuva roga roga mumwe munhu aigoverwa kuti agadzirire mifungo parugwaro rweBhaibheri. Gare gare, muchivanze chokuungana, Zvapupu zvaisvika iyeye ndokuteerera zvaakanga agadzirira. Nenzira yakati, mabhuku aigaroverevedzerwa mumusasa, uye taiungana chaizvoizvo Svondo yoga yoga ndokufunda aya mabhuku eBhaibheri pamwe chete.

Nenzira yakati kopi yebhuku raChildren, iro rakanga rabudiswa pakokorodzano yomuSt. Louis muUnited States muzhizha ra1941, rakaverevedzerwa muSachsenhausen. Kuitira kuderedza ngozi yokuwanikwa nokuparadzwa kwebhuku racho, takarikamura, uye zvikamu zvakaparadzirwa pakati pehama kuitira kuti munhu wose agoita majana okurirava.

Pashure pechinguvana, vatarisiri vemusasa vakaziva pamusoro pemisangano yatakanga tiri kuita. Naizvozvo Zvapupu zvakaparadzaniswa ndokuiswa mumarejimendi akasiyana-siyana. Izvozvo zvakatipa mukana wakaisvonaka wokuparidza kune vamwe vasungwa, uye somugumisiro, vanhu vokuPoland vakawanda, vokuUkraine, uye vamwe vakagamuchira chokwadi.

VaNazi havana kuvanza vavariro yavo yokuputsa kana kuti kuuraya Bibelforscher (Vadzidzi veBhaibheri), sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha. Somugumisiro, dzvinyiriro yakaiswa patiri yakanga yakakomba. Takaudzwa kuti taigona kusunungurwa kana tikasaina ziviso yokuramba kutenda kwedu. Dzimwe hama dzakavamba kupa zvikonzero zvenhema, “Kana ndasununguka, ndinogona kuita zvakawanda mubasa raJehovha.” Kunyange zvazvo vashomanene vakasaina, vakawanda zvikurusa vehama dzedu vakaramba vakatendeka pasinei zvapo nokushayiwa kwose, kunyadziswa, uye kubatwa zvisina kufanira. Vamwe veavo vakabvumirana pane zvisina kufanira havana kuzombonzwika nezvavo zvakare. Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, vamwe gare gare vakadzoka uye vachiri Zvapupu zvinoshingaira.

Nguva dzose taimanikidzwa kutarira sezvo vasungwa vairangwa mumuviri noutsinye, zvakadai sekurohwa ka25 neshamhu. Pane imwe nguva, takaitwa kuti titarise kuurawa kwavarume vana kupfurikidza nokusungirira. Zviitiko izvozvo zvine tapuro chaiyoiyo pamunhu. Imwe hama, murume murefu, akanaka pameso uyo aigara murejimendi yandaigara, akati kwandiri: “Ndisati ndauya pano, ndakanga ndisingagoni kushivirira kuona ropa ndisingafendi pakarepo. Asi zvino ndaomeswa mwoyo.” Zvisinei, kunyange zvazvo tingava taomeswa mwoyo, hatina kutindivara. Ndinofanira kuti, handina kumboitira utsinye kana kuti kunzwa ndichivenga vatambudzi vedu.

Pashure pokushanda nekommando (boka rebasa) kwenguva yakati, ndakapinzwa muchipatara ndichirwara zvikuru. Mumwe chiremba ane mutsa wokuNorway uye mukoti wokuCzechoslovakia vakandibetsera, uye mutsa wavo zvimwe wakaponesa upenyu hwangu.

Kufamba Kworufu

Pakasvika April 1945, zvakanga zvakajeka kuti Germany yakanga iri kukundwa muhondo. Nyika dzakabatana dzakanga dziri kuuya nokukurumidza dzichibva kumavirira, uye vaSoviet, vachibva kumabvazuva. Zvakanga zvisingabviri kuti vaNazi vauraye mazana ezviuru zvaiva mumisasa yavasungwa ndokurasa mitumbi yazvo mukati memazuva mashomanene vasingasiyi chiratidzo chipi nechipi. Naizvozvo vakasarudza kuuraya vairwara uye kuendesa vasungwa vakanga vasara kuzviteshi zvengarava zvaiva pedyosa. Ikoko vakaronga kuti vavaise muzvikepe ndokunyudza ngarava dzacho mugungwa.

Kufamba kwevasungwa 26 000 vaibva kuSachsenhausen kwakavamba pausiku hwaApril 20. Tisati tabva mumusasa, hama dzedu dzairwara dzakabudiswa muchipatara. Ngoro yakawanika madzaigona kuendeswa dziri. Pamwe chete, pakanga pane 230 vedu vaibva kunyika nhanhatu dzakasiyana-siyana. Pakati pevairwara pakanga pana Hama Arthur Winkler, avo vakanga vabetsera zvikuru kukura kwebasa muNetherlands. Isu Zvapupu takanga tiri vokupedzisira pakufamba kwacho, uye tairamba tichikurudzirana kuti tirambe tichipfuurira.

Pakutanga, takafamba kwemaawa 36 tisina kumbozorora. Pandakanga ndichifamba, ndakanyatsorara nemhaka yenhamo nokuneta. Asi kusara shure kana kuti kuzorora kwakanga kusingabviri nemhaka yokuti paiva nengozi yokupfurwa navarindi. Usiku tairara muminda kana kuti musango. Pakanga pane zvokudya zvishomanene kana kuti pasina. Apo kurwadza kwenzara kwakanga kusingachashiviririki, ndakananzva mushonga wemazino watakanga tapiwa neSwedish Red Cross.

Pane imwe nguva, nemhaka yokuti varindi veGermany vakanga vavhiringidzika pamusoro pokuti mauto eRussia neU.S. akanga aripi, takagara mumusasa musango kwamazuva mana. Izvi zvakabetsera nemhaka yokuti, somugumisiro, takanonoka kusvika kuLübeck Bay kuti tikwire ngarava dzaifanira kutiendesa kuguva redu romumvura. Pakupedzisira, pashure pemazuva 12 uye kufamba kwemakiromita anopfuura 200, takasvika kuCrivitz Wood. Iyi yakanga isiri kure neSchwerin, guta riri makiromita anenge 50 kubva kuLübeck.

VaSoviet vakanga vari kurudyi rwedu, uye vaAmerica, kuruboshwe rwedu. Nemhaka yekurira kwepfuti huru nomoto wepfuti waipfuurira, takaziva kuti takanga tiri pedyo nemauto. Varindi veGermany vakatya; vamwe vakatiza, uye vamwe vakachinja yunifomu dzavo dzehondo ndokupfeka zvipfeko zvavasungwa zvavakanga vabvisa pavakafa, vachikarira kusazivikanwa. Pakati penyongano yacho, isu Zvapupu takaungana kuti tinyengeterere nhungamiro.

Hama dzaitarisira dzakasarudza kuti tinofanira kubva mumaawa amangwanani-ngwanani ezuva raitevera racho ndokuenda takananga kwaiva nemauto eU.S. Kunyange zvazvo inoda kusvika hafu yavasungwa vakanga vatanga kufamba kworufu vakafa kana kuti vakaurawa munzira, Zvapupu zvose zvakapukunyuka.

Ndakatakurwa nomumwe mukuru mukuru weuto reCanada kuenda kuguta reNijmegen, kwaimbogara hanzvadzi yangu. Asi pandakasvika panzvimbo yacho, ndakawana kuti akanga atama. Naizvozvo ndakatanga kufamba ndichienda kuRotterdam. Sezvineiwo, munzira ndakatakurwa nemota yomumwe munhu iyo yakandiendesa zvakananga kwandaienda.

Chokwadi Chave Chiri Upenyu Hwangu

Zuva chairo randakasvika muRotterdam, ndakanyoresa zvakare basa roupiyona. Mavhiki matatu gare gare ndakanga ndava mumugove wangu muguta reZutphen, mandakabatira kwamakore matatu nehafu akatevera. Mukati menguva iyoyo, ndakawanazve rimwe simba rangu romuviri. Ipapo ndakagadzwa somutariri wedunhu, sokudanwa kunoitwa vashumiri vanofambira. Mwedzi mishomanene gare gare, ndakakokwa kuWatchtower Bible School of Gilead muSouth Lansing, New York. Pashure pokupedza kufunda mukirasi yechi12 yechikoro ichocho muna February 1949, ndakagoverwa kuBelgium.

Ndabatira mumativi akasiyana-siyana oushumiri muBelgium, kubatanidza anenge makore masere pahofisi yebazu uye makumi amakore mubasa rokufambira sezvose zviri zviviri mutariri wedunhu nomutariri weruwa. Muna 1958, ndakaroora Justine, uyo akava muperekedzi wangu pakufamba. Zvino, sezvandava mumakore angu okukwegura, ndichine mufaro wokukwanisa kushanda munzira yakaganhurirwa somutsivi womutariri anofambira.

Pandinotarira shure paushumiri hwangu, zvirokwazvo ndinogona kuti: “Hapana chinhu chiri nani kupfuura chokwadi.” Chokwadika, hazvina kuva nyore nguva dzose. Ndakaziva kudikanwa kwokudzidza kubva mumhosho dzangu nezvikanganiso. Naizvozvo pandinotaura navanhu vaduku, ndinowanzovaudza kuti: “Imiwo muchaita mhosho uye zvichida kutokanganisa zvakakomba, asi musanyepa pamusoro pazvo. Kurukurai nhau yacho navabereki venyu kana kuti nomukuru, uye ipapo itai kururamisa kunodikanwa.”

Muanenge makore angu 50 muushumiri hwenguva yakazara muBelgium, ndakaropafadzwa kuona vandaiziva savana vachibatira savakuru navatariri vanofambira. Uye ndakaona vazivisi voUmambo 1 700 kana kuti kupfuura munyika vachikura kuva vanopfuura 27 000.

Ndinobvunza kuti, “Pangava nemamwe mararamire anokomborera zvikuru kupfuura kubatira Jehovha here?” Hapana kumbova, hapana zvino, uye hapazombofi pakava. Ndinonyengetera kuti Jehovha apfuurire kutungamirira nokukomborera mudzimai wangu neni kuitira kuti tigogona kuramba tichimubatira nokusingaperi.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nomudzimai wangu nokukurumidza pashure pokuroorana kwedu muna 1958

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe